< Psalmi 102 >

1 Gospode! èuj molitvu moju, i vika moja nek izaðe preda te.
Munyengetero womunhu anotambudzika. Paanenge aziya uye odurura kuchema kwake pamberi paJehovha. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; kuchemera kwangu rubatsiro ngakusvike kwamuri.
2 Nemoj odvratiti lica svojega od mene; u dan kad sam u nevolji prigni k meni uho svoje, u dan kad te prizivam, pohitaj, usliši me.
Regai kundivanzira chiso chenyu pandinenge ndichitambudzika. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; pandinokudanai, ndipindurei nokukurumidza.
3 Jer proðoše kao dim dani moji, kosti moje kao topionica ogorješe.
Nokuti mazuva angu anopera soutsi; mapfupa angu anopisa samazimbe anopfuta.
4 Pokošeno je kao trava i posahlo srce moje, da zaboravih jesti hljeb svoj.
Mwoyo wangu warohwa uye waoma souswa; ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.
5 Od uzdisanja mojega prionu kost moja za meso moje.
Nokuda kwokugomera kwangu kukuru ndaonda zvokuti ganda rangu ranamatira pamapfupa.
6 Postadoh kao gem u pustinji; ja sam kao sova na zidinama.
Ndafanana nezizi romugwenga, sezizi riri pakati pamatongo.
7 Ne spavam, i sjedim kao ptica bez druga na krovu.
Ndinovata ndakasvinura, ndava seshiri iri yoga pamusoro pedenga remba.
8 Svaki dan ruže me neprijatelji moji, i koji su se pomamili na mene, mnom se uklinju.
Zuva rose vavengi vangu vanondishungurudza; avo vanondipengera vanoshandisa zita rangu sechituko.
9 Jedem pepeo kao hljeb, i piæe svoje rastvaram suzama
Nokuti ndinodya madota sechokudya changu, uye ndinovhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi,
10 Od gnjeva tvojega i srdnje tvoje; jer podigavši me bacio si me.
nokuda kwehasha dzenyu huru, nokuti makandisimudza mukandikanda parutivi.
11 Dani su moji kao sjen, koji prolazi, i ja kao trava osuših se.
Mazuva angu akaita somumvuri wamadekwana; ndinosvava souswa.
12 A ti, Gospode, ostaješ dovijeka, i spomen tvoj od koljena do koljena.
Asi imi, iyemi Jehovha, munogara pachigaro choushe nokusingaperi; mukurumbira wenyu uripo kusvikira kuzvizvarwa zvose.
13 Ti æeš ustati, smilovaæeš se na Sion, jer je vrijeme smilovati se na nj, jer je došlo vrijeme;
Imi muchasimuka mugonzwira Zioni tsitsi, nokuti ndiyo nguva yokurinzwira nyasha; nguva yakatarwa yasvika.
14 Jer slugama tvojim omilje i kamenje njegovo, i prah njegov žale.
Nokuti matombo aro anokosha kuvaranda venyu; guruva raro chairo rinovaendesa kugomba.
15 Tada æe se neznabošci bojati imena Gospodnjega, i svi carevi zemaljski slave njegove;
Ndudzi dzichatya zita raJehovha, madzimambo ose enyika achatya kubwinya kwenyu.
16 Jer æe Gospod sazidati Sion, i javiti se u slavi svojoj;
Nokuti Jehovha achavakazve Zioni, agozviratidza pakubwinya kwake.
17 Pogledaæe na molitvu onijeh koji nemaju pomoæi, i neæe se oglušiti molbe njihove.
Achadavira minyengetero yavanotambura; haangazvidzi chikumbiro chavo.
18 Napisaæe se ovo potonjemu rodu, i narod nanovo stvoren hvaliæe Gospoda,
Izvi ngazvinyorerwe zvizvarwa zvamangwana, kuti vanhu vasati vasikwa vagorumbidza Jehovha vachiti,
19 Što je prinikao sa svete visine svoje, Gospod pogledao s neba na zemlju,
“Jehovha akatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira, ari kudenga akacherechedza pasi,
20 Da èuje uzdisanje sužnjevo, i odriješi sinove smrtne;
kuti anzwe kugomera kwavasungwa agosunungura avo vakatongerwa rufu.”
21 Da bi kazivali na Sionu ime Gospodnje i hvalu njegovu u Jerusalimu,
Saka zita raJehovha richaparidzwa muZioni, nokurumbidzwa kwake muJerusarema,
22 Kad se skupe narodi i carstva da služe Gospodu.
panoungana marudzi noushe kuti vanamate Jehovha.
23 Strošio je na putu krjepost moju, skratio dane moje.
Panguva youpenyu hwangu akatapudza simba rangu; akaita kuti mazuva angu ave mashoma.
24 Rekoh: Bože moj! nemoj me uzeti u polovini dana mojih. Tvoje su godine od koljena do koljena.
Saka ndakati, “Regai kundibvisa, imi Mwari wangu, pakati pamazuva angu; makore enyu anoramba aripo kusvikira kuzvizvarwa zvose.
25 Davno si postavio zemlju, i nebesa su djelo ruku tvojih.
Pamavambo makateya nheyo dzenyika, uye matenga ibasa basa ramaoko enyu.
26 To æe proæi, a ti æeš ostati; sve æe to kao haljina ovetšati, kao haljinu promijeniæeš ih i promijeniæe se.
Izvo zvichaparara, asi imi munogara muripo; zvose zvichasakara senguo. Senguo muchavabvisa uye vacharaswa.
27 Ali ti si taj isti i godine tvoje neæe isteæi.
Asi imi mucharamba makadaro, uye makore enyu haatongogumi.
28 Sinovi æe sluga tvojih živjeti, i sjeme æe se njihovo utvrditi pred licem tvojim.
Vana vavaranda venyu vachagara pamberi penyu; zvizvarwa zvavo zvichasimbiswa pamberi penyu.”

< Psalmi 102 >