< ཨིབྲིཎཿ 7 >

1 ཤཱལམསྱ རཱཛཱ སཪྻྭོཔརིསྠསྱེཤྭརསྱ ཡཱཛཀཤྩ སན྄ ཡོ ནྲྀཔཏཱིནཱཾ མཱརཎཱཏ྄ པྲཏྱཱགཏམ྄ ཨིབྲཱཧཱིམཾ སཱཀྵཱཏྐྲྀཏྱཱཤིཥཾ གདིཏཝཱན྄,
Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo, akamuropafadza,
2 ཡསྨཻ ཙེབྲཱཧཱིམ྄ སཪྻྭདྲཝྱཱཎཱཾ དཤམཱཾཤཾ དཏྟཝཱན྄ ས མལྐཱིཥེདཀ྄ སྭནཱམྣོ྅རྠེན པྲཐམཏོ དྷརྨྨརཱཛཿ པཤྩཱཏ྄ ཤཱལམསྱ རཱཛཱརྠཏཿ ཤཱནྟིརཱཛོ བྷཝཏི།
uye Abhurahama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Kutanga zita rake rinoreva kuti, “mambo wokururama”; uyezve, “mambo weSaremu” zvinoreva kuti, “mambo woRugare.”
3 ཨཔརཾ ཏསྱ པིཏཱ མཱཏཱ ཝཾཤསྱ ནིརྞཡ ཨཱཡུཥ ཨཱརམྦྷོ ཛཱིཝནསྱ ཤེཥཤྩཻཏེཥཱམ྄ ཨབྷཱཝོ བྷཝཏི, ཨིཏྠཾ ས ཨཱིཤྭརཔུཏྲསྱ སདྲྀཤཱིཀྲྀཏཿ, ས ཏྭནནྟཀཱལཾ ཡཱཝད྄ ཡཱཛཀསྟིཥྛཏི།
Asina baba kana mai, asina madzitateguru, asina mavambo amazuva kana magumo oupenyu, soMwanakomana waMwari anoramba ari muprista nokusingaperi.
4 ཨཏཨེཝཱསྨཱཀཾ པཱུཪྻྭཔུརུཥ ཨིབྲཱཧཱིམ྄ ཡསྨཻ ལུཋིཏདྲཝྱཱཎཱཾ དཤམཱཾཤཾ དཏྟཝཱན྄ ས ཀཱིདྲྀཀ྄ མཧཱན྄ ཏད྄ ཨཱལོཙཡཏ།
Chingofungai kuti akanga ari mukuru sei. Kunyange natateguru Abhurahama akamupa chegumi chezvaakanga apamba!
5 ཡཱཛཀཏྭཔྲཱཔྟཱ ལེཝེཿ སནྟཱནཱ ཝྱཝསྠཱནུསཱརེཎ ལོཀེབྷྱོ྅རྠཏ ཨིབྲཱཧཱིམོ ཛཱཏེབྷྱཿ སྭཱིཡབྷྲཱཏྲྀབྷྱོ དཤམཱཾཤགྲཧཎསྱཱདེཤཾ ལབྡྷཝནྟཿ།
Zvino murayiro unoti avo vari zvizvarwa zvaRevhi vakava vaprista kuti vatore chegumi kuvanhu, idzo hama dzavo, kunyange zvazvo hama dzavo dziri zvizvarwa zvaAbhurahama.
6 ཀིནྟྭསཽ ཡདྱཔི ཏེཥཱཾ ཝཾཤཱཏ྄ ནོཏྤནྣསྟཐཱཔཱིབྲཱཧཱིམོ དཤམཱཾཤཾ གྲྀཧཱིཏཝཱན྄ པྲཏིཛྙཱནཱམ྄ ཨདྷིཀཱརིཎམ྄ ཨཱཤིཥཾ གདིཏཝཱཾཤྩ།
Murume uyu, kunyange zvakadaro, akanga asina rudzi runobva pazvizvarwa zvaRevhi, asi akatora chegumi kubva kuna Abhurahama uye akaropafadza iye akanga ane zvipikirwa.
7 ཨཔརཾ ཡཿ ཤྲེཡཱན྄ ས ཀྵུདྲཏརཱཡཱཤིཥཾ དདཱཏཱིཏྱཏྲ ཀོ྅པི སནྡེཧོ ནཱསྟི།
Uye hapana kukahadzika kuti muduku anoropafadzwa neakamupfuura paukuru.
8 ཨཔརམ྄ ཨིདཱནཱིཾ ཡེ དཤམཱཾཤཾ གྲྀཧླནྟི ཏེ མྲྀཏྱོརདྷཱིནཱ མཱནཝཱཿ ཀིནྟུ ཏདཱནཱིཾ ཡོ གྲྀཧཱིཏཝཱན྄ ས ཛཱིཝཏཱིཏིཔྲམཱཎཔྲཱཔྟཿ།
Panyaya iyi yokutanga, chegumi chinotorwa navanhu vanofa; asi pane imwe nyaya iyi chinotorwa naiye anonzi mupenyu.
