< ༢ པིཏརཿ 1 >

1 ཡེ ཛནཱ ཨསྨཱབྷིཿ སཱརྡྡྷམ྄ ཨསྟདཱིཤྭརེ ཏྲཱཏརི ཡཱིཤུཁྲཱིཥྚེ ཙ པུཎྱསམྦལིཏཝིཤྭཱསདྷནསྱ སམཱནཱཾཤིཏྭཾ པྲཱཔྟཱསྟཱན྄ པྲཏི ཡཱིཤུཁྲཱིཥྚསྱ དཱསཿ པྲེརིཏཤྩ ཤིམོན྄ པིཏརཿ པཏྲཾ ལིཁཏི།
Simoni Petro, muranda nomupostori waJesu Kristu, kuna vaya vakagamuchira kutenda kunokosha sokwedu, kubudikidza nokururama kwaMwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu:
2 ཨཱིཤྭརསྱཱསྨཱཀཾ པྲབྷོ ཪྻཱིཤོཤྩ ཏཏྭཛྙཱནེན ཡུཥྨཱསྭནུགྲཧཤཱནྟྱོ རྦཱཧུལྱཾ ཝརྟྟཏཱཾ།
Nyasha norugare ngazvive nemi, zviwande kubudikidza nokuziva kwaMwari nokwaJesu Ishe wedu.
3 ཛཱིཝནཱརྠམ྄ ཨཱིཤྭརབྷཀྟྱརྠཉྩ ཡདྱད྄ ཨཱཝཤྱཀཾ ཏཏ྄ སཪྻྭཾ གཽརཝསདྒུཎཱབྷྱཱམ྄ ཨསྨདཱཧྭཱནཀཱརིཎསྟཏྟྭཛྙཱནདྭཱརཱ ཏསྱེཤྭརཱིཡཤཀྟིརསྨབྷྱཾ དཏྟཝཏཱི།
Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana nokubwinya nokunaka kwake chaiko.
4 ཏཏྶཪྻྭེཎ ཙཱསྨབྷྱཾ ཏཱདྲྀཤཱ བཧུམཱུལྱཱ མཧཱཔྲཏིཛྙཱ དཏྟཱ ཡཱབྷི ཪྻཱུཡཾ སཾསཱརཝྱཱཔྟཱཏ྄ ཀུཏྶིཏཱབྷིལཱཥམཱུལཱཏ྄ སཪྻྭནཱཤཱད྄ རཀྵཱཾ པྲཱཔྱེཤྭརཱིཡསྭབྷཱཝསྱཱཾཤིནོ བྷཝིཏུཾ ཤཀྣུཐ།
Kubudikidza naizvozvo, akatipa zvipikirwa zvake zvikuru kwazvo zvinokosha kuti nazvo, mugone kugoverwa umwari uye mugotiza kuora kwomunyika kunouyiswa nokuchiva.
5 ཏཏོ ཧེཏོ ཪྻཱུཡཾ སམྤཱུརྞཾ ཡཏྣཾ ཝིདྷཱཡ ཝིཤྭཱསེ སཽཛནྱཾ སཽཛནྱེ ཛྙཱནཾ
Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva;
6 ཛྙཱན ཨཱཡཏེནྡྲིཡཏཱམ྄ ཨཱཡཏེནྡྲིཡཏཱཡཱཾ དྷཻཪྻྱཾ དྷཻཪྻྱ ཨཱིཤྭརབྷཀྟིམ྄
napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari;
7 ཨཱིཤྭརབྷཀྟཽ བྷྲཱཏྲྀསྣེཧེ ཙ པྲེམ ཡུངྐྟ།
napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo.
8 ཨེཏཱནི ཡདི ཡུཥྨཱསུ ཝིདྱནྟེ ཝརྡྡྷནྟེ ཙ ཏརྷྱསྨཏྤྲབྷོ ཪྻཱིཤུཁྲཱིཥྚསྱ ཏཏྟྭཛྙཱནེ ཡུཥྨཱན྄ ཨལསཱན྄ ནིཥྥལཱཾཤྩ ན སྠཱཔཡིཥྱནྟི།
Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitai kuti musava nousimbe uye musashayiwa zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu.
