< པྲཀཱཤིཏཾ 2 >

1 ཨིཕིཥསྠསམིཏེ རྡཱུཏཾ པྲཏི ཏྭམ྄ ཨིདཾ ལིཁ; ཡོ དཀྵིཎཀརེཎ སཔྟ ཏཱརཱ དྷཱརཡཏི སཔྟཱནཱཾ སུཝརྞདཱིཔཝྲྀཀྵཱཎཱཾ མདྷྱེ གམནཱགམནེ ཀརོཏི ཙ ཏེནེདམ྄ ཨུཙྱཏེ།
“Kumutumwa wekereke iri muEfeso nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi anofamba pakati pezvigadziko zvinomwe zvemwenje.
2 ཏཝ ཀྲིཡཱཿ ཤྲམཿ སཧིཥྞུཏཱ ཙ མམ གོཙརཱཿ, ཏྭཾ དུཥྚཱན྄ སོཌྷུཾ ན ཤཀྣོཥི ཡེ ཙ པྲེརིཏཱ ན སནྟཿ སྭཱན྄ པྲེརིཏཱན྄ ཝདནྟི ཏྭཾ ཏཱན྄ པརཱིཀྵྱ མྲྀཥཱབྷཱཥིཎོ ཝིཛྙཱཏཝཱན྄,
Ndinoziva mabasa ako, kubata kwako nesimba uye nokutsungirira kwako. Ndinoziva kuti haudi kuonana navanhu vakaipa, uye kuti wakaedza avo vanozviti vapostori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari venhema.
3 ཨཔརཾ ཏྭཾ ཏིཏིཀྵཱཾ ཝིདདྷཱསི མམ ནཱམཱརྠཾ བཧུ སོཌྷཝཱནསི ཏཐཱཔི ན པཪྻྱཀླཱམྱསྟདཔི ཛཱནཱམི།
Wakatsungirira ukava nomwoyo murefu pakutambudzika nokuda kwezita rangu, uye ukasaneta.
4 ཀིཉྩ ཏཝ ཝིརུདྡྷཾ མཡཻཏཏ྄ ཝཀྟཝྱཾ ཡཏ྄ ཏཝ པྲཐམཾ པྲེམ ཏྭཡཱ ཝྱཧཱིཡཏ།
Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga.
5 ཨཏཿ ཀུཏཿ པཏིཏོ ྅སི ཏཏ྄ སྨྲྀཏྭཱ མནཿ པརཱཝརྟྟྱ པཱུཪྻྭཱིཡཀྲིཡཱཿ ཀུརུ ན ཙེཏ྄ ཏྭཡཱ མནསི ན པརིཝརྟྟིཏེ ྅ཧཾ ཏཱུརྞམ྄ ཨཱགཏྱ ཏཝ དཱིཔཝྲྀཀྵཾ སྭསྠཱནཱད྄ ཨཔསཱརཡིཥྱཱམི།
Rangarira pawakawa! Tendeuka uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho.
6 ཏཐཱཔི ཏཝེཥ གུཎོ ཝིདྱཏེ ཡཏ྄ ནཱིཀལཱཡཏཱིཡལོཀཱནཱཾ ཡཱཿ ཀྲིཡཱ ཨཧམ྄ ཨྲྀཏཱིཡེ ཏཱསྟྭམཔི ཨྲྀཏཱིཡམེ།
Asi chinhu ichi unacho: Unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo.
7 ཡསྱ ཤྲོཏྲཾ ཝིདྱཏེ ས སམིཏཱིཿ པྲཏྱུཙྱམཱནཱམ྄ ཨཱཏྨནཿ ཀཐཱཾ ཤྲྀཎོཏུ། ཡོ ཛནོ ཛཡཏི ཏསྨཱ ཨཧམ྄ ཨཱིཤྭརསྱཱརཱམསྠཛཱིཝནཏརོཿ ཕལཾ བྷོཀྟུཾ དཱསྱཱམི།
Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.
8 ཨཔརཾ སྨུརྞཱསྠསམིཏེ རྡཱུཏཾ པྲཏཱིདཾ ལིཁ; ཡ ཨཱདིརནྟཤྩ ཡོ མྲྀཏཝཱན྄ པུནརྫཱིཝིཏཝཱཾཤྩ ཏེནེདམ྄ ཨུཙྱཏེ,
“Kumutumwa wekereke iri muSimina nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye Wokutanga neWokupedzisira, akafa uye akararamazve.
