< မာရ္ကး 10 >
1 အနန္တရံ သ တတ္သ္ထာနာတ် ပြသ္ထာယ ယရ္ဒ္ဒနနဒျား ပါရေ ယိဟူဒါပြဒေၑ ဥပသ္ထိတဝါန်, တတြ တဒန္တိကေ လောကာနာံ သမာဂမေ ဇာတေ သ နိဇရီတျနုသာရေဏ ပုနသ္တာန် ဥပဒိဒေၑ၊
Zvino wakati asimukapo, akauya kumiganhu yeJudhiya, achigura nemhiri kwaJoridhani; zvaunga ndokuunganirazve kwaari; zvino sezvaakange ajaira, akavadzidzisa zvekare.
2 တဒါ ဖိရူၑိနသ္တတ္သမီပမ် ဧတျ တံ ပရီက္ၐိတုံ ပပြစ္ဆး သွဇာယာ မနုဇာနာံ တျဇျာ န ဝေတိ?
VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza vachiti: Zvinotenderwa here kuti murume arambe mukadzi? vachimuidza.
3 တတး သ ပြတျဝါဒီတ်, အတြ ကာရျျေ မူသာ ယုၐ္မာန် ပြတိ ကိမာဇ္ဉာပယတ်?
Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chii?
4 တ ဦစုး တျာဂပတြံ လေခိတုံ သွပတ္နီံ တျက္တုဉ္စ မူသာ'နုမနျတေ၊
Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwerambano, nekumuramba.
5 တဒါ ယီၑုး ပြတျုဝါစ, ယုၐ္မာကံ မနသာံ ကာဌိနျာဒ္ဓေတော ရ္မူသာ နိဒေၑမိမမ် အလိခတ်၊
Jesu akapindura akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo wenyu, wakakunyorerai murairo uyu.
6 ကိန္တု သၖၐ္ဋေရာဒေါ် ဤၑွရော နရာန် ပုံရူပေဏ သ္တြီရူပေဏ စ သသရ္ဇ၊
Asi kubva pakutanga kwezvisikwa, Mwari wakavaita murume nemukadzi.
7 "တတး ကာရဏာတ် ပုမာန် ပိတရံ မာတရဉ္စ တျက္တွာ သွဇာယာယာမ် အာသက္တော ဘဝိၐျတိ,
Nekuda kweizvozvo munhu achasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;
8 တော် ဒွါဝ် ဧကာင်္ဂေါ် ဘဝိၐျတး၊ " တသ္မာတ် တတ္ကာလမာရဘျ တော် န ဒွါဝ် ဧကာင်္ဂေါ်၊
zvino ava vaviri vachava nyama imwe. Naizvozvo havasichiri vaviri, asi nyama imwe.
9 အတး ကာရဏာဒ် ဤၑွရော ယဒယောဇယတ် ကောပိ နရသ္တန္န ဝိယေဇယေတ်၊
Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza, ngapasava nemunhu anoparadzanisa.
10 အထ ယီၑု ရ္ဂၖဟံ ပြဝိၐ္ဋသ္တဒါ ၑိၐျား ပုနသ္တတ္ကထာံ တံ ပပြစ္ဆုး၊
Mumba vadzidzi vake vakapamha kumubvunza pamusoro pazvo.
11 တတး သောဝဒတ် ကၑ္စိဒ် ယဒိ သွဘာရျျာံ တျက္တဝါနျာမ် ဥဒွဟတိ တရှိ သ သွဘာရျျာယား ပြာတိကူလျေန ဝျဘိစာရီ ဘဝတိ၊
Zvino akati kwavari: Ani nani anoramba mukadzi wake, akawana umwe, anoita upombwe kwaari.
12 ကာစိန္နာရီ ယဒိ သွပတိံ ဟိတွာနျပုံသာ ဝိဝါဟိတာ ဘဝတိ တရှိ သာပိ ဝျဘိစာရိဏီ ဘဝတိ၊
Uye kana mukadzi achiramba murume wake, achiwanikwa neumwe, anoita upombwe.
