< 1 Коринћанима 2 >
1 И ја дошавши к вама, браћо, не дођох с високом речи или премудрости да вам јављам сведочанство Божије.
Pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokugona kutaura kana uchenjeri hwapamusoro, pandakaparidza kwamuri uchapupu hwezvaMwari.
2 Јер нисам мислио да знам шта међу вама осим Исуса Христа, и то распетог.
Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa.
3 И ја бејах међу вама у слабости, и у страху и у великом дрхтању.
Ndakauya kwamuri muutera nokutya uye nokudedera kukuru.
4 И реч моја, и поучење моје не беше у надговорљивим речима људске премудрости, него у доказивању Духа и силе.
Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya,
5 Да вера ваша не буде у мудрости људској него у сили Божијој.
kuti kutenda kwenyu kurege kuva kwouchenjeri hwavanhu, asi kuve kwesimba raMwari.
6 Али премудрост говоримо која је у савршенима, а не премудрост века овог ни кнезова века овог који пролазе. (aiōn )
Zvisinei, tinotaura mashoko ouchenjeri pakati pavanhu vakura, asi kwete uchenjeri hwenyika ino, kana hwavabati venyika ino vachashayiwa simba. (aiōn )
7 Него говоримо премудрост Божију у тајности сакривену, коју одреди Бог пре света за славу нашу; (aiōn )
Kwete, tinotaura uchenjeri hwaMwari hwakavanzika, uchenjeri hwakanga hwakafukidzwa uye hwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari nyika isati yavapo. (aiōn )
8 Које ниједан од кнезова века овог не позна; јер да су је познали, не би Господа славе разапели. (aiōn )
Hakuna kana nomumwe wavabati venyika ino akahunzwisisa, nokuti dai vakahunzwisisa vangadai vasina kuroverera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa. (aiōn )
9 Него као што је писано: Шта око не виде, и ухо не чу, и у срце човеку не дође, оно уготови Бог онима, који Га љубе.
Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna ziso rakaona, hakuna nzeve yakanzwa; hakuna zvakapinda mumurangariro womunhu, zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”
10 А нама је Бог открио Духом својим; јер Дух све испитује, и дубине Божије.
Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake. Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari.
11 Јер ко од људи зна шта је у човеку осим духа човечијег који живи у њему? Тако и у Богу шта је нико не зна осим Духа Божијег.
Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari.
12 А ми не примисмо духа овог света, него Духа који је из Бога, да знамо шта нам је даровано од Бога;
Hatina kugamuchira mweya wenyika ino asi Mweya unobva kuna Mwari; kuti tinzwisise zvatakapiwa naMwari pachena.
13 Које и говоримо не речима што је научила човечија премудрост, него шта учи Дух Свети; и духовне ствари духовно радимо.
Izvi ndizvo zvatinotaura, tisingatauri namashoko atinodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi namashoko atinodzidziswa naMweya, tichidudzira zvokwadi zvomweya namashoko omweya.
14 А телесни човек не разуме шта је од Духа Божијег; јер му се чини лудост и не може да разуме, јер треба духовно да се разгледа.
Munhu asina Mweya haangagamuchiri zvinhu zvinobva kuMweya waMwari, nokuti zvinonzwisisika nomweya.
15 Духовни пак све разгледа, а њега самог нико не разгледа.
Munhu ari muMweya anonzwisisa zvinhu zvose, asi iye pachake haanganzwisiswi nomunhu:
16 Јер ко позна ум Господњи да Га поучи? А ми ум Христов имамо.
“Nokuti, ndianiko akaziva murangariro waShe kuti amudzidzise?” Asi isu tino murangariro waKristu.