< มถิ: 26 >

1 ยีศุเรตานฺ ปฺรสฺตาวานฺ สมาปฺย ศิษฺยานูเจ,
Zvakaitika Jesu apedza mashoko aya ese, akati kuvadzidzi vake:
2 ยุษฺมาภิ รฺชฺญาตํ ทินทฺวยาตฺ ปรํ นิสฺตารมห อุปสฺถาสฺยติ, ตตฺร มนุชสุต: กฺรุเศน หนฺตุํ ปรกเรษุ สมรฺปิษฺยเตฯ
Munoziva kuti mushure memazuva maviri ichava pasika, uye Mwanakomana wemunhu achatengeswa kuti arovererwe pamuchinjikwa.
3 ตต: ปรํ ปฺรธานยาชกาธฺยาปกปฺราญฺจ: กิยผานามฺโน มหายาชกสฺยาฏฺฏาลิกายำ มิลิตฺวา
Ipapo kwakaungana vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu muchivanze chemupristi mukuru wainzi Kayafasi.
4 เกโนปาเยน ยีศุํ ธฺฤตฺวา หนฺตุํ ศกฺนุยุริติ มนฺตฺรยาญฺจกฺรุ: ฯ
Vakarangana kuti vabate Jesu nemano, vagomuuraya.
5 กินฺตุ ไตรุกฺตํ มหกาเล น ธรฺตฺตวฺย: , ธฺฤเต ปฺรชานำ กลเหน ภวิตุํ ศกฺยเตฯ
Asi vakati: Kwete pamutambo, kuti kurege kuva nebongozozo pakati pevanhu.
6 ตโต ไพถนิยาปุเร ศิโมนาขฺยสฺย กุษฺฐิโน เวศฺมนิ ยีเศา ติษฺฐติ
Zvino Jesu wakati ari paBhetaniya mumba maSimoni wemaperembudzi,
7 กาจน โยษา เศฺวโตปลภาชเนน มหารฺฆฺยํ สุคนฺธิ ไตลมานีย โภชนาโยปวิศตสฺตสฺย ศิโรภฺยเษจตฺฯ
kwakasvika kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri chechizoro chinokosha zvikuru, akadururira mumusoro wake agere pakudya.
8 กินฺตุ ตทาโลกฺย ตจฺฉิไษฺย: กุปิไตรุกฺตํ, กุต อิตฺถมปวฺยยเต?
Asi vadzidzi vake vakati vachiona, vakatsamwa vachiti: Kutambisa uku ndokwei?
9 เจทิทํ วฺยเกฺรษฺยต, ตรฺหิ ภูริมูลฺยํ ปฺราปฺย ทริเทฺรโภฺย วฺยตาริษฺยตฯ
Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.
10 ยีศุนา ตทวคตฺย เต สมุทิตา: , โยษาเมนำ กุโต ทุ: ขินีํ กุรุถ, สา มำ ปฺรติ สาธุ กรฺมฺมาการฺษีตฺฯ
Asi Jesu aziva wakati kwavari: Munotambudzirei mukadzi? Nokuti aita basa rakanaka kwandiri.
11 ยุษฺมากมํ สมีเป ทริทฺรา: สตตเมวาสเต, กินฺตุ ยุษฺมากมนฺติเกหํ นาเส สตตํฯ
Nokuti varombo munavo nguva dzese, asi ini hamuneni nguva dzese.
12 สา มม กาโยปริ สุคนฺธิไตลํ สิกฺตฺวา มม ศฺมศานทานกรฺมฺมาการฺษีตฺฯ
Nokuti pakundidira chizoro ichi pamuviri wangu, waitira kuvigwa kwangu.
13 อโตหํ ยุษฺมานฺ ตถฺยํ วทามิ สรฺวฺวสฺมินฺ ชคติ ยตฺร ยไตฺรษ สุสมาจาร: ปฺรจาริษฺยเต, ตตฺร ตไตฺรตสฺยา นารฺยฺยา: สฺมรณารฺถมฺ กรฺมฺเมทํ ปฺรจาริษฺยเตฯ
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwese kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yese, izvi mukadzi zvaaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.
