< Књига пророка Јеремије 3 >

1 Говоре: Ако ко пусти жену своју, и она отишавши од њега уда се за другог, хоће ли се онај вратити к њој? Не би ли се сасвим оскврнила она земља? А ти си се курвала с многим милосницима; али опет врати се к мени, вели Господ.
“Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akamusiya hake akandowanikwa nomumwe murume, murume uyu angadzokerazve kwaari here? Ko, nyika haingasvibiswi here? Asi iwe wakararama sechifeve navadiwa vazhinji, zvino ungadzokera kwandiri here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
2 Подигни очи своје к висинама, и погледај где се ниси курвала; на путевима си седела чекајући их као Арапин у пустињи, и оскврнила си земљу курварством својим и злоћом својом.
“Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone. Iripo here nzvimbo yausina kumboitira ufeve? Mujinga menzira wakagaramo wakamirira zvikomba, wakagara kunge vanhu vouragu vari murenje. Wakasvibisa nyika noufeve hwako uye nezvakaipa zvako.
3 Зато се уставише дажди, и не би позног дажда; али у тебе беше чело жене курве, и не хте се стидети.
Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, uye nemvura yomuchirimo haina kunaya.
4 Хоћеш ли одселе викати к мени: Оче мој, Ти си вођ младости моје?
Ko, handiti uchangobva pakundidana here uchiti, ‘Baba vangu, shamwari yangu kubva pauduku hwangu,
5 Хоће ли се срдити једнако? Хоће ли се гневити до века? Ето, говориш, а чиниш зло колико год можеш.
muchagara makatsamwa here? Kutsamwa kwenyu kucharamba kuripo nokusingaperi here?’ Aya ndiwo matauriro ako, asi unoita zvakaipa zvose zvaunogona kuita.”
6 Још ми рече Господ за времена цара Јосије: Јеси ли видео шта учини одметница, Израиљ? Како одлази на свако високо брдо и под свако зелено дрво, и курва се онде.
Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo.
7 И, пошто учини све то, рекох: Врати се к мени; али се не врати; и то виде неверница, сестра њена, Јуда.
Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye mununʼuna wake Judha wokusatendeka akazviona.
8 И свиде ми се за све то што учини прељубу одметница Израиљ да је пустим и дам јој књигу распусну; али се не побоја неверница сестра јој Јуда, него отиде, те се и она прокурва.
Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha mununʼuna wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve.
9 И срамотније курвањем својим оскврни земљу, јер чињаше прељубу с каменом и с дрветом.
Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda.
10 И код свега тога не врати се к мени неверница сестра јој Јуда свим срцем својим, него лажно, говори Господ.
Kunyange izvi zvakadaro, mununʼuna wake Judha wokusatendeka haana kudzokera kwandiri nomwoyo wake wose, asi kunyengera chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11 За то ми рече Господ: Одметница Израиљ оправда се више него неверница Јуда.
Jehovha akati kwandiri, “Israeri wokusatenda akarurama kukunda Judha wokusatendeka.
12 Иди и вичи ове речи к северу, и реци: Врати се, одметнице Израиљу, вели Господ, и нећу пустити да падне гнев мој на вас, јер сам милостив, вели Господ, нећу се гневити до века.
Enda undoparidza shoko iri kurutivi rwokumusoro uchiti, “‘Dzokai imi Israeri vokusatenda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘Handichazorambi ndakafinyamisa chiso changu kwamuri, nokuti ndizere nengoni,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi.
13 Само познај безакоње своје, да си се одметнула Господу Богу свом, те си тумарала к туђима под свако дрво зелено, и нисте слушали глас мој, вели Господ.
Imi zivai mhosva yenyu chete, kuti makamukira Jehovha Mwari wenyu, mukafadza vamwari vavatorwa muri pasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira, uye hamuna kunditeerera,’” ndizvo zvinotaura Jehovha.
14 Обратите се, синови одметници, вели Господ, јер сам ја муж ваш, и узећу вас, једног из града и два из породице, и одвешћу вас у Сион.
“Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni.
15 И даћу вам пастире по срцу свом, који ће вас пасти знањем и разумом.
Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa.
16 И кад се умножите и народите у земљи, онда се, вели Господ, неће више говорити: Ковчег завета Господњег; нити ће им долазити на ум нити ће га помињати, нити ће ходити к њему, нити ће га више оправљати.
Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve.
17 У то ће се време Јерусалим звати престо Господњи, и сви ће се народи сабрати у њ, к имену Господњем у Јерусалиму, и неће више ићи по мисли срца свог злог.
Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti Chigaro choUshe chaJehovha, uye ndudzi dzose dzichaungana muJerusarema kuzokudza zita raJehovha. Havachazoteverizve kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa.
18 У то ће време дом Јудин ићи с домом Израиљевим, и доћи ће заједно из земље северне у земљу коју дадох у наследство оцима вашим.
Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka.
19 Али ја рекох: Како бих те поставио међу синове и дао ти земљу жељену, красно наследство мноштва народа? И рекох: Ти ћеш ме звати: Оче мој; и нећеш се одвратити од мене.
“Ini pachangu ndakati, “‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vangu uye ndichikupai nyika inoyevedza, iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’ Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’ mukasazotsauka pakunditevera.
20 Доиста као што жена изневери друга свог, тако изневеристе мене, доме Израиљев, вели Господ.
Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake, saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 Глас по високим местима нека се чује, плач, молбе синова Израиљевих, јер превратише пут свој, заборавише Господа Бога свог.
Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti, iko kuchema nokuteterera kwavanhu veIsraeri, nokuti vakaminamisa nzira dzavo uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.
22 Вратите се, синови одметници, и исцелићу одмете ваше. Ево, ми идемо к Теби, јер си Ти Господ Бог наш.
“Dzokai, imi vanhu vokusatenda; ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.” “Hongu, tichauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.
23 Доиста, залуду су хумови, мноштво гора; доиста, у Господу је Богу нашем спасење Израиљево.
Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo, napamakomo unyengeri; zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu ndimo mune ruponeso rwaIsraeri.
24 Јер та срамота прождре труд отаца наших од детињства нашег, овце њихове и говеда њихова, синове њихове и кћери њихове.
Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadya zvibereko zvamabasa amadzibaba edu, makwai avo, nemombe dzavo, vanakomana navanasikana vavo.
25 Лежимо у срамоти својој, и покрива нас руг наш; јер Господу Богу свом грешисмо ми и оци наши од детињства свог до данас, и не слушасмо глас Господа Бога свог.
Ngativatei pasi munyadzi dzedu, uye kunyara kwedu ngakutifukidze. Takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu tose namadzibaba edu; kubva pauduku hwedu kusvikira nhasi hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu.”

< Књига пророка Јеремије 3 >