< Marku 3 >

1 I uðe opet u zbornicu, i ondje bješe èovjek sa suhom rukom.
Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara.
2 I motrahu za njim neæe li ga u subotu iscijeliti da ga okrive.
Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata.
3 I reèe èovjeku sa suhom rukom: stani na srijedu.
Jesu akati kumurume akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.”
4 I reèe im: valja li u subotu dobro èiniti ili zlo èiniti? dušu održati, ili pogubiti? A oni muèahu.
Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere.
5 I pogledavši na njih s gnjevom od žalosti što su im onako srca odrvenila reèe èovjeku: pruži ruku svoju. I pruži; i posta ruka zdrava kao i druga.
Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.
6 I izišavši fariseji odmah uèiniše za njega vijeæu s Irodovcima kako bi ga pogubili.
Ipapo vaFarisi vakabuda vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangauraya sei Jesu.
7 A Isus otide s uèenicima svojijem k moru; i mnogi narod iz Galileje ide za njim i iz Judeje;
Jesu akabva kugungwa navadzidzi vake, uye vanhu vazhinji vaibva kuGarirea vakamutevera.
8 I iz Jerusalima i iz Idumeje i ispreko Jordana i od Tira i Sidona mnoštvo veliko èuvši šta on èini doðe k njemu.
Vakati vanzwa zvose zvaakanga achiita, vanhu vazhinji vakauya kwaari vachibva kuJudhea, Jerusarema, Idhumea, uye namatunhu ari mhiri kweJorodhani, neakapoteredza Tire neSidhoni.
9 I reèe uèenicima svojijem da bude laða u njega gotova zbog naroda, da mu ne dosaðuje.
Akaudza vadzidzi vake kuti vamutsvagire igwa duku, kuitira kuti vanhu varege kumutsikirira nokuda kwokuwanda kwavo.
10 Jer mnoge iscijeli tako da navaljivahu na njega koji bijahu nakaženi bolestima da ga se dotaknu.
Ainge aporesa vazhinji zvokuti vaya vakanga vane zvirwere vakanga vachisundana vachiuya mberi kuti vamubate.
11 I dusi neèisti kad ga viðahu, pripadahu k njemu i vikahu govoreæi: ti si sin Božij.
Pose paaionekwa nemweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake uye yaidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari.”
12 I mnogo im prijeæaše da ga ne prokažu.
Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti akanga ari ani.
13 I iziðoše na goru, i dozva koje on šæaše; i doðoše mu.
Jesu akakwira pagomo akadana kwaari vaya vaaida, uye vakauya.
14 I postavi dvanaestoricu da budu s njim, i da ih pošilje da propovijedaju,
Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza
15 I da imaju vlast da iscjeljuju od bolesti, i da izgone ðavole:
uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.
16 Prvoga Simona, i nadjede mu ime Petar;
Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro),
17 I Jakova Zevedejeva i Jovana brata Jakovljeva, i nadjede im imena Voanerges, koje znaèi sinovi gromovi;
Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani (avo vaakatumidza zita rokuti Bhoanerigesi, kureva kuti Vanakomana voKutinhira),
18 I Andriju i Filipa i Vartolomija i Mateja i Tomu i Jakova Alfejeva i Tadiju i Simona Kananita,
Andirea, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Tadheo, Simoni muZeroti
19 I Judu Iskariotskoga, koji ga i izdade.
naJudhasi Iskarioti, uyo akamupandukira.
20 I doðoše u kuæu, i sabra se opet narod da ne mogahu ni hljeba jesti.
Ipapo Jesu akapinda mune imwe imba, uye vazhinji vakaunganazve, zvokuti iye navadzidzi vake vakanga vasingagoni kunyange kudya.
21 I èuvši to rod njegov iziðoše da ga uhvate; jer govorahu da je izvan sebe.
Mhuri yake yakati yazvinzwa, vakaenda kundomubata, nokuti vakati, “Ava kupenga.”
22 A književnici koji bijahu sišli iz Jerusalima govorahu: u njemu je Veelzevul; i: on pomoæu kneza ðavolskoga izgoni ðavole.
Uye vadzidzisi vomurayiro vaibva kuJerusarema vakati, “Akabatwa nomweya waBheerizebhubhi! Ari kudzinga madhimoni nomuchinda wamadhimoni.”
23 I dozvavši ih govoraše im u prièama: kako može sotona sotonu izgoniti?
Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani?
24 I ako se carstvo samo po sebi razdijeli, ne može ostati carstvo ono;
Kana umambo huchizvipesanisa, umambo ihwohwo hahugoni kumira.
25 I ako se dom sam po sebi razdijeli, ne može ostati dom onaj;
Kana imba ichizvipesanisa, imba iyoyo haigoni kumira.
26 I ako sotona ustane sam na se i razdijeli se, ne može ostati, nego æe propasti.
Uye kana Satani achizvipikisa pachake uye achizvipesanisa, haangagoni kumira; kuguma kwake kwasvika.
27 Niko ne može pokuæstvo jakoga, ušavši u kuæu njegovu, oteti ako najprije jakoga ne sveže: i onda æe kuæu njegovu oplijeniti.
Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba agotakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake.
28 Zaista vam kažem: svi grijesi oprostiæe se sinovima èovjeèijim, i huljenja na Boga, makar kakova bila:
Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa.
29 A koji pohuli na Duha svetoga nema oproštenja vavijek, nego je kriv vjeènome sudu. (aiōn g165, aiōnios g166)
Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.” (aiōn g165, aiōnios g166)
30 Jer govorahu: u njemu je neèisti duh.
Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.”
31 I doðe mati njegova i braæa njegova, i stojeæi napolju poslaše k njemu da ga zovu.
Ipapo mai vaJesu navanunʼuna vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze.
32 I sjeðaše narod oko njega. I rekoše mu: eto mati tvoja i braæa tvoja i sestre tvoje napolju pitaju za te.
Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vari kukutsvakai panze.”
33 I odgovori im govoreæi: ko je mati moja ili braæa moja?
Iye akati, “Vanamai vangu navanunʼuna vangu ndivanaaniko?”
34 I pogledavši oko sebe na narod koji sjeðaše reèe: evo mati moja i braæa moja.
Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu!
35 Jer ko izvrši volju Božiju onaj je brat moj i sestra moja i mati moja.
Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.”

< Marku 3 >