< လူကး 5 >

1 အနန္တရံ ယီၑုရေကဒါ ဂိနေၐရထ္ဒသျ တီရ ဥတ္တိၐ္ဌတိ, တဒါ လောကာ ဤၑွရီယကထာံ ၑြောတုံ တဒုပရိ ပြပတိတား၊
Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari,
2 တဒါနီံ သ ဟ္ဒသျ တီရသမီပေ နော်ဒွယံ ဒဒရ္ၑ ကိဉ္စ မတ္သျောပဇီဝိနော နာဝံ ဝိဟာယ ဇာလံ ပြက္ၐာလယန္တိ၊
uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka mambure avo.
3 တတသ္တယောရ္ဒွယော ရ္မဓျေ ၑိမောနော နာဝမာရုဟျ တီရာတ် ကိဉ္စိဒ္ဒူရံ ယာတုံ တသ္မိန် ဝိနယံ ကၖတွာ နော်ကာယာမုပဝိၑျ လောကာန် ပြောပဒိၐ္ဋဝါန်၊
Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa.
4 ပၑ္စာတ် တံ ပြသ္တာဝံ သမာပျ သ ၑိမောနံ ဝျာဇဟာရ, ဂဘီရံ ဇလံ ဂတွာ မတ္သျာန် ဓရ္တ္တုံ ဇာလံ နိက္ၐိပ၊
Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.”
5 တတး ၑိမောန ဗဘာၐေ, ဟေ ဂုရော ယဒျပိ ဝယံ ကၖတ္သ္နာံ ယာမိနီံ ပရိၑြမျ မတ္သျဲကမပိ န ပြာပ္တာသ္တထာပိ ဘဝတော နိဒေၑတော ဇာလံ က္ၐိပါမး၊
Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.”
6 အထ ဇာလေ က္ၐိပ္တေ ဗဟုမတ္သျပတနာဒ် အာနာယး ပြစ္ဆိန္နး၊
Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka.
7 တသ္မာဒ် ဥပကရ္တ္တုမ် အနျနော်သ္ထာန် သင်္ဂိန အာယာတုမ် ဣင်္ဂိတေန သမာဟွယန် တတသ္တ အာဂတျ မတ္သျဲ ရ္နော်ဒွယံ ပြပူရယာမာသု ရျဲ ရ္နော်ဒွယံ ပြမဂ္နမ်၊
Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura.
8 တဒါ ၑိမောန္ပိတရသ္တဒ် ဝိလောကျ ယီၑောၑ္စရဏယေား ပတိတွာ, ဟေ ပြဘောဟံ ပါပီ နရော မမ နိကဋာဒ် ဘဝါန် ယာတု, ဣတိ ကထိတဝါန်၊
Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!”
9 ယတော ဇာလေ ပတိတာနာံ မတ္သျာနာံ ယူထာတ် ၑိမောန် တတ္သင်္ဂိနၑ္စ စမတ္ကၖတဝန္တး; ၑိမောနး သဟကာရိဏော် သိဝဒေး ပုတြော် ယာကူဗ် ယောဟန် စေမော် တာဒၖၑော် ဗဘူဝတုး၊
Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata,
10 တဒါ ယီၑုး ၑိမောနံ ဇဂါဒ မာ ဘဲၐီရဒျာရဘျ တွံ မနုၐျဓရော ဘဝိၐျသိ၊
uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.”
11 အနန္တရံ သရွွာသု နော်သု တီရမ် အာနီတာသု တေ သရွွာန် ပရိတျဇျ တသျ ပၑ္စာဒ္ဂါမိနော ဗဘူဝုး၊
Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera.
12 တတး ပရံ ယီၑော် ကသ္မိံၑ္စိတ် ပုရေ တိၐ္ဌတိ ဇန ဧကး သရွွာင်္ဂကုၐ္ဌသ္တံ ဝိလောကျ တသျ သမီပေ နျုဗ္ဇး ပတိတွာ သဝိနယံ ဝက္တုမာရေဘေ, ဟေ ပြဘော ယဒိ ဘဝါနိစ္ဆတိ တရှိ မာံ ပရိၐ္ကရ္တ္တုံ ၑက္နောတိ၊
Jesu paakanga achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
13 တဒါနီံ သ ပါဏိံ ပြသာရျျ တဒင်္ဂံ သ္ပၖၑန် ဗဘာၐေ တွံ ပရိၐ္ကြိယသွေတိ မမေစ္ဆာသ္တိ တတသ္တတ္က္ၐဏံ သ ကုၐ္ဌာတ် မုက္တး၊
Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uyu akati, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari.