9 ཀིནྟྭེཏཱནི ཡསྱ ན ཝིདྱནྟེ སོ ྅ནྡྷོ མུདྲིཏལོཙནཿ སྭཀཱིཡཔཱུཪྻྭཔཱཔཱནཱཾ མཱརྫྫནསྱ ཝིསྨྲྀཏིཾ གཏཤྩ།
Asi kana munhu asina zvinhu izvi, anoona zviri pedyo uye ibofu, uye akanganwa kuti iye akanatswa pazvivi zvake zvakare.
10 ཏསྨཱད྄ ཧེ བྷྲཱཏརཿ, ཡཱུཡཾ སྭཀཱིཡཱཧྭཱནཝརཎཡོ རྡྲྀཌྷཀརཎེ བཧུ ཡཏདྷྭཾ, ཏཏ྄ ཀྲྀཏྭཱ ཀདཱཙ ན སྑལིཥྱཐ།
Naizvozvo, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti muite kuti kudanwa kwenyu nokusanangurwa kwenyu kusimbe. Nokuti kana muchiita zvinhu izvi, hamungatongogumburwi,
11 ཡཏོ ྅ནེན པྲཀཱརེཎཱསྨཱཀཾ པྲབྷོསྟྲཱཏྲྀ ཪྻཱིཤུཁྲཱིཥྚསྱཱནནྟརཱཛྱསྱ པྲཝེཤེན ཡཱུཡཾ སུཀལེན ཡོཛཡིཥྱདྷྭེ། (aiōnios g166)
nokuti muchagamuchirwa nomufaro mukuru muumambo husingaperi hwaIshe noMuponesi wedu Jesu Kristu. (aiōnios g166)
12 ཡདྱཔི ཡཱུཡམ྄ ཨེཏཏ྄ སཪྻྭཾ ཛཱནཱིཐ ཝརྟྟམཱནེ སཏྱམཏེ སུསྠིརཱ བྷཝཐ ཙ ཏཐཱཔི ཡུཥྨཱན྄ སཪྻྭདཱ ཏཏ྄ སྨཱརཡིཏུམ྄ ཨཧམ྄ ཨཡཏྣཝཱན྄ ན བྷཝིཥྱཱམི།
Saka ndicharamba ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi, kunyange zvazvo muchizviziva uye makanyatsosimba muchokwadi chamunacho zvino.
13 ཡཱཝད྄ ཨེཏསྨིན྄ དཱུཥྱེ ཏིཥྛཱམི ཏཱཝད྄ ཡུཥྨཱན྄ སྨཱརཡན྄ པྲབོདྷཡིཏུཾ ཝིཧིཏཾ མནྱེ།
Ndinofunga kuti zvakanaka kuti ndimutse ndangariro dzenyu ndichiri mutende romuviri uno,
14 ཡཏོ ྅སྨཱཀཾ པྲབྷུ ཪྻཱིཤུཁྲཱིཥྚོ མཱཾ ཡཏ྄ ཛྙཱཔིཏཝཱན྄ ཏདནུསཱརཱད྄ དཱུཥྱམེཏཏ྄ མཡཱ ཤཱིགྷྲཾ ཏྱཀྟཝྱམ྄ ཨིཏི ཛཱནཱམི།
nokuti ndinoziva kuti ndichakurumidza kuibvisa, sezvandakaratidzwa pachena naIshe wedu Jesu Kristu.
15 མམ པརལོཀགམནཱཏ྄ པརམཔི ཡཱུཡཾ ཡདེཏཱནི སྨརྟྟུཾ ཤཀྵྱཐ ཏསྨིན྄ སཪྻྭཐཱ ཡཏིཥྱེ།
Uye ndichashingaira kuti ndione kuti shure kwokuenda kwangu mucharamba muchirangarira zvinhu izvi.
