+ 1 Мојсијева 1 >

1 У почетку створи Бог небо и земљу.
Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.
2 А земља беше без обличја и пуста, и беше тама над безданом; и дух Божји дизаше се над водом.
Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura.
3 И рече Бог: Нека буде светлост. И би светлост.
Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.
4 И виде Бог светлост да је добра; и растави Бог светлост од таме.
Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima.
5 И светлост назва Бог дан, а таму назва ноћ. И би вече и би јутро, дан први.
Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye rima akaritumidza kuti “usiku.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga.
6 Потом рече Бог: Нека буде свод посред воде, да раставља воду од воде.
Uye Mwari akati, “Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura.”
7 И створи Бог свод, и растави воду под сводом од воде над сводом; и би тако.
Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo.
8 А свод назва Бог небо. И би вече и би јутро, дан други.
Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti “denga.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri.
9 Потом рече Бог: Нека се сабере вода што је под небом на једно место, и нека се покаже суво. И би тако.
Uye Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe.” Uye zvakaita saizvozvo.
10 И суво назва Бог земља, а зборишта водена назва мора; и виде Бог да је добро.
Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, “nyika,” uye mvura yakaungana akaiti “makungwa.” Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
11 Опет рече Бог: Нека пусти земља из себе траву, биље, што носи семе, и дрво родно, које рађа род по својим врстама, у коме ће бити семе његово на земљи. И би тако.
Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo.
12 И пусти земља из себе траву, биље, што носи семе по својим врстама, и дрво, које рађа род, у коме је семе његово по његовим врстама. И виде Бог да је добро.
Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
13 И би вече и би јутро, дан трећи.
Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitatu.
14 Потом рече Бог: Нека буду видела на своду небеском, да деле дан и ноћ, да буду знаци временима и данима и годинама;
Uye Mwari akati, “Ngakuve nezviedza munzvimbo yedenga kuti zviparadzanise masikati kubva pausiku, uye ngazvishande sezviratidzo zvokucherechedza mwaka namazuva namakore,
15 И нека светле на своду небеском, да обасјавају земљу. И би тако.
uye ngazvive zviedza munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika.” Uye zvakaita saizvozvo.
16 И створи Бог два видела велика: видело веће да управља даном, и видело мање да управља ноћу, и звезде.
Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku. Akaitawo nyeredzi.
17 И постави их Бог на своду небеском да обасјавају земљу.
Mwari akazviisa munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika,
18 И да управљају даном и ноћу, и да деле светлост од таме. И виде Бог да је добро.
kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
19 И би вече и би јутро, дан четврти.
Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.
20 Потом рече Бог: Нека врве по води живе душе, и птице нека лете изнад земље под свод небески.
Uye Mwari akati, “Mvura ngaive nezvisikwa zvipenyu, uye shiri ngadzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.”
21 И створи Бог китове велике и све живе душе што се мичу, што проврвеше по води по врстама својим, и све птице крилате по врстама њиховим. И виде Бог да је добро;
Saka Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvegungwa nezvipenyu zvose zvinokambaira zvinogara mumvura, maererano namarudzi azvo, uye neshiri dzina mapapiro, maererano namarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
22 И благослови их Бог говорећи: Рађајте се и множите се, и напуните воду по морима, и птице нека се множе на земљи.
Mwari akazviropafadza akati, “Berekanai muwande muzadze mvura iri mumakungwa, uye shiri ngadziwande panyika.”
23 И би вече и би јутро, дан пети.
Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechishanu.
24 Потом рече Бог: Нека земља пусти из себе душе живе по врстама њиховим, стоку и ситне животиње и звери земаљске по врстама њиховим. И би тако.
Uye Mwari akati, “Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu maererano namarudzi azvo: zvipfuwo, zvisikwa zvinokambaira panyika, nezvikara zvesango, chimwe nechimwe nemhando yacho.” Uye zvakaita saizvozvo.
25 И створи Бог звери земаљске по врстама њиховим, и стоку по врстама њеним, и све ситне животиње на земљи по врстама њиховим. И виде Бог да је добро.
Mwari akaita mhuka dzesango maererano namarudzi adzo, zvipfuwo namarudzi azvo, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika maererano namarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
26 Потом рече Бог: Да начинимо човека по свом обличју, као што смо ми, који ће бити господар од риба морских и од птица небеских и од стоке и од целе земље и од свих животиња што се мичу по земљи.
Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika.”
27 И створи Бог човека по обличју свом, по обличју Божјем створи га; мушко и женско створи их.
Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.
28 И благослови их Бог, и рече им Бог: Рађајте се и множите се, и напуните земљу, и владајте њом, и будите господари од риба морских и од птица небеских и од свих звери што се миче по земљи.
Mwari akavaropafadza akati kwavari, “Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika.”
29 И још рече Бог: Ево, дао сам вам све биље што носи семе по свој земљи, и сва дрвета родна која носе семе; то ће вам бити за храну.
Ipapo Mwari akati, “Ndinokupai miriwo yose inobereka iri pamusoro penyika yose nemiti yose ine michero, ine mhodzi mukati mayo. Zvichava zvokudya zvenyu.
30 А свим зверима земаљским и свим птицама небеским и свему што се миче на земљи и у чему има душа жива, дао сам сву траву да једу. И би тако.
Uye kumhuka dzose dzapanyika neshiri dzose dzedenga nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvose zvinofema, ndinozvipa miriwo minyoro kuti zvive zvokudya zvazvo.” Uye zvakaita saizvozvo.
31 Тада погледа Бог све што је створио, и гле, добро беше веома. И би вече и би јутро, дан шести.
Mwari akaona zvose zvaakanga aita, kuti zvakanga zvakanaka kwazvo. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.

+ 1 Мојсијева 1 >