9 ཨཔརཾ དཤམཱཾཤགྲཱཧཱི ལེཝིརཔཱིབྲཱཧཱིམྡྭཱརཱ དཤམཱཾཤཾ དཏྟཝཱན྄ ཨེཏདཔི ཀཐཡིཏུཾ ཤཀྱཏེ།
Mumwe angati Revhi, anotora chegumi, akapawo chegumi kubudikidza naAbhurahama,
10 ཡཏོ ཡདཱ མལྐཱིཥེདཀ྄ ཏསྱ པིཏརཾ སཱཀྵཱཏ྄ ཀྲྀཏཝཱན྄ ཏདཱནཱིཾ ས ལེཝིཿ པིཏུརུརསྱཱསཱིཏ྄།
nokuti Merikizedheki paakasangana naAbhurahama, Revhi akanga achiri muchiuno chatateguru vake.
11 ཨཔརཾ ཡསྱ སམྦནྡྷེ ལོཀཱ ཝྱཝསྠཱཾ ལབྡྷཝནྟསྟེན ལེཝཱིཡཡཱཛཀཝརྒེཎ ཡདི སིདྡྷིཿ སམབྷཝིཥྱཏ྄ ཏརྷི ཧཱརོཎསྱ ཤྲེཎྱཱ མདྷྱཱད྄ ཡཱཛཀཾ ན ནིརཱུཔྱེཤྭརེཎ མལྐཱིཥེདཀཿ ཤྲེཎྱཱ མདྷྱཱད྄ ཨཔརསྱཻཀསྱ ཡཱཛཀསྱོཏྠཱཔནཾ ཀུཏ ཨཱཝཤྱཀམ྄ ཨབྷཝིཥྱཏ྄?
Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye ari worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni?
12 ཡཏོ ཡཱཛཀཝརྒསྱ ཝིནིམཡེན སུཏརཱཾ ཝྱཝསྠཱཡཱ ཨཔི ཝིནིམཡོ ཛཱཡཏེ།
Nokuti kana uprista huchishandurwa, kunofanirawo kushandurwa murayiro.
13 ཨཔརཉྩ ཏད྄ ཝཱཀྱཾ ཡསྱོདྡེཤྱཾ སོ྅པརེཎ ཝཾཤེན སཾཡུཀྟཱ྅སྟི ཏསྱ ཝཾཤསྱ ཙ ཀོ྅པི ཀདཱཔི ཝེདྱཱཿ ཀརྨྨ ན ཀྲྀཏཝཱན྄།
Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndeworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari.
14 ཝསྟུཏསྟུ ཡཾ ཝཾཤམདྷི མཱུསཱ ཡཱཛཀཏྭསྱཻཀཱཾ ཀཐཱམཔི ན ཀཐིཏཝཱན྄ ཏསྨིན྄ ཡིཧཱུདཱཝཾཤེ྅སྨཱཀཾ པྲབྷུ རྫནྨ གྲྀཧཱིཏཝཱན྄ ཨིཏི སུསྤཥྚཾ།
Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi urwu Mozisi haana kumbotaura zvavaprista.
15 ཏསྱ སྤཥྚཏརམ྄ ཨཔརཾ པྲམཱཎམིདཾ ཡཏ྄ མལྐཱིཥེདཀཿ སཱདྲྀཤྱཝཏཱཔརེཎ ཏཱདྲྀཤེན ཡཱཛཀེནོདེཏཝྱཾ,
Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa,
16 ཡསྱ ནིརཱུཔཎཾ ཤརཱིརསམྦནྡྷཱིཡཝིདྷིཡུཀྟཡཱ ཝྱཝསྠཱཡཱ ན བྷཝཏི ཀིནྟྭཀྵཡཛཱིཝནཡུཀྟཡཱ ཤཀྟྱཱ བྷཝཏི།
uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki.
17 ཡཏ ཨཱིཤྭར ཨིདཾ སཱཀྵྱཾ དཏྟཝཱན྄, ཡཐཱ, "ཏྭཾ མཀླཱིཥེདཀཿ ཤྲེཎྱཱཾ ཡཱཛཀོ྅སི སདཱཏནཿ། " (aiōn g165)
Nokuti zvakataurwa zvichinzi: “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.” (aiōn g165)
18 ཨནེནཱགྲཝརྟྟིནོ ཝིདྷེ དུརྦྦལཏཱཡཱ ནིཥྥལཏཱཡཱཤྩ ཧེཏོརརྠཏོ ཝྱཝསྠཡཱ ཀིམཔི སིདྡྷཾ ན ཛཱཏམིཏིཧེཏོསྟསྱ ལོཔོ བྷཝཏི།
Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo
19 ཡཡཱ ཙ ཝཡམ྄ ཨཱིཤྭརསྱ ནིཀཊཝརྟྟིནོ བྷཝཱམ ཨེཏཱདྲྀཤཱི ཤྲེཥྛཔྲཏྱཱཤཱ སཾསྠཱཔྱཏེ།
(nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari.