14 ตโต ทฺวาทศศิษฺยาณามฺ อีษฺกริโยตียยิหูทานามก เอก: ศิษฺย: ปฺรธานยาชกานามนฺติกํ คตฺวา กถิตวานฺ,
Ipapo umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvapristi vakuru,
15 ยทิ ยุษฺมากํ กเรษุ ยีศุํ สมรฺปยามิ, ตรฺหิ กึ ทาสฺยถ? ตทานีํ เต ตไสฺม ตฺรึศนฺมุทฺรา ทาตุํ สฺถิรีกฺฤตวนฺต: ฯ
akati: Munoda kundipei, ini ndigomukumikidza kwamuri? Vakamutemera masirivheri makumi matatu.
16 ส ตทารภฺย ตํ ปรกเรษุ สมรฺปยิตุํ สุโยคํ เจษฺฏิตวานฺฯ
Uye kubva panguva iyo akatsvaka mukana wakafanira kuti amukumikidze.
17 อนนฺตรํ กิณฺวศูนฺยปูปปรฺวฺวณ: ปฺรถเมหฺนิ ศิษฺยา ยีศุมฺ อุปคตฺย ปปฺรจฺฉุ: ภวตฺกฺฤเต กุตฺร วยํ นิสฺตารมหโภชฺยมฺ อาโยชยิษฺยาม: ? ภวต: เกจฺฉา?
Nerekutanga rezvingwa zvisina mbiriso vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tikugadzirirei kudya pasika?
18 ตทา ส คทิตวานฺ, มเธฺยนครมมุกปุํส: สมีปํ วฺรชิตฺวา วทต, คุรุ รฺคทิตวานฺ, มตฺกาล: สวิธ: , สห ศิไษฺยสฺตฺวทาลเย นิสฺตารมหโภชฺยํ โภกฺเษฺยฯ
Akati: Endai muguta kune umwe munhu, muti kwaari: Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita pasika kwauri nevadzidzi vangu.
19 ตทา ศิษฺยา ยีโศสฺตาทฺฤศนิเทศานุรูปกรฺมฺม วิธาย ตตฺร นิสฺตารมหโภชฺยมาสาทยามาสุ: ฯ
Vadzidzi vakaita Jesu sezvaakavaraira; vakagadzirira pasika.
20 ตต: สนฺธฺยายำ สตฺยำ ทฺวาทศภิ: ศิไษฺย: สากํ ส นฺยวิศตฺฯ
Zvino ava madekwani akagara pakudya nevanegumi nevaviri.
21 อปรํ ภุญฺชาน อุกฺตวานฺ ยุษฺมานฺ ตถฺยํ วทามิ, ยุษฺมากเมโก มำ ปรกเรษุ สมรฺปยิษฺยติฯ
Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa.
22 ตทา เต'ตีว ทุ: ขิตา เอไกกโศ วกฺตุมาเรภิเร, เห ปฺรโภ, ส กิมหํ?
Zvino vakashungurudzika zvikuru, vakatanga umwe neumwe wavo kuti kwaari: Ishe, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here?
23 ตต: ส ชคาท, มยา สากํ โย ชโน โภชนปาเตฺร กรํ สํกฺษิปติ, ส เอว มำ ปรกเรษุ สมรฺปยิษฺยติฯ
Ndokupindura akati: Anoseva ruoko neni mundiro ndiye achanditengesa.
24 มนุชสุตมธิ ยาทฺฤศํ ลิขิตมาเสฺต, ตทนุรูปา ตทฺคติ รฺภวิษฺยติ; กินฺตุ เยน ปุํสา ส ปรกเรษุ สมรฺปยิษฺยเต, หา หา เจตฺ ส นาชนิษฺยต, ตทา ตสฺย เกฺษมมภวิษฺยตฺฯ
Mwanakomana wemunhu anoenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuberekwa.
