< Књига проповедникова 3 >

1 Свему има време, и сваком послу под небом има време.
Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:
2 Има време кад се рађа, и време кад се умире; време кад се сади, и време кад се чупа посађено;
nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokusima nenguva yokudzura;
3 Време кад се убија, и време кад се исцељује; време кад се разваљује, и време кад се гради.
nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;
4 Време плачу и време смеху; време ридању и време игрању;
nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana;
5 Време кад се размеће камење, и време кад се скупља камење; време кад се грли, и време кад се оставља грљење;
nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete, nguva yokumbundikira nenguva yokurega;
6 Време кад се тече, и време кад се губи; време кад се чува, и време кад се баца;
nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike, nguva yokuchengeta nenguva yokurasa;
7 Време кад се дере, и време кад се сашива; време кад се ћути и време кад се говори.
nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura;
8 Време кад се љуби, и време кад се мрзи; време рату и време миру.
nguva yokuda nenguva yokuvenga, nguva yehondo nenguva yorugare.
9 Каква је корист ономе који ради од оног око чега се труди?
Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose?
10 Видео сам послове које је Бог дао синовима људским да се муче око њих.
Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari.
11 Све је учинио да је лепо у своје време, и савет метнуо им је у срце, али да не може човек докучити дела која Бог твори, ни почетка ни краја.
Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.
12 Дознах да нема ништа боље за њих него да се веселе и чине добро за живота свог.
Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu.
13 И кад сваки човек једе и пије и ужива добра од сваког труда свог, то је дар Божји.
Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari.
14 Дознах да шта год твори Бог оно траје довека, не може му се ништа додати нити се од тога може шта одузети; и Бог твори да би Га се бојали.
Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze.
15 Шта је било то је сада, и шта ће бити то је већ било; јер Бог повраћа шта је прошло.
Chipi nechipi chiripo zvino, chakagara chiripo kare, uye zvichazovapo zvakatovapo kare; uye Mwari anotsvakazve zvakapfuura.
16 Још видех под сунцем где је место суда безбожност и место правде безбожност.
Uyezve ndakaona chimwe chinhu pasi pezuva: Panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo, panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.
17 И рекох у срцу свом: Бог ће судити праведнику и безбожнику; јер има време свему и сваком послу.
Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Mwari achatonga vose vakarurama nevakaipa, nokuti pachava nenguva yebasa rimwe nerimwe.”
18 Рекох у срцу свом за синове људске да им је Бог показао да виде да су као стока.
Ndakatizve, “Kana vari vanhu, Mwari anovaedza kuti vaone kuti vakangofanana nemhuka.
19 Јер шта бива синовима људским то бива и стоци, једнако им бива; како гине она тако гину и они, и сви имају исти дух; и човек ништа није бољи од стоке, јер је све таштина.
Zvinoitika kumunhu zvakafanana nezvinoitika kumhuka; zvose zvinoitirwa zvimwe chetezvo: sokufa kunoita chimwe, chimwe chinofawo. Zvose zvinofema mweya mumwe; munhu hapana paanopfuura mhuka. Zvose hazvina maturo.
20 Све иде на једно место; све је од праха и све се враћа у прах.
Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete; zvose zvinobva kuvhu, uye kuvhu zvose zvinodzokera.
21 Ко зна да дух синова људских иде горе, а дух стоке да иде доле под земљу?
Ndiani angaziva kana mweya womunhu uchikwira kuenda kumusoro uye kana mweya wemhuka uchidzika pasi?”
22 Зато видех да ништа нема боље човеку него да се весели оним што ради, јер му је то део; јер ко ће га довести да види шта ће бити после њега?
Saka ndakaona kuti hapana chingapfuure ichi, kuti munhu afadzwe nebasa rake, nokuti uyu ndiwo mugove wake. Nokuti ndiani achazomudzosazve kuti aone zvichazoitika shure kwake?

< Књига проповедникова 3 >