< Jeremija 11 >
1 Rijeè koja doðe Jeremiji od Gospoda govoreæi:
Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha:
2 Slušajte rijeèi ovoga zavjeta, i kazujte ljudima Judinijem i stanovnicima Jerusalimskim.
“Inzwai mashoko esungano iyi mugoazivisa kuvanhu veJudha nokuna vanogara muJerusarema.
3 I reci im: ovako veli Gospod Bog Izrailjev: proklet da je ko ne posluša rijeèi ovoga zavjeta,
Muvaudze kuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Akatukwa munhu asingateereri mashoko esungano iyi,
4 Koji zapovjedih ocima vašim kad ih izvedoh iz zemlje Misirske iz peæi gvozdene govoreæi: slušajte glas moj i tvorite ovo sve kako vam zapovijedam, pa æete mi biti narod i ja æu vam biti Bog,
mashoko andakarayira madzitateguru enyu pandakavabudisa muIjipiti kubva muchoto chamatare.’ Ndakati, ‘Nditeererei mugoita zvose zvandinokurayirai, mugova vanhu vangu, ini ndigova Mwari wenyu.
5 Da bih ispunio zakletvu kojom se zakleh ocima vašim da æu im dati zemlju u kojoj teèe mlijeko i med, kako se vidi danas. A ja odgovorih i rekoh: amin, Gospode.
Ipapo ndichazadzisa mhiko yandakapika kumadzitateguru enyu, kuti ndichavapa nyika inoyerera mukaka nouchi,’ nyika yava yenyu nhasi.” Ndakapindura ndichiti, “Ameni, Jehovha.”
6 Potom reèe mi Gospod: kazuj sve ove rijeèi po gradovima Judinijem i po ulicama Jerusalimskim govoreæi: slušajte rijeèi ovoga zavjeta, i izvršujte ih.
Jehovha akati kwandiri, “Paridza mashoko aya ose mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema uchiti, ‘Inzwai mashoko esungano iyi muatevere.
7 Jer tvrdo zasvjedoèavah ocima vašim otkad ih izvedoh iz zemlje Misirske do danas, zarana jednako govoreæi: slušajte glas moj.
Kubva panguva yandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti kusvikira nhasi, ndakavayambira ndavayambirazve ndichiti, “Nditeererei.”
8 Ali ne poslušaše i ne prignuše uha svojega, nego hodiše svaki za mislima zloga srca svojega; zato pustih na njih sve rijeèi ovoga zavjeta, koji zapovjedih da vrše a oni ne vršiše.
Asi havana kuteerera kana kuva nehanya; asi vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa. Saka ndakauyisa pamusoro pavo kutuka kwose kwesungano yandakanga ndavarayira kuti vatevere asi havana kuichengeta.’”
9 Tada mi reèe Gospod: buna je meðu ljudima Judinijem i stanovnicima Jerusalimskim.
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Pane rangano pakati pavanhu veJudha navanogona kundimukira navanogara muJerusarema.
10 Vratili su se na bezakonja starijeh svojih, koji ne htješe slušati mojih rijeèi, i idu za drugim bogovima, te im služe; dom Izrailjev i dom Judin pokvariše zavjet moj, koji uèinih s ocima njihovijem.
Vadzokera pazvakaipa zvamadzitateguru avo, avo vakaramba kuteerera mashoko angu. Vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire. Dzimba mbiri idzi, yaIsraeri neyaJudha dzakaputsa sungano yandakaita namadzitateguru avo.
11 Zato ovako veli Gospod: evo, ja æu pustiti na njih zlo, iz kojega neæe moæi izaæi, i vapiæe k meni, ali ih neæu uslišiti.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Ndichauyisa njodzi pamusoro pavo yavasingagoni kupunyuka. Kunyange vakachema kwandiri handingavateereri.
12 Tada æe gradovi Judini i stanovnici Jerusalimski iæi i vapiti k bogovima kojima kade, ali im neæe pomoæi u nevolji njihovoj.
Maguta eJudha navanhu veJerusarema vachaenda kundodana kuna vamwari vavaipisira zvinonhuhwira, asi havazovabatsiri zvachose pavanosvikirwa nenjodzi.
