< 2 Мојсијева 21 >

1 А ово су закони које ћеш им поставити:
“Iyi ndiyo mirayiro yaunofanira kumisa pamberi pavo:
2 Ако купиш роба Јеврејина, шест година нека ти служи, а седме нек отиде слободан без откупа.
“Kana ukatenga muranda wechiHebheru, anofanira kukushandira kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, anofanira kusunungurwa aende, asina chinhu chaanoripa.
3 Ако буде дошао инокосан, нека и отиде инокосан; ако ли буде имао жену, нека иде и жена с њим.
Kana akauya ari oga, anofanira kusunungurwa aende ari oga; asi kana ano mukadzi pakuuya kwake, anofanira kuenda nomukadzi wake.
4 Ако га господар његов ожени, и жена му роди синове или кћери, жена с децом својом нека буде господару његовом, а он нека отиде сам.
Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye akamuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi navana vake vachava vatenzi wake, uye murume chete ndiye achasunungurwa kuti aende hake.
5 Ако ли роб рече тврдо: Љубим господара свог, жену своју и децу своју, нећу да идем да будем слободан,
“Asi muranda akati, ‘Ndinoda tenzi wangu, mukadzi wangu navana vangu asi handisi kuda kusunungurwa,’
6 Онда нека га доведе господар његов пред судије и постави на вратима или код довратка, и онде нека му господар пробуши ухо шилом, па нека му робује довека.
ipapo tenzi wake anofanira kuenda naye pamberi pavatongi. Achaenda naye pamukova kana pagwatidziro romukova agomuboora nzeve yake norunji. Ipapo achava muranda wake kwoupenyu hwake hwose.
7 Ако ко прода кћер своју да буде робиња, да не одлази као робови што одлазе.
“Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave murandakadzi, iyeye haafaniri kusunungurwa kuti aende sezvinoita varandarume.
8 Ако не буде по вољи господару свом, и он је не узме за жену, нека је пусти на откупе; али да нема власти продати је у туђ народ учинивши јој неверу.
Kana asingafadzi tenzi akamusarudza kuti ave wake, anofanira kumurega kuti adzikinurwe. Haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa, nokuti aputsa chitenderano naye.
9 Ако ли је заручи сину свом, да јој учини по праву које имају кћери.
Kana akamusarudzira mwanakomana wake, anofanira kumupa kodzero dzomwanasikana.
10 Ако ли узме другу, да јој не умали хране ни одела ни заједнице.
Kana akawana mumwe mukadzi, haafaniri kunyima mukadzi wokutanga zvokudya, nguo kana kodzero dzake dzokuwanikwa.
11 Ако јој ово троје не учини, онда нек отиде без откупа.
Kana asingamupi zvinhu zvitatu izvi, anofanira kuenda akasununguka pasina kana mari yaanoripa.
12 Ко удари човека, те умре, да се погуби.
“Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa.
13 Ако ли не буде хтео, него му га Бог даде у руке, одредићу ти место куда може побећи.
Kunyange zvakadaro hazvo, kana asingazviiti nobwoni, asi Mwari atendera kuti zviitike, iye anofanira kutizira kunzvimbo yandichatsaura.
14 Ако би ко намерно устао на ближњег свог да га убије из преваре, одвуци га и од олтара мог да се погуби.
Asi kana munhu akaronga uye akauraya mumwe munhu nobwoni, mumubvise paaritari yangu uye mumuuraye.
15 Ко удари оца свог или матер своју, да се погуби.
“Ani naani anorova baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.
16 Ко украде човека и прода или се нађе у његовим рукама, да се погуби.
“Ani naani anoba mumwe munhu uye akamutengesa kana kuti akawanikwa achinaye paanenge abatwa, anofanira kuurayiwa.
17 Ко опсује оца свог или матер своју, да се погуби.
“Ani naani anotuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.
18 Кад се сваде људи, па један удари другог каменом или песницом, али онај не умре него падне у постељу,
“Kana vanhu vakakakavadzana uye mumwe akarova mumwe nebwe kana nechibhakera chake uye akasafa asi akavata panhoo,
19 Ако се придигне и изађе о штапу, да не буде крив онај који је ударио, само дангубу да му накнади и сву видарину да плати.
munhu arova haazobatwi nemhosva kana mumwe wacho akamuka akafamba-famba kunze nomudonzvo wake; kunyange zvakadaro hazvo, anofanira kuripa munhu akakuvara nokuda kwokurasikirwa kwake nenguva yake uye aone kuti apora zvachose.
