< ပြကာၑိတံ 15 >

1 တတး ပရမ် အဟံ သွရ္ဂေ 'ပရမ် ဧကမ် အဒ္ဘုတံ မဟာစိဟ္နံ ဒၖၐ္ဋဝါန် အရ္ထတော ယဲ ရ္ဒဏ္ဍဲရီၑွရသျ ကောပး သမာပ္တိံ ဂမိၐျတိ တာန် ဒဏ္ဍာန် ဓာရယန္တး သပ္တ ဒူတာ မယာ ဒၖၐ္ဋား၊
Ndakaona kudenga chimwe chiratidzo chikuru chinoshamisa ichi: vatumwa vanomwe namatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti nawo hasha dzaMwari dzakapera.
2 ဝဟ္နိမိၑြိတသျ ကာစမယသျ ဇလာၑယသျာကၖတိရပိ ဒၖၐ္ဋာ ယေ စ ပၑောသ္တတ္ပြတိမာယာသ္တန္နာမ္နော 'င်္ကသျ စ ပြဘူတဝန္တသ္တေ တသျ ကာစမယဇလာၑယသျ တီရေ တိၐ္ဌန္တ ဤၑွရီယဝီဏာ ဓာရယန္တိ,
Uye ndakaona chairatidzika segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto uye parutivi rwegungwa pakanga pamire, avo vakanga vakunda chikara nomufananidzo wacho nechiverengo chezita racho. Vakabata madimbwa avakanga vapiwa naMwari
3 ဤၑွရဒါသသျ မူသသော ဂီတံ မေၐၑာဝကသျ စ ဂီတံ ဂါယန္တော ဝဒန္တိ, ယထာ, သရွွၑက္တိဝိၑိၐ္ဋသ္တွံ ဟေ ပြဘော ပရမေၑွရ၊ တွဒီယသရွွကရ္မ္မာဏိ မဟာန္တိ စာဒ္ဘုတာနိ စ၊ သရွွပုဏျဝတာံ ရာဇန် မာရ္ဂာ နျာယျာ ၒတာၑ္စ တေ၊
uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti: “Mabasa enyu makuru uye anoshamisa, Ishe Mwari Wamasimba Ose. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo wamakore.
4 ဟေ ပြဘော နာမဓေယာတ္တေ ကော န ဘီတိံ ဂမိၐျတိ၊ ကော ဝါ တွဒီယနာမ္နၑ္စ ပြၑံသာံ န ကရိၐျတိ၊ ကေဝလသ္တွံ ပဝိတြော 'သိ သရွွဇာတီယမာနဝါး၊ တွာမေဝါဘိပြဏံသျန္တိ သမာဂတျ တွဒန္တိကံ၊ ယသ္မာတ္တဝ ဝိစာရာဇ္ဉား ပြာဒုရ္ဘာဝံ ဂတား ကိလ။
Ndianiko angarega kukutyai, imi Ishe, kana kukudza zita renyu? Nokuti ndimi moga mutsvene. Ndudzi dzose dzichauya dzigonamata pamberi penyu, nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.”
5 တဒနန္တရံ မယိ နိရီက္ၐမာဏေ သတိ သွရ္ဂေ သာက္ၐျာဝါသသျ မန္ဒိရသျ ဒွါရံ မုက္တံ၊
Shure kwaizvozvi ndakatarira kudenga, uye temberi, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, yakanga yakazaruka.
6 ယေ စ သပ္တ ဒူတား သပ္တ ဒဏ္ဍာန် ဓာရယန္တိ တေ တသ္မာတ် မန္ဒိရာတ် နိရဂစ္ဆန်၊ တေၐာံ ပရိစ္ဆဒါ နိရ္မ္မလၑၖဘြဝရ္ဏဝသ္တြနိရ္မ္မိတာ ဝက္ၐာံသိ စ သုဝရ္ဏၑၖင်္ခလဲ ရွေၐ္ဋိတာနျာသန်၊
Mutemberi makabuda vatumwa vanomwe vana matambudziko manomwe. Vakanga vakapfeka nguo dzomucheka wakachena, unopenya uye vakamonera mabhanhire egoridhe pazvipfuva zvavo.
7 အပရံ စတုရ္ဏာံ ပြာဏိနာမ် ဧကသ္တေဘျး သပ္တဒူတေဘျး သပ္တသုဝရ္ဏကံသာန် အဒဒါတ်၊ (aiōn g165)
Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri. (aiōn g165)
8 အနန္တရမ် ဤၑွရသျ တေဇးပြဘာဝကာရဏာတ် မန္ဒိရံ ဓူမေန ပရိပူရ္ဏံ တသ္မာတ် တဲး သပ္တဒူတဲး သပ္တဒဏ္ဍာနာံ သမာပ္တိံ ယာဝတ် မန္ဒိရံ ကေနာပိ ပြဝေၐ္ဋုံ နာၑကျတ၊
Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.

< ပြကာၑိတံ 15 >