< ဖိလိပိနး 2 >

1 ခြီၐ္ဋာဒ် ယဒိ ကိမပိ သာန္တွနံ ကၑ္စိတ် ပြေမဇာတော ဟရ္ၐး ကိဉ္စိဒ် အာတ္မနး သမဘာဂိတွံ ကာစိဒ် အနုကမ္ပာ ကၖပါ ဝါ ဇာယတေ တရှိ ယူယံ မမာဟ္လာဒံ ပူရယန္တ
Kana muine kurudziro inobva pakubatana naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi,
2 ဧကဘာဝါ ဧကပြေမာဏ ဧကမနသ ဧကစေၐ္ဋာၑ္စ ဘဝတ၊
ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa.
3 ဝိရောဓာဒ် ဒရ္ပာဒ် ဝါ ကိမပိ မာ ကုရုတ ကိန္တု နမြတယာ သွေဘျော'ပရာန် ဝိၑိၐ္ဋာန် မနျဓွံ၊
Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.
4 ကေဝလမ် အာတ္မဟိတာယ န စေၐ္ဋမာနား ပရဟိတာယာပိ စေၐ္ဋဓွံ၊
Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo.
5 ခြီၐ္ဋသျ ယီၑော ရျာဒၖၑး သွဘာဝေါ ယုၐ္မာကမ် အပိ တာဒၖၑော ဘဝတု၊
Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu:
6 သ ဤၑွရရူပီ သန် သွကီယာမ် ဤၑွရတုလျတာံ ၑ္လာဃာသ္ပဒံ နာမနျတ,
Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa,
7 ကိန္တု သွံ ၑူနျံ ကၖတွာ ဒါသရူပီ ဗဘူဝ နရာကၖတိံ လေဘေ စ၊
asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu.
8 ဣတ္ထံ နရမူရ္တ္တိမ် အာၑြိတျ နမြတာံ သွီကၖတျ မၖတျောရရ္ထတး ကြုၑီယမၖတျောရေဝ ဘောဂါယာဇ္ဉာဂြာဟီ ဗဘူဝ၊
Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa.
9 တတ္ကာရဏာဒ် ဤၑွရော'ပိ တံ သရွွောန္နတံ စကာရ ယစ္စ နာမ သရွွေၐာံ နာမ္နာံ ၑြေၐ္ဌံ တဒေဝ တသ္မဲ ဒဒေါ်,
Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose,
10 တတသ္တသ္မဲ ယီၑုနာမ္နေ သွရ္ဂမရ္တျပါတာလသ္ထိတဲး သရွွဲ ရ္ဇာနုပါတး ကရ္တ္တဝျး,
kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga napanyika uye napasi penyika,
11 တာတသ္ထေၑွရသျ မဟိမ္နေ စ ယီၑုခြီၐ္ဋး ပြဘုရိတိ ဇိဟွာဘိး သွီကရ္တ္တဝျံ၊
uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari Baba vakudzwe.
12 အတော ဟေ ပြိယတမား, ယုၐ္မာဘိ ရျဒွတ် သရွွဒါ ကြိယတေ တဒွတ် ကေဝလေ မမောပသ္ထိတိကာလေ တန္နဟိ ကိန္တွိဒါနီမ် အနုပသ္ထိတေ'ပိ မယိ ဗဟုတရယတ္နေနာဇ္ဉာံ ဂၖဟီတွာ ဘယကမ္ပာဘျာံ သွသွပရိတြာဏံ သာဓျတာံ၊
Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera,
13 ယတ ဤၑွရ ဧဝ သွကီယာနုရောဓာဒ် ယုၐ္မန္မဓျေ မနသ္ကာမနာံ ကရ္မ္မသိဒ္ဓိဉ္စ ဝိဒဓာတိ၊
nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka.
14 ယူယံ ကလဟဝိဝါဒရွိဇတမ် အာစာရံ ကုရွွန္တော'နိန္ဒနီယာ အကုဋိလာ
Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara,
15 ဤၑွရသျ နိၐ္ကလင်္ကာၑ္စ သန္တာနာဣဝ ဝကြဘာဝါနာံ ကုဋိလာစာရိဏာဉ္စ လောကာနာံ မဓျေ တိၐ္ဌတ,
kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika
16 ယတသ္တေၐာံ မဓျေ ယူယံ ဇီဝနဝါကျံ ဓာရယန္တော ဇဂတော ဒီပကာ ဣဝ ဒီပျဓွေ၊ ယုၐ္မာဘိသ္တထာ ကၖတေ မမ ယတ္နး ပရိၑြမော ဝါ န နိၐ္ဖလော ဇာတ ဣတျဟံ ခြီၐ္ဋသျ ဒိနေ ၑ္လာဃာံ ကရ္တ္တုံ ၑက္ၐျာမိ၊
sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina.
17 ယုၐ္မာကံ ဝိၑွာသာရ္ထကာယ ဗလိဒါနာယ သေဝနာယ စ ယဒျပျဟံ နိဝေဒိတဝျော ဘဝေယံ တထာပိ တေနာနန္ဒာမိ သရွွေၐာံ ယုၐ္မာကမ် အာနန္ဒသျာံၑီ ဘဝါမိ စ၊
Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose.