20 Ко удари роба свог или робињу штапом тако да му умре под руком, да је крив;
“Kana munhu akarova murandarume wake kana murandakadzi netsvimbo uye muranda akafa nokuda kwokurohwa, anofanira kurangwa,
21 Али ако преживи дан или два, да није крив, јер је његов новац.
asi haafaniri kurangwa kana muranda akamuka shure kwezuva rimwe chete kana maviri, sezvo muranda ari mudziyo wake.
22 Кад се сваде људи, па који од њих удари трудну жену тако да изађе из ње дете, али се не догоди смрт, да плати глобу колико муж женин рече, а да плати преко судија;
“Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva.
23 Ако ли се догоди смрт, тада ћеш узети живот за живот,
Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu,
24 Око за око, зуб за зуб, руку за руку, ногу за ногу,
ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka,
25 Ужег за ужег, рану за рану, модрицу за модрицу.
kutsva nokutsva, ronda neronda, vanga nevanga.
26 Ако ко удари по оку роба свог или робињу своју, те му поквари око, да га отпусти слободног за око његово.
“Kana munhu akarova murandarume kana murandakadzi paziso uye akariparadza, anofanira kurega muranda achienda akasununguka kuti atsive ziso rake.
27 И ако избије зуб робу свом или робињи својој, да га пусти слободног за зуб његов.
Uye kana akabvisa zino romurandarume kana romurandakadzi, anofanira kurega muranda aende akasununguka kuti atsive zino rake.
28 Ако во убоде човека или жену, те умре, да се во заспе камењем и да се не једе месо од њега, а господар од вола да није крив.
“Kana hando ikatunga murume kana mukadzi akafa, hando iyoyo inofanira kutakwa namabwe kusvika yafa, uye nyama yayo haifaniri kudyiwa.
29 Али ако је во пре био бодач и господар његов знао за то па га није чувао, те убије човека или жену, во да се заспе камењем, и господар његов да се погуби.
Kunyange zvakadaro hazvo, kana hando yanga ine tsika yokutunga uye muridzi wayo akamboyambirwa hake asi akasaipfigira mudanga uye ikauraya murume kana mukadzi, hando iyo inofanira kutakwa namabwe uyewo muridzi wayo anofanira kuurayiwa.
30 Ако му се одреди да се откупи, нека да откуп за живот свој, колико му се одреди.
Kunyange zvakadaro hazvo, kana pachidikanwa muripo unobva kwaari angadzikinura hake upenyu hwake nokuripa zvose zvazvo zvinodikanwa.
31 Ако убоде сина или кћер, да му буде по истом закону.
Murayiro uyu unobatawo kana hando iyi yatunga mwanakomana kana mwanasikana.
32 Ако ли роба убоде во или робињу, да да господару њиховом тридесет сикала сребра и во да се заспе камењем.
Kana hando ikatunga murandarume kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripa mashekeri esirivha makumi matatu kuna tenzi womuranda, uye hando inofanira kutakwa namabwe.
33 Ако ко открије јаму или ископа јаму а не покрије, па упадне во или магарац,
“Kana munhu akafukunura gomba kana kuchera rimwe gomba uye akarega kurifushira uye nzombe kana mbongoro ikawira mariri,
34 Да накнади господар од јаме и плати новцем господару њиховом, а што је угинуло да је његово.
muridzi wegomba anofanira kuripa kurasikirwa uku; anofanira kuripira muridzi wayo, uye chipfuwo chafa chichava chake.
35 Ако во једног убоде вола другом, те погине, онда да продаду вола живог и новце да поделе, тако и убијеног вола да поделе.
“Kana hando yomumwe munhu ikakuvadza hando yomumwe uye ikafa, vanofanira kutengesa mhenyu yacho vagogovana zvakaenzana mari yacho vari vaviri, uye nemombe yakafawo.
36 Ако ли се знало да је во пре био бодач па га није чувао господар његов, да да вола за вола, а убијени нека буде њему.
Kunyange zvakadaro, kana zvakanga zvichizivikanwa kuti hando iyi yagara ine tsika yokutunga, asi muridzi akasaipfigira mudanga, muridzi anofanira kuripa chipfuwo nechipfuwo, uye chipfuwo chafa chichava chake.

< 2 Мојсијева 21 >