< Књига пророка Језекиља 20 >
1 А седме године, петог месеца, дана десетог, дођоше неки од старешина Израиљевих да упитају Господа, и седоше преда мном.
Mugore rechinomwe, nomwedzi wechishanu pazuva regumi, vamwe vavakuru vavaIsraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu.
2 И дође ми реч Господња говорећи:
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
3 Сине човечји, кажи старешинама Израиљевим и реци им: Овако вели Господ Господ: Дођосте ли да ме питате? Тако ја жив био, нећете ме питати, говори Господ Господ.
“Mwanakomana womunhu, taura kuvakuru veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mauya kuzondibvunza ini here? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, handisi kuzobvuma kuti mundibvunze imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’
4 Хоћеш ли да им судиш? Хоћеш ли да им судиш? Сине човечји. Покажи им гадове отаца њихових.
“Ungavatonga here? Ungavatonga here, iwe mwanakomana womunhu? Zvino chivazivisa mabasa anonyangadza amadzibaba avo,
5 И реци им: Овако вели Господ Господ: Ког дана изабрах Израиља и подигох руку своју семену дома Јаковљевог, и показах им се у земљи мисирској, и подигох им руку своју говорећи: Ја сам Господ Бог ваш;
uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randakasarudza Israeri, ndakapika ndakasimudzira ruoko kuzvizvarwa zveimba yaJakobho ndikazviratidza kwavari muIjipiti. Ndakasimudza ruoko rwangu, ndikati kwavari, “Ndini Jehovha Mwari wenyu.”
6 Оног дана подигох им руку своју да ћу их одвести из земље мисирске у земљу коју сам пронашао за њих, где тече млеко и мед, која је дика свим земљама.
Pazuva iro ndakapika kwavari kuti ndichavabudisa kubva munyika yeIjipiti ndigovapinza munyika yandakavatsvakira, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose.
7 И рекох им: Одбаците сваки гадове испред својих очију, и немојте се скврнити о гадне богове мисирске, ја сам Господ Бог ваш.
Uye ndakati kwavari, “Mumwe nomumwe wenyu ngaarase zviumbwa zvenyu zvinonyangadza zvamakaringira kwazviri, uye murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”
8 Али се одвргоше од мене, и не хтеше ме послушати, ниједан их не одбаци гадова испред очију својих, и гадних богова мисирских не оставише; зато рекох да ћу излити јарост своју на њих да извршим гнев свој на њима усред земље мисирске.
“‘Asi vakandimukira vakasada kunditeerera; havana kuda kurasa zvifananidzo zvavairingira kwazviri nameso avo, kana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo muIjipiti.
9 Али имена свог ради, да се не оскврни пред оним народима међу којима беху, пред којима им се показах, учиних да их изведем из земље мисирске.
Asi nokuda kwezita rangu, ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzamaigara pakati padzo uye avo vandakanga ndazviratidza pamberi pavo kuvaIsraeri nokuvabudisa kubva muIjipiti.
10 И изведох их из земље мисирске, и доведох их у пустињу.
Naizvozvo ndakavabudisa kubva muIjipiti ndikaenda navo kugwenga.
11 И дадох им уредбе своје, и објавих им законе своје, које ко врши, жив ће бити кроз њих.
Ndakavapa mitemo yangu ndikavazivisa mirayiro yangu, nokuti munhu achaiteerera achararama nayo.
12 И суботе своје дадох им да су знак између мене и њих да би знали да сам ја Господ који их посвећујем.
Uyezve ndakavapa maSabata angu sechiratidzo pakati pedu, kuti vagoziva kuti ini Jehovha ndini ndakavaita vatsvene.
13 Али се одврже од мене дом Израиљев у пустињи; не ходише по мојим уредбама, и законе моје одбацише, које ко врши живи кроз њих, и суботе моје грдно оскврнише; зато рекох да ћу излити гнев свој на њих у пустињи да их истребим.
“‘Asi vanhu veIsraeri vakandimukira mugwenga. Havana kutevera mitemo yangu asi vakaramba mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakazvidza chose maSabata angu. Saka ndakati kwavari ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigovaparadza mugwenga.
14 Али учиних, имена свог ради, да се не оскврни пред народима пред којима их изведох.
Asi nokuda kwezita rangu ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzandakavabudisa kubva madziri pamberi padzo.
15 И ја им још подигох руку своју у пустињи да их нећу одвести у земљу коју им дадох, где тече млеко и мед, која је дика свим земљама;
Uyezve ndakavapikira mugwenga noruoko rwakasimudzwa ndichiti handizovaisi munyika yandakavapa, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose,
16 Јер одбацише моје законе и по уредбама мојим не ходише, и суботе моје оскврнише, јер срце њихово иђаше за гадним боговима њиховим.
nokuti vakaramba mirayiro yangu uye havana kutevera mitemo yangu, vakasvibisa maSabata angu. Nokuti mwoyo yavo yakanga yakazvipira kuzvifananidzo zvavo.
17 Али их пожали око моје, те их не истребих, и не затрх их у пустињи.
