< Дела апостолска 6 >

1 А у ове дане, кад се умножише ученици, подигоше Грци вику на Јевреје што се њихове удовице заборављаху кад се делише храна сваки дан.
Mumazuva iwayo vadzidzi zvavakanga vachiwedzerwa pauwandu, vaJudha vaitaura chiGiriki vaiva pakati pavo vakagununʼuna pamusoro pavaJudha vaitaura chiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwezvokudya zvemisi yose.
2 Онда дванаесторица дозвавши мноштво ученика, рекоше: Није прилично нама да оставимо реч Божју па да служимо око трпеза.
Saka vane gumi navaviri vakaunganidza vadzidzi vose pamwe chete vakati, “Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tirege ushumiri hweshoko raMwari kuti tishande pamatafura.
3 Нађите дакле, браћо, међу собом седам поштених људи, пуних Духа Светог и премудрости, које ћемо поставити над овим послом.
Hama, sarudzai varume vanomwe pakati penyu vanozivikanwa kuti vakazadzwa noMweya nouchenjeri. Isu tichaisa basa iri kwavari,
4 А ми ћемо у молитви и у служби речи остати.
uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.”
5 И ова реч би угодна свему народу. И изабраше Стефана, човека напуњена вере и Духа Светог, и Филипа, и Прохора, и Никанора, и Тимона, и Пармена, и Николу покрштењака из Антиохије.
Shoko iri rakafadza boka rose. Vakasarudza Sitefani, murume akanga azere nokutenda uye noMweya Mutsvene; uyezve Firipi, Pirokorasi, Nikano, Timoni, Pamenasi, naNikorasi aibva kuAndioki, akanga akatendeukira kuchitendero chechiJudha.
6 Ове поставише пред апостоле и они помоливши се Богу метнуше руке на њих.
Vakaisa varume ava kuvapostori, ivo vakavanyengeterera vakaisa maoko pamusoro pavo.
7 И реч Божја растијаше, и множаше се врло број ученика у Јерусалиму. И свештеници многи покораваху се вери.
Saka shoko raMwari rakapararira. Vadzidzi vakawanda kwazvo paJerusarema, uye boka guru ravaprista rakagamuchira kutenda.
8 А Стефан пун вере и силе чињаше знаке и чудеса велика међу људима.
Zvino Sitefani, murume akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu.
9 Тада усташе неки из зборнице која се зове ливерћанска и кириначка и александријска и оних који беху из Киликије и Азије, и препираху се са Стефаном.
Kusapindirana kwakamuka, kuchibva kunhengo dzeSinagoge reVokusununguka (ndiro raiva zita ravo), vaJudha vokuSairini nevokuArekizandiria pamwe chete namatunhu eKirikia neEzhia. Varume ava vakatanga kukakavadzana naSitefani,
10 И не могаху противу стати премудрости и Духу којим говораше.
asi havana kugona kukunda uchenjeri hwake kana Mweya waaitaura nawo.
11 Тада подговорише људе те казаше: Чусмо га где хули на Мојсија и на Бога.
Ipapo vakakurudzira vamwe varume muchivande kuti vati, “Tanzwa Sitefani achitaura mashoko okumhura Mozisi naMwari.”
12 И побунише народ и старешине и књижевнике, и нападоше и ухватише га, и доведоше га на сабор.
Nokudaro vakamutsa mwoyo yavanhu navakuru uye navadzidzisi vomurayiro. Vakabata Sitefani vakamuuyisa pamberi peDare Guru.
13 И изведоше лажне сведоке који говораху: Овај човек не престаје хулити на ово свето место и на закон.
Vakabudisa zvapupu zvenhema, zvikati, “Munhu uyu haamboregi kutaura zvakaipa pamusoro penzvimbo tsvene ino uye napamusoro pomurayiro.
14 Јер га чусмо где говори: Овај Исус Назарећанин развалиће ово место, и измениће обичаје које нам остави Мојсије.
Nokuti takamunzwa achiti Jesu uyu weNazareta achaparadza nzvimbo ino uye agoshandura tsika dzatakapiwa naMozisi.”
15 И погледавши на њ сви који сеђаху на сабору видеше лице његово као лице анђела.
Vose vakanga vagere muDare Guru vakatarisisa Sitefani vakaona kuti chiso chake chakanga chaita sechiso chomutumwa.

< Дела апостолска 6 >