14 ပၑ္စာတ် သ တမာဇ္ဉာပယာမာသ ကထာမိမာံ ကသ္မဲစိဒ် အကထယိတွာ ယာဇကသျ သမီပဉ္စ ဂတွာ သွံ ဒရ္ၑယ, လောကေဘျော နိဇပရိၐ္ကၖတတွသျ ပြမာဏဒါနာယ မူသာဇ္ဉာနုသာရေဏ ဒြဝျမုတ္မၖဇသွ စ၊
Ipapo Jesu akamurayira akati, “Usaudza munhu, asi enda undozviratidza kumuprista ugopa zvibayiro zvakarayirwa naMozisi zvokunatswa kwako, chive chapupu kwavari.”
15 တထာပိ ယီၑေား သုချာတိ ရ္ဗဟု ဝျာပ္တုမာရေဘေ ကိဉ္စ တသျ ကထာံ ၑြောတုံ သွီယရောဂေဘျော မောက္တုဉ္စ လောကာ အာဇဂ္မုး၊
Asi mukurumbira wake wakapararira kwazvo, zvokuti vanhu vazhinji zhinji vakauya kuzomunzwa uye kuti vaporeswe zvirwere zvavo.
16 အထ သ ပြာန္တရံ ဂတွာ ပြာရ္ထယာဉ္စကြေ၊
Asi, kazhinji Jesu aizvitsaura achienda kusina vanhu kuti andonyengetera.
17 အပရဉ္စ ဧကဒါ ယီၑုရုပဒိၑတိ, ဧတရှိ ဂါလီလျိဟူဒါပြဒေၑယေား သရွွနဂရေဘျော ယိရူၑာလမၑ္စ ကိယန္တး ဖိရူၑိလောကာ ဝျဝသ္ထာပကာၑ္စ သမာဂတျ တဒန္တိကေ သမုပဝိဝိၑုး, တသ္မိန် ကာလေ လောကာနာမာရောဂျကာရဏာတ် ပြဘေား ပြဘာဝး ပြစကာၑေ၊
Rimwe zuva paaidzidzisa, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro, vakanga vabva mumisha yose yeGarirea neJudhea uye neJerusarema, vakanga vagerepo. Uye simba raShe rakanga riripo kuti aporese vanorwara.
18 ပၑ္စာတ် ကိယန္တော လောကာ ဧကံ ပက္ၐာဃာတိနံ ခဋွာယာံ နိဓာယ ယီၑေား သမီပမာနေတုံ သမ္မုခေ သ္ထာပယိတုဉ္စ ဝျာပြိယန္တ၊
Vamwe varume vakasvika vakatakura murume akanga akaoma mutezo parukukwe vakaedza kuti vamupinze mumba kuti vandomuradzika pamberi paJesu.
19 ကိန္တု ဗဟုဇနနိဝဟသမွာဓာတ် န ၑက္နုဝန္တော ဂၖဟောပရိ ဂတွာ ဂၖဟပၖၐ္ဌံ ခနိတွာ တံ ပက္ၐာဃာတိနံ သခဋွံ ဂၖဟမဓျေ ယီၑေား သမ္မုခေ 'ဝရောဟယာမာသုး၊
Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfiriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo.
20 တဒါ ယီၑုသ္တေၐာမ် ဤဒၖၑံ ဝိၑွာသံ ဝိလောကျ တံ ပက္ၐာဃာတိနံ ဝျာဇဟာရ, ဟေ မာနဝ တဝ ပါပမက္ၐမျတ၊
Jesu akati aona kutenda kwavo, akati, “Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa.”
