< ဖိလိပိနး 4 >

1 ဟေ မဒီယာနန္ဒမုကုဋသွရူပါး ပြိယတမာ အဘီၐ္ဋတမာ ဘြာတရး, ဟေ မမ သ္နေဟပါတြား, ယူယမ် ဣတ္ထံ ပဘော် သ္ထိရာသ္တိၐ္ဌတ၊
Naizvozvo, hama dzangu vadikanwi vanoshuviwa, mufaro wangu nekorona, saizvozvo mirai nesimba muna Ishe, vadikanwi.
2 ဟေ ဣဝဒိယေ ဟေ သုန္တုခိ ယုဝါံ ပြဘော် ဧကဘာဝေ ဘဝတမ် ဧတဒ် အဟံ ပြာရ္ထယေ၊
Ndinokumbirisa Yuodhia, uye ndinokumbirisa Sindike, kuti vave nemurangariro umwe muna Ishe.
3 ဟေ မမ သတျ သဟကာရိန် တွာမပိ ဝိနီယ ဝဒါမိ ဧတယောရုပကာရသ္တွယာ ကြိယတာံ ယတသ္တေ က္လီမိနာဒိဘိး သဟကာရိဘိး သာရ္ဒ္ဓံ သုသံဝါဒပြစာရဏာယ မမ သာဟာယျာရ္ထံ ပရိၑြမမ် အကုရွွတာံ တေၐာံ သရွွေၐာံ နာမာနိ စ ဇီဝနပုသ္တကေ လိခိတာနိ ဝိဒျန္တေ၊
Uye ndinonyengerera iwewo, umwe wangu wechokwadi pabasa, batsira vanhukadzi vaya, vakabatirana neni paevhangeri, pamwe naKiremendi, nevamwe vakabata neni, mazita avo ari mubhuku reupenyu.
4 ယူယံ ပြဘော် သရွွဒါနန္ဒတ၊ ပုန ရွဒါမိ ယူယမ် အာနန္ဒတ၊
Farai muna Ishe nguva dzese; ndinotizve: Farai.
5 ယုၐ္မာကံ ဝိနီတတွံ သရွွမာနဝဲ ရ္ဇ္ဉာယတာံ, ပြဘုး သန္နိဓော် ဝိဒျတေ၊
Unyoro hwenyu ngahuzikanwe kuvanhu vese. Ishe ari pedo.
6 ယူယံ ကိမပိ န စိန္တယတ ကိန္တု ဓနျဝါဒယုက္တာဘျာံ ပြာရ္ထနာယာဉ္စာဘျာံ သရွွဝိၐယေ သွပြာရ္ထနီယမ် ဤၑွရာယ နိဝေဒယတ၊
Musafunganya pamusoro pechinhu, asi pazvinhu zvese, nemunyengetero nemukumbiro nekuvonga, zvichemo zvenyu ngazvizikanwe kuna Mwari,
7 တထာ ကၖတ ဤၑွရီယာ ယာ ၑာန္တိး သရွွာံ ဗုဒ္ဓိမ် အတိၑေတေ သာ ယုၐ္မာကံ စိတ္တာနိ မနာံသိ စ ခြီၐ္ဋေ ယီၑော် ရက္ၐိၐျတိ၊
zvino rugare rwaMwari rwunopfuura kunzwisisa kwese, rwuchachengeta moyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
8 ဟေ ဘြာတရး, ၑေၐေ ဝဒါမိ ယဒျတ် သတျမ် အာဒရဏီယံ နျာယျံ သာဓု ပြိယံ သုချာတမ် အနျေဏ ယေန ကေနစိတ် ပြကာရေဏ ဝါ ဂုဏယုက္တံ ပြၑံသနီယံ ဝါ ဘဝတိ တတြဲဝ မနာံသိ နိဓဓွံ၊
Pakupedzisira, hama, chese chechokwadi, chese chinokudzwa, chese chakarurama, chese chakachena, chese chinodikanwa, chese chinorumbidzwa, kana kunaka kupi nekupi, uye kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungai zvinhu izvi;
9 ယူယံ မာံ ဒၖၐ္ဋွာ ၑြုတွာ စ ယဒျတ် ၑိက္ၐိတဝန္တော ဂၖဟီတဝန္တၑ္စ တဒေဝါစရတ တသ္မာတ် ၑာန္တိဒါယက ဤၑွရော ယုၐ္မာဘိး သာရ္ဒ္ဓံ သ္ထာသျတိ၊
nezvamakadzidza nekugamuchira nekunzwa nekuona mandiri, itai izvozvo; naMwari werugare achava nemwi.
10 မမောပကာရာယ ယုၐ္မာကံ ယာ စိန္တာ ပူရွွမ် အာသီတ် ကိန္တု ကရ္မ္မဒွါရံ န ပြာပ္နောတ် ဣဒါနီံ သာ ပုနရဖလတ် ဣတျသ္မိန် ပြဘော် မမ ပရမာဟ္လာဒေါ'ဇာယတ၊
Asi ndakafara zvikuru muna Ishe, kuti ikozvino makatomutsiridzazve kundirangarira; kwamaindirangarirawo nako, asi makashaiwa mukana.
