< Izlazak 5 >
1 A poslije izide Mojsije i Aron pred Faraona, i rekoše mu: ovako veli Gospod Bog Izrailjev: pusti narod moj da mi praznuju praznik u pustinji.
Shure kwaizvozvo Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakati, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: ‘Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondiitira mutambo kurenje.’”
2 Ali Faraon reèe: ko je Gospod da poslušam glas njegov i pustim Izrailja? Ne znam Gospoda, niti æu pustiti Izrailja.
Faro akati, “Jehovha ndianiko, kuti ndigomuteerera uye ndigorega vaIsraeri vachienda? Handimuzivi Jehovha iyeye uye handidi kurega vaIsraeri vachienda.”
3 A oni rekoše: Bog Jevrejski srete nas; molimo ti se da otidemo tri dana hoda u pustinju da prinesemo žrtvu Gospodu Bogu svojemu, da ne pošlje na nas pomor ili maè.
Ipapo vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Zvino tiregei tifambe rwendo rwamazuva matatu kurenje kuti tinobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wedu, kuti arege kutirova namatambudziko kana nomunondo.”
4 A car Misirski reèe im: Mojsije i Arone, zašto odvlaèite narod od rada njegova? Idite na svoj posao.
Asi mambo weIjipiti akati, “Mozisi naAroni, munobvisireiko vanhu pabasa ravo? Dzokerai kubasa renyu!”
5 Još reèe Faraon: eto, naroda je mnogo u zemlji; a vi još hoæete da ostavlja svoje poslove.
Ipapo Faro akati, “Tarirai, vanhu vawanda zvino munyika, uye muri kuvakonesa kushanda.”
6 I u isti dan zapovjedi Faraon nastojnicima nad narodom i upraviteljima njegovijem, i reèe:
Musi mumwe chetewo Faro akarayira vatariri vebasa navakuru vakuru vavanhu achiti,
7 Otsele nemojte davati narodu pljeve za opeke kao doslije, neka idu sami i kupe sebi pljevu.
“Imi hamuchazovigiri vanhu uswa hwokuita zvidhina; varegei vandozviunganidzira uswa pachavo.
8 A koliko su opeka doslije naèinjali toliko izgonite i otsele, niti što smanjite; jer besposlièe, i zato vièu govoreæi: da idemo da prinesemo žrtvu Bogu svojemu.
Asi vanofanira kuita zvidhina zvakaenzana pakuwanda nezvavaisimboita kare; musazvitapudza. Isimbe; ndokusaka vachichema vachiti, ‘Tiregei tiende kundobayira kuna Mwari wedu.’
9 Valja navaliti poslove na te ljude, pa æe raditi i neæe slušati lažljivijeh rijeèi.
Itai kuti basa rinyanye kuomera vanhu kuitira kuti varambe vachishanda uye varege kuteerera kunhema.”
10 I izašavši nastojnici narodni i upravitelji rekoše narodu govoreæi: tako veli Faraon: ja vam neæu davati pljeve.
Ipapo vatariri vebasa navakuru vakuru vakabuda vakandoti kuvanhu, “Zvanzi naFaro, ‘Handichazokupaizve uswa.
11 Idite sami i kupite sebi pljeve gdje naðete, a od posla vam se neæe popustiti ništa.
Endai mundozvitsvakira uswa kana kupi zvako kwamungahuwana, asi basa renyu haritapudzwi kana napaduku.’”
12 I razide se narod po svoj zemlji Misirskoj da èupa strnjiku mjesto pljeve.
Saka vanhu vakapararira muIjipiti yose kundounganidza mashanga kuti vaashandise pachinzvimbo chouswa.
13 A nastojnici navaljivahu govoreæi: svršujte poslove svoje koliko dolazi na dan, kao kad je bilo pljeve.
Vatariri vebasa vakaramba vachivamanikidza vachiti, “Pedzai basa ramakatarirwa pazuva rimwe nerimwe, sezvamaiita pamaiwana uswa.”
14 I upravitelji sinova Izrailjevijeh, koje postaviše nad njima nastojnici Faraonovi, dopadahu boja, i govoraše im se: zašto ni juèe ni danas ne naèiniste onoliko opeka koliko vam je odreðeno, kao prije?
Vakuru vakuru vavaIsraeri vakanga vagadzwa navatariri vebasa vaFaro vakarohwa uye vakabvunzwa kuti, “Seiko musina kupedza basa renyu rezvidhina zvanezuro nezvanhasi, sezvamaichiita kare pamaipuwa uswa.”
15 I otidoše upravitelji sinova Izrailjevijeh, i povikaše k Faraonu govoreæi: zašto èiniš tako slugama svojim?
Ipapo vakuru vakuru vavaIsraeri vakaenda nechichemo kuna Faro vakati, “Seiko muchibata varanda venyu nenzira yakadai?
16 Pljeva se ne daje slugama tvojim, pa opet kažu nam: gradite opeke. I evo biju sluge tvoje, a kriv je tvoj narod.
Varanda venyu havapiwi uswa, asi tinonzi, ‘Itai zvidhina!’ Varanda venyu vari kurohwa, asi mhosva ndeyavanhu venyu.”
17 A on reèe: besposlièite, besposlièite, i zato govorite: da idemo da prinesemo žrtvu Gospodu.
Faro akati, “Simbe, ndizvo zvamuri imi, muri simbe! Ndokusaka muchingoramba muchiti, ‘Tiregei tindobayira kuna Jehovha.’
18 Nego idite, radite; pljeva vam se neæe davati, a opeke da dajete na broj.
Zvino chiendai kubasa. Hamuzombopiwi kana uswa, asi munofanira kuita basa renyu rezvidhina zvakakwana.”
19 I upravitelji sinova Izrailjevijeh vidješe da je zlo po njih što im se kaza: da ne bude opeka manje na dan.
Vakuru vakuru vavaIsraeri vakaona kuti vapinda mudambudziko pavakaudzwa kuti, “Hamufaniri kutapudza uwandu hwezvidhina zvamakatarirwa pazuva rimwe.”
20 I otišavši od Faraona sretoše Mojsija i Arona, koji izidoše pred njih.
Pavakabva pana Faro, vakawana Mozisi naAroni vakavamirira,
21 Pa im rekoše: Gospod neka vas vidi i sudi, što nas omraziste Faraonu i slugama njegovijem, i dadoste im maè u ruku da nas pobiju.
uye vakati, “Jehovha ngaakutarirei uye akutongei! Matiita chinhu chinonhuhwa kuna Faro namachinda ake uye maisa munondo muruoko rwavo kuti vatiuraye.”
22 I Mojsije se vrati ka Gospodu i reèe: Gospode, zašto si navukao to zlo na narod? zašto si me poslao?
Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, mauyisireiko dambudziko pamusoro pavanhu ava? Ndizvo zvamakanditumira here?
23 Jer otkako izidoh pred Faraona i progovorih u tvoje ime, još gore postupa s narodom ovijem, a ti ne izbavi naroda svojega.
Kubva pandakaenda kuna Faro kuti ndinotaura muzita renyu, iye akauyisa dambudziko pamusoro pavanhu ava, uye imi hamuna kutongonunura vanhu venyu napaduku.”