< Јездрина 8 >

1 А ово су главари домова отачких и племе оних што пођоше са мном из Вавилона за владе цара Артаксеркса:
Ava ndivo vakuru vemhuri naavo vakanyorwa pamwe chete navo vakauya pamwe chete neni kubva kuBhabhironi panguva yokutonga kwaMambo Atazekisesi:
2 Од синова Финесових Гирсом; од синова Итамарових Данило; од синова Давидових Хатус;
kuzvizvarwa zvaFinehasi, Gerishomi; kuzvizvarwa zvaItamari, Dhanieri; kuzvizvarwa zvaDhavhidhi, Hatushi
3 Од синова Сеханије, који беше од синова Фаросових, Захарија и с њим на број мушкиња сто и педесет;
akabva kuzvizvarwa zvaShekania; kuzvizvarwa zvaParoshi, Zekaria, uye pamwe chete naye kwakanyorwa varume zana namakumi mashanu;
4 Од синова Фат-Моавових Елиоинај син Зерајин и с њим мушкиња двеста;
kuzvizvarwa zvaPahati-Moabhu, Eriehoenai mwanakomana waZekaria, uye pamwe chete naye varume mazana maviri;
5 Од синова Сеханијиних син Јасилов и с њим мушкиња три стотине;
kuzvizvarwa zvaZatu, Shekania mwanakomana waJahazieri, uye pamwe chete naye varume mazana matatu;
6 И од синова Адинових Евед син Јонатанов и с њим мушкиња педесет;
kuzvizvarwa zvaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani, uye pamwe chete naye varume makumi mashanu;
7 И од синова Еламових Исаија син Аталијин и с њим мушкиња седамдесет;
kuzvizvarwa zvaEramu, Jeshaya mwanakomana waAtaria uye pamwe chete naye varume makumi manomwe;
8 И од синова Севатијиних Зевадија син Михаилов и с њим мушкиња осамдесет;
kuzvizvarwa zvaShefatia, Zebhadhia mwanakomana Mikaeri, uye pamwe chete naye varume makumi masere;
9 Од синова Јоавових Овадија син Јехилов и с њим мушкиња двеста и осамдесет;
kuzvizvarwa zvaJoabhu, Obhadhia mwanakomana waJehieri, uye pamwe chete naye varume mazana maviri negumi navasere;
10 И од синова Селомитових син Јосифијин и с њим мушкиња сто и шездесет;
kuzvizvarwa zvaBhani, Sheromiti mwanakomana waJosifia, uye pamwe chete naye varume zana namakumi matanhatu;
11 И од синова Вивајевих Захарија син Вивајев и с њим мушкиња двадесет и осам;
kuzvizvarwa zvaBhebhai, Zekaria mwanakomana waBhebhai, uye pamwe chete naye varume makumi maviri navasere;
12 И од синова Азгадових Јоанан син Акатанов и с њим мушкиња сто и десет;
kuzvizvarwa zvaAzigadhi, Johanani mwanakomana waHakatani, uye pamwe chete naye varume zana negumi;
13 И од синова Адоникамових последњих по имену Елифелет, Јеило и Семаја и с њима мушкиња шездесет;
kuzvizvarwa zvaAdhonikami, ivo vokupedzisira, mazita avo vaiti Erifereti, Jeuyeri naShemaya, uye pamwe chete navo varume makumi matanhatu;
14 И од синова Вигвајевих Гутај и Завуд и с њима мушкиња седамдесет.
kuzvizvarwa zvaBhigivhai, Utai naZakuri, uye pamwe chete navo varume makumi manomwe.
15 И сабра их код реке која тече у Аву, и онде стајасмо у логору три дана; после прегледах народ и свештенике али не нађох онде ни једног од синова Левијевих.
Ndakavaunganidza vose parwizi runoerera rwakananga kuAhavha, uye takagarapo pamisasa kwamazuva matatu. Pandakacherechedza pakati pavanhu navaprista, handina kuona vaRevhi pakati pavo.
16 Зато послах Елијезера, Арила, Семају и Елнатана и Јарива и Елнатана и Натана и Захарију и Месулама и главаре, и Јојарива и Еланатана учитеље,
Nokudaro ndakadana Eriezeri, Arieri, Shemaya, Erinati, Jaribhi, Erinatani, Natani, Zekaria, naMeshurami, avo vakanga vari vatungamiri naJoyaribhi naErinatani, avo vakanga vari varume vakadzidza,
17 И оправи их к Иду поглавару у месту Касифији, и научи их шта ће говорити Иду и браћи његовој Нетинејима у месту Касифији да би нам довели слуге за дом Бога нашег.
uye ndakavatuma kuna Idho, mutungamiri womuKasifia. Ndakavaudza zvokutaura kuna Idho nehama dzake, varanda vomutemberi muKasifia, kuitira kuti vagouya navashandi vomumba maMwari wedu kwatiri.
18 И доведоше нам, јер добра рука Божија беше над нама, човека разумног између синова Малија сина Левија сина Израиљевог, Серевију са синовима његовим и браћом његовом, њих осамнаест;
Nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwakanga rwuri pamusoro pedu, vakauya naSherebhia, murume aiva nounyanzvi, akabva kuzvizvarwa zvaMari, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsraeri, uye navanakomana vaSherebhia nehama dzake, varume gumi navasere,
19 И Асавију и с њим Исаију од синова Мераријевих, с браћом његовом и њиховим синовима, њих двадесет,
uye Hashabhia, pamwe chete naJeshaya aibva kuzvizvarwa zvaMerari, nehama dzake navana vavo, varume makumi maviri.
20 И од Нетинеја, које одреди Давид и кнезови да служе Левитима, двеста и двадесет Нетинеја, који сви бише именовани поименце.
