+ မထိး 1 >

1 ဣဗြာဟီမး သန္တာနော ဒါယူဒ် တသျ သန္တာနော ယီၑုခြီၐ္ဋသ္တသျ ပူရွွပုရုၐဝံၑၑြေဏီ၊
Bhuku redzinza raJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama.
2 ဣဗြာဟီမး ပုတြ ဣသှာက် တသျ ပုတြော ယာကူဗ် တသျ ပုတြော ယိဟူဒါသ္တသျ ဘြာတရၑ္စ၊
Abhurahama wakabereka Isaka; Isaka ndokubereka Jakobho; Jakobho ndokubereka Judha nevanakomana vababa vake;
3 တသ္မာဒ် ယိဟူဒါတသ္တာမရော ဂရ္ဘေ ပေရဿေရဟော် ဇဇ္ဉာတေ, တသျ ပေရသး ပုတြော ဟိၐြောဏ် တသျ ပုတြော 'ရာမ်၊
Judha ndokubereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi ndokubereka Esiromi; Esiromi ndokubereka Arami;
4 တသျ ပုတြော 'မ္မီနာဒဗ် တသျ ပုတြော နဟၑောန် တသျ ပုတြး သလ္မောန်၊
Arami ndokubereka Aminadhabhi; Aminadhabhi ndokubereka Naashoni; Naashoni ndokubereka Sarimoni;
5 တသ္မာဒ် ရာဟဗော ဂရ္ဘေ ဗောယမ် ဇဇ္ဉေ, တသ္မာဒ် ရူတော ဂရ္ဘေ ဩဗေဒ် ဇဇ္ဉေ, တသျ ပုတြော ယိၑယး၊
Sarimoni ndokubereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi ndokubereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi ndokubereka Jese;
6 တသျ ပုတြော ဒါယူဒ် ရာဇး တသ္မာဒ် မၖတောရိယသျ ဇာယာယာံ သုလေမာန် ဇဇ္ဉေ၊
Jese ndokubereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo ndokubereka Soromoni kumukadziwaiva waUria;
7 တသျ ပုတြော ရိဟဗိယာမ်, တသျ ပုတြော'ဗိယး, တသျ ပုတြ အာသာ: ၊
Soromoni ndokubereka Robhoami; Robhoami ndokubereka Abhiya; Abhiya ndokubereka Asa;
8 တသျ သုတော ယိဟောၑာဖဋ် တသျ သုတော ယိဟောရာမ တသျ သုတ ဥၐိယး၊
Asa ndokubereka Josafati; Josafati ndokubereka Joramu; Joramu ndokubereka Oziasi;
9 တသျ သုတော ယောထမ် တသျ သုတ အာဟမ် တသျ သုတော ဟိၐ္ကိယး၊
Oziasi ndokubereka Jotamu; Jotamu ndokubereka Akazi; Akazi ndokubereka Hezekia;
10 တသျ သုတော မိနၑိး, တသျ သုတ အာမောန် တသျ သုတော ယောၑိယး၊
Hezekia ndokubereka Manase; Manase ndokubereka Amoni; Amoni ndokubereka Josiyasi;
11 ဗာဗိလ္နဂရေ ပြဝသနာတ် ပူရွွံ သ ယောၑိယော ယိခနိယံ တသျ ဘြာတၖံၑ္စ ဇနယာမာသ၊
Josiyasi ndokubereka Jekoniasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi.
12 တတော ဗာဗိလိ ပြဝသနကာလေ ယိခနိယး ၑလ္တီယေလံ ဇနယာမာသ, တသျ သုတး သိရုဗ္ဗာဝိလ်၊
Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniasi wakabereka Saratieri; Saratieri ndokubereka Zerubhabheri;
13 တသျ သုတော 'ဗောဟုဒ် တသျ သုတ ဣလီယာကီမ် တသျ သုတော'သောရ်၊
Zerubhabheri ndokubereka Abhiudhi; Abhiudhi ndokubereka Eriakimi; Eriakimi ndokubereka Azori;
14 အသောရး သုတး သာဒေါက် တသျ သုတ အာခီမ် တသျ သုတ ဣလီဟူဒ်၊
Azori ndokubereka Sadhoki; Sadhoki ndokubereka Akimi; Akimi ndokubereka Eriyudhi;
15 တသျ သုတ ဣလိယာသရ် တသျ သုတော မတ္တန်၊
Eriyudhi ndokubereka Eriazari; Eriazari ndokubereka Matani; Matani ndokubereka Jakobho;
16 တသျ သုတော ယာကူဗ် တသျ သုတော ယူၐဖ် တသျ ဇာယာ မရိယမ်; တသျ ဂရ္ဘေ ယီၑုရဇနိ, တမေဝ ခြီၐ္ဋမ် (အရ္ထာဒ် အဘိၐိက္တံ) ဝဒန္တိ၊
Jakobho ndokubereka Josefa murume waMaria, kwakazvarwa kwaari Jesu, anonzi Kristu.