9 ཏཝ ཀྲིཡཱཿ ཀླེཤོ དཻནྱཉྩ མམ གོཙརཱཿ ཀིནྟུ ཏྭཾ དྷནཝཱནསི ཡེ ཙ ཡིཧཱུདཱིཡཱ ན སནྟཿ ཤཡཏཱནསྱ སམཱཛཱཿ སནྟི ཏཐཱཔི སྭཱན྄ ཡིཧཱུདཱིཡཱན྄ ཝདནྟི ཏེཥཱཾ ནིནྡཱམཔྱཧཾ ཛཱནཱམི།
Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, asi uri mupfumi! Ndinoziva kutuka kwaavo vanozviti vaJudha uye vasiri ivo, asi vari vesinagoge raSatani.
10 ཏྭཡཱ ཡོ ཡཿ ཀླེཤཿ སོཌྷཝྱསྟསྨཱཏ྄ མཱ བྷཻཥཱིཿ པཤྱ ཤཡཏཱནོ ཡུཥྨཱཀཾ པརཱིཀྵཱརྠཾ ཀཱཾཤྩིཏ྄ ཀཱརཱཡཱཾ ནིཀྵེཔྶྱཏི དཤ དིནཱནི ཡཱཝཏ྄ ཀླེཤོ ཡུཥྨཱསུ ཝརྟྟིཥྱཏེ ཙ། ཏྭཾ མྲྀཏྱུཔཪྻྱནྟཾ ཝིཤྭཱསྱོ བྷཝ ཏེནཱཧཾ ཛཱིཝནཀིརཱིཊཾ ཏུབྷྱཾ དཱསྱཱམི།
Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu.
11 ཡསྱ ཤྲོཏྲཾ ཝིདྱཏེ ས སམིཏཱིཿ པྲཏྱུཙྱམཱནཱམ྄ ཨཱཏྨནཿ ཀཐཱཾ ཤྲྀཎོཏུ། ཡོ ཛཡཏི ས དྭིཏཱིཡམྲྀཏྱུནཱ ན ཧིཾསིཥྱཏེ།
Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda haazokuvadzwi norufu rwechipiri.
12 ཨཔརཾ པརྒཱམསྠསམིཏེ རྡཱུཏཾ པྲཏཱིདཾ ལིཁ, ཡསྟཱིཀྵྞཾ དྭིདྷཱརཾ ཁངྒཾ དྷཱརཡཏི ས ཨེཝ བྷཱཥཏེ།
“Kumutumwa wekereke iri muPegamo nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye ano munondo unopinza, unocheka kumativi ose.
13 ཏཝ ཀྲིཡཱ མམ གོཙརཱཿ, ཡཏྲ ཤཡཏཱནསྱ སིཾཧཱསནཾ ཏཏྲཻཝ ཏྭཾ ཝསསི ཏདཔི ཛཱནཱམི། ཏྭཾ མམ ནཱམ དྷཱརཡསི མདྦྷཀྟེརསྭཱིཀཱརསྟྭཡཱ ན ཀྲྀཏོ མམ ཝིཤྭཱསྱསཱཀྵིཎ ཨཱནྟིཔཱཿ སམཡེ ྅པི ན ཀྲྀཏཿ། ས ཏུ ཡུཥྨནྨདྷྱེ ྅གྷཱནི ཡཏཿ ཤཡཏཱནསྟཏྲཻཝ ནིཝསཏི།
Ndinoziva paunogara, pachigaro choushe chaSatani. Asi wakaramba wakatendeka kuzita rangu. Hauna kuramba kutenda kwako kwandiri, kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu chakatendeka, uyo akaurayiwa muguta renyu, munogara Satani.
14 ཏཐཱཔི ཏཝ ཝིརུདྡྷཾ མམ ཀིཉྩིད྄ ཝཀྟཝྱཾ ཡཏོ དེཝཔྲསཱདཱདནཱཡ པརདཱརགམནཱཡ ཙེསྲཱཡེལཿ སནྟཱནཱནཱཾ སམྨུཁ ཨུནྨཱཐཾ སྠཱཔཡིཏུཾ བཱལཱཀ྄ ཡེནཱཤིཀྵྱཏ ཏསྱ བིལིཡམཿ ཤིཀྵཱཝལམྦིནསྟཝ ཀེཙིཏ྄ ཛནཱསྟཏྲ སནྟི།
Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe.