Vakauyawo navaranda vomutemberi mazana maviri namakumi maviri, uwandu hwakanga hwanyorwa naDhavhidhi namakurukota kuti vabatsire vaRevhi. Vose vakanga vakanyorwa mazita avo.
21 Тада огласих онде на реци Ави пост, да бисмо се понизили пред Богом својим и измолили у Њега срећан пут себи и деци својој и свему благу свом.
Ipapo, paRwizi rweAhavha, ndakatara nguva yokutsanya kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu uye kuti timukumbire kuti atifambise rwendo rwakanaka isu navana vedu nepfuma yedu yose.
22 Јер ме беше стид искати од цара војске и коњика да нас бране од непријатеља путем, јер бејасмо рекли цару говорећи: Рука је Бога нашег на добро над свима који Га траже, и јачина је Његова и гнев на све који Га остављају.
Nokuti ndakanyara kukumbira mambo kuti atipe varwi navatasvi vamabhiza kuti vatirwire kubva kuvavengi vedu parwendo nokuti takanga taudza mambo kuti, “Ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwuri pamusoro pomunhu wose anotarira kwaari.”
23 Тако постисмо и молисмо Бога свог за то, и умолисмо Га.
Naizvozvo takatsanya uye tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, uye akapindura munyengetero wedu.
24 Тада одвојих између главара свештеничких дванаест, Серевију, Асавију и с њима десеторицу браће њихове.
Ipapo ndakatsaura vaprista vaitungamira gumi navaviri, pamwe chete naSherebhia, naHashabhia uye nehama dzavo gumi,
25 И измерих им сребро и злато и судове, прилоге дому Бога нашег што приложи цар и саветници његови и кнезови његови и сав народ Израиљев који се нађе;
uye ndakavaerera zvipiriso zvesirivha negoridhe nemidziyo yakanga yapiwa kuimba yaMwari wedu namambo navapi vake vamazano namakurukota ake uye navaIsraeri vose.
26 Измерих им у руке шест стотина и педесет таланата сребра, и судова сребрних сто таланата и сто таланата злата,
Ndakavaerera matarenda mazana matanhatu namakumi mashanu esirivha, nemidziyo yesirivha yairema matarenda zana, namatarenda zana egoridhe,
27 И двадесет чаша златних од хиљаду драма, и два суда од бронзе добре и скупоцене као злато.
mbiya dzegoridhe makumi maviri dzaikosha madhariki chiuru chimwe chete, uye nemidziyo miviri yakaisvonaka yendarira yaibwinya, inokosha segoridhe.
28 И рекох им: Ви сте свети Господу и ови су судови свети, и ово сребро и злато драговољан је прилог Господу Богу отаца ваших.
Ndakati kwavari, “Imi pamwe chete nemidziyo iyi makatsaurirwa Jehovha. Sirivha negoridhe ndizvo zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu.
29 Пазите и чувајте докле не измерите пред главарима свештеничким и Левитима и главарима отачких домова Израиљевих у Јерусалиму у клетима дома Господњег.
Muzvirinde zvakanaka kusvikira mazviyera pamberi pavakuru vavaprista navaRevhi uye navakuru vemhuri dzavaIsraeri paJerusarema mumakamuri eimba yaJehovha.”
30 И тако примише свештеници и Левити измерено сребро и злато и судове да однесу у Јерусалим, у дом Бога нашег.
Ipapo vaprista navaRevhi vakagamuchira sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene yakanga yaerwa kuti iendeswe kuimba yaMwari wedu muJerusarema.
31 И пођосмо од реке Аве дванаестог дана првог месеца да идемо у Јерусалим, и рука Бога нашег беше над нама и избави нас из руку непријатељских и заседачких на путу.
Pazuva regumi namaviri romwedzi wokutanga takabva parwizi rweAhavha tichienda kuJerusarema. Ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pamusoro pedu, uye akatidzivirira kubva kuvavengi navakanga vakativandira panzira.
32 И дођосмо у Јерусалим и стајасмо онде три дана.
Saka takasvika muJerusarema tikazororamo kwamazuva matatu.
33 А четврти дан измери се сребро и злато и судови у дому Бога нашег у руке Меримоту, сину Уријином свештенику, с којим беше Елеазар син Финесов, и с њима Јозавад син Исусов и Ноадија син Венујев, Левити.
Pazuva rechina, muimba yaMwari takayera sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene mumaoko aMeremoti mwanakomana waUria, muprista. Ereazari mwanakomana waFinehasi akanga aripowo naye, uye navaRevhi vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhia mwanakomana waBhinui.
34 Све на број и на меру, и мера би записана од свега у исто време.
Zvinhu zvose zvakaverengwa uwandu hwazvo uye zvikayerwa, uye uremu hwazvo zvose hwakanyorwa panguva iyoyo.
35 И који бише у ропству па се вратише из ропства принесоше на жртву паљеницу Богу Израиљевом дванаест јунаца за свега Израиља, деведесет и шест овнова, седамдесет и седам јагањаца, дванаест јараца за грех, све то на жртву паљеницу Господу.
Ipapo vatapwa vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakabayira zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari waIsraeri: hando gumi nembiri dzavaIsraeri vose, makondobwe makumi mapfumbamwe namatanhatu, namakwayana makono makumi manomwe namanomwe, uye nhongo dzembudzi gumi nembiri, sechipiriso chechivi. Zvose izvi zvaiva chipiriso chinopiswa kuna Jehovha.
36 И предаше заповести цареве намесницима царевим и кнезовима с ове стране реке и они потпомогоше народ и дом Божји.
Vakapawo zvirevo zvamambo kumachinda amambo uye navabati mhiri kwaYufuratesi, avo vakazopawo rubatsiro kuvanhu nokuimba yaMwari.

< Јездрина 8 >