17 ဣတ္ထမ် ဣဗြာဟီမော ဒါယူဒံ ယာဝတ် သာကလျေန စတုရ္ဒၑပုရုၐား; အာ ဒါယူဒး ကာလာဒ် ဗာဗိလိ ပြဝသနကာလံ ယာဝတ် စတုရ္ဒၑပုရုၐာ ဘဝန္တိ၊ ဗာဗိလိ ပြဝါသနကာလာတ် ခြီၐ္ဋသျ ကာလံ ယာဝတ် စတုရ္ဒၑပုရုၐာ ဘဝန္တိ၊
Naizvozvo mazera ese kubva kuna Abhurahama kusvikira kuna Dhavhidhi mazera gumi nemana; nekubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi mazera gumi nemana; nekubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Kristu mazera gumi nemana.
18 ယီၑုခြီၐ္ဋသျ ဇန္မ ကထ္ထတေ၊ မရိယမ် နာမိကာ ကနျာ ယူၐဖေ ဝါဂ္ဒတ္တာသီတ်, တဒါ တယေား သင်္ဂမာတ် ပြာက် သာ ကနျာ ပဝိတြေဏာတ္မနာ ဂရ္ဘဝတီ ဗဘူဝ၊
Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai: Nokuti mai vake Maria vakati vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, vasati vasangana vakaonekwa vava nemimba kubva kuMweya Mutsvene.
19 တတြ တသျား ပတိ ရျူၐဖ် သော်ဇနျာတ် တသျား ကလင်္ဂံ ပြကာၑယိတုမ် အနိစ္ဆန် ဂေါပနေနေ တာံ ပါရိတျက္တုံ မနၑ္စကြေ၊
Zvino Josefa murume wavo zvaakange ari wakarurama, asingadi kuvafumura, waida kuvaramba muchivande.
20 သ တထဲဝ ဘာဝယတိ, တဒါနီံ ပရမေၑွရသျ ဒူတး သွပ္နေ တံ ဒရ္ၑနံ ဒတ္တွာ ဝျာဇဟာရ, ဟေ ဒါယူဒး သန္တာန ယူၐဖ် တွံ နိဇာံ ဇာယာံ မရိယမမ် အာဒါတုံ မာ ဘဲၐီး၊
Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nokuti icho chakaumbwa maari ndecheMweya Mutsvene.
21 ယတသ္တသျာ ဂရ္ဘး ပဝိတြာဒါတ္မနော'ဘဝတ်, သာ စ ပုတြံ ပြသဝိၐျတေ, တဒါ တွံ တသျ နာမ ယီၑုမ် (အရ္ထာတ် တြာတာရံ) ကရီၐျသေ, ယသ္မာတ် သ နိဇမနုဇာန် တေၐာံ ကလုၐေဘျ ဥဒ္ဓရိၐျတိ၊
Uye achabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake Jesu, nokuti iye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.
22 ဣတ္ထံ သတိ, ပၑျ ဂရ္ဘဝတီ ကနျာ တနယံ ပြသဝိၐျတေ၊ ဣမ္မာနူယေလ် တဒီယဉ္စ နာမဓေယံ ဘဝိၐျတိ။ ဣမ္မာနူယေလ် အသ္မာကံ သင်္ဂီၑွရဣတျရ္ထး၊
Zvino zvese izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe kubudikidza nemuporofita achiti:
23 ဣတိ ယဒ် ဝစနံ ပုရွွံ ဘဝိၐျဒွက္တြာ ဤၑွရး ကထာယာမာသ, တတ် တဒါနီံ သိဒ္ဓမဘဝတ်၊
Tarira, mhandara ichava nemimba, igobereka Mwanakomana, uye vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari anesu.
24 အနန္တရံ ယူၐဖ် နိဒြာတော ဇာဂရိတ ဥတ္ထာယ ပရမေၑွရီယဒူတသျ နိဒေၑာနုသာရေဏ နိဇာံ ဇာယာံ ဇဂြာဟ,
Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvakaraira mutumwa waIshe kwaari, akazvitorera mukadzi wake;
25 ကိန္တု ယာဝတ် သာ နိဇံ ပြထမသုတံ အ သုၐုဝေ, တာဝတ် တာံ နောပါဂစ္ဆတ်, တတး သုတသျ နာမ ယီၑုံ စကြေ၊
uye haana kumuziva kusvikira azvara Mwanakomana wake wedangwe; akatumidza zita rake JESU.

+ မထိး 1 >