< လူကး 23 >

1 တတး သဘာသ္ထား သရွွလောကာ ဥတ္ထာယ တံ ပီလာတသမ္မုခံ နီတွာပြောဒျ ဝက္တုမာရေဘိရေ,
Ipapo ungano yose yakasimuka ikaenda naye kuna Pirato.
2 သွမဘိၐိက္တံ ရာဇာနံ ဝဒန္တံ ကဲမရရာဇာယ ကရဒါနံ နိၐေဓန္တံ ရာဇျဝိပရျျယံ ကုရ္တ္တုံ ပြဝရ္တ္တမာနမ် ဧန ပြာပ္တာ ဝယံ၊
Uye vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana murume uyu achitsausa rudzi rwedu. Haabvumirani nokuripa mutero kuna Kesari uye anozviti ndiye Kristu, mambo.”
3 တဒါ ပီလာတသ္တံ ပၖၐ္ဋဝါန် တွံ ကိံ ယိဟူဒီယာနာံ ရာဇာ? သ ပြတျုဝါစ တွံ သတျမုက္တဝါန်၊
Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.”
4 တဒါ ပီလာတး ပြဓာနယာဇကာဒိလောကာန် ဇဂါဒ်, အဟမေတသျ ကမပျပရာဓံ နာပ္တဝါန်၊
Ipapo Pirato akati kuvaprista vakuru navanhu vazhinji, “Handiwani hwaro hwemhosva inopomerwa murume uyu.”
5 တတသ္တေ ပုနး သာဟမိနော ဘူတွာဝဒန်, ဧၐ ဂါလီလ ဧတတ္သ္ထာနပရျျန္တေ သရွွသ္မိန် ယိဟူဒါဒေၑေ သရွွာလ္လောကာနုပဒိၑျ ကုပြဝၖတ္တိံ ဂြာဟီတဝါန်၊
Asi ivo vakaramba vachiti, “Anomutsa vanhu nedzidziso yake muJudhea rose. Akatanga kuGarirea uye atosvika kwose kuno uku.”
6 တဒါ ပီလာတော ဂါလီလပြဒေၑသျ နာမ ၑြုတွာ ပပြစ္ဆ, ကိမယံ ဂါလီလီယော လောကး?
Anzwa izvi, Pirato akabvunza kuti murume uyu akanga ari muGarirea here.
7 တတး သ ဂါလီလ္ပြဒေၑီယဟေရောဒြာဇသျ တဒါ သ္ထိတေသ္တသျ သမီပေ ယီၑုံ ပြေၐယာမာသ၊
Akati anzwa kuti Jesu akanga ari pasi poutongi hwaHerodhi, akabva amutumira kuna Herodhi, uyo aivawo muJerusarema panguva iyoyo.
8 တဒါ ဟေရောဒ် ယီၑုံ ဝိလောကျ သန္တုတောၐ, ယတး သ တသျ ဗဟုဝၖတ္တာန္တၑြဝဏာတ် တသျ ကိဉိစဒါၑ္စရျျကရ္မ္မ ပၑျတိ ဣတျာၑာံ ကၖတွာ ဗဟုကာလမာရဘျ တံ ဒြၐ္ဋုံ ပြယာသံ ကၖတဝါန်၊
Herodhi akati achiona Jesu, akafara zvikuru, nokuti akanga achishuva kumuona kwenguva refu. Kubva pane zvaakanga ambonzwa nezvake, ainge achitarisira kuti amuone achiita zvishamiso.
9 တသ္မာတ် တံ ဗဟုကထား ပပြစ္ဆ ကိန္တု သ တသျ ကသျာပိ ဝါကျသျ ပြတျုတ္တရံ နောဝါစ၊
Akamubvunza mibvunzo mizhinji, asi Jesu haana kumupindura.
10 အထ ပြဓာနယာဇကာ အဓျာပကာၑ္စ ပြောတ္တိၐ္ဌန္တး သာဟသေန တမပဝဒိတုံ ပြာရေဘိရေ၊
Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vamire ipapo, vachinyanya kumupomera mhosva.
11 ဟေရောဒ် တသျ သေနာဂဏၑ္စ တမဝဇ္ဉာယ ဥပဟာသတွေန ရာဇဝသ္တြံ ပရိဓာပျ ပုနး ပီလာတံ ပြတိ တံ ပြာဟိဏောတ်၊
Ipapo Herodhi navarwi vake vakamuzvidza uye vakamuseka. Vakamupfekedza nguo youmambo, vakamudzosera kuna Pirato.
12 ပူရွွံ ဟေရောဒ္ပီလာတယေား ပရသ္ပရံ ဝဲရဘာဝ အာသီတ် ကိန္တု တဒ္ဒိနေ ဒွယော ရ္မေလနံ ဇာတမ်၊
Musi uyo, Herodhi naPirato vakava shamwari, kare kwavo, vakanga vachimbovengana.