13 အထ သ ယထာ ၑိၑူန် သ္ပၖၑေတ်, တဒရ္ထံ လောကဲသ္တဒန္တိကံ ၑိၑဝ အာနီယန္တ, ကိန္တု ၑိၐျာသ္တာနာနီတဝတသ္တရ္ဇယာမာသုး၊
Zvino vakauya nevana vadiki kwaari, kuti avabate; asi vadzidzi vakatsiura avo vaiuya navo.
14 ယီၑုသ္တဒ် ဒၖၐ္ဋွာ ကြုဓျန် ဇဂါဒ, မန္နိကဋမ် အာဂန္တုံ ၑိၑူန် မာ ဝါရယတ, ယတ ဧတာဒၖၑာ ဤၑွရရာဇျာဓိကာရိဏး၊
Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Tenderai vana vadiki kuuya kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwevakadai.
15 ယုၐ္မာနဟံ ယထာရ္ထံ ဝစ္မိ, ယး ကၑ္စိတ် ၑိၑုဝဒ် ဘူတွာ ရာဇျမီၑွရသျ န ဂၖဟ္လီယာတ် သ ကဒါပိ တဒြာဇျံ ပြဝေၐ္ဋုံ န ၑက္နောတိ၊
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.
16 အနနတရံ သ ၑိၑူနင်္ကေ နိဓာယ တေၐာံ ဂါတြေၐု ဟသ္တော် ဒတ္တွာၑိၐံ ဗဘာၐေ၊
Uye akavagumbatira, achiisa maoko pamusoro pavo, akavaropafadza.
17 အထ သ ဝရ္တ္မနာ ယာတိ, ဧတရှိ ဇန ဧကော ဓာဝန် အာဂတျ တတ္သမ္မုခေ ဇာနုနီ ပါတယိတွာ ပၖၐ္ဋဝါန်, ဘေား ပရမဂုရော, အနန္တာယုး ပြာပ္တယေ မယာ ကိံ ကရ္တ္တဝျံ? (aiōnios )
Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? (aiōnios )
18 တဒါ ယီၑုရုဝါစ, မာံ ပရမံ ကုတော ဝဒသိ? ဝိနေၑွရံ ကောပိ ပရမော န ဘဝတိ၊
Jesu akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, iye Mwari.
19 ပရသ္တြီံ နာဘိဂစ္ဆ; နရံ မာ ဃာတယ; သ္တေယံ မာ ကုရု; မၖၐာသာက္ၐျံ မာ ဒေဟိ; ဟိံသာဉ္စ မာ ကုရု; ပိတရော် သမ္မနျသွ; နိဒေၑာ ဧတေ တွယာ ဇ္ဉာတား၊
Unoiziva mirairo inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usabiridzira, kudza baba namai vako.
20 တတသ္တန ပြတျုက္တံ, ဟေ ဂုရော ဗာလျကာလာဒဟံ သရွွာနေတာန် အာစရာမိ၊
Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.
21 တဒါ ယီၑုသ္တံ ဝိလောကျ သ္နေဟေန ဗဘာၐေ, တဝဲကသျာဘာဝ အာသ္တေ; တွံ ဂတွာ သရွွသွံ ဝိကြီယ ဒရိဒြေဘျော ဝိၑြာဏယ, တတး သွရ္ဂေ ဓနံ ပြာပ္သျသိ; တတး ပရမ် ဧတျ ကြုၑံ ဝဟန် မဒနုဝရ္တ္တီ ဘဝ၊
Jesu ndokumutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvese zvaunazvo, upe varombo, zvino uchava nefuma kudenga; ugouya utakure muchinjikwa, unditevere.
22 ကိန္တု တသျ ဗဟုသမ္ပဒွိဒျမာနတွာတ် သ ဣမာံ ကထာမာကရ္ဏျ ဝိၐဏော ဒုးခိတၑ္စ သန် ဇဂါမ၊
Asi asuwa neshoko iro, wakaenda neshungu, nokuti wakange ane nhumbi zhinji.
