< ปฺรกาศิตํ 9 >

1 ตต: ปรํ สปฺตมทูเตน ตูรฺยฺยำ วาทิตายำ คคนาตฺ ปฺฤถิวฺยำ นิปติต เอกสฺตารโก มยา ทฺฤษฺฏ: , ตไสฺม รสาตลกูปสฺย กุญฺชิกาทายิฯ (Abyssos g12)
Mutumwa wechishanu akaridza hwamanda yake, ndikaona nyeredzi yakanga yawira panyika ichibva kudenga. Nyeredzi yakapiwa kiyi yegomba rakadzika zvisina mugumo. (Abyssos g12)
2 เตน รสาตลกูเป มุกฺเต มหาคฺนิกุณฺฑสฺย ธูม อิว ธูมสฺตสฺมาตฺ กูปาทฺ อุทฺคต: ฯ ตสฺมาตฺ กูปธูมาตฺ สูรฺยฺยากาเศา ติมิราวฺฤเตาฯ (Abyssos g12)
Akati azarura gomba rakadzika zvisina mugumo, utsi hwakabuda mariri soutsi hunobva muvira guru romoto. Zuva nomwedzi zvakasvibiswa noutsi hwaibva mugomba rakadzika zvisina mugumo. (Abyssos g12)
3 ตสฺมาทฺ ธูมาตฺ ปตงฺเคษุ ปฺฤถิวฺยำ นิรฺคเตษุ นรโลกสฺถวฺฤศฺจิกวตฺ พลํ เตโภฺย'ทายิฯ
Uye muutsi makabuda mhashu dzikauya panyika uye dzikapiwa simba rakaita serezvinyavada zvenyika.
4 อปรํ ปฺฤถิวฺยาสฺตฺฤณานิ หริทฺวรฺณศากาทโย วฺฤกฺษาศฺจ ไต รฺน สึหิตวฺยา: กินฺตุ เยษำ ภาเลษฺวีศฺวรสฺย มุทฺรายา องฺโก นาสฺติ เกวลํ เต มานวาไสฺต รฺหึสิตวฺยา อิทํ ต อาทิษฺฏา: ฯ
Dzakaudzwa kuti dzirege kuparadza uswa hwenyika kana zvirimwa, kana miti ipi zvayo, asi vanhu vaya chete vakanga vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.
5 ปรนฺตุ เตษำ พธาย นหิ เกวลํ ปญฺจ มาสานฺ ยาวตฺ ยาตนาทานาย เตภฺย: สามรฺถฺยมทายิฯ วฺฤศฺจิเกน ทษฺฏสฺย มานวสฺย ยาทฺฤศี ยาตนา ชายเต ไตรปิ ตาทฺฤศี ยาตนา ปฺรทียเตฯ
Hadzina kupiwa simba rokuvauraya, asi kungovarwadzisa chete kwemwedzi mishanu. Uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokworumborera rwechinyavada pachinoruma munhu.
6 ตสฺมินฺ สมเย มานวา มฺฤตฺยุํ มฺฤคยิษฺยนฺเต กินฺตุ ปฺราปฺตุํ น ศกฺษฺยนฺติ, เต ปฺราณานฺ ตฺยกฺตุมฺ อภิลษิษฺยนฺติ กินฺตุ มฺฤตฺยุเสฺตโภฺย ทูรํ ปลายิษฺยเตฯ
Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; vachashuva kufa asi kufa kuchavanzvenga.
7 เตษำ ปตงฺคานามฺ อากาโร ยุทฺธารฺถํ สุสชฺชิตานามฺ อศฺวานามฺ อาการสฺย ตุลฺย: , เตษำ ศิร: สุ สุวรฺณกิรีฏานีว กิรีฏานิ วิทฺยนฺเต, มุขมณฺฑลานิ จ มานุษิกมุขตุลฺยานิ,
Mhashu dzakanga dzakaita samabhiza agadzirirwa kundorwa. Pamisoro yadzo dzakanga dzakapfeka zvinhu zvinenge korona yegoridhe, uye zviso zvadzo zvakaita sezvavanhu.
8 เกศาศฺจ โยษิตำ เกศานำ สทฺฤศา: , ทนฺตาศฺจ สึหทนฺตตุลฺยา: ,
Bvudzi radzo rakanga rakaita sebvudzi romukadzi, uye meno adzo akanga akaita semeno eshumba.
9 เลาหกวจวตฺ เตษำ กวจานิ สนฺติ, เตษำ ปกฺษาณำ ศพฺโท รณาย ธาวตามศฺวรถานำ สมูหสฺย ศพฺทตุลฺย: ฯ
Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvidzitiro zvesimbi, uye mubvumo wamapapiro wakanga wakaita sokutinhira kwengoro namabhiza mazhinji ari kumhanyira kundorwa.
10 วฺฤศฺจิกานามิว เตษำ ลางฺคูลานิ สนฺติ, เตษุ ลางฺคูเลษุ กณฺฏกานิ วิทฺยนฺเต, อปรํ ปญฺจ มาสานฺ ยาวตฺ มานวานำ หึสนาย เต สามรฺถฺยปฺราปฺตา: ฯ
Dzakanga dzine miswe norumborera sorwezvinyavada, uye mumiswe yadzo dzakanga dzine simba rokurwadzisa vanhu kwemwedzi mishanu.
