< Књига о Јову 36 >

1 Још говори Елијуј и рече:
Erihu akaenderera mberi achiti:
2 Потрпи ме мало, и показаћу ти, јер још има шта бих говорио за Бога.
“Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva, ipapo ndichakuratidzai kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari.
3 Почећу издалека беседу своју, и показаћу да је Творац мој праведан.
Ruzivo rwangu runobva kure; ndichati Muiti wangu akarurama.
4 Доиста, неће бити лажне речи моје, код тебе је који право мисли.
Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; akakwana pazivo ari pakati penyu.
5 Гле, Бог је силан, али никога не одбацује, силан је снагом срчаном.
“Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye anozadzisa zvaakaronga.
6 Не да живети безбожнику, а невољницима чини правду.
Haaregi vakaipa vari vapenyu, asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.
7 Не одвраћа од праведника очију својих, него још с царевима на престо посађује их на век, те се узвишују.
Haabvisi meso ake pane vakarurama; anovagadza pamwe chete namadzimambo uye anovasimudzira nokusingaperi.
8 Ако ли су оковани у пута и свезани ужима невољничким,
Asi kana vanhu vakasungwa nengetani, vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,
9 Тада им напомиње дела њихова и безакоња њихова како су силна.
iye anovaudza zvavanenge vaita, kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.
10 И отвара Му ухо да би се поправили, и говори им да се врате од безакоња.
Anovaita kuti vateerere kurayirwa, uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo.
11 Ако послушају и стану им служити, довршују дане своје у добру и године своје у радости.
Kana vakateerera uye vakamushumira, vachapedza mazuva avo ose mukubudirira uye makore avo vari mukugutsikana.
12 Ако ли не послушају, гину од мача и умиру с безумља.
Asi kana vasingateereri, vachapera nomunondo, uye vachafa vasina zivo.
13 А који су лицемерног срца, навлаче гнев и не вичу кад их повеже;
“Vasina umwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi, kunyange paanovasunga, havaridzi mhere kuti vabatsirwe.
14 Умире у младости душа њихова и живот њихов међу курвама.
Vanofa panguva yeujaya hwavo, pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.
15 Избавља невољника из невоље његове и отвара му ухо у муци.
Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo; anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo.
16 Тако би и тебе извео из тескобе на пространо место, где ништа не досађује, и мирни сто твој био би пун претилине.
“Ari kukukwezva kubva pamuromo wenhamo, kuti akuise panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo, pazvivaraidzo zvetafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka.
17 Али си заслужио суд безбожнички; и суд и правда снађе те.
Asi zvino waremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa; kutonga uye kururamisira zvakubata iwe.
18 Доиста, гнев је на теби; гледај да те не одбаци у карању, те те велики откуп неће избавити.
Uchenjere kuti parege kuva nomunhu anokunyengera nepfuma; usarega fufuro huru ichikutsausa.
19 Хоће ли гледати на твоје богатство? Неће ни на злато ни на какву силу блага твог.
Ko, pfuma yako kana kushingaira kwesimba rako zvingakutsigira kuti urege kutambudzika here?
20 Не уздиши за ноћу у коју народи одлазе на своје место.
Rega kushuva usiku, kuti ukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo.
21 Чувај се да не погледаш на таштину и волиш на њу него невољу.
Chenjera kuti urege kudzokera kune zvakaipa, izvo zvaunoda pachinzvimbo chokutambudzika.
22 Гле, Бог је највиши својом силом, ко је учитељ као Он?
“Tarira, Mwari anosimudzirwa musimba rake. Ndianiko mudzidzisi akafanana naye?
23 Ко Му је одредио пут Његов? Или ко ће Му рећи: Чиниш неправо?
Ndianiko akamuratidza nzira dzake, kana akati kwaari, ‘Makanganisa imi?’
24 Опомињи се да величаш дела Његова, која гледају људи.
Rangarira kukudza basa rake, iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.
25 Сви људи виде их, сваки их гледа из далека.
Marudzi ose avanhu akariona; vanhu vanoritarisa vari kure.
26 Гле, Бог је велик, и не можемо Га познати, број година Његових не може се докучити.
Haiwa, Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.
27 Јер Он стеже капље водене, које лију дажд из облака Његових;
“Anokwevera madonhwe emvura kumusoro, anoshanduka achinaya semvura kuhova;
28 Кад теку облаци, капљу на мноштво људско.
makore anodurura unyoro hwawo uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.
29 И ко би разумео простор облацима и грмљаву у шатору његовом?
Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore, namatinhiriro aanoita ari mudenga rake?
30 Како простире над њим светлост своју, и дубине морске покрива?
Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake, ichituhwina makadzika megungwa.
31 Тиме суди народима, даје хране изобила.
Ndiyo nzira yaanotonga nayo ndudzi neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.
32 Рукама заклања светлост, и наређује кога да срете,
Anozadza maoko ake nemheni agorayira kuti irove paanoda.
33 Јављајући према њему добру вољу своју, и према стоци и према роду земаљском.
Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya; kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro.

< Књига о Јову 36 >