< 2 Књига Самуилова 21 >
1 И би глад за времена Давидовог три године заредом. И Давид потражи лице Господње; а Господ му рече: То је са Саула и с дома његовог крвничког, што погуби Гаваоњане.
Panguva yokutonga kwaDhavhidhi, kwakava nenzara makore matatu achiteverana; saka Dhavhidhi akatsvaka chiso chaJehovha. Jehovha akati, “Imhaka yaSauro neimba yake yeropa; imhaka yokuti akauraya vaGibheoni.”
2 Тада цар сазва Гаваоњане и говори им. А Гаваоњани не беху од синова Израиљевих, него остатак од Амореја, којима се беху заклели синови Израиљеви, али Саул гледаше да их побије ревнујући за синове Израиљеве и Јудине.
Mambo akadana vaGibheoni akataura navo. (Zvino vaGibheoni vakanga vasiri vorudzi rwavaIsraeri asi vakanga vari vakasara vavaAmori; vakanga vapikirwa navaIsraeri kuti vasaurayiwe, asi Sauro mukushingaira kwake nokuda kwavaIsraeri navaJudha akaedza kuvaparadza.)
3 И рече Давид Гаваоњанима: Шта да вам учиним и чим да вас намирим, да благословите достојање Господње?
Dhavhidhi akabvunza vaGibheoni akati, “Ndingakuitirai chiiko? Ndingayananisa neiko kuitira kuti mugoropafadza nhaka yaJehovha?”
4 А Гаваоњани му рекоше: Не тражимо ни сребро ни злато од Саула или од дома његовог, нити да се ко погуби у Израиљу. А он рече: Шта дакле велите да вам учиним?
VaGibheoni vakamupindura vachiti, “Hatina kodzero yokureva sirivha negoridhe kuna Sauro kana kumhuri yake, uye hatina kodzero yokuuraya munhu muIsraeri.” Dhavhidhi akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
5 Тада рекоше цару: Ко нас је потро и радио да нас истреби, да нас не буде нигде у међама Израиљевим,
Vakapindura mambo vakati, “Kana ari munhu akatiparadza uye akaita rangano yokuti tipere uye tishayiwe nzvimbo kupi zvako muIsraeri,
6 Од његових синова нека нам се да седам људи да их обесимо Господу у Гаваји Саула изабраника Господњег. И рече цар: Ја ћу дати.
zvizvarwa zvake zvechirume zvinomwe ngazvipiwe kwatiri kuti zviurayiwe uye zviiswe pachena pamberi paJehovha paGibhea raSauro musanangurwa waJehovha.” Saka mambo akati, “Ndichavapa kwamuri.”
7 Али цар поштеде Мефивостеја сина Јонатана сина Сауловог ради заклетве Господње, која би међу њима, међу Давидом и Јонатаном сином Сауловим.
Mambo akararamisa Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwemhiko pamberi paJehovha pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.
8 И узе цар два сина Ресфе, кћери Ајине, које роди Саулу, Армонија и Мефивостеја, и пет синова Михале кћери Саулове, које роди Адрилу сину Варзелаја Меолаћанина.
Asi mambo akatora Arimoni naMefibhosheti, vanakomana vaviri vaRizipa mwanasikana waAya, waakanga aberekera Sauro, pamwe chete navanakomana vashanu vaMerabhi mwanasikana waSauro, waakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBhazirai muMehorati.
9 И даде их у руке Гаваоњанима, а они их обесише на гори пред Господом; и сва седморица погибоше заједно; а бише убијени првих дана жетве, у почетку јечмене жетве.
Akavaisa mumaoko avaGibheoni, ivo vakavasungirira pachikomo pamberi paJehovha. Vose vari vanomwe vakafa pamwe chete; vakaurayiwa panguva yokutanga kukohwa, pakutanga kwokukohwewa kwebhari.
10 А Ресфа кћи Ајина узе врећу, и простре по стени у почетку жетве докле не паде на њих дажд са неба, и не даде птицама небеским да падају на њих дању ни зверима пољским ноћу.
Rizipa mwanasikana waAya akatora nguo yesaga akazviwaridzira pamusoro pedombo. Kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira pakunaya kwemvura ichibva kudenga pamusoro pemitumbi yavo, haana kutendera shiri dzedenga kuti dzivabate masikati kana zvikara zvesango usiku.