20 ཨཔརཾ ཡཱིཤུཿ ཤཔཐཾ ཝིནཱ ན ནིཡུཀྟསྟསྨཱདཔི ས ཤྲེཥྛནིཡམསྱ མདྷྱསྠོ ཛཱཏཿ།
Uye hazvina kuitwa pasina mhiko! Vamwe vakava vaprista pasina kana mhiko zvayo,
21 ཡཏསྟེ ཤཔཐཾ ཝིནཱ ཡཱཛཀཱ ཛཱཏཱཿ ཀིནྟྭསཽ ཤཔཐེན ཛཱཏཿ ཡཏཿ ས ཨིདམུཀྟཿ, ཡཐཱ,
asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari: “Ishe akapika uye haangashanduri murangariro wake: ‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’” (aiōn g165)
22 "པརམེཤ ཨིདཾ ཤེཔེ ན ཙ ཏསྨཱནྣིཝརྟྶྱཏེ། ཏྭཾ མལྐཱིཥེདཀཿ ཤྲེཎྱཱཾ ཡཱཛཀོ྅སི སདཱཏནཿ། " (aiōn g165)
Nokuda kwemhiko yake, Jesu akava rubatso rwesungano inopfuura nokunaka.
23 ཏེ ཙ བཧཝོ ཡཱཛཀཱ ཨབྷཝན྄ ཡཏསྟེ མྲྀཏྱུནཱ ནིཏྱསྠཱཡིཏྭཱཏ྄ ནིཝཱརིཏཱཿ,
Zvino kwakava navazhinji vavaprista, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri;
24 ཀིནྟྭསཱཝནནྟཀཱལཾ ཡཱཝཏ྄ ཏིཥྛཏི ཏསྨཱཏ྄ ཏསྱ ཡཱཛཀཏྭཾ ན པརིཝརྟྟནཱིཡཾ། (aiōn g165)
asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi. (aiōn g165)
25 ཏཏོ ཧེཏོ ཪྻེ མཱནཝཱསྟེནེཤྭརསྱ སནྣིདྷིཾ གཙྪནྟི ཏཱན྄ ས ཤེཥཾ ཡཱཝཏ྄ པརིཏྲཱཏུཾ ཤཀྣོཏི ཡཏསྟེཥཱཾ ཀྲྀཏེ པྲཱརྠནཱཾ ཀརྟྟུཾ ས སཏཏཾ ཛཱིཝཏི།
Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera.
26 ཨཔརམ྄ ཨསྨཱཀཾ ཏཱདྲྀཤམཧཱཡཱཛཀསྱ པྲཡོཛནམཱསཱིད྄ ཡཿ པཝིཏྲོ ྅ཧིཾསཀོ ནིཥྐལངྐཿ པཱཔིབྷྱོ བྷིནྣཿ སྭརྒཱདཔྱུཙྩཱིཀྲྀཏཤྩ སྱཱཏ྄།
Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga.
27 ཨཔརཾ མཧཱཡཱཛཀཱནཱཾ ཡཐཱ ཏཐཱ ཏསྱ པྲཏིདིནཾ པྲཐམཾ སྭཔཱཔཱནཱཾ ཀྲྀཏེ ཏཏཿ པརཾ ལོཀཱནཱཾ པཱཔཱནཱཾ ཀྲྀཏེ བལིདཱནསྱ པྲཡོཛནཾ ནཱསྟི ཡཏ ཨཱཏྨབལིདཱནཾ ཀྲྀཏྭཱ ཏད྄ ཨེཀཀྲྀཏྭསྟེན སམྤཱདིཏཾ།
Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye.
28 ཡཏོ ཝྱཝསྠཡཱ ཡེ མཧཱཡཱཛཀཱ ནིརཱུཔྱནྟེ ཏེ དཽརྦྦལྱཡུཀྟཱ མཱནཝཱཿ ཀིནྟུ ཝྱཝསྠཱཏཿ པརཾ ཤཔཐཡུཀྟེན ཝཱཀྱེན ཡོ མཧཱཡཱཛཀོ ནིརཱུཔིཏཿ སོ ྅ནནྟཀཱལཱརྠཾ སིདྡྷཿ པུཏྲ ཨེཝ། (aiōn g165)
Nokuti murayiro unogadza vanhu vano utera savaprista vakuru; asi mhiko yakauya shure kwomurayiro, yakagadza Mwanakomana, uyo akakwaniswa nokusingaperi. (aiōn g165)

< ཨིབྲིཎཿ 7 >