15 ཏཐཱ ནཱིཀལཱཡཏཱིཡཱནཱཾ ཤིཀྵཱཝལམྦིནསྟཝ ཀེཙིཏ྄ ཛནཱ ཨཔི སནྟི ཏདེཝཱཧམ྄ ཨྲྀཏཱིཡེ།
Saizvozvowo, una vamwe vanobatirira kudzidziso yavaNikoraiti.
16 ཨཏོ ཧེཏོསྟྭཾ མནཿ པརིཝརྟྟཡ ན ཙེདཧཾ ཏྭརཡཱ ཏཝ སམཱིཔམུཔསྠཱཡ མདྭཀྟསྠཁངྒེན ཏཻཿ སཧ ཡོཏྶྱཱམི།
Naizvozvo, tendeuka! Zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kuzovarwisa nomunondo womuromo wangu.
17 ཡསྱ ཤྲོཏྲཾ ཝིདྱཏེ ས སམིཏཱིཿ པྲཏྱུཙྱམཱནཱམ྄ ཨཱཏྨནཿ ཀཐཱཾ ཤྲྀཎོཏུ། ཡོ ཛནོ ཛཡཏི ཏསྨཱ ཨཧཾ གུཔྟམཱནྣཱཾ བྷོཀྟུཾ དཱསྱཱམི ཤུབྷྲཔྲསྟརམཔི ཏསྨཻ དཱསྱཱམི ཏཏྲ པྲསྟརེ ནཱུཏནཾ ནཱམ ལིཁིཏཾ ཏཙྩ གྲཧཱིཏཱརཾ ཝིནཱ ནཱནྱེན ཀེནཱཔྱཝགམྱཏེ།
Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo ibwe jena rine zita idzva rakanyorwa pariri, rinongozivikanwa naiye anorigamuchira.
18 ཨཔརཾ ཐུཡཱཏཱིརཱསྠསམིཏེ རྡཱུཏཾ པྲཏཱིདཾ ལིཁ། ཡསྱ ལོཙནེ ཝཧྣིཤིཁཱསདྲྀཤེ ཙརཎཽ ཙ སུཔིཏྟལསངྐཱཤཽ ས ཨཱིཤྭརཔུཏྲོ བྷཱཥཏེ,
“Kumutumwa wekereke iri muTiatira nyora kuti: Aya ndiwo mashoko oMwanakomana waMwari, ane meso anenge murazvo womoto uye ane tsoka dzinopenya sendarira.
19 ཏཝ ཀྲིཡཱཿ པྲེམ ཝིཤྭཱསཿ པརིཙཪྻྱཱ སཧིཥྞུཏཱ ཙ མམ གོཙརཱཿ, ཏཝ པྲཐམཀྲིཡཱབྷྱཿ ཤེཥཀྲིཡཱཿ ཤྲེཥྛཱསྟདཔི ཛཱནཱམི།
Ndinoziva mabasa ako, rudo rwako nokutenda kwako, kushumira kwako uye nokutsungirira kwako, uye kuti iye zvino uri kuita zvinopfuura zvawakaita pakutanga.
20 ཏཐཱཔི ཏཝ ཝིརུདྡྷཾ མཡཱ ཀིཉྩིད྄ ཝཀྟཝྱཾ ཡཏོ ཡཱ ཨཱིཥེབལྣཱམིཀཱ ཡོཥིཏ྄ སྭཱཾ བྷཝིཥྱདྭཱདིནཱིཾ མནྱཏེ ཝེཤྱཱགམནཱཡ དེཝཔྲསཱདཱཤནཱཡ ཙ མམ དཱསཱན྄ ཤིཀྵཡཏི བྷྲཱམཡཏི ཙ སཱ ཏྭཡཱ ན ནིཝཱཪྻྱཏེ།
Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo.
21 ཨཧཾ མནཿཔརིཝརྟྟནཱཡ ཏསྱཻ སམཡཾ དཏྟཝཱན྄ ཀིནྟུ སཱ སྭཱིཡཝེཤྱཱཀྲིཡཱཏོ མནཿཔརིཝརྟྟཡིཏུཾ ནཱབྷིལཥཏི།
Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka.