25 ตทา ยิหูทานามา โย ชนสฺตํ ปรกเรษุ สมรฺปยิษฺยติ, ส อุกฺตวานฺ, เห คุโร, ส กิมหํ? ตต: ส ปฺรตฺยุกฺตวานฺ, ตฺวยา สตฺยํ คทิตมฺฯ
Judhasi uyo wakamutengesa ndokupindura akati: Rabhi, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Akati kwaari: Wataura iwe.
26 อนนฺตรํ เตษามศนกาเล ยีศุ: ปูปมาทาเยศฺวรียคุณานนูทฺย ภํกฺตฺวา ศิเษฺยภฺย: ปฺรทาย ชคาท, มทฺวปุ: สฺวรูปมิมํ คฺฤหีตฺวา ขาทตฯ
Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi akati: Torai, idyai, ichi ndiwo muviri wangu.
27 ปศฺจาตฺ ส กํสํ คฺฤหฺลนฺ อีศฺวรียคุณานนูทฺย เตภฺย: ปฺรทาย กถิตวานฺ, สรฺไวฺว รฺยุษฺมาภิรเนน ปาตวฺยํ,
Akatora mukombe, akavonga, akapa kwavari, achiti: Inwai mese pauri.
28 ยสฺมาทเนเกษำ ปาปมรฺษณาย ปาติตํ ยนฺมนฺนูตฺนนิยมรูปโศณิตํ ตเทตตฺฯ
Nokuti iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rekukanganwirwa kwezvivi.
29 อปรมหํ นูตฺนโคสฺตนีรสํ น ปาสฺยามิ, ตาวตฺ โคสฺตนีผลรสํ ปุน: กทาปิ น ปาสฺยามิฯ
Asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichatongonwi zvechibereko ichi chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemwi chava chitsva muushe hwaBaba vangu.
30 ปศฺจาตฺ เต คีตเมกํ สํคีย ไชตุนาขฺยคิรึ คตวนฺต: ฯ
Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.
31 ตทานีํ ยีศุสฺตานโวจตฺ, อสฺยำ รชนฺยามหํ ยุษฺมากํ สรฺเวฺวษำ วิฆฺนรูโป ภวิษฺยามิ, ยโต ลิขิตมาเสฺต, "เมษาณำ รกฺษโก ยสฺตํ ปฺรหริษฺยามฺยหํ ตต: ฯ เมษาณำ นิวโห นูนํ ปฺรวิกีรฺโณ ภวิษฺยติ"๚
Ipapo Jesu wakati kwavari: Imwi mese muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achaparadzirwa.
32 กินฺตุ ศฺมศานาตฺ สมุตฺถาย ยุษฺมากมเคฺร'หํ คาลีลํ คมิษฺยามิฯ
Asi shure kwekunge ndamutswa, ndichakutungamirirai kuGarirea.
33 ปิตรสฺตํ โปฺรวาจ, ภวำศฺเจตฺ สรฺเวฺวษำ วิฆฺนรูโป ภวติ, ตถาปิ มม น ภวิษฺยติฯ
Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vese vakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatongogumburwi.
34 ตโต ยีศุนา ส อุกฺต: , ตุภฺยมหํ ตถฺยํ กถยามิ, ยามินฺยามสฺยำ จรณายุธสฺย รวาตฺ ปูรฺวฺวํ ตฺวํ มำ ตฺริ รฺนางฺคีกริษฺยสิฯ
Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Muusiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
35 ตต: ปิตร อุทิตวานฺ, ยทฺยปิ ตฺวยา สมํ มรฺตฺตวฺยํ, ตถาปิ กทาปิ ตฺวำ น นางฺคีกริษฺยามิ; ตไถว สรฺเวฺว ศิษฺยาศฺโจจุ: ฯ
Petro akati kwaari: Kunyange zvakandifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Vadzidziwo vese vakadaro.