11 เตษำ ราชา จ รสาตลสฺย ทูตสฺตสฺย นาม อิพฺรียภาษยา อพทฺโทนฺ ยูนานียภาษยา จ อปลฺลุโยนฺ อรฺถโต วินาศก อิติฯ (Abyssos g12)
Dzakanga dzino mutumwa wegomba rakadzika zvisina mugumo, samambo wadzo, zita rake muchiHebheru ndiAbhadhoni, uye muchiGiriki, ndiAporioni. (Abyssos g12)
12 ปฺรถม: สนฺตาโป คตวานฺ ปศฺย อิต: ปรมปิ ทฺวาภฺยำ สนฺตาปาภฺยามฺ อุปสฺถาตวฺยํฯ
Nhamo yokutanga yapfuura; dzimwe nhamo mbiri dziri kutevera.
13 ตต: ปรํ ษษฺฐทูเตน ตูรฺยฺยำ วาทิตายามฺ อีศฺวรสฺยานฺติเก สฺถิตายา: สุวรฺณเวทฺยาศฺจตุศฺจูฑาต: กสฺยจิทฺ รโว มยาศฺราวิฯ
Mutumwa wechitanhatu akaridza hwamanda yake, ndikanzwa inzwi richibuda munyanga dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari.
14 ส ตูรีธาริณํ ษษฺฐทูตมฺ อวทตฺ, ผราตาเขฺย มหานเท เย จตฺวาโร ทูตา พทฺธา: สนฺติ ตานฺ โมจยฯ
Rakati kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana, vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.”
15 ตตสฺตทฺทณฺฑสฺย ตทฺทินสฺย ตนฺมาสสฺย ตทฺวตฺสรสฺย จ กฺฤเต นิรูปิตาเสฺต จตฺวาโร ทูตา มานวานำ ตฺฤตียำศสฺย พธารฺถํ โมจิตา: ฯ
Uye vatumwa vana vakanga vakagadzirirwa zveawa yacho iyoyo, zuva iroro, mwedzi iwoyo, negore iroro, vakasunungurwa kuti vauraye chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu.
16 อปรมฺ อศฺวาโรหิไสนฺยานำ สํขฺยา มยาศฺราวิ, เต วึศติโกฏย อาสนฺฯ
Kuwanda kwavarwi vamabhiza kwaiva mamiriyoni mazana maviri. Ndakanzwa kuwanda kwavo.
17 มยา เย 'ศฺวา อศฺวาโรหิณศฺจ ทฺฤษฺฏาสฺต เอตาทฺฤศา: , เตษำ วหฺนิสฺวรูปาณิ นีลปฺรสฺตรสฺวรูปาณิ คนฺธกสฺวรูปาณิ จ วรฺมฺมาณฺยาสนฺ, วาชินาญฺจ สึหมูรฺทฺธสทฺฤศา มูรฺทฺธาน: , เตษำ มุเขโภฺย วหฺนิธูมคนฺธกา นิรฺคจฺฉนฺติฯ
Mabhiza navatasvi vandakaona muchiratidzo changu vakanga vakadai: Zvidzitiro zvavo zvechipfuva zvakanga zviri zvitsvuku, nezvitema, uye zviri yero sesafuri. Misoro yamabhiza yakanga yakafanana nemisoro yeshumba, uye mumuromo mazvo maibuda moto, noutsi nesafuri.
18 เอไตสฺตฺริภิ รฺทณฺไฑรรฺถตเสฺตษำ มุเขโภฺย นิรฺคจฺฉทฺภิ รฺวหฺนิธูมคนฺธไก รฺมานุษาณำ ตุตียำโศ 'ฆานิฯ
Chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu chakaurayiwa namatambudziko matatu omoto, utsi nesafuri zvakabuda mumiromo yawo.
19 เตษำ วาชินำ พลํ มุเขษุ ลางฺคูเลษุ จ สฺถิตํ, ยตเสฺตษำ ลางฺคูลานิ สรฺปาการาณิ มสฺตกวิศิษฺฏานิ จ ไตเรว เต หึสนฺติฯ
Simba ramabhiza rakanga riri mumiromo yawo nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakanga yakaita senyoka, ine misoro yaayiruma nayo.
20 อปรมฺ อวศิษฺฏา เย มานวา ไต รฺทณฺไฑ รฺน หตาเสฺต ยถา ทฺฤษฺฏิศฺรวณคมนศกฺติหีนานฺ สฺวรฺณเราปฺยปิตฺตลปฺรสฺตรกาษฺฐมยานฺ วิคฺรหานฺ ภูตำศฺจ น ปูชยิษฺยนฺติ ตถา สฺวหสฺตานำ กฺริยาภฺย: สฺวมนำสิ น ปราวรฺตฺติตวนฺต:
Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba.
21 สฺวพธกุหกวฺยภิจารเจารฺโยฺยโภฺย 'ปิ มนำสิ น ปราวรฺตฺติตวนฺต: ฯ
Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo.

< ปฺรกาศิตํ 9 >