< ပြကာၑိတံ 5 >

1 အနန္တရံ တသျ သိဟာသနောပဝိၐ္ဋဇနသျ ဒက္ၐိဏသ္တေ 'န္တ ရ္ဗဟိၑ္စ လိခိတံ ပတြမေကံ မယာ ဒၖၐ္ဋံ တတ် သပ္တမုဒြာဘိရင်္ကိတံ၊
Ipapo ndakaona muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe bhuku rakanga rakapetwa, rakanga rakanyorwa kumativi ose uye rakanamwa nezvisimbiso zvinomwe.
2 တတ္ပၑ္စာဒ် ဧကော ဗလဝါန် ဒူတော ဒၖၐ္ဋး သ ဥစ္စဲး သွရေဏ ဝါစမိမာံ ဃောၐယတိ ကး ပတြမေတဒ် ဝိဝရီတုံ တမ္မုဒြာ မောစယိတုဉ္စာရှတိ?
Uye ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru achiti, “Ndiani akafanira kusunungura chisimbiso nokuzarura bhuku rakapetwa?”
3 ကိန္တု သွရ္ဂမရ္တ္တျပါတာလေၐု တတ် ပတြံ ဝိဝရီတုံ နိရီက္ၐိတုဉ္စ ကသျာပိ သာမရ္ထျံ နာဘဝတ်၊
Asi hakuna munhu kudenga kana panyika kana pasi penyika aigona kuzarura bhuku rakapetwa kana kunyange kutarira mukati maro.
4 အတော ယသ္တတ် ပတြံ ဝိဝရီတုံ နိရီက္ၐိတုဉ္စာရှတိ တာဒၖၑဇနသျာဘာဝါဒ် အဟံ ဗဟု ရောဒိတဝါန်၊
Ndakachema nokuchema kukuru nokuti hakuna munhu akawanikwa akanga akafanira kuzarura bhuku rakapetwa kana kutarira mukati maro.
5 ကိန္တု တေၐာံ ပြာစီနာနာမ် ဧကော ဇနော မာမဝဒတ် မာ ရောဒီး ပၑျ ယော ယိဟူဒါဝံၑီယး သိံဟော ဒါယူဒေါ မူလသွရူပၑ္စာသ္တိ သ ပတြသျ တသျ သပ္တမုဒြာဏာဉ္စ မောစနာယ ပြမူတဝါန်၊
Ipapo mumwe wavakuru akati kwandiri, “Usachema! Tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, akakunda. Iye anogona kuzarura bhuku rakapetwa nezvisimbiso zvaro zvinomwe.”
6 အပရံ သိံဟာသနသျ စတုရ္ဏာံ ပြာဏိနာံ ပြာစီနဝရ္ဂသျ စ မဓျ ဧကော မေၐၑာဝကော မယာ ဒၖၐ္ဋး သ ဆေဒိတ ဣဝ တသျ သပ္တၑၖင်္ဂါဏိ သပ္တလောစနာနိ စ သန္တိ တာနိ ကၖတ္သ္နာံ ပၖထိဝီံ ပြေၐိတာ ဤၑွရသျ သပ္တာတ္မာနး၊
Ipapo ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina napakati pavakuru, Gwayana rakanga rimire uye rakaita serabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, inova ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa munyika yose.
7 သ ဥပါဂတျ တသျ သိံဟာသနောပဝိၐ္ဋဇနသျ ဒက္ၐိဏကရာတ် တတ် ပတြံ ဂၖဟီတဝါန်၊
Rakauya rikatora bhuku rakapetwa muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe.
8 ပတြေ ဂၖဟီတေ စတွာရး ပြာဏိနၑ္စတုရွိံံၑတိပြာစီနာၑ္စ တသျ မေၐၑာဝကသျာန္တိကေ ပြဏိပတန္တိ တေၐာမ် ဧကဲကသျ ကရယော ရွီဏာံ သုဂန္ဓိဒြဝျဲး ပရိပူရ္ဏံ သွရ္ဏမယပါတြဉ္စ တိၐ္ဌတိ တာနိ ပဝိတြလောကာနာံ ပြာရ္ထနာသွရူပါဏိ၊
Uye rakati raritora, zvisikwa zvipenyu zvina navakuru makumi mana navana vakawira pasi pamberi peGwayana. Mumwe nomumwe akanga ano rudimbwa uye vakanga vakabata ndiro dzegoridhe dzakanga dzizere nezvinonhuhwira, inova ndiyo minyengetero yavatsvene.
9 အပရံ တေ နူတနမေကံ ဂီတမဂါယန်, ယထာ, ဂြဟီတုံ ပတြိကာံ တသျ မုဒြာ မောစယိတုံ တထာ၊ တွမေဝါရှသိ ယသ္မာတ် တွံ ဗလိဝတ် ဆေဒနံ ဂတး၊ သရွွာဘျော ဇာတိဘာၐာဘျး သရွွသ္မာဒ် ဝံၑဒေၑတး၊ ဤၑွရသျ ကၖတေ 'သ္မာန် တွံ သွီယရက္တေန ကြီတဝါန်၊
Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.
10 အသ္မဒီၑွရပက္ၐေ 'သ္မာန် နၖပတီန် ယာဇကာနပိ၊ ကၖတဝါံသ္တေန ရာဇတွံ ကရိၐျာမော မဟီတလေ။
Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu, uye vachatonga panyika.”
11 အပရံ နိရီက္ၐမာဏေန မယာ သိံဟာသနသျ ပြာဏိစတုၐ္ဋယသျ ပြာစီနဝရ္ဂသျ စ ပရိတော ဗဟူနာံ ဒူတာနာံ ရဝး ၑြုတး, တေၐာံ သံချာ အယုတာယုတာနိ သဟသြသဟသ္တြာဏိ စ၊
Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru.
12 တဲရုစ္စဲရိဒမ် ဥက္တံ, ပရာကြမံ ဓနံ ဇ္ဉာနံ ၑက္တိံ ဂေါ်ရဝမာဒရံ၊ ပြၑံသာဉ္စာရှတိ ပြာပ္တုံ ဆေဒိတော မေၐၑာဝကး။
Vakaimba nenzwi guru vachiti: “Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa, kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinya uye nokurumbidzwa!”
13 အပရံ သွရ္ဂမရ္တ္တျပါတာလသာဂရေၐု ယာနိ ဝိဒျန္တေ တေၐာံ သရွွေၐာံ သၖၐ္ဋဝသ္တူနာံ ဝါဂိယံ မယာ ၑြုတာ, ပြၑံသာံ ဂေါ်ရဝံ ၑော်ရျျမ် အာဓိပတျံ သနာတနံ၊ သိံဟသနောပဝိၐ္ဋၑ္စ မေၐဝတ္သၑ္စ ဂစ္ဆတာံ၊ (aiōn g165)
Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!” (aiōn g165)
14 အပရံ တေ စတွာရး ပြာဏိနး ကထိတဝန္တသ္တထာသ္တု, တတၑ္စတုရွိံၑတိပြာစီနာ အပိ ပြဏိပတျ တမ် အနန္တကာလဇီဝိနံ ပြာဏမန်၊
Zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni,” uye vakuru vakawira pasi vakanamata.

< ပြကာၑိတံ 5 >