Kunyange zvakadaro hazvo, ndakavatarisa ndikavanzwira tsitsi ndikasavaparadza kana kuvapedza chose mugwenga.
18 Него рекох синовима њиховим у пустињи: Не идите по уредбама отаца својих и не држите њихове законе, и не скврните се гадним боговима њиховим.
Ndakati kuvana vavo mugwenga, “Regai kutevera mitemo yamadzibaba enyu kana kuchengeta mirayiro yavo kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvavo.
19 Ја сам Господ Бог ваш, по мојим уредбама ходите, и моје законе држите и извршујте;
Ndini Jehovha Mwari wenyu; teverai mitemo yangu uye muchenjerere kuchengeta mirayiro yangu.
20 И суботе моје светкујте да су знак између мене и вас, да знате да сам ја Господ Бог ваш.
Chengetai maSabata angu ave matsvene, kuti ave chiratidzo pakati pedu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.”
21 Али се одвргоше од мене и синови, не ходише по мојим уредбама, и законе моје не држаше да их извршују, које ко врши живи кроз њих; суботе моје оскврнише; зато рекох да ћу излити јарост своју на њих и навршити гнев свој на њима у пустињи.
“‘Asi vana vakandimukira: havana kutevera mitemo yangu, vakanga vasina kuchenjerera kuchengeta mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakasvibisa maSabata angu. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo uye ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo mugwenga.
22 Али повратих руку своју и учиних имена свог ради да се не оскврни пред народима пред којима их изведох.
Asi ndakadzora ruoko rwangu, uye nokuda kwezita rangu ndakaita zvairichengetedza kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi dzandakavabudisa pamberi padzo.
23 И ја им још подигох руку своју у пустињи да ћу их расејати по народима и разасути по земљама.
Uyezve, ndakasimudza ruoko, ndikapika mugwenga kuti ndichavaparadzira pakati pendudzi uye ndigovadzingira kune dzimwe nyika,
24 Јер законе моје не извршаваше и уредбе моје одбацише и суботе моје оскврнише, и очи им гледаху за гадним боговима отаца њихових.
nokuti vakanga vasina kuteerera mirayiro yangu asi vakanga varamba mitemo yangu uye vakasvibisa maSabata angu, uye meso avo akachiva zvifananidzo zvamadzibaba avo.
25 Зато им и ја дадох уредбе не добре и законе кроз које неће живети.
Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka uye nemirayiro yavakanga vasingagoni kurarama nayo,
26 И оскврних их даровима њиховим што пропуштаху кроз огањ све што отвори материцу, да их потрем, да познаду да сам ја Господ.
ndakaita kuti vasvibiswe nezvipo zvavo, zvibayiro zvamatangwe ose, kuti ndivazadze nokutya kukuru kuti vagoziva kuti ndini Jehovha.’
27 Зато говори дому Израиљевом, сине човечји, и кажи им: Овако вели Господ Господ: Још ме и овим ружише оци ваши чинећи ми безакоње:
“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, taura kuvanhu veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muna izvozviwo madzibaba enyu akandimhura nokundisiya:
28 Кад их одведох у земљу, за коју подигох руку своју да ћу им је дати, где год видеше висок хум и дрво гранато, онде приносише своје жртве и стављаше своје даре, којима дражаху, и меташе мирисе своје угодне, и онде лише наливе своје.
Pandakavauyisa munyika yandakanga ndapika kuti ndichavapa uye vakaona chikomo chipi zvacho chakakwirira kana muti upi zvawo una mashizha, vakabayira zvibayiro zvavo ipapo, vakapa zvipiriso zvakanditsamwisa, vachipa zvinonhuhwira zvavo uye vakadurura zvipiriso zvavo zvinonwiwa ipapo.
29 И рекох им: Шта је висина, на коју идете? И опет се зове висина до данас.
Ipapo ndakati kwavari: Ko, nzvimbo iyi yakakwirira yamunoenda kwairi ndeyei?’” (Zita rayo inonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.)
30 Зато реци дому Израиљевом: Овако вели Господ Господ: Не скврните ли се на путу отаца својих? И за гадовима њиховим не курвате ли се?
“Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muchazvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here nokuchiva zvifananidzo zvavo zvinonyangadza?
31 И приносећи даре своје, проводећи синове своје кроз огањ не скврните ли се о све гадне богове своје до данас, и мене ли ћете питати, доме Израиљев? Тако ја жив био, говори Господ Господ, нећете ме питати.
Pamunopa zvipo zvenyu, zvibayiro zvavanakomana venyu mumoto, munoramba muchizvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira nhasi. Ini ndingatenda kubvunzwa nemi here imi imba yaIsraeri? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handizombokutenderei kuti mundibvunze.
32 А шта мислите, неће бити никако, што говорите: Бићемо као народи, као племена по земљама, служећи дрвету и камену.
“‘Imi munoti, “Tinoda kufanana nendudzi, savanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namatombo.” Asi zviri mundangariro dzenyu hazvimboitiki.