23 အထ ယီၑုၑ္စတုရ္ဒိၑော နိရီက္ၐျ ၑိၐျာန် အဝါဒီတ်, ဓနိလောကာနာမ် ဤၑွရရာဇျပြဝေၑး ကီဒၖဂ် ဒုၐ္ကရး၊
Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari!
24 တသျ ကထာတး ၑိၐျာၑ္စမစ္စကြုး, ကိန္တု သ ပုနရဝဒတ်, ဟေ ဗာလကာ ယေ ဓနေ ဝိၑွသန္တိ တေၐာမ် ဤၑွရရာဇျပြဝေၑး ကီဒၖဂ် ဒုၐ္ကရး၊
Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kune vanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari;
25 ဤၑွရရာဇျေ ဓနိနာံ ပြဝေၑာတ် သူစိရန္ဓြေဏ မဟာင်္ဂသျ ဂမနာဂမနံ သုကရံ၊
zvingarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, pane kuti mufumi apinde muushe hwaMwari.
26 တဒါ ၑိၐျာ အတီဝ ဝိသ္မိတား ပရသ္ပရံ ပြောစုး, တရှိ ကး ပရိတြာဏံ ပြာပ္တုံ ၑက္နောတိ?
Ipapo vakashamisika zvisingaverengeki, vachitaurirana vachiti: Ndiani zvino angagoponeswa?
27 တတော ယီၑုသ္တာန် ဝိလောကျ ဗဘာၐေ, တန် နရသျာသာဓျံ ကိန္တု နေၑွရသျ, ယတော ဟေတောရီၑွရသျ သရွွံ သာဓျမ်၊
Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari; nokuti kuna Mwari zvinhu zvese zvinobvira.
28 တဒါ ပိတရ ဥဝါစ, ပၑျ ဝယံ သရွွံ ပရိတျဇျ ဘဝတောနုဂါမိနော ဇာတား၊
Petro akatanga kuti kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese tikakuteverai.
29 တတော ယီၑုး ပြတျဝဒတ်, ယုၐ္မာနဟံ ယထာရ္ထံ ဝဒါမိ, မဒရ္ထံ သုသံဝါဒါရ္ထံ ဝါ ယော ဇနး သဒနံ ဘြာတရံ ဘဂိနီံ ပိတရံ မာတရံ ဇာယာံ သန္တာနာန် ဘူမိ ဝါ တျက္တွာ
Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwangu nekweevhangeri,
30 ဂၖဟဘြာတၖဘဂိနီပိတၖမာတၖပတ္နီသန္တာနဘူမီနာမိဟ ၑတဂုဏာန် ပြေတျာနန္တာယုၑ္စ န ပြာပ္နောတိ တာဒၖၑး ကောပိ နာသ္တိ၊ (aiōn , aiōnios )
asingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda, pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya. (aiōn , aiōnios )
31 ကိန္တွဂြီယာ အနေကေ လောကား ၑေၐား, ၑေၐီယာ အနေကေ လောကာၑ္စာဂြာ ဘဝိၐျန္တိ၊
Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.
32 အထ ယိရူၑာလမျာနကာလေ ယီၑုသ္တေၐာမ် အဂြဂါမီ ဗဘူဝ, တသ္မာတ္တေ စိတြံ ဇ္ဉာတွာ ပၑ္စာဒ္ဂါမိနော ဘူတွာ ဗိဘျုး၊ တဒါ သ ပုန ရ္ဒွါဒၑၑိၐျာန် ဂၖဟီတွာ သွီယံ ယဒျဒ် ဃဋိၐျတေ တတ္တတ် တေဘျး ကထယိတုံ ပြာရေဘေ;
Zvino vachiri munzira vachikwira kuJerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamisika; zvino pavaitevera, vaitya. Akatorazve vanegumi nevaviri, akatanga kuvaudza zvinhu zvakange zvichizoitika kwaari,
33 ပၑျတ ဝယံ ယိရူၑာလမ္ပုရံ ယာမး, တတြ မနုၐျပုတြး ပြဓာနယာဇကာနာမ် ဥပါဓျာယာနာဉ္စ ကရေၐု သမရ္ပယိၐျတေ; တေ စ ဝဓဒဏ္ဍာဇ္ဉာံ ဒါပယိတွာ ပရဒေၑီယာနာံ ကရေၐု တံ သမရ္ပယိၐျန္တိ၊
achiti: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nekuvanyori, uye vachamutongera rufu, nekumukumikidza kuvahedheni,
34 တေ တမုပဟသျ ကၑယာ ပြဟၖတျ တဒွပုၐိ နိၐ္ဌီဝံ နိက္ၐိပျ တံ ဟနိၐျန္တိ, တတး သ တၖတီယဒိနေ ပြောတ္ထာသျတိ၊
vachamusveveredza, vachamurova netyava, nekumupfira, nekumuuraya; zvino nezuva retatu achamukazve.