16 ཡཏོ ྅སྨཱཀཾ པྲབྷོ ཪྻཱིཤུཁྲཱིཥྚསྱ པརཱཀྲམཾ པུནརཱགམནཉྩ ཡུཥྨཱན྄ ཛྙཱཔཡནྟོ ཝཡཾ ཀལྤིཏཱནྱུཔཱཁྱཱནཱནྱནྭགཙྪཱམེཏི ནཧི ཀིནྟུ ཏསྱ མཧིམྣཿ པྲཏྱཀྵསཱཀྵིཎོ བྷཱུཏྭཱ བྷཱཥིཏཝནྟཿ།
Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nouchenjeri patakakuudzai nezvesimba uye nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri zvapupu zvakaona kubwinya kwake.
17 ཡཏཿ ས པིཏུརཱིཤྭརཱད྄ གཽརཝཾ པྲཤཾསཱཉྩ པྲཱཔྟཝཱན྄ ཝིཤེཥཏོ མཧིམཡུཀྟཏེཛོམདྷྱཱད྄ ཨེཏཱདྲྀཤཱི ཝཱཎཱི ཏཾ པྲཏི ནིརྒཏཝཏཱི, ཡཐཱ, ཨེཥ མམ པྲིཡཔུཏྲ ཨེཏསྨིན྄ མམ པརམསནྟོཥཿ།
Nokuti akagamuchira kukudzwa nokubwinya kwakabva kuna Mwari Baba pakauya inzwi kwaari richibva kudenga mukubwinya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda; wandinofarira kwazvo.”
18 སྭརྒཱཏ྄ ནིརྒཏེཡཾ ཝཱཎཱི པཝིཏྲཔཪྻྭཏེ ཏེན སཱརྡྡྷཾ ཝིདྱམཱནཻརསྨཱབྷིརཤྲཱཝི།
Isu pachedu takanzwa inzwi iri rakabva kudenga patakanga tinaye mugomo dzvene.
19 ཨཔརམ྄ ཨསྨཏྶམཱིཔེ དྲྀཌྷཏརཾ བྷཝིཥྱདྭཱཀྱཾ ཝིདྱཏེ ཡཱུཡཉྩ ཡདི དིནཱརམྦྷཾ ཡུཥྨནྨནཿསུ པྲབྷཱཏཱིཡནཀྵཏྲསྱོདཡཉྩ ཡཱཝཏ྄ ཏིམིརམཡེ སྠཱནེ ཛྭལནྟཾ པྲདཱིཔམིཝ ཏད྄ ཝཱཀྱཾ སམྨནྱདྷྭེ ཏརྷི བྷདྲཾ ཀརིཥྱཐ།
Uye tine shoko ravaprofita rakasimba kwazvo, uye muchaita zvakanaka kuti muriteerere, rakaita sechiedza chinovhenekera murima, kusvikira utonga hwatsvuka uye nyamasase ichibuda mumwoyo yenyu.
20 ཤཱསྟྲཱིཡཾ ཀིམཔི བྷཝིཥྱདྭཱཀྱཾ མནུཥྱསྱ སྭཀཱིཡབྷཱཝབོདྷཀཾ ནཧི, ཨེཏད྄ ཡུཥྨཱབྷིཿ སམྱཀ྄ ཛྙཱཡཏཱཾ།
Pamusoro pazvo zvose, munofanira kunzwisisa kuti hakuna chiprofita choRugwaro chakauya nokungodudzira kwomuprofita pachake oga.
21 ཡཏོ བྷཝིཥྱདྭཱཀྱཾ པུརཱ མཱནུཥཱཎཱམ྄ ཨིཙྪཱཏོ ནོཏྤནྣཾ ཀིནྟྭཱིཤྭརསྱ པཝིཏྲལོཀཱཿ པཝིཏྲེཎཱཏྨནཱ པྲཝརྟྟིཏཱཿ སནྟོ ཝཱཀྱམ྄ ཨབྷཱཥནྟ།
Nokuti hakuna chiprofita chakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvaibva kuna Mwari vachisundwa noMweya Mutsvene.

< ༢ པིཏརཿ 1 >