11 И јавише Давиду шта учини Ресфа кћи Ајина, иноча Саулова.
Dhavhidhi akati ataurirwa zvakaitwa naRizipa, mwanasikana waAya, murongo waSauro,
12 И Давид отиде те узе кости Саулове и кости Јонатана сина његовог од грађана у Јавису Галадовом, који их беху украли с улице вет-санске, где их обесише Филистеји кад убише Филистеји Саула на Гелвуји.
akaenda akandotora mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva kuvagari veJabheshi Gireadhi. Vakanga vaatora muchivande kubva pachivara chapaBheti Shani, uko kwavakanga vaturikwa navaFiristia shure kwokunge vauraya Sauro paGiribhoa.
13 И однесе оданде кости Саулове и кости Јонатана сина његовог, па скупише и кости обешених.
Dhavhidhi akauya namapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva ikoko, uye mapfupa aavo vakanga vaurayiwa vakaiswa pachena akaunganidzwa.
14 И погребоше их с костима Сауловим и Јонатана сина његовог у земљи Венијаминовој у Сили, у гробу Киса оца његовог, и учинише све како заповеди цар. Тако се после тога умилостиви Господ земљи.
Vakaviga mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake muhwiro hwaKishi baba vaSauro, paZera muBhenjamini, uye vakaita zvose zvavakarayirwa namambo. Shure kwaizvozvo, Mwari akapindura munyengetero wokumiririra nyika.
15 И наста опет рат између Филистеја и Израиља, и Давид отиде са слугама својим, и тукоше се с Филистејима тако да Давид суста.
Kwakavazve nehondo pakati pavaFiristia navaIsraeri. Dhavhidhi akaburuka navanhu vake kundorwa navaFiristia, uye akaneta kwazvo.
16 Тада Јесви-Венов, који беше од синова Рафајевих, и у копљу му беше триста сикала бронзе, и имаше ново оружје, хтеде да убије Давида.
Uye Ishibhi-Bhenoni, mumwe wezvizvarwa zvaRafa, aiva nomusoro wepfumo wairema mazana matatu amashekeri uye akapakata munondo mutsva, akati achauraya Dhavhidhi.
17 Али му поможе Ависај, син Серујин, и удари Филистејина и уби га. Тада се заклеше људи Давидови рекавши му: Нећеш више ићи с нама у бој да не угасиш видело Израиљево.
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya akanunura Dhavhidhi; akabayira muFiristia pasi akamuuraya. Ipapo vanhu vaDhavhidhi vakapika kwaari vachiti, “Hamuchazomboendizve nesu kuhondo, kuitira kuti mwenje weIsraeri urege kuzodzimwa.”
18 После тога наста опет рат с Филистејима у Гову; и тада Сивехај Хусаћанин уби Сафа, који беше од синова Рафајевих.
Shure kwaizvozvo, kwakavazve nokurwa navaFiristia, paGobhi. Panguva iyoyo Sibhekai muHushati akauraya Safi, mumwe wezvizvarwa zvaRafa.
19 И опет наста други рат у Гову с Филистејима; и тада Елханан, син Јаре-Орегимов Витлејемац, уби брата Голијата Гетејина, коме копљача беше као вратило.
Pano kumwe kurwa navaFiristia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJoare-Oregimi muBheterehema akauraya Goriati muGiti, akanga ane pfumo raiva nerwiriko rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki.
20 И опет наста рат у Гату, где беше један човек врло висок, који имаше по шест прста на рукама и на ногама, свега двадесет и четири, и он беше такође рода Рафајевог.
Pano kumwe kurwazve, kwakaitika paGati, pakanga pane hofori yomurume akanga ane minwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe uye zvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvose zviri makumi maviri nezvina. Naiyewo akanga ari chizvarwa chaRafa.
21 И ружаше Израиља те га уби Јонатан, син Саме, брата Давидовог.
Akati achishora Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, mununʼuna waDhavhidhi, akamuuraya.
22 Та четворица беху синови истог Рафаја из Гата, и погибоше од руке Давидове и од руке слуга његових.
Ava vari vana vakanga vari zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakafa pamaoko aDhavhidhi navanhu vake.