35 တတး သိဝဒေး ပုတြော် ယာကူဗျောဟနော် တဒန္တိကမ် ဧတျ ပြောစတုး, ဟေ ဂုရော ယဒ် အာဝါဘျာံ ယာစိၐျတေ တဒသ္မဒရ္ထံ ဘဝါန် ကရောတု နိဝေဒနမိဒမာဝယေား၊
Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatichakumbira.
36 တတး သ ကထိတဝါန်, ယုဝါံ ကိမိစ္ဆထး? ကိံ မယာ ယုၐ္မဒရ္ထံ ကရဏီယံ?
Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?
37 တဒါ တော် ပြောစတုး, အာဝယောရေကံ ဒက္ၐိဏပါရ္ၑွေ ဝါမပါရ္ၑွေ စဲကံ တဝဲၑွရျျပဒေ သမုပဝေၐ္ဋုမ် အာဇ္ဉာပယ၊
Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, uye umwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.
38 ကိန္တု ယီၑုး ပြတျုဝါစ ယုဝါမဇ္ဉာတွေဒံ ပြာရ္ထယေထေ, ယေန ကံသေနာဟံ ပါသျာမိ တေန ယုဝါဘျာံ ကိံ ပါတုံ ၑက္ၐျတေ? ယသ္မိန် မဇ္ဇနေနာဟံ မဇ္ဇိၐျေ တန္မဇ္ဇနေ မဇ္ဇယိတုံ ကိံ ယုဝါဘျာံ ၑက္ၐျတေ? တော် ပြတျူစတုး ၑက္ၐျတေ၊
Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandinonwa ini here, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini here?
39 တဒါ ယီၑုရဝဒတ် ယေန ကံသေနာဟံ ပါသျာမိ တေနာဝၑျံ ယုဝါမပိ ပါသျထး, ယေန မဇ္ဇနေန စာဟံ မဇ္ဇိယျေ တတြ ယုဝါမပိ မဇ္ဇိၐျေထေ၊
Vakati kwaari: Tingagona. Jesu akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wandinonwa ini, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
40 ကိန္တု ယေၐာမရ္ထမ် ဣဒံ နိရူပိတံ, တာန် ဝိဟာယာနျံ ကမပိ မမ ဒက္ၐိဏပါရ္ၑွေ ဝါမပါရ္ၑွေ ဝါ သမုပဝေၑယိတုံ မမာဓိကာရော နာသ္တိ၊
asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kupa, asi zvevakazvigadzirirwa.
41 အထာနျဒၑၑိၐျာ ဣမာံ ကထာံ ၑြုတွာ ယာကူဗျောဟန္ဘျာံ စုကုပုး၊
Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.
42 ကိန္တု ယီၑုသ္တာန် သမာဟူယ ဗဘာၐေ, အနျဒေၑီယာနာံ ရာဇတွံ ယေ ကုရွွန္တိ တေ တေၐာမေဝ ပြဘုတွံ ကုရွွန္တိ, တထာ ယေ မဟာလောကာသ္တေ တေၐာမ် အဓိပတိတွံ ကုရွွန္တီတိ ယူယံ ဇာနီထ၊
Asi Jesu akavadanira kwaari akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda evahedheni anovadzvinyirira, nevakuru vavo vanoshandisa simba pamusoro pavo.
