< 2 Dnevnika 7 >

1 A kad svrši Solomun molitvu, siðe oganj s neba i spali žrtvu paljenicu i druge žrtve, i slave Gospodnje napuni se dom,
Soromoni paakapedza kunyengetera, moto wakaburuka kubva kudenga ukapisa chipiriso chinopiswa nezvibayiro uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi.
2 Te ne mogahu sveštenici uæi u dom Gospodnji, jer se slave Gospodnje napuni dom Gospodnji.
Vaprista vakatadza kupinda mutemberi yaJehovha nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwakaizadza.
3 A svi sinovi Izrailjevi videæi gdje siðe oganj i slava Gospodnja na dom saviše se licem k zemlji do poda i pokloniše se i hvališe Gospoda, jer je dobar, jer je dovijeka milost njegova.
VaIsraeri vose pavakaona moto uchiburuka uye kubwinya kwaJehovha kuri pamusoro petemberi, vakapfugama pachivara zviso zvavo zvakatarisa pasi, uye vakanamata vakavonga Jehovha vachiti: “Iye akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.”
4 I car i sav narod prinesoše žrtve pred Gospodom.
Ipapo mambo navanhu vose vakapa zvibayiro pamberi paJehovha.
5 I prinese car Solomun na žrtvu dvadeset i dvije tisuæe volova i sto i dvadeset tisuæa ovaca, i tako posvetiše dom Božji car i sav narod.
Uye Mambo Soromoni akapa chibayiro chemombe zviuru makumi maviri nezviviri namakwai nembudzi zviuru zana namakumi maviri. Saka mambo navanhu vose vakakumikidza temberi yaMwari.
6 A sveštenici stajahu na službi svojoj, i Leviti sa spravama za pjesme Gospodnje što ih bješe naèinio car David da hvale Gospoda, jer je dovijeka milost njegova, pjesmom Davidovom koju im dade; a drugi sveštenici trubljahu u trube prema njima, a svi sinovi Izrailjevi stajahu.
Vaprista vakaenda panzvimbo dzavo sezvakaitwawo navaRevhi vane zviridzwa zvaJehovha zvakanga zvagadzirwa naMambo Dhavhidhi kuti zvishandiswe pakurumbidza Jehovha uye ndizvo zvakashandiswa pavakavonga vachiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Kune rumwe rutivi rwakatarisana navaRevhi, vaprista vakaridza hwamanda dzavo uye vaIsraeri vose vakanga vakamira.
7 I posveti Solomun sredinu trijema koji je pred domom Gospodnjim, jer ondje prinese žrtve paljenice i pretilinu od žrtava zahvalnijeh, jer na mjedenom oltaru koji naèini Solomun, ne mogoše stati žrtve paljenice i dari i pretilina njihova.
Soromoni akatsaura nzvimbo yapakati pechivanze chapamberi petemberi yaJehovha uye ipapo akapa zvipiriso zvinopiswa namafuta ezvipiriso zvokuwadzana, nokuti aritari yendarira yaakanga agadzira yaisakwana zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu namafuta.
8 U to vrijeme svetkova Solomun svetkovinu sedam dana i sav Izrailj s njim, sabor veoma velik od Emata do potoka Misirskoga.
Saka Soromoni akatamba mutambo panguva iyoyo kwamazuva manomwe, uye Israeri yose yakanga inaye, ungano huru kwazvo, vanhu vaibva kuRebho Hamati kusvika kuRwizi rweIjipiti.
9 I u osmi dan praznovaše praznik, jer posveæivanje oltara svetkovaše sedam dana, i svetkovinu sedam dana.
Pazuva rorusere vakaungana pamwe chete nokuti vakanga vapemberera kutsaurwa kwearitari kwamazuva manomwe uye mutambo uyu kwamamwezve mazuva manomwe.
10 A dvadeset treæega dana sedmoga mjeseca otpusti narod k šatorima njihovijem, i bijahu radosni i veseli radi dobra što uèini Gospod Davidu i Solomunu i Izrailju narodu svojemu.
Pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendesa vanhu kudzimba dzavo, vachifara uye mwoyo yavo ichifara nokuda kwezvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuna Dhavhidhi naSoromoni nokuvanhu vake Israeri.
11 I svrši Solomun dom Gospodnji i dom carski, i bi sreæan u svemu što bješe naumio da naèini u domu Gospodnjem i u domu svom.
Soromoni paakapedza temberi yaJehovha nomuzinda wake, uye abudirira mukuita zvose zvaaiva nazvo mupfungwa dzake kuita mutemberi yaJehovha nomumuzinda wake,
12 Potom javi se Gospod Solomunu noæu i reèe mu: uslišio sam molbu tvoju i izabrao sam to mjesto da mi bude dom za žrtve.
Jehovha akazviratidza kwaari usiku akati: “Ndanzwa munyengetero wako uye ndazvisarudzira nzvimbo ino setemberi yezvibayiro.
13 Ako zatvorim nebo da ne bude dažda, ili ako zapovjedim skakavcima da popasu zemlju, ili ako pustim pomor na narod svoj,
“Kana ndikapfiga matenga kukasava nemvura inonaya, kana kuti ndikarayira mhashu kuti dziparadze nyika kana kuti ndikatuma denda pakati pavanhu vangu,
14 I ponizi se narod moj, na koji je prizvano ime moje, i pomole se, i potraže lice moje, i povrate se od zlijeh putova svojih, i ja æu tada uslišiti s neba i oprostiæu im grijeh njihov, i iscijeliæu zemlju njihovu.
kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo.
15 I oèi æe moje biti otvorene i uši moje prignute k molitvi s toga mjesta.
Zvino meso angu achaona uye nzeve dzangu dzichanzwa minyengetero ichapirwa munzvimbo ino.
16 Jer sada izabrah i posvetih dom taj da bude ime moje tu dovijeka; i biæe tu oèi moje i srce moje vazda.
Ndasarudza ndikatsaura temberi ino kuti Zita rangu rivepo nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvicharamba zviripo.
17 A ti ako uzideš preda mnom kako je išao David otac tvoj, tvoreæi sve što sam ti zapovjedio i držeæi uredbe moje i zakone moje,
“Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandichakurayira uye ukachengeta mitemo yangu nemirayiro yangu,
18 Utvrdiæu prijesto carstva tvojega kako sam obeæao Davidu ocu tvojemu govoreæi: neæe ti nestati èovjeka koji bi vladao u Izrailju.
ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hauchazongokundikani kuva nomunhu achatonga Israeri.’
19 Ali ako se odvratite, i ostavite uredbe moje i zapovjesti moje, koje sam vam dao, i otidete i stanete služiti drugim bogovima i klanjati im se,
“Asi kana mukatsauka mukasiya mitemo nezvandakakurayirai, mukaenda kundoshumira vamwe vaMwari mukavanamata,
20 Tada æu ih istrijebiti iz zemlje svoje koju sam im dao, i ovaj dom koji sam posvetio imenu svojemu odbaciæu od sebe, i uèiniæu od njega prièu i potsmijeh meðu svijem narodima.
ipapo ndichadzura Israeri kubva kunyika yangu, yandakavapa, uye ndicharasira kure temberi iyi yandakazvitsaurira Zita rangu. Ndichaiita tsumo nechiseko pakati pamarudzi ose.
21 I dom ovaj koliko je slavan, ko god proðe mimo nj, zaèudiæe mu se i reæi æe: zašto uèini ovo Gospod od ove zemlje i od ovoga doma?
Uye kunyange temberi ino ichishamisa zvakadai, vose vachapfuura napairi vachakanuka vagoti, ‘Seiko Jehovha akaita chinhu chakadai kunyika ino nokutemberi iyi?’
22 I odgovoriæe se: jer odustaviše Gospoda Boga otaca svojih, koji ih izvede iz zemlje Misirske, i uzeše druge bogove i klanjaše im se i služiše im, zato pusti na njih sve ovo zlo.
Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo, akavabudisa kubva muIjipiti uye vakanamatira kuna vamwe vamwari uye vachivanamata nokuvashumira, ndokusaka akauyisa njodzi iyi pavari.’”

< 2 Dnevnika 7 >