36 อนนฺตรํ ยีศุ: ศิไษฺย: สากํ เคตฺศิมานีนามกํ สฺถานํ ปฺรสฺถาย เตภฺย: กถิตวานฺ, อท: สฺถานํ คตฺวา ยาวทหํ ปฺรารฺถยิเษฺย ตาวทฺ ยูยมโตฺรปวิศตฯ
Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ndichamboenda ndinonyengetera uko.
37 ปศฺจาตฺ ส ปิตรํ สิวทิยสุเตา จ สงฺคิน: กฺฤตฺวา คตวานฺ, โศกากุโล'ตีว วฺยถิตศฺจ พภูวฯ
Akatora pamwe naye Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kusuruvara nekushungurudzika.
38 ตานวาทีจฺจ มฺฤติยาตเนว มตฺปฺราณานำ ยาตนา ชายเต, ยูยมตฺร มยา สารฺทฺธํ ชาคฺฤตฯ
Ipapo akati kwavari: Mweya wangu unosuruvara kwazvo kusvikira parufu; garai pano murinde neni.
39 ตต: ส กิญฺจิทฺทูรํ คตฺวาโธมุข: ปตนฺ ปฺรารฺถยาญฺจเกฺร, เห มตฺปิตรฺยทิ ภวิตุํ ศกฺโนติ, ตรฺหิ กํโส'ยํ มตฺโต ทูรํ ยาตุ; กินฺตุ มทิจฺฉาวตฺ น ภวตุ, ตฺวทิจฺฉาวทฺ ภวตุฯ
Akaenda mberi zvishoma, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri. Asi kusava sezvandinoda ini asi sezvamunoda imwi.
40 ตต: ส ศิษฺยานุเปตฺย ตานฺ นิทฺรโต นิรีกฺษฺย ปิตราย กถยามาส, ยูยํ มยา สากํ ทณฺฑเมกมปิ ชาคริตุํ นาศนฺกุต?
Akauya kuvadzidzi, akavawana varere, akati kuna Petro: Saka hamuna kugona kurinda neni awa rimwe here?
41 ปรีกฺษายำ น ปติตุํ ชาคฺฤต ปฺรารฺถยธฺวญฺจ; อาตฺมา สมุทฺยโตสฺติ, กินฺตุ วปุ รฺทุรฺพฺพลํฯ
Rindai munyengetere, kuti musapinda mumuedzo; mweya unoda zvirokwazvo, asi nyama ine utera.
42 ส ทฺวิตียวารํ ปฺรารฺถยาญฺจเกฺร, เห มตฺตาต, น ปีเต ยทิ กํสมิทํ มตฺโต ทูรํ ยาตุํ น ศกฺโนติ, ตรฺหิ ตฺวทิจฺฉาวทฺ ภวตุฯ
Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura kubva kwandiri, kunze kwekuti ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.
43 ส ปุนเรตฺย ตานฺ นิทฺรโต ททรฺศ, ยตเสฺตษำ เนตฺราณิ นิทฺรยา ปูรฺณานฺยาสนฺฯ
Akauya, akavawana vavatazve, nokuti meso avo akange orema.
44 ปศฺจาตฺ ส ตานฺ วิหาย วฺรชิตฺวา ตฺฤตียวารํ ปูรฺวฺววตฺ กถยนฺ ปฺรารฺถิตวานฺฯ
Akavasiya, akaendazve akanyengetera rwechitatu, achitaura mashoko iwawo.
45 ตต: ศิษฺยานุปาคตฺย คทิตวานฺ, สามฺปฺรตํ ศยานา: กึ วิศฺรามฺยถ? ปศฺยต, สมย อุปาสฺถาตฺ, มนุชสุต: ปาปินำ กเรษุ สมรฺปฺยเตฯ
Ndokuuya kuvadzidzi vake ndokuti kwavari: Chirambai murere muzorore; tarirai, awa raswedera, Mwanakomana wemunhu wotengeswa mumaoko evatadzi.
