< 3 Мојсијева 27 >

1 Још рече Господ Мојсију говорећи:
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 Кажи синовима Израиљевим, и реци им: Кад ко заветује душу своју Господу, ти га уцени:
“Taura navaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu akaita mhiko yakasarudzika yokuti akumikidze vanhu kuna Jehovha nokupa mutengo wakaenzanirana,
3 А овако ћеш ценити: мушко од двадесет година до шездесет ценићеш педесет сикала сребра, по сиклу светом.
utare mutengo womunhurume ane makore ari pakati pamakumi maviri namakumi matanhatu pamashekeri makumi mashanu esirivha, zvichienzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene;
4 Ако буде женско, ценићеш тридесет сикала.
uye kana ari munhukadzi, utare mutengo wake pamashekeri makumi matatu.
5 Ако је од пет до двадесет година, ценићеш мушко двадесет сикала а женско десет сикала.
Kana ari munhu ana makore ari pakati pamashanu namakore makumi maviri, utare mutengo womunhurume pamashekeri makumi maviri, uye munhukadzi pamashekeri gumi.
6 Ако је од једног месеца до пет година, ценићеш мушко пет сикала сребра, а женско ћеш ценити три сикла сребра.
Kana ari munhu ari pakati pomwedzi mumwe namakore mashanu, utare mutengo womunhurume pamashekeri mashanu esirivha uye utare pamunhukadzi mashekeri matatu esirivha.
7 Ако ли буде од шездесет година и више, ако је мушко, ценићеш петнаест сикала, а женско десет сикала.
Kana munhu ane makore makumi matanhatu kana anopfuura, utare mutengo womunhurume pamashekeri gumi namashanu, uye pamunhukadzi mashekeri gumi.
8 Ако је сиромах да не може платити цену, онда нека дође к свештенику да га уцени свештеник, и према ономе што може дати који се заветовао, нека га свештеник уцени.
Kana munhu wose anenge achiita mhiko ari murombo zvikuru zvokutotadza kuripa muripo wakatarwa, anofanira kuuya nomunhu uyu kumuprista, achatara mutengo wake zvichienderana nezvinokwaniswa nomunhu ari kuita mhiko.
9 Ако би заветовао живинче од оних што се приносе Господу, шта год да Господу, свето је.
“‘Kana chaakapika chiri mhuka inogamuchirika sechipiriso kuna Jehovha, mhuka yakadai inopiwa kuna Jehovha ichava tsvene.
10 Да га не промени ни даде друго за оно, ни добро за рђаво, ни рђаво за добро; ако ли би како променио живинче, онда ће бити свето и оно и друго које је дао за оно.
Haafaniri kuchitsinhanisa kana kuisa chakanaka panzvimbo yechakaipa, kana chakaipa panzvimbo yechakanaka; kana akaisa mhuka pachinzvimbo cheimwe, dzose dziri mbiri neyatsinhanisa dzichava tsvene.
11 Ако ли би заветовао живинче нечисто од оних што се не приносе Господу, нека се доведе живинче пред свештеника;
Kana chaakapika chiri mhuka isina kuchena, iyo isingagamuchiriki sechipiriso kuna Jehovha, mhuka iyi inofanira kupiwa kumuprista,
12 И нека га процени свештеник, било добро или рђаво; и како га процени свештеник, тако да буде.
uyo achatara kukosha kwayo, kuti yakanaka kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo uchave mutengo wayo.
13 Ако би га хтео откупити, нека на цену твоју дометне још пети део.
Kana muridzi achida kudzikinura mhuka iyi, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wayo.
14 Кад би ко заветовао кућу своју, да је света Господу, нека је процени свештеник, била добра или рђава; како је процени свештеник, тако да буде.
“‘Kana munhu akakumikidza imba yake sechinhu chitsvene kuna Jehovha, muprista achatara kukosha kwayo kuti yakanaka here kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo ucharamba uripo.
15 Ако би онај који заветује хтео откупити кућу своју, нека на цену твоју дометне још пети део, па нека је његова.
Kana murume anokumikidza imba yake akaidzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu zvomutengo wayo. Uye imba ichava yake zvakare.
16 Ако би ко заветовао Господу део њиве своје, ценићеш је према усеву: гомер јечма где се посеје, ценићеш педесет сикала сребра.
“‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha chikamu chomunda wemhuri yake, mutengo wawo unofanira kutarwa zvichienderana nouwandu hwezviyo zvinodiwa ipapo, mashekeri makumi mashanu esirivha pahomeri yezviyo yebhari.
17 Ако би од опросне године заветовао њиву своју, нека остане по твојој цени.
Kana akakumikidza munda wake mugore reJubhiri, mutengo wakatarwa unoramba uripo.
