< Luki 24 >
1 A u prvi dan nedjeljni doðoše vrlo rano na grob, i donesoše mirise što pripraviše, i neke druge žene s njima;
Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavakange vagadzirira, nevamwe vanavo.
2 Ali naðoše kamen odvaljen od groba.
Zvino vakawana ibwe rakakunguruswa kubva paguva.
3 I ušavši ne naðoše tijela Gospoda Isusa.
Vakabva vapinda vakasawana mutumbi waIshe Jesu.
4 I kad se one èuðahu tome, gle, dva èovjeka staše pred njima u sjajnijem haljinama;
Zvino vakati vakakanganiswa kwazvo nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya;
5 A kad se one uplašiše i oboriše lica k zemlji, rekoše im: što tražite živoga meðu mrtvima?
zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pavakafa?
6 Nije ovdje; nego ustade; opomenite se kako vam kaza kad bješe još u Galileji,
Haasi pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGarirea,
7 Govoreæi da sin èovjeèij treba da se preda u ruke ljudi grješnika i da se razapne i treæi dan da ustane.
achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve.
8 I opomenuše se rijeèi njegovijeh.
Zvino vakarangarira mashoko ake.
9 I vrativši se od groba javiše sve ovo jedanaestorici i svima ostalijem.
Zvino vakadzoka vachibva kuguva, vakaudza zvinhu izvi zvese kuvanegumi neumwe nekune vamwe vese.
10 A to bijaše Magdalina Marija i Jovana i Marija Jakovljeva i ostale s njima koje kazaše ovo apostolima.
Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi.
11 I njima se uèiniše njihove rijeèi kao laž, i ne vjerovaše im.
Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda.
12 A Petar ustavši otrèa ka grobu, i natkuèivši se vidje same haljine gdje leže, i otide èudeæi se u sebi šta bi.
Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; akakotama ndokutarira, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yega; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvakange zvaitika.
13 I gle, dvojica od njih iðahu u onaj dan u selo koje bijaše daleko od Jerusalima šeset potrkališta i zvaše se Emaus.
Zvino tarira, pazuva iroro vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, wakange uri masitadhia makumi matanhatu kubva kuJerusarema.
14 A oni govorahu meðu sobom o svima ovijem dogaðajima.
Zvino ivo vaitaurirana pamusoro pezvinhu izvi zvese zvakange zvaitika.
15 I kad se oni razgovarahu i zapitivahu jedan drugoga, i Isus približi se, i iðaše s njima.
Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo,
16 A oèi im se držahu da ga ne poznaše.
asi meso avo akange abatwa kuti vasamuziva.
17 A on im reèe: kakav je to razgovor koji imate meðu sobom iduæi, i što ste neveseli?
Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukurirana muchifamba, uye makasuruvara?
18 A jedan po imenu Kleopa, odgovarajuæi reèe mu: zar si ti jedan od crkvara u Jerusalimu koji nijesi èuo šta je u njemu bilo ovijeh dana?
Umwe, wainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe wega mutorwa muJerusarema, uye hauziva zvakaitikamo mumazuva ano here?
19 I reèe im: šta? A oni mu rekoše: za Isusa Nazareæanina, koji bješe prorok, silan u djelu i u rijeèi pred Bogom i pred svijem narodom;
Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita ane simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vese;
20 Kako ga predadoše glavari sveštenièki i knezovi naši te se osudi na smrt, i razapeše ga?
uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa.
21 A mi se nadasmo da je on onaj koji æe izbaviti Izrailja; ali svrh svega toga ovo je danas treæi dan kako to bi.
Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikunura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvese, nhasi izuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi.
22 A uplašiše nas i žene neke od našijeh koje su bile rano na grobu,
Asi vamwewo vakadzi vekwedu vatishamisa, vanga vafumira kuguva;
23 I ne našavši tijela njegova doðoše govoreæi da su im se anðeli javili koji su kazali da je on živ.
zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaona chiratidzo chevatumwawo, vati mupenyu.
24 I idoše jedni od našijeh na grob, i naðoše tako kao što i žene kazaše, ali njega ne vidješe.
Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadziwo sezvavakange vareva; asi iye havana kumuona.
25 I on im reèe: o bezumni i sporoga srca za vjerovanje svega što govoriše proroci!
Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvese vaporofita zvavakataura!