46 อุตฺติษฺฐต, วยํ ยาม: , โย มำ ปรกเรษุ มสรฺปยิษฺยติ, ปศฺยต, ส สมีปมายาติฯ
Simukai, ngatiende, tarirai, wonditengesa wava pedo.
47 เอตตฺกถากถนกาเล ทฺวาทศศิษฺยาณาเมโก ยิหูทานามโก มุขฺยยาชกโลกปฺราจีไน: ปฺรหิตานฺ อสิธาริยษฺฏิธาริโณ มนุชานฺ คฺฤหีตฺวา ตตฺสมีปมุปตเสฺถาฯ
Zvino achataura, tarira, Judhasi umwe wevanegumi nevaviri wakasvika, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo chichibva kuvapristi vakuru nevakuru vevanhu.
48 อเสา ปรกเรษฺวรฺปยิตา ปูรฺวฺวํ ตานฺ อิตฺถํ สงฺเกตยามาส, ยมหํ จุมฺพิเษฺย, โส'เสา มนุช: ,เสอว ยุษฺมาภิ รฺธารฺยฺยตำฯ
Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichatsvoda, ndiye, mumubate.
49 ตทา ส สปทิ ยีศุมุปาคตฺย เห คุโร, ปฺรณมามีตฺยุกฺตฺวา ตํ จุจุมฺเพฯ
Uye pakarepo akasvika kuna Jesu, akati: Hekanhi, Rabhi! Akamutsvoda.
50 ตทา ยีศุสฺตมุวาจ, เห มิตฺรํ กิมรฺถมาคโตสิ? ตทา ไตราคตฺย ยีศุรากฺรมฺย ทเฆฺรฯ
Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingei? Ipapo vakaswedera vakaisa maoko pana Jesu, vakamubata.
51 ตโต ยีโศ: สงฺคินาเมก: กรํ ปฺรสารฺยฺย โกษาทสึ พหิษฺกฺฤตฺย มหายาชกสฺย ทาสเมกมาหตฺย ตสฺย กรฺณํ จิจฺเฉทฯ
Uye tarira, umwe wevaiva naJesu akatandavadza ruoko, akavhomora munondo wake akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.
52 ตโต ยีศุสฺตํ ชคาท, ขฑฺคํ สฺวสฺถาเน นิเธหิ ยโต เย เย ชนา อสึ ธารยนฺติ, เตอวาสินา วินศฺยนฺติฯ
Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo yawo, nokuti vese vanobata munondo vanoparara nemunondo.
53 อปรํ ปิตา ยถา มทนฺติกํ สฺวรฺคียทูตานำ ทฺวาทศวาหินีโต'ธิกํ ปฺรหิณุยาตฺ มยา ตมุทฺทิเศฺยทานีเมว ตถา ปฺรารฺถยิตุํ น ศกฺยเต, ตฺวยา กิมิตฺถํ ชฺญายเต?
Kana unofunga here kuti handigoni ikozvino kukumbira kuna Baba vangu, vakandigadzikira mapoka emauto evatumwa anopfuura gumi nemaviri?
54 ตถา สตีตฺถํ ฆฏิษฺยเต ธรฺมฺมปุสฺตกสฺย ยทิทํ วากฺยํ ตตฺ กถํ สิเธฺยตฺ?
Ko magwaro angazadziswa sei kuti zvinofanira kuva saizvozvo?
55 ตทานีํ ยีศุ รฺชนนิวหํ ชคาท, ยูยํ ขฑฺคยษฺฏีนฺ อาทาย มำ กึ เจารํ ธรฺตฺตุมายาตา: ? อหํ ปฺรตฺยหํ ยุษฺมาภิ: สากมุปวิศฺย สมุปาทิศํ, ตทา มำ นาธรต;
Nenguva iyo Jesu wakati kuzvaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi zuva nezuva ndichidzidzisa mutembere, asi hamuna kundibata.
