< 2 Dnevnika 33 >

1 Dvanaest godina bješe Manasiji kad poèe carovati, i carova pedeset i pet godina u Jerusalimu.
Manase akanga ane makore gumi namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namashanu.
2 A èinjaše što je zlo pred Gospodom po gadnijem djelima onijeh naroda koje odagna Gospod ispred sinova Izrailjevijeh.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvinonyangadza pamberi paJehovha zvaiitwa nendudzi dzakadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.
3 Jer opet pogradi visine, koje bješe raskopao Jezekija otac njegov, i podiže oltare Valima, i naèini lugove, i klanjaše se svoj vojsci nebeskoj i služaše joj.
Akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake Hezekia. Akavaka aritari dzaBhaari uye akagadzira matanda aAshera. Akakotamira nyeredzi dzose dzokudenga akadzishumira.
4 Naèini oltare i u domu Gospodnjem, za koji bješe rekao Gospod: u Jerusalimu æe biti ime moje dovijeka.
Akavaka aritari mutemberi yaJehovha yakanga yanzi naJehovha, “Zita rangu richaramba riri muJerusarema nokusingaperi.”
5 Naèini oltare svoj vojsci nebeskoj u dva trijema doma Gospodnjega.
Muzvivanze zvose zvetemberi yaJehovha akavaka aritari dzenyeredzi dzose dzedenga.
6 I provodi sinove svoje kroz oganj u dolini sina Enomova, i gledaše na vremena i gataše i vraèaše, i uredi one što se dogovaraju s duhovima i vraèare, i èinjaše vrlo mnogo što je zlo pred Gospodom gnjeveæi ga.
Akabayira vanakomana vake mumoto mumupata weBheni Hinomi akaita zvamashura, mazango, nouroyi, akandobvunzira kumasvikiro, navavuki. Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha akamutsa hasha dzake.
7 I postavi lik rezan koji naèini u domu Božijem, za koji bješe rekao Bog Davidu i Solomunu sinu njegovu: u ovom domu i u Jerusalimu, koji izabrah izmeðu svijeh plemena Izrailjevijeh, namjestiæu ime svoje dovijeka.
Akatora chifananidzo chakavezwa chaakanga agadzira akachiisa mutemberi yaMwari, yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi ino nomuJerusarema randakasarudza kubva mumarudzi ose eIsraeri, ndichaisa Zita rangu nokusingaperi.
8 I neæu više krenuti noge sinovima Izrailjevijem iz zemlje koju sam odredio ocima vašim, ako samo uzdrže i ustvore sve što sam im zapovjedio preko Mojsija, sav zakon i uredbe i sudove.
Handichatenderizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzibude munyika yandakavimbisa madzitateguru enyu. Kana chete vakachenjerera kuita zvose zvandakavarayira maererano nemirayiro yose, mitemo, nezvandakatema zvakapiwa kubudikidza naMozisi.”
9 Ali Manasija zavede Judu i Jerusalim, te èiniše gore nego narodi koje istrijebi Gospod ispred sinova Izrailjevijeh.
Asi Manase akatungamirira Judha navanhu veJerusarema mukurasika, zvokuti vakaita zvakatonyanya kuipa kupfuura ndudzi dzose dzakanga dzaparadzwa pamberi pavaIsraeri.
10 I Gospod govoraše Manasiji i narodu njegovu, ali ne htješe slušati.
Jehovha akataura kuna Manase navanhu vake, asi ivo havana kuteerera.
11 Zato dovede Gospod na njih glavare od vojske cara Asirskoga, i uhvatiše Manasiju u trnju, i svezavši ga u dvoje verige mjedene odvedoše ga u Vavilon.
Saka Jehovha akauyisa vatungamiri vehondo yavaAsiria kuzovarwisa vakatora Manase somusungwa, vakaisa chikokovonho mumhino yake, vakamusunga nengetani dzendarira vakaenda naye kuBhabhironi.
12 I kad bijaše u nevolji, moljaše se Gospodu Bogu svojemu, i ponizi se veoma pred Bogom otaca svojih.
Mukutambudzika kwake akatsvaka Jehovha Mwari wake akazvininipisa kwazvo pamberi paMwari wamadzibaba ake.
13 I moleæi se umoli mu se, te usliši molitvu njegovu i povrati ga u Jerusalim na carstvo njegovo. Tada pozna Manasija da je Gospod Bog.