22 པཤྱཱཧཾ ཏཱཾ ཤཡྻཱཡཱཾ ནིཀྵེཔྶྱཱམི, ཡེ ཏཡཱ སཱརྡྡྷཾ ཝྱབྷིཙཱརཾ ཀུཪྻྭནྟི ཏེ ཡདི སྭཀྲིཡཱབྷྱོ མནཱཾསི ན པརཱཝརྟྟཡནྟི ཏརྷི ཏཱནཔི མཧཱཀླེཤེ ནིཀྵེཔྶྱཱམི
Saka ndichamuisa panhoo yokutambudzika, uye ndichaita kuti vaya vaiita upombwe naye vatambudzike zvikuru, kana vakasatendeuka munzira dzavo.
23 ཏསྱཱཿ སནྟཱནཱཾཤྩ མྲྀཏྱུནཱ ཧནིཥྱཱམི། ཏེནཱཧམ྄ ཨནྟཿཀརཎཱནཱཾ མནསཱཉྩཱནུསནྡྷཱནཀཱརཱི ཡུཥྨཱཀམེཀཻཀསྨཻ ཙ སྭཀྲིཡཱཎཱཾ ཕལཾ མཡཱ དཱཏཝྱམིཏི སཪྻྭཱཿ སམིཏཡོ ཛྙཱསྱནྟི།
Ndicharova vana vake norufu. Ipapo kereke dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera mwoyo nendangariro, uye ndichatsiva mumwe nomumwe wenyu zvinoenderana namabasa ake.
24 ཨཔརམ྄ ཨཝཤིཥྚཱན྄ ཐུཡཱཏཱིརསྠལོཀཱན྄ ཨརྠཏོ ཡཱཝནྟསྟཱཾ ཤིཀྵཱཾ ན དྷཱརཡནྟི ཡེ ཙ ཀཻཤྩིཏ྄ ཤཡཏཱནསྱ གམྦྷཱིརཱརྠཱ ཨུཙྱནྟེ ཏཱན྄ ཡེ ནཱཝགཏཝནྟསྟཱནཧཾ ཝདཱམི ཡུཥྨཱསུ ཀམཔྱཔརཾ བྷཱརཾ ནཱརོཔཡིཥྱཱམི;
Zvino ndinoti kwamuri mose imi muri paTiatira, kunemi vasingabatiriri padzidziso yake uye vasina kudzidza zvinonzi zvakavanzika zvaSatani (handichazoisi mimwe mitoro pamusoro penyu):
25 ཀིནྟུ ཡད྄ ཡུཥྨཱཀཾ ཝིདྱཏེ ཏཏ྄ མམཱགམནཾ ཡཱཝད྄ དྷཱརཡཏ།
Batisisai chete icho chamunacho kusvikira ndauya.
26 ཡོ ཛནོ ཛཡཏི ཤེཥཔཪྻྱནྟཾ མམ ཀྲིཡཱཿ པཱལཡཏི ཙ ཏསྨཱ ཨཧམ྄ ཨནྱཛཱཏཱིཡཱནཱམ྄ ཨཱདྷིཔཏྱཾ དཱསྱཱམི;
Kuno uya anokunda uye achiita kuda kwangu kusvikira pakuguma, ndichamupa simba pamusoro pendudzi:
27 པིཏྲྀཏོ མཡཱ ཡདྭཏ྄ ཀརྟྲྀཏྭཾ ལབྡྷཾ ཏདྭཏ྄ སོ ྅པི ལཽཧདཎྜེན ཏཱན྄ ཙཱརཡིཥྱཏི ཏེན མྲྀདྦྷཱཛནཱནཱིཝ ཏེ ཙཱུརྞཱ བྷཝིཥྱནྟི།
‘Achavatonga netsvimbo yesimbi; achavaputsa-putsa sezvaenga zvehari’, sokugamuchira kwandakaita simba kubva kuna Baba vangu.
28 ཨཔརམ྄ ཨཧཾ ཏསྨཻ པྲབྷཱཏཱིཡཏཱརཱམ྄ ཨཔི དཱསྱཱམི།
Ndichamupawo nyeredzi yamangwanani.
29 ཡསྱ ཤྲོཏྲཾ ཝིདྱཏེ ས སམིཏཱིཿ པྲཏྱུཙྱམཱནཱམ྄ ཨཱཏྨནཿ ཀཐཱཾ ཤྲྀཎོཏུ།
Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.

< པྲཀཱཤིཏཾ 2 >