18 တဒွဒ် ယူယမပျာနန္ဒတ မဒီယာနန္ဒသျာံၑိနော ဘဝတ စ၊
Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni.
19 ယုၐ္မာကမ် အဝသ္ထာမ် အဝဂတျာဟမပိ ယတ် သာန္တွနာံ ပြာပ္နုယာံ တဒရ္ထံ တီမထိယံ တွရယာ ယုၐ္မတ္သမီပံ ပြေၐယိၐျာမီတိ ပြဘော် ပြတျာၑာံ ကုရွွေ၊
Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu.
20 ယး သတျရူပေဏ ယုၐ္မာကံ ဟိတံ စိန္တယတိ တာဒၖၑ ဧကဘာဝသ္တသ္မာဒနျး ကော'ပိ မမ သန္နိဓော် နာသ္တိ၊
Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka.
21 ယတော'ပရေ သရွွေ ယီၑေား ခြီၐ္ဋသျ ဝိၐယာန် န စိန္တယန္တ အာတ္မဝိၐယာန် စိန္တယန္တိ၊
Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu.
22 ကိန္တု တသျ ပရီက္ၐိတတွံ ယုၐ္မာဘိ ရ္ဇ္ဉာယတေ ယတး ပုတြော ယာဒၖက် ပိတုး သဟကာရီ ဘဝတိ တထဲဝ သုသံဝါဒသျ ပရိစရျျာယာံ သ မမ သဟကာရီ ဇာတး၊
Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri.
23 အတဧဝ မမ ဘာဝိဒၑာံ ဇ္ဉာတွာ တတ္က္ၐဏာတ် တမေဝ ပြေၐယိတုံ ပြတျာၑာံ ကုရွွေ
Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei.
24 သွယမ် အဟမပိ တူရ္ဏံ ယုၐ္မတ္သမီပံ ဂမိၐျာမီတျာၑာံ ပြဘုနာ ကုရွွေ၊
Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza.
25 အပရံ ယ ဣပါဖြဒီတော မမ ဘြာတာ ကရ္မ္မယုဒ္ဓါဘျာံ မမ သဟာယၑ္စ ယုၐ္မာကံ ဒူတော မဒီယောပကာရာယ ပြတိနိဓိၑ္စာသ္တိ ယုၐ္မတ္သမီပေ တသျ ပြေၐဏမ် အာဝၑျကမ် အမနျေ၊
Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhitasi, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azondibatsira pane zvandaishayiwa.
26 ယတး သ ယုၐ္မာန် သရွွာန် အကာင်္က္ၐတ ယုၐ္မာဘိသ္တသျ ရောဂသျ ဝါရ္တ္တာၑြာဝီတိ ဗုဒ္ဓွာ ပရျျၑောစစ္စ၊
Nokuti anokushuvai mose uye ari kutambudzika nokuti makanzwa kuti akanga achirwara.
27 သ ပီဍယာ မၖတကလ္ပော'ဘဝဒိတိ သတျံ ကိန္တွီၑွရသ္တံ ဒယိတဝါန် မမ စ ဒုးခါတ် ပရံ ပုနရ္ဒုးခံ ယန္န ဘဝေတ် တဒရ္ထံ ကေဝလံ တံ န ဒယိတွာ မာမပိ ဒယိတဝါန်၊
Zvechokwadi akanga achirwara, uye akapotsa afa. Asi Mwari akava nengoni naye, uye kwete kwaari oga asi kwandiriwo, kuti ndirege kuva nokusuwa pamusoro pokusuwa.
28 အတဧဝ ယူယံ တံ ဝိလောကျ ယတ် ပုနရာနန္ဒေတ မမာပိ ဒုးခသျ ဟြာသော ယဒ် ဘဝေတ် တဒရ္ထမ် အဟံ တွရယာ တမ် အပြေၐယံ၊
Naizvozvo ndinoshinga kwazvo kuti ndimutume, kuti pamunomuonazve mugofara uye ini ndive nokufunganya kushoma.
29 အတော ယူယံ ပြဘေား ကၖတေ သမ္ပူရ္ဏေနာနန္ဒေန တံ ဂၖဟ္လီတ တာဒၖၑာန် လောကာံၑ္စာဒရဏီယာန် မနျဓွံ၊
Mugamuchirei muna She nomufaro mukuru, uye mukudze munhu akaita saiyeye,
30 ယတော မမ သေဝနေ ယုၐ္မာကံ တြုဋိံ ပူရယိတုံ သ ပြာဏာန် ပဏီကၖတျ ခြီၐ္ဋသျ ကာရျျာရ္ထံ မၖတပြာယေ'ဘဝတ်၊
nokuti akapotsa afa nokuda kwebasa raKristu, akaisa upenyu hwake panjodzi kuti akwanise kubatsira kwamakanga musingagoni kundiitira imi.

< ဖိလိပိနး 2 >