43 ကိန္တု ယုၐ္မာကံ မဓျေ န တထာ ဘဝိၐျတိ, ယုၐ္မာကံ မဓျေ ယး ပြာဓာနျံ ဝါဉ္ဆတိ သ ယုၐ္မာကံ သေဝကော ဘဝိၐျတိ,
Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, achava mushandiri wenyu;
44 ယုၐ္မာကံ ယော မဟာန် ဘဝိတုမိစ္ဆတိ သ သရွွေၐာံ ကိင်္ကရော ဘဝိၐျတိ၊
ani nani wenyu anoda kuva wekutanga, achava mushandi wevese.
45 ယတော မနုၐျပုတြး သေဝျော ဘဝိတုံ နာဂတး သေဝါံ ကရ္တ္တာံ တထာနေကေၐာံ ပရိတြာဏသျ မူလျရူပသွပြာဏံ ဒါတုဉ္စာဂတး၊
Nokuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nekupa upenyu hwake ruve rudzikunuro rwevazhinji.
46 အထ တေ ယိရီဟောနဂရံ ပြာပ္တာသ္တသ္မာတ် ၑိၐျဲ ရ္လောကဲၑ္စ သဟ ယီၑော ရ္ဂမနကာလေ ဋီမယသျ ပုတြော ဗရ္ဋီမယနာမာ အန္ဓသ္တန္မာရ္ဂပါရ္ၑွေ ဘိက္ၐာရ္ထမ် ဥပဝိၐ္ဋး၊
Vakasvika kuJeriko; zvino wakati achibuda Jeriko nevadzidzi vake nechaunga chikuru, Bhatimio bofu, mwanakomana waTimio, akange agere padivi penzira achipemha.
47 သ နာသရတီယသျ ယီၑောရာဂမနဝါရ္တ္တာံ ပြာပျ ပြောစဲ ရွက္တုမာရေဘေ, ဟေ ယီၑော ဒါယူဒး သန္တာန မာံ ဒယသွ၊
Wakati anzwa kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, nekuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
48 တတောနေကေ လောကာ မော်နီဘဝေတိ တံ တရ္ဇယာမာသုး, ကိန္တု သ ပုနရဓိကမုစ္စဲ ရ္ဇဂါဒ, ဟေ ယီၑော ဒါယူဒး သန္တာန မာံ ဒယသွ၊
Vazhinji vakamutsiura kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
49 တဒါ ယီၑုး သ္ထိတွာ တမာဟွာတုံ သမာဒိဒေၑ, တတော လောကာသ္တမန္ဓမာဟူယ ဗဘာၐိရေ, ဟေ နရ, သ္ထိရော ဘဝ, ဥတ္တိၐ္ဌ, သ တွာမာဟွယတိ၊
Jesu ndokumira, akati adanwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, anokudana.
50 တဒါ သ ဥတ္တရီယဝသ္တြံ နိက္ၐိပျ ပြောတ္ထာယ ယီၑေား သမီပံ ဂတး၊
Ipapo rikarasa nguvo yaro rikasimuka, rikauya kuna Jesu.
51 တတော ယီၑုသ္တမဝဒတ် တွယာ ကိံ ပြာရ္ထျတေ? တုဘျမဟံ ကိံ ကရိၐျာမီ? တဒါ သောန္ဓသ္တမုဝါစ, ဟေ ဂုရော မဒီယာ ဒၖၐ္ဋိရ္ဘဝေတ်၊
Jesu akapindura, akati kwariri: Unoda kuti ndikuitirei? Bofu rikati kwaari: Rabhoni, kuti ndionezve.
52 တတော ယီၑုသ္တမုဝါစ ယာဟိ တဝ ဝိၑွာသသ္တွာံ သွသ္ထမကာရ္ၐီတ်, တသ္မာတ် တတ္က္ၐဏံ သ ဒၖၐ္ဋိံ ပြာပျ ပထာ ယီၑေား ပၑ္စာဒ် ယယော်၊
Jesu akati kwariri: Enda; rutendo rwako rwakuponesa. Pakarepo rikaonazve, rikatevera Jesu munzira.