< yohanaH 9 >

1 tataH paraM yIzurgacchan mArgamadhye janmAndhaM naram apazyat|
Wakati achipfuura, akaona munhu bofu kubva pakuberekwa.
2 tataH ziSyAstam apRcchan he guro naroyaM svapApena vA svapitrAH pApenAndho'jAyata?
Vadzidzi vake ndokumubvunza, vachiti: Rabhi, ndiani wakatadza, uyu kana vabereki vake, kuti aberekwe ari bofu?
3 tataH sa pratyuditavAn etasya vAsya pitroH pApAd etAdRzobhUda iti nahi kintvanena yathezvarasya karmma prakAzyate taddhetoreva|
Jesu akapindura akati: Uyu haana kutadza, kana vabereki vake; asi kuti mabasa aMwari aoneswe maari.
4 dine tiSThati matprerayituH karmma mayA karttavyaM yadA kimapi karmma na kriyate tAdRzI nizAgacchati|
Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hunouya, apo pasina munhu angagona kushanda.
5 ahaM yAvatkAlaM jagati tiSThAmi tAvatkAlaM jagato jyotiHsvarUposmi|
Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.
6 ityukttA bhUmau niSThIvaM nikSipya tena paGkaM kRtavAn
Wakati areva izvi, akapfira pasi, akaita dope nemate, akazodza dope pameso ebofu,
7 pazcAt tatpaGkena tasyAndhasya netre pralipya tamityAdizat gatvA zilohe 'rthAt preritanAmni sarasi snAhi| tatondho gatvA tatrAsnAt tataH prannacakSu rbhUtvA vyAghuTyAgAt|
akati kwaari: Enda unoshamba mudziva reSiroami (zvinoshandurwa kuti: Wakatumwa). Naizvozvo wakaenda akashamba, akadzoka achiona.
8 aparaJca samIpavAsino lokA ye ca taM pUrvvamandham apazyan te bakttum Arabhanta yondhaloko vartmanyupavizyAbhikSata sa evAyaM janaH kiM na bhavati?
Naizvozvo vavakidzani nevaimuona pakutanga kuti wakange ari bofu, vakati: Haasi iye uyu waigara achipemha here?
9 kecidavadan sa eva kecidavocan tAdRzo bhavati kintu sa svayamabravIt sa evAhaM bhavAmi|
Vamwe vakati: Uyu ndiye; asi vamwe vakati: Wakaita saiye. Iye akati: Ndini.
10 ataeva te 'pRcchan tvaM kathaM dRSTiM pAptavAn?
Naizvozvo vakati kwaari: Meso ako akazarurwa sei?
11 tataH sovadad yIzanAmaka eko jano mama nayane paGkena pralipya ityAjJApayat zilohakAsAraM gatvA tatra snAhi| tatastatra gatvA mayi snAte dRSTimahaM labdhavAn|
Akapindura izvo akati: Munhu anonzi Jesu wakaita dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami unoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikaonazve.
12 tadA te 'vadan sa pumAn kutra? tenokttaM nAhaM jAnAmi|
Naizvozvo vakati kwaari: Iye aripi? Akati: Handizivi.
13 aparaM tasmin pUrvvAndhe jane phirUzinAM nikaTam AnIte sati phirUzinopi tamapRcchan kathaM dRSTiM prAptosi?
Vakamuisa kuVaFarisi, iye waimbova bofu.
14 tataH sa kathitavAn sa paGkena mama netre 'limpat pazcAd snAtvA dRSTimalabhe|
Zvino raiva sabata apo Jesu akaita dope, akasvinudza meso ake.
15 kintu yIzu rvizrAmavAre karddamaM kRtvA tasya nayane prasanne'karod itikAraNAt katipayaphirUzino'vadan
Naizvozvo zvekare VaFarisi vakamubvunzawo, kuti wakaonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu ndikashamba, ndava kuona.
16 sa pumAn IzvarAnna yataH sa vizrAmavAraM na manyate| tatonye kecit pratyavadan pApI pumAn kim etAdRzam AzcaryyaM karmma karttuM zaknoti?
Naizvozvo vamwe veVaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Munhu ari mutadzi angaita sei zviratidzo zvakadai? Kukava nekupesana pakati pavo.
17 itthaM teSAM parasparaM bhinnavAkyatvam abhavat| pazcAt te punarapi taM pUrvvAndhaM mAnuSam aprAkSuH yo janastava cakSuSI prasanne kRtavAn tasmin tvaM kiM vadasi? sa ukttavAn sa bhavizadvAdI|
Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, sezvo asvinudza meso ako? Akati: Muporofita.
18 sa dRSTim AptavAn iti yihUdIyAstasya dRSTiM prAptasya janasya pitro rmukhAd azrutvA na pratyayan|
Zvino VaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakange ari bofu, akaonazve, kusvikira vadana vabereki vewakaonazve,
19 ataeva te tAvapRcchan yuvayo ryaM putraM janmAndhaM vadathaH sa kimayaM? tarhIdAnIM kathaM draSTuM zaknoti?
zvino vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu imwi wamunoti wakaberekwa ari bofu here? Naizvozvo ikozvino woona sei?