18 Ако ли после опросне године заветује њиву своју, тада нека му свештеник прорачуна новце према броју година које остају до опросне године, и нека се одбије до твоје цене.
Asi kana akakumikidza munda wake mushure meJubhiri, muprista achatara mutengo zvichienderana namakore asara Jubhiri rinotevera risati rasvika, uye mutengo wawo wakatarwa uchaderedzwa.
19 И ако би хтео откупити њиву своју онај који је заветује, нека дометне на цену твоју још пети део, и нека буде његова.
Kana murume anokumikidza munda achida kuudzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho, uye munda uchava wake zvakare.
20 Али ако не откупи њиве, и њива се прода другом, не може се више откупити;
Kunyange zvakadaro, kana asingadzikinuri munda wake, kana akautengesera mumwe munhu, hauzogoni kudzikinurwa.
21 Него ће она њива, кад се опрости опросне године, бити света Господу, као њива заветована, свештеникова нека буде.
Kana munda ukasunungurwa muJubhiri, uchava mutsvene, somunda wakapiwa kuna Jehovha; uchava munda wavaprista.
22 Ако ли би ко заветовао Господу њиву купљену, која није достојање његово,
“‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha munda waakatenga, usiri chikamu chomunda wemhuri yake,
23 Свештеник нека му прорачуна цену до године опросне, и нека у онај дан да ту цену да буде ствар света Господу.
muprista achatara mutengo wawo kusvikira mugore reJubhiri, uye munhu uyu anofanira kuripa mutengo wawo musi iwoyo sechinhu chitsvene kuna Jehovha.
24 А године опросне да се врати њива ономе од кога је купљена, чије је достојање она њива.
Mugore reJubhiri munda uchadzokera kumunhu waakatengeserana naye uyo aiva muridzi womunda.
25 А свака цена твоја нека буде на сикле свете, а у сиклу има двадесет новаца.
Mutengo wose unofanira kutarwa zvichienderana neshekeri repanzvimbo tsvene, makumi maviri amagera pashekeri rimwe.
26 Али првина од стоке, које су Господње, нико да не заветује, било говече или ситна стока, јер је Господње.
“‘Zvisinei hazvo, hapana munhu angakumikidza dangwe remhuka, sezvo dangwe ragara riri raJehovha kare; ingava mombe kana gwai; ndezvaJehovha.
27 Ако ли би било од животиња нечистих, онда нека откупи по твојој цени дометнув пети део одозго; ако ли се не откупи, нека се прода по твојој цени.
Kana iri imwe yemhuka dzisina kuchena, anogona kuidzikinura nomutengo wayo wakatarwa, achipamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wayo. Kana isina kudzikinurwa, inofanira kutengeswa nomutengo wayo wakatarwa.
28 Али ни једна ствар заветована, шта ко заветује Господу од чега му драго што има, од људи или од стоке или од њиве своје, да се не продаје ни откупљује; свака ствар заветована светиња је над светињама Господу.
“‘Asi hakuna chinhu chomunhu chinopiwa kuna Jehovha, angava munhu kana mhuka kana munda wemhuri, chinogona kutengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chose chinopiwa saizvozvo chinova chitsvene kwazvo kuna Jehovha.
29 Живинче заветовано, које човек заветује, да се не откупљује, него да се убије.
“‘Hakuna munhu anopiwa kuti aparadzwe angadzikinurwa; anofanira kuurayiwa.
30 И сваки десетак земаљски од усева земаљског и од воћа, Господњи је, светиња је Господу.
“‘Chegumi chezvinhu zvose zvinobva mumunda, zvingava zviyo zvinobva muvhu kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha.
31 Али, ко би хтео откупити шта десетка свог, нека на цену дометне још пети део.
Kana munhu akadzikinura chimwe chinhu pazvegumi zvake, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho.
32 И десетак од говеда и од ситне стоке, које дође под штап пастирски десето, да је свето Господу.
Chegumi chose chemombe namakwai, mhuka yose yegumi inopfuura napasi petsvimbo yomufudzi, ichava tsvene kuna Jehovha.
33 Да се не бира добро ни рђаво, да се не мења; ако ли би се како год променило, онда нека буде и оно и друго промењено света ствар, и да се не откупи.
Haafaniri kusarudza zvakanaka kubva mune zvakaipa kana kuzvitsinhanisa. Kana akazvitsinhanisa, mhuka dzose dziri mbiri, yatsiviwa neyatsiva, dzichava tsvene uye hadzigoni kudzikinurwa.’”
34 Ово су заповести које заповеди Господ Мојсију за синове Израиљеве на гори Синајској.
Iyi ndiyo mirayiro yavaIsraeri yakapiwa Mozisi naJehovha paGomo reSinai.

< 3 Мојсијева 27 >