56 กินฺตุ ภวิษฺยทฺวาทินำ วากฺยานำ สํสิทฺธเย สรฺวฺวเมตทภูตฺฯ ตทา สรฺเวฺว ศิษฺยาสฺตํ วิหาย ปลายนฺตฯ
Asi izvi zvese zvaitika, kuti magwaro evaporofita azadziswe. Ipapo vadzidzi vese vakamusiya, vakatiza.
57 อนนฺตรํ เต มนุชา ยีศุํ ธฺฤตฺวา ยตฺราธฺยาปกปฺราญฺจ: ปริษทํ กุรฺวฺวนฺต อุปาวิศนฺ ตตฺร กิยผานามกมหายาชกสฺยานฺติกํ นินฺยุ: ฯ
Avo vakange vabata Jesu vakamuendesa kuna Kayafasi mupristi mukuru, apo pakange paungana vanyori nevakuru.
58 กินฺตุ เศเษ กึ ภวิษฺยตีติ เวตฺตุํ ปิตโร ทูเร ตตฺปศฺจาทฺ วฺรชิตฺวา มหายาชกสฺยาฏฺฏาลิกำ ปฺรวิศฺย ทาไส: สหิต อุปาวิศตฺฯ
Asi Petro wakamutevera ari kure kusvikira pachivanze chemupristi mukuru, akapinda mukati, akagara nevaranda kuzoona mugumo.
59 ตทานีํ ปฺรธานยาชกปฺราจีนมนฺตฺริณ: สรฺเวฺว ยีศุํ หนฺตุํ มฺฤษาสากฺษฺยมฺ อลิปฺสนฺต,
Zvino vapristi vakuru nevakuru nedare remakurukota rese vakatsvaka uchapupu hwenhema hunopikisa Jesu kuti vamuuraye.
60 กินฺตุ น เลภิเรฯ อเนเกษุ มฺฤษาสากฺษิษฺวาคเตษฺวปิ ตนฺน ปฺราปุ: ฯ
Asi havana kuhuwana, kunyange zvapupu zvenhema zvizhinji zvakauya, zvikasahuwana. Pakupedzisira kwakasvika zvapupu zvenhema zviviri,
61 เศเษ เทฺวา มฺฤษาสากฺษิณาวาคตฺย ชคทตุ: , ปุมานยมกถยตฺ, อหมีศฺวรมนฺทิรํ ภํกฺตฺวา ทินตฺรยมเธฺย ตนฺนิรฺมฺมาตุํ ศกฺโนมิฯ
zvikati: Uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMwari, nekuivaka nemazuva matatu.
62 ตทา มหายาชก อุตฺถาย ยีศุมฺ อวาทีตฺฯ ตฺวํ กิมปิ น ปฺรติวทสิ? ตฺวามธิ กิเมเต สากฺษฺยํ วทนฺติ?
Zvino mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Ava vanopupurei zvinopikisana newe?
63 กินฺตุ ยีศุ เรฺมานีภูย ตเสฺยาฯ ตโต มหายาชก อุกฺตวานฺ, ตฺวามฺ อมเรศฺวรนามฺนา ศปยามิ, ตฺวมีศฺวรสฺย ปุโตฺร'ภิษิกฺโต ภวสิ นเวติ วทฯ
Asi Jesu wakanyarara. Mupristi mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana iwe uri Kristu, Mwanakomana waMwari.
64 ยีศุ: ปฺรตฺยวทตฺ, ตฺวํ สตฺยมุกฺตวานฺ; อหํ ยุษฺมานฺ ตถฺยํ วทามิ, อิต: ปรํ มนุชสุตํ สรฺวฺวศกฺติมโต ทกฺษิณปารฺเศฺว สฺถาตุํ คคณสฺถํ ชลธรานารุหฺยายานฺตํ วีกฺษเธฺวฯ
Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamakore edenga.