33 Тако ја био жив, говори Господ Господ, руком крепком и мишицом подигнутом и изливеним гневом цароваћу над вама.
Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakutongai nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa.
34 И извешћу вас из народа, и сабраћу вас из земаља по којима сте расејани, руком крепком и мишицом подигнутом и изливеним гневом.
Ndichakudzosai kubva kundudzi ndigokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri, nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa.
35 И одвешћу вас у пустињу тих народа, и онде ћу се судити с вама лицем к лицу.
Ndichakuyisai kurenje rendudzi ndigokutongai ikoko takatarisana chiso nechiso.
36 Како сам се судио с оцима вашим у пустињи земље мисирске, тако ћу се судити с вама, говори Господ Господ.
Sokutonga kwandakaita madzibaba enyu mugwenga renyika yeIjipiti, saizvozvo ndichakutongai imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
37 И пропустићу вас испод штапа и довести вас у свезе заветне.
Ndichakuverengai pamunopfuura napasi petsvimbo yangu, uye ndichakuisai muchisungo chesungano.
38 И одлучићу између вас одметнике и који одустају мене; извешћу их из земље где су дошљаци, али неће ући у земљу Израиљеву, и познаћете да сам ја Господ.
Ndichakubvisa pakati penyu vaya vanondipandukira navaya vanondimukira. Kunyange hazvo ndichizovabudisa munyika yavagere, asi havangapindi munyika yeIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
39 Ви, дакле, доме Израиљев, овако вели Господ Господ: Идите, служите сваки гадним боговима својим и у напредак, кад нећете да ме слушате; али имена мог светог не скврните више даровима својим и гадним боговима својим.
“‘Asi kana murimi, iyemi imba yaIsraeri, zvanzi naIshe Jehovha: Endai mundoshumira zvifananidzo zvenyu, mumwe nomumwe wenyu! Asi shure kwaizvozvo zvirokwazvo muchanditeerera uye hamungazosvibisizve zita rangu dzvene nezvipo zvenyu nezvifananidzo zvenyu.
40 Јер на мојој гори светој, на високој гори Израиљевој, говори Господ Господ, онде ће ми служити сав дом Израиљев, колико их год буде у земљи, онде ће ми бити мили и онде ћу искати приносе ваше и првине од дарова ваших са свим светим стварима вашим.
Nokuti pagomo rangu dzvene, iro gomo refu raIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, munyika imomo imba yose yaIsraeri ichashumira ipapo, uye ndichavagamuchira ipapo. Ndipo pandichada zvipiriso zvenyu nezvipo zvenyu zvokuzvisarudzira pamwe chete nezvibayiro zvenyu zvitsvene.
41 Мили ћете ми бити с угодним мирисом, кад вас изведем из народа и саберем вас из земаља у које сте расејани; и бићу посвећен у вама пред народима.
Ndichakugamuchirai somunhuwi unonhuhwira pandichakubudisai kubva kundudzi nokukuunganidzai muchibva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri uye ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene kwamuri pamberi pendudzi.
42 И познаћете да сам ја Господ кад вас доведем у земљу Израиљеву, у земљу за коју подигох руку своју да ћу је дати оцима вашим.
Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakuisai munyika yeIsraeri, nyika yandakapikira kupa madzibaba enyu noruoko rwakasimudzwa.
43 И онде ћете се опоменути путева својих и свих дела својих, којима се оскврнисте, и сами ћете себи бити мрски за сва зла своја која чинисте.
Mucharangarira mafambiro enyu ikoko nezviito zvose zvamakazvisvibisa nazvo uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvakaipa zvose zvamakaita.
44 И познаћете да сам ја Господ кад вам учиним ради имена свог; не по вашим злим путевима нити по опаким делима вашим, доме Израиљев, говори Господ Господ.
Muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichakuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu kwete nokuda kwenzira dzenyu dzakaipa nezvakaora zvamakaita imi imba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”
45 Опет ми дође реч Господња говорећи:
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
46 Сине човечји, окрени лице своје на југ и покапљи према југу, и пророкуј на шуму у јужном пољу.
“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi; uparidze pamusoro porutivi rwezasi uye uprofite pamusoro pesango renyika yezasi.
47 И реци шуми јужној: Чуј реч Господњу, овако вели Господ Господ, ево ја ћу распалити у теби огањ који ће прождрети у теби свако дрво зелено и свако дрво суво; пламен разгорели неће се угасити, и изгореће од њега све од југа до севера.
Uti kusango rezasi, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokukupisa nomoto, uye uchaparadza miti yako yose, zvose minyoro neyakaoma. Kuririma kwomurazvo hakungadzimwi, uye zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo.
48 И свако ће тело видети да сам ја запалио; неће се угасити.
Mumwe nomumwe achaona kuti ini Jehovha ndini ndaubatidza; haungadzimwi.’”
49 А ја рекох: Јаох Господе Господе, они говоре за ме: Не говори ли тај саме приче?
Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu, ‘Ko, haasi kungotaura mifananidzo here?’”