20 tatastasya pitarau pratyavocatAm ayam AvayoH putra A janerandhazca tadapyAvAM jAnIvaH
Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu;
21 kintvadhunA kathaM dRSTiM prAptavAn tadAvAM n jAnIvaH kosya cakSuSI prasanne kRtavAn tadapi na jAnIva eSa vayaHprApta enaM pRcchata svakathAM svayaM vakSyati|
asi kuti ikozvino woona sei, hatizivi; kana ndiani wasvinudza meso ake, isu hatizivi; iye wayaruka, mubvunzei, iye pachake achazvitaurira.
22 yihUdIyAnAM bhayAt tasya pitarau vAkyamidam avadatAM yataH kopi manuSyo yadi yIzum abhiSiktaM vadati tarhi sa bhajanagRhAd dUrIkAriSyate yihUdIyA iti mantraNAm akurvvan
Vabereki vake vakareva izvi, nokuti vaitya VaJudha; nokuti VaJudha vakange vatotenderana kuti kana ani nani anobvuma kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.
23 atastasya pitarau vyAharatAm eSa vayaHprApta enaM pRcchata|
Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei.
24 tadA te punazca taM pUrvvAndham AhUya vyAharan Izvarasya guNAn vada eSa manuSyaH pApIti vayaM jAnImaH|
Naizvozvo vakadana rwechipiri uyo munhu wakange ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.
25 tadA sa ukttavAn sa pApI na veti nAhaM jAne pUrvAmandha Asamaham adhunA pazyAmIti mAtraM jAnAmi|
Naizvozvo iye akapindura achiti: Kana ari mutadzi handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, ikozvino ndoona.
26 te punarapRcchan sa tvAM prati kimakarot? kathaM netre prasanne 'karot?
Zvino vakati kwaarizve: Wakaitei kwauri? Wakasvinudza meso ako sei?
27 tataH sovAdId ekakRtvokathayaM yUyaM na zRNutha tarhi kutaH punaH zrotum icchatha? yUyamapi kiM tasya ziSyA bhavitum icchatha?
Akavapindura, akati: Ndadokuudzai, asi hamuna kunzwa, munodirei kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vake kanhi?
28 tadA te taM tiraskRtya vyAharan tvaM tasya ziSyo vayaM mUsAH ziSyAH|
Naizvozvo vakamutuka, vakati: Ndiwe mudzidzi wake; asi isu tiri vadzidzi vaMozisi.
29 mUsAvaktreNezvaro jagAda tajjAnImaH kintveSa kutratyaloka iti na jAnImaH|
Isu tinoziva kuti Mwari wakataura kuna Mozisi; asi uyu hatizivi kwaanobva.
30 sovadad eSa mama locane prasanne 'karot tathApi kutratyaloka iti yUyaM na jAnItha etad AzcaryyaM bhavati|
Munhu akapindura akati kwavari: Nokuti pachinhu ichi pane chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, asi wasvinudza meso angu.
31 IzvaraH pApinAM kathAM na zRNoti kintu yo janastasmin bhaktiM kRtvA tadiSTakriyAM karoti tasyaiva kathAM zRNoti etad vayaM jAnImaH|
Zvino tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita chido chake, uyu anomunzwa.
32 kopi manuSyo janmAndhAya cakSuSI adadAt jagadArambhAd etAdRzIM kathAM kopi kadApi nAzRNot| (aiōn g165)
Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti umwe wakasvinudza meso ewakaberekwa ari bofu. (aiōn g165)
33 asmAd eSa manuSyo yadIzvarAnnAjAyata tarhi kiJcidapIdRzaM karmma karttuM nAzaknot|
Dai uyu anga asingabvi kuna Mwari, haasaigona kuita chinhu.
34 te vyAharan tvaM pApAd ajAyathAH kimasmAn tvaM zikSayasi? pazcAtte taM bahirakurvvan|
Vakapindura vakati kwaari: Iwe zvachese wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze.
35 tadanantaraM yihUdIyaiH sa bahirakriyata yIzuriti vArttAM zrutvA taM sAkSAt prApya pRSTavAn Izvarasya putre tvaM vizvasiSi?
Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?
36 tadA sa pratyavocat he prabho sa ko yat tasminnahaM vizvasimi?
Iye akapindura akati: Ndiani, Ishe, kuti nditende kwaari?
37 tato yIzuH kathitavAn tvaM taM dRSTavAn tvayA sAkaM yaH kathaM kathayati saeva saH|
Jesu ndokuti kwaari: Newe wamuona, uye anotaura newe, ndiye.
38 tadA he prabho vizvasimItyuktvA sa taM praNAmat|
Zvino akati: Ishe ndinotenda; akamunamata.
39 pazcAd yIzuH kathitavAn nayanahInA nayanAni prApnuvanti nayanavantazcAndhA bhavantItyabhiprAyeNa jagadAham Agaccham|
Jesu ndokuti: Kutonga ndiko ini kwandakauira panyika ino, kuti vasingaoni vaone; nevanoona vave mapofu.
40 etat zrutvA nikaTasthAH katipayAH phirUzino vyAharan vayamapi kimandhAH?
Uye avo veVaFarisi vaiva naye vakanzwa zvinhu izvi, vakati kwaari: Nesu tiri mapofu here?
41 tadA yIzuravAdId yadyandhA abhavata tarhi pApAni nAtiSThan kintu pazyAmIti vAkyavadanAd yuSmAkaM pApAni tiSThanti|
Jesu akati kwavari: Dai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi ikozvino munoti: Tinoona; naizvozvo chivi chenyu chinogara.

< yohanaH 9 >