13 Jer imaš bogova, Judo, koliko gradova, i koliko ima ulica u Jerusalimu, toliko podigoste oltara sramotnijeh, oltara, da kadite Valu.
Una vamwari vakawanda sokuwanda kwakaita maguta ako, iwe Judha; uye aritari dzamakamisa kuti mupisire zvinonhuhwira kuna mwari anonyadzisa, iye Bhaari, dzakawanda sokuwanda kwakaita migwagwa yeJerusarema.’
14 Ti se dakle ne moli za taj narod, i ne podiži vike ni molbe za njih, jer ih neæu uslišiti kad zavapiju k meni u nevolji svojoj.
“Usanyengeterera vanhu kana kupa chikumbiro chipi zvacho kana kuvakumbirira, nokuti handizoteereri pavanodana kwandiri panguva yokutambudzika kwavo.
15 Što æe mili moj u domu mom, kad èini grdilo s mnogima, i sveto meso otide od tebe, i veseliš se kad zlo èiniš?
“Ko, mudiwa wangu ari kuitei mutemberi yangu, zvaari kuita mabasa ake akaipa navazhinji? Ko, nyama yakatsaurwa ingadzivisa kurohwa kwako here? Pamunoita zvakaipa zvenyu, ipapo imi mofara.”
16 Gospod te nazva maslinom zelenom, lijepom radi dobroga roda; ali s hukom velikoga vjetra raspali oganj oko nje, i grane joj se polomiše.
Jehovha akati ndiwe muti womuorivhi une upenyu, une michero yakanaka yakaurungana. Asi nokutinhira kwemhepo ine simba achautungidza nomoto, uye matavi awo achavhunika.
17 Jer Gospod nad vojskama, koji te je posadio, izreèe zlo po te, za zloæu doma Izrailjeva i doma Judina, koju èiniše meðu sobom da bi me razgnjevili kadeæi Valu.
Jehovha Wamasimba Ose, iye akakusima, atema chirevo chezvakaipa kwauri, nokuti imba yaIsraeri neimba yaJudha vakaita zvakaipa, vakanditsamwisa nokupisira Bhaari zvinonhuhwira.
18 Gospod mi objavi, te znam; ti mi pokaza djela njihova.
Nokuti Jehovha akandionesa rangano yavo, ndikaiziva, nokuti panguva iyoyo akandiratidza zvavakanga vachiita.
19 A ja bijah kao jagnje i tele koje se vodi na klanje, jer ne znadijah da se dogovaraju na me: oborimo drvo s rodom njegovijem, i istrijebimo ga iz zemlje živijeh, da mu se ime ne spominje više.
Ndakanga ndakaita segwayana rakapfava riri kuendeswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga vandirangana, vachiti, “Ngatiparadzei muti nemichero yawo; ngatimubvisei panyika yavapenyu, kuti zita rake rirege kuzorangarirwazve.”
20 Ali, Gospode nad vojskama, sudijo pravedni, koji ispituješ bubrege i srce, daj da vidim osvetu tvoju na njima, jer tebi kazah parbu svoju.
Asi imi Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munotonga nokururama, uye munoedza mwoyo nendangariro, ngandione kutsiva kwenyu pamusoro pavo, nokuti ndakaisa mhaka yangu kwamuri.
21 Zato ovako veli Gospod za Anatoæane, koji traže dušu tvoju govoreæi: ne prorokuj u ime Gospodnje, da ne pogineš od naših ruku;
“Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavarume veAnatoti vari kutsvaka kukuuraya, vachiti, ‘Regai kuprofita nezita raJehovha nokuti ungafa namaoko edu,’
22 Zato ovako veli Gospod nad vojskama: evo, ja æu ih pohoditi; mladiæi æe njihovi izginuti od maèa, sinovi njihovi i kæeri njihove izginuæe od gladi.
naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavaranga. Majaya avo achafa nomunondo, vanakomana navanasikana vavo vachafa nenzara.
23 I neæe biti od njih ostatka; jer æu pustiti zlo na Anatoæane kad ih pohodim.
Hakuna kunyange mumwe achasara kwavari, nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro pavarume veAnatoti mugore rokurangwa kwavo.’”