Uye paakanyengetera kwaari, Jehovha akasundwa nokuzvininipisa kwake akateerera kudemba kwake. Saka akamudzosa kuJerusarema uye kuumambo hwake. Ipapo Manase akaziva kuti Jehovha ndiMwari.
14 A poslije toga ozida zid iza grada Davidova sa zapada Gionu, od samoga potoka pa do ribljih vrata i oko Ofila, i izvede ga vrlo visoko; i postavi vojvode po svijem tvrdijem gradovima Judinijem.
Mushure maizvozvi akavakazve rusvingo rwokunze rweGuta raDhavhidhi, kumavirira kwechitubu chepaGihoni mumupata, kusvika pavanopinda napo paSuo reHove akakomberedza chikomo chaOferi; akachiitawo kuti chinyanye kukwirira. Akamisa vakuru vehondo mumaguta ose ane masvingo muJudha.
15 I iznese iz doma Gospodnjega bogove tuðe i lik i sve oltare koje bješe naèinio na gori doma Gospodnjega i u Jerusalimu, i baci iza grada.
Akaparadza vamwari vose vedzimwe nyika akabvisa chifananidzo kubva mutemberi yaJehovha nearitari dzaakanga avaka pachikomo chetemberi nomuJerusarema akadzikanda kunze kweguta.
16 Pa opravi oltar Gospodnji i prinese na njemu žrtve zahvalne i u slavu, i zapovjedi Judejcima da služe Gospodu Bogu Izrailjevu.
Ipapo akavakazve aritari yaJehovha akabayira zvipiriso zvokuwadzana nokuvonga pairi. Uye akataurira Judha kuti ishumire Jehovha, Mwari weIsraeri.
17 Ali narod još prinošaše žrtve na visinama, ali samo Gospodu Bogu svojemu.
Zvisinei, vanhu vakaramba vachibayira panzvimbo dzakakwirira, asi kuna Jehovha Mwari wavo chete.
18 A ostala djela Manasijina i molitva njegova Bogu njegovu i rijeèi koje mu govoriše vidioci u ime Gospoda Boga Izrailjeva, to je sve u knjizi o carevima Izrailjevijem.
Zvimwe zvakaitwa naManase panguva yokutonga kwake, kusanganisira munyengetero wake kuna Mwari wake, namashoko akataurwa navaoni kwaari muzita raJehovha Mwari waIsraeri, zvakanyorwa munhoroondo dzamadzimambo eIsraeri.
19 A molitva njegova i kako se umolio, i svi grijesi njegovi i prijestupi, i mjesta gdje je pogradio visine i podigao lugove i likove rezane prije nego se ponizi, to je sve zapisano u knjigama proroèkim.
Munyengetero wake uye kuti Mwari akasundwa sei nokuzvininipisa kwake, nezvivi zvake zvose nokusatendeka kwake, nenzvimbo dzaakavakira nzvimbo dzakakwirira nokumisa matanda aAshera nezvifananidzo asati azvininipisa, zvose zvakanyorwa munhoroondo dzavaoni.
20 I poèinu Manasija kod otaca svojih, i pogreboše ga u domu njegovu. A na njegovo se mjesto zacari Amon sin njegov.
Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mumuzinda wake. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo.
21 Dvadeset i dvije godine imaše Amon kad poèe carovati, i carova dvije godine u Jerusalimu.
Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri.
22 I èinjaše što je zlo pred Gospodom kao što je èinio Manasija otac mu; jer svijem likovima rezanijem, koje naèini Manasija otac njegov, prinošaše Amon žrtve i služaše im.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa naManase baba vake. Amoni akashumira uye akapa zvibayiro zvakanga zvagadzirwa naManase.
23 Ali se ne ponizi pred Gospodom, kao što se ponizi Manasija otac njegov; nego isti Amon još više griješaše.
Asi haana kuzoita sababa vake, haana kuzvininipisa pamberi paJehovha. Amoni akawedzera mhosva yake.
24 I pobuniše se na nj sluge njegove, i ubiše ga u kuæi njegovoj.
Makurukota aAmoni akarangana akamuuraya mumuzinda wake.
25 Tada pobi narod zemaljski sve koji se bijahu pobunili na cara Amona, i zacari narod zemaljski Josiju sina njegova na njegovo mjesto.
Ipapo vanhu venyika yose vakauraya vose vakanga varangana kuuraya mambo Amoni. Vakaita Josia mwanakomana wake mambo panzvimbo yake.

< 2 Dnevnika 33 >