65 ตทา มหายาชโก นิชวสนํ ฉิตฺตฺวา ชคาท, เอษ อีศฺวรํ นินฺทิตวานฺ, อสฺมากมปรสากฺเษฺยณ กึ ปฺรโยชนํ? ปศฺยต, ยูยเมวาสฺยาสฺยาทฺ อีศฺวรนินฺทำ ศฺรุตวนฺต: ,
Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake.
66 ยุษฺมาภิ: กึ วิวิจฺยเต? เต ปฺรตฺยูจุ: , วธาโรฺห'ยํฯ
Munofungei? Vakapindura vakati: Ane mhosva yerufu.
67 ตโต โลไกสฺตทาเสฺย นิษฺฐีวิตํ เกจิตฺ ปฺรตลมาหตฺย เกจิจฺจ จเปฏมาหตฺย พภาษิเร,
Zvino vakamupfira pachiso, vakamurova netsiva; vamwe vakamurova nembama,
68 เห ขฺรีษฺฏ ตฺวำ กศฺจเปฏมาหตวานฺ? อิติ คณยิตฺวา วทาสฺมานฺฯ
vachiti: Porofita kwatiri, Kristu, ndiani wakurova?
69 ปิตโร พหิรงฺคน อุปวิศติ, ตทานีเมกา ทาสี ตมุปาคตฺย พภาเษ, ตฺวํ คาลีลียยีโศ: สหจเรอก: ฯ
Petro wakange agere panze pachivanze; ndokuuya kwaari umwe murandakadzi achiti: Iwewo wakange una Jesu weGarirea.
70 กินฺตุ ส สรฺเวฺวษำ สมกฺษมฺ อนงฺคีกฺฤตฺยาวาทีตฺ, ตฺวยา ยทุจฺยเต, ตทรฺถมหํ น เวทฺมิฯ
Asi iye wakaramba pamberi pevese achiti: Handizivi zvaunoreva.
71 ตทา ตสฺมินฺ พหิรฺทฺวารํ คเต 'นฺยา ทาสี ตํ นิรีกฺษฺย ตตฺรตฺยชนานวทตฺ, อยมปิ นาสรตียยีศุนา สารฺทฺธมฺ อาสีตฺฯ
Zvino wakati abuda pasuwo, umwe mukadzi akamuona, akati kune vaivapo: Uyuwo wakange ana Jesu weNazareta.
72 ตต: ส ศปเถน ปุนรนงฺคีกฺฤตฺย กถิตวานฺ, ตํ นรํ น ปริจิโนมิฯ
Akarambazve nemhiko, kuti: Handizivi munhu uyu.
73 กฺษณาตฺ ปรํ ติษฺฐนฺโต ชนา เอตฺย ปิตรมฺ อวทนฺ, ตฺวมวศฺยํ เตษาเมก อิติ ตฺวทุจฺจารณเมว โทฺยตยติฯ
Shure kwechinguva chidiki kwakauya vakange vamirepo vachiti kuna Petro: Zvirokwazvo iwewo uri wavo; nokuti kunyange kutaura kwako kunokuratidza.
74 กินฺตุ โส'ภิศปฺย กถิตวานฺ, ตํ ชนํ นาหํ ปริจิโนมิ, ตทา สปทิ กุกฺกุโฏ รุราวฯ
Zvino wakatanga kutuka nekupika kuti: Handizivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.
75 กุกฺกุฏรวาตฺ ปฺรากฺ ตฺวํ มำ ตฺริรปาโหฺนษฺยเส, ไยษา วาคฺ ยีศุนาวาทิ ตำ ปิตร: สํสฺมฺฤตฺย พหิริตฺวา เขทาทฺ ภฺฤศํ จกฺรนฺทฯ
Petro ndokurangarira shoko raJesu raakati kwaari: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. Ndokubuda panze akachema zvinorwadza.

< มถิ: 26 >