21 တသ္မာဒ် အဓျာပကား ဖိရူၑိနၑ္စ စိတ္တဲရိတ္ထံ ပြစိန္တိတဝန္တး, ဧၐ ဇန ဤၑွရံ နိန္ဒတိ ကောယံ? ကေဝလမီၑွရံ ဝိနာ ပါပံ က္ၐန္တုံ ကး ၑက္နောတိ?
VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko munhu uyu anotaura achimhura Mwari. Ndianiko anoregerera zvivi kunze kwaMwari chete?”
22 တဒါ ယီၑုသ္တေၐာမ် ဣတ္ထံ စိန္တနံ ဝိဒိတွာ တေဘျောကထယဒ် ယူယံ မနောဘိး ကုတော ဝိတရ္ကယထ?
Jesu aiziva zvavaifunga uye akabvunza achiti, “Seiko muchifunga zvinhu izvi mumwoyo yenyu?
23 တဝ ပါပက္ၐမာ ဇာတာ ယဒွါ တွမုတ္ထာယ ဝြဇ ဧတယော ရ္မဓျေ ကာ ကထာ သုကထျာ?
Ndezvipiko zvakareruka: kuti, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’?
24 ကိန္တု ပၖထိဝျာံ ပါပံ က္ၐန္တုံ မာနဝသုတသျ သာမရ္ထျမသ္တီတိ ယထာ ယူယံ ဇ္ဉာတုံ ၑက္နုထ တဒရ္ထံ (သ တံ ပက္ၐာဃာတိနံ ဇဂါဒ) ဥတ္တိၐ္ဌ သွၑယျာံ ဂၖဟီတွာ ဂၖဟံ ယာဟီတိ တွာမာဒိၑာမိ၊
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kumurume akanga akaoma mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora rukukwe rwako uende kumba.”
25 တသ္မာတ် သ တတ္က္ၐဏမ် ဥတ္ထာယ သရွွေၐာံ သာက္ၐာတ် နိဇၑယနီယံ ဂၖဟီတွာ ဤၑွရံ ဓနျံ ဝဒန် နိဇနိဝေၑနံ ယယော်၊
Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora rukukwe rwaakanga avete parwuri akaenda kumba achirumbidza Mwari.
26 တသ္မာတ် သရွွေ ဝိသ္မယ ပြာပ္တာ မနးသု ဘီတာၑ္စ ဝယမဒျာသမ္ဘဝကာရျျာဏျဒရ္ၑာမ ဣတျုက္တွာ ပရမေၑွရံ ဓနျံ ပြောဒိတား၊
Munhu wose akashamiswa nazvo akarumbidza Mwari. Vakazadzwa nokutya vakati, “Taona zvinhu zvinoshamisa nhasi.”
27 တတး ပရံ ဗဟိရ္ဂစ္ဆန် ကရသဉ္စယသ္ထာနေ လေဝိနာမာနံ ကရသဉ္စာယကံ ဒၖၐ္ဋွာ ယီၑုသ္တမဘိဒဓေ မမ ပၑ္စာဒေဟိ၊
Shure kwaizvozvo, Jesu akabuda akaona muteresi ainzi Revhi akagara paimba yake yokuteresa. Jesu akati kwaari, “Nditevere.”
28 တသ္မာတ် သ တတ္က္ၐဏာတ် သရွွံ ပရိတျဇျ တသျ ပၑ္စာဒိယာယ၊
Revhi akasimuka, akasiya zvinhu zvose akamutevera.
29 အနန္တရံ လေဝိ ရ္နိဇဂၖဟေ တဒရ္ထံ မဟာဘောဇျံ စကာရ, တဒါ တဲး သဟာနေကေ ကရသဉ္စာယိနသ္တဒနျလောကာၑ္စ ဘောက္တုမုပဝိဝိၑုး၊
Ipapo Revhi akaitira Jesu mabiko makuru pamba pake, uye vateresi vazhinji kwazvo navamwewo vakadya navo.