11 အဟံ ယဒ် ဒဲနျကာရဏာဒ် ဣဒံ ဝဒါမိ တန္နဟိ ယတော မမ ယာ ကာစိဒ် အဝသ္ထာ ဘဝေတ် တသျာံ သန္တောၐ္ဋုမ် အၑိက္ၐယံ၊
Kwete kuti ndinotaura izvi nekuda kwekushaiwa, nokuti ini ndadzidza kugutsikana nezvinhu zvandiri.
12 ဒရိဒြတာံ ဘောက္တုံ ၑက္နောမိ ဓနာဎျတာမ် အပိ ဘောက္တုံ ၑက္နောမိ သရွွထာ သရွွဝိၐယေၐု ဝိနီတော'ဟံ ပြစုရတာံ က္ၐုဓာဉ္စ ဓနံ ဒဲနျဉ္စာဝဂတော'သ္မိ၊
Ndinoziva zvese kuzvidzwa, uye ndinoziva kuva nezvakawandisa; papi nepapi nepazvinhu zvese ndakadzidziswa zvese kuguta nekunzwa nzara, zvese kuva nezvizhinjisa nekushaiwa.
13 မမ ၑက္တိဒါယကေန ခြီၐ္ဋေန သရွွမေဝ မယာ ၑကျံ ဘဝတိ၊
Ndinogona kuita zvinhu zvese kubudikidza naKristu anondisimbisa.
14 ကိန္တု ယုၐ္မာဘိ ရ္ဒဲနျနိဝါရဏာယ မာမ် ဥပကၖတျ သတ္ကရ္မ္မာကာရိ၊
Kunyange zvakadaro makaita zvakanaka zvamakabatana neni pakutambudzika kwangu.
15 ဟေ ဖိလိပီယလောကား, သုသံဝါဒသျောဒယကာလေ ယဒါဟံ မာကိဒနိယာဒေၑာတ် ပြတိၐ္ဌေ တဒါ ကေဝလာန် ယုၐ္မာန် ဝိနာပရယာ ကယာပိ သမိတျာ သဟ ဒါနာဒါနယော ရ္မမ ကော'ပိ သမ္ဗန္ဓော နာသီဒ် ဣတိ ယူယမပိ ဇာနီထ၊
Zvino munozivawo imwi VaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, pandakabva kuMakedhonia, hapana kereke yakadyidzana neni pashoko rekupa nekugamuchira, asi imwi mega;
16 ယတော ယုၐ္မာဘိ ရ္မမ ပြယောဇနာယ ထိၐလနီကီနဂရမပိ မာံ ပြတိ ပုနး ပုနရ္ဒာနံ ပြေၐိတံ၊
nokuti kunyange paTesaronika makatumira kamwe nekupamha pakushaiwa kwangu.
17 အဟံ ယဒ် ဒါနံ မၖဂယေ တန္နဟိ ကိန္တု ယုၐ္မာကံ လာဘဝရ္ဒ္ဓကံ ဖလံ မၖဂယေ၊
Kwete kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka chibereko chinowedzera kuchikwama chenyu.
18 ကိန္တု မမ ကသျာပျဘာဝေါ နာသ္တိ သရွွံ ပြစုရမ် အာသ္တေ ယတ ဤၑွရသျ ဂြာဟျံ တုၐ္ဋိဇနကံ သုဂန္ဓိနဲဝေဒျသွရူပံ ယုၐ္မာကံ ဒါနံ ဣပါဖြဒိတာဒ် ဂၖဟီတွာဟံ ပရိတၖပ္တော'သ္မိ၊
Zvino ndagamuchira zvese uye ndawanzirwa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafrodito zvinhu zvinobva kwamuri, hwema hwezvinonhuhwira, chibairo chinogamuchirwa, chinofadza Mwari.
19 မမေၑွရော'ပိ ခြီၐ္ဋေန ယီၑုနာ သွကီယဝိဘဝနိဓိတး ပြယောဇနီယံ သရွွဝိၐယံ ပူရ္ဏရူပံ ယုၐ္မဘျံ ဒေယာတ်၊
Asi Mwari wangu achazadzisa kushaiwa kwenyu kwese zvichienderana nefuma yake mukubwinya, muna Kristu Jesu.
20 အသ္မာကံ ပိတုရီၑွရသျ ဓနျဝါဒေါ'နန္တကာလံ ယာဝဒ် ဘဝတု၊ အာမေန်၊ (aiōn g165)
Zvino kuna Mwari naBaba vedu, ngakuve nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
21 ယူယံ ယီၑုခြီၐ္ဋသျဲကဲကံ ပဝိတြဇနံ နမသ္ကုရုတ၊ မမ သင်္ဂိဘြာတရော ယူၐ္မာန် နမသ္ကုရွွတေ၊
Kwazisai mutsvene umwe neumwe muna Kristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai.
22 သရွွေ ပဝိတြလောကာ ဝိၑေၐတး ကဲသရသျ ပရိဇနာ ယုၐ္မာန် နမသ္ကုရွွတေ၊
Vatsvene vese vanokukwazisai, zvikuruwo avo veimba yaKesari.
23 အသ္မာကံ ပြဘော ရျီၑုခြီၐ္ဋသျ ပြသာဒး သရွွာန် ယုၐ္မာန် ပြတိ ဘူယာတ်၊ အာမေန်၊
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Amen.

< ဖိလိပိနး 4 >