26 Nije li to trebalo da Hristos pretrpi i da uðe u slavu svoju?
Ko Kristu wakange asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here?
27 I poèevši od Mojsija i od sviju proroka kazivaše im što je za njega u svemu pismu.
Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vese, akadudzira kwavari mumagwaro ese zvinhu zviri maererano naye.
28 I približiše se k selu u koje iðahu, i on èinjaše se da hoæe dalje da ide.
Zvino vakaswedera kumusha kwavakange vachienda; iye ndokuita sewopfuurira.
29 I oni ga ustavljahu govoreæi: ostani s nama, jer je dan nagao, i blizu je noæ. I uðe s njima da noæi.
Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nokuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo.
30 I kad sjeðaše s njima za trpezom, uze hljeb i blagoslovivši prelomi ga i dade im.
Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari.
31 Tada se njima otvoriše oèi i poznaše ga. I njega nestade.
Zvino meso avo ndokuzarurwa, ndokumuziva; iye ndokunyangarika kwavari.
32 I oni govorahu jedan drugome: ne goraše li naše srce u nama kad nam govoraše putem i kad nam kazivaše pismo?
Zvino vakataurirana vachiti: Moyo wedu wanga usingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro?
33 I ustavši onaj èas, vratiše se u Jerusalim, i naðoše u skupu jedanaestoricu i koji bijahu s njima,
Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana nevaiva navo,
34 Koji govorahu: zaista ustade Gospod, i javi se Simonu.
vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo, waonekwa naSimoni.
35 I oni kazaše što bi na putu, i kako ga poznaše kad prelomi hljeb.
Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa.
36 A kad oni ovo govorahu, i sam Isus stade meðu njima, i reèe im: mir vam.
Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri.
37 A oni se uplašiše, i poplašeni buduæi, mišljahu da vide duha.
Asi vakavhunduswa, vakatya, vakafunga kuti vaona mweya.
38 I reèe im: šta se plašite? I zašto takove misli ulaze u srca vaša?
Zvino akati kwavari: Munonetsekerei, uye mifungo inomukirei mumoyo yenyu?
39 Vidite ruke moje i noge moje: ja sam glavom; opipajte me i vidite; jer duh tijela i kostiju nema kao što vidite da ja imam.
Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama nemafupa, sezvamunoona ndinazvo.
40 I ovo rekavši pokaza im ruke i noge.
Zvino wakati areva izvi akavaratidza maoko netsoka.
41 A dok oni još ne vjerovahu od radosti i èuðahu se reèe im: imate li ovdje što za jelo?
Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here?
42 A oni mu daše komad ribe peèene, i meda u satu.
Zvino vakamupa nhindi yehove yakagochwa neyezinga reuchi.
43 I uzevši izjede pred njima.
Iye ndokutora akadya pamberi pavo.
44 I reèe im: ovo su rijeèi koje sam vam govorio još dok sam bio s vama, da sve treba da se svrši što je za mene napisano u zakonu Mojsijevu i u prorocima i u psalmima.
Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvese zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni.
45 Tada im otvori um da razumiju pismo.
Ipapo akazarura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro.
46 I reèe im: tako je pisano, i tako je trebalo da Hristos postrada i da ustane iz mrtvijeh treæi dan;
Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvi, saizvozvowo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kubva kuvakafa zuva retatu,
47 I da se propovijeda pokajanje u ime njegovo i oproštenje grijeha po svijem narodima poèevši od Jerusalima.
uye kuti kutendeuka nekanganwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ese muzita rake, kutanga paJerusarema.
48 A vi ste svjedoci ovome.
Uye imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
49 I gle, ja æu poslati obeæanje oca svojega na vas; a vi sjedite u gradu Jerusalimskome dok se ne obuèete u silu s visine.
Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.
50 I izvede ih napolje do Vitanije, i podignuvši ruke svoje blagoslovi ih.
Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza.
51 I kad ih blagosiljaše, otstupi od njih, i uznošaše se na nebo.
Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.
52 I oni mu se pokloniše, i vratiše se u Jerusalim s velikom radošæu.
Zvino vakamunamata, vakadzokera kuJerusarema vane mufaro mukuru;
53 I bijahu jednako u crkvi hvaleæi i blagosiljajuæi Boga. Amin.
uye vakagara nguva dzese mutembere, vachirumbidza nekutenda Mwari. Ameni.