30 တသ္မာတ် ကာရဏာတ် စဏ္ဍာလာနာံ ပါပိလောကာနာဉ္စ သင်္ဂေ ယူယံ ကုတော ဘံဂ္ဓွေ ပိဝထ စေတိ ကထာံ ကထယိတွာ ဖိရူၑိနော'ဓျာပကာၑ္စ တသျ ၑိၐျဲး သဟ ဝါဂျုဒ္ဓံ ကရ္တ္တုမာရေဘိရေ၊
Asi vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vari veboka ravo vakagununʼuna vakati kuvadzidzi vake, “Seiko muchidya navateresi navatadzi?”
31 တသ္မာဒ် ယီၑုသ္တာန် ပြတျဝေါစဒ် အရောဂလောကာနာံ စိကိတ္သကေန ပြယောဇနံ နာသ္တိ ကိန္တု သရောဂါဏာမေဝ၊
Jesu akavapindura akati, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara.
32 အဟံ ဓာရ္မ္မိကာန် အာဟွာတုံ နာဂတောသ္မိ ကိန္တု မနး ပရာဝရ္တ္တယိတုံ ပါပိန ဧဝ၊
Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke.”
33 တတသ္တေ ပြောစုး, ယောဟနး ဖိရူၑိနာဉ္စ ၑိၐျာ ဝါရံဝါရမ် ဥပဝသန္တိ ပြာရ္ထယန္တေ စ ကိန္တု တဝ ၑိၐျား ကုတော ဘုဉ္ဇတေ ပိဝန္တိ စ?
Ivo vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji uye vachinyengetera, uye vadzidzi vavaFarisi vanodarowo, asi venyu vanoramba vachidya nokunwa.”
34 တဒါ သ တာနာစချော် ဝရေ သင်္ဂေ တိၐ္ဌတိ ဝရသျ သခိဂဏံ ကိမုပဝါသယိတုံ ၑက္နုထ?
Jesu akavapindura akati, “Mungaite here kuti shamwari dzechikomba dzitsanye iye achinavo?
35 ကိန္တု ယဒါ တေၐာံ နိကဋာဒ် ဝရော နေၐျတေ တဒါ တေ သမုပဝတ္သျန္တိ၊
Asi nguva ichauya apo chikomba chichabviswa kwavari; mumazuva iwayo vachatsanya.”
36 သောပရမပိ ဒၖၐ္ဋာန္တံ ကထယာမ္ဗဘူဝ ပုရာတနဝသ္တြေ ကောပိ နုတနဝသ္တြံ န သီဝျတိ ယတသ္တေန သေဝနေန ဇီရ္ဏဝသ္တြံ ဆိဒျတေ, နူတနပုရာတနဝသ္တြယော ရ္မေလဉ္စ န ဘဝတိ၊
Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Hakuna munhu anobvarura chigamba kubva panguo itsva achichisonera panguo tsaru. Kana akadaro, anenge abvarura nguo itsva, uye chigamba chinobva panguo itsva hachibatsiri panguo tsaru.
37 ပုရာတနျာံ ကုတွာံ ကောပိ နုတနံ ဒြာက္ၐာရသံ န နိဒဓာတိ, ယတော နဝီနဒြာက္ၐာရသသျ တေဇသာ ပုရာတနီ ကုတူ ရွိဒီရျျတေ တတော ဒြာက္ၐာရသး ပတတိ ကုတူၑ္စ နၑျတိ၊
Uye hakuna anodira waini itsva mumaguchu amatehwe matsaru. Kana akadaro, waini itsva ichatsemura matehwe, waini itsva ichateuka uye maguchu ewaini achaparadzwa.
38 တတော ဟေတော ရ္နူတနျာံ ကုတွာံ နဝီနဒြာက္ၐာရသး နိဓာတဝျသ္တေနောဘယသျ ရက္ၐာ ဘဝတိ၊
Kwete, waini itsva inofanira kudirwa mumaguchu amatehwe matsva.
39 အပရဉ္စ ပုရာတနံ ဒြာက္ၐာရသံ ပီတွာ ကောပိ နူတနံ န ဝါဉ္ဆတိ, ယတး သ ဝက္တိ နူတနာတ် ပုရာတနမ် ပြၑသ္တမ်၊
Uye hakuna munhu anoti ambonwa waini tsaru ozoda waini itsva, nokuti anoti, ‘Tsaru iri nani.’”

< လူကး 5 >