13 ပၑ္စာတ် ပီလာတး ပြဓာနယာဇကာန် ၑာသကာန် လောကာံၑ္စ ယုဂပဒါဟူယ ဗဘာၐေ,
Pirato akaunganidza vaprista vakuru, vatongi, navanhu,
14 ရာဇျဝိပရျျယကာရကောယမ် ဣတျုက္တွာ မနုၐျမေနံ မမ နိကဋမာနဲၐ္ဋ ကိန္တု ပၑျတ ယုၐ္မာကံ သမက္ၐမ် အသျ ဝိစာရံ ကၖတွာပိ ပြောက္တာပဝါဒါနုရူပေဏာသျ ကောပျပရာဓး သပြမာဏော န ဇာတး,
akati kwavari, “Mauyisa munhu uyu kwandiri somunhu anomutsa vanhu kuti vamukire hurumende. Ndanyatsomuongorora pamberi penyu uye ndashaya hwaro hwemhosva yamunomupomera.
15 ယူယဉ္စ ဟေရောဒး သန္နိဓော် ပြေၐိတာ မယာ တတြာသျ ကောပျပရာဓသ္တေနာပိ န ပြာပ္တး၊ ပၑျတာနေန ဝဓဟေတုကံ ကိမပိ နာပရာဒ္ဓံ၊
Kunyange naHerodhi, nokuti amudzosa kwatiri; sezvamunoona, haana kuita chinhu chingafanira kutongerwa rufu.
16 တသ္မာဒေနံ တာဍယိတွာ ဝိဟာသျာမိ၊
Naizvozvo, ndichamurova ndigomuregedza.”
17 တတြောတ္သဝေ တေၐာမေကော မောစယိတဝျး၊
(Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe munhu pamutambo.)
18 ဣတိ ဟေတောသ္တေ ပြောစ္စဲရေကဒါ ပြောစုး, ဧနံ ဒူရီကၖတျ ဗရဗ္ဗာနာမာနံ မောစယ၊
Vose pamwe chete vakadanidzira vachiti, “Murume uyu ngaafe! Tisunungurirei Bharabhasi!”
19 သ ဗရဗ္ဗာ နဂရ ဥပပ္လဝဝဓာပရာဓာဘျာံ ကာရာယာံ ဗဒ္ဓ အာသီတ်၊
(Bharabhasi akanga aiswa mujeri nokuda kwebope raakanga amutsa muguta, uye nemhaka yokuuraya.)
20 ကိန္တု ပီလာတော ယီၑုံ မောစယိတုံ ဝါဉ္ဆန် ပုနသ္တာနုဝါစ၊
Sezvaakanga achida kusunungura Jesu, Pirato akataurazve navo.
21 တထာပျေနံ ကြုၑေ ဝျဓ ကြုၑေ ဝျဓေတိ ဝဒန္တသ္တေ ရုရုဝုး၊
Asi ivo vakaramba vachidanidzira vachiti, “Murovererei! Murovererei!”
22 တတး သ တၖတီယဝါရံ ဇဂါဒ ကုတး? သ ကိံ ကရ္မ္မ ကၖတဝါန်? နာဟမသျ ကမပိ ဝဓာပရာဓံ ပြာပ္တး ကေဝလံ တာဍယိတွာမုံ တျဇာမိ၊
Akati kwavari kechitatu, “Sei? Murume uyu atadzeiko? Handina kuwana mhosva paari yokuti atongerwe rufu. Naizvozvo, ndichaita kuti arohwe ndigomusunungura.”
23 တထာပိ တေ ပုနရေနံ ကြုၑေ ဝျဓ ဣတျုက္တွာ ပြောစ္စဲရ္ဒၖဎံ ပြာရ္ထယာဉ္စကြိရေ;
Asi vakaramba vachidanidzira nenzwi guru vachiti aifanira kurovererwa pamuchinjikwa, uye kudanidzira kwavo kukakunda.
24 တတး ပြဓာနယာဇကာဒီနာံ ကလရဝေ ပြဗလေ သတိ တေၐာံ ပြာရ္ထနာရူပံ ကရ္တ္တုံ ပီလာတ အာဒိဒေၑ၊
Saka Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe.
25 ရာဇဒြောဟဝဓယောရပရာဓေန ကာရာသ္ထံ ယံ ဇနံ တေ ယယာစိရေ တံ မောစယိတွာ ယီၑုံ တေၐာမိစ္ဆာယာံ သမာရ္ပယတ်၊
Akasunungura murume akanga aiswa mujeri nokuda kwebope uye nokuuraya, uyo wavakanga vakumbira, ndokubva avapa Jesu kuti vaite zvavanoda naye.
26 အထ တေ ယီၑုံ ဂၖဟီတွာ ယာန္တိ, ဧတရှိ ဂြာမာဒါဂတံ ၑိမောနနာမာနံ ကုရီဏီယံ ဇနံ ဓၖတွာ ယီၑေား ပၑ္စာန္နေတုံ တသျ သ္ကန္ဓေ ကြုၑမရ္ပယာမာသုး၊
Vakati voenda naye, vakabata murume ainzi Simoni weKurini, uyo akanga achibva muruwa, vakamutakudza muchinjikwa ari mushure maJesu.
27 တတော လောကာရဏျမဓျေ ဗဟုသ္တြိယော ရုဒတျော ဝိလပန္တျၑ္စ ယီၑေား ပၑ္စာဒ် ယယုး၊
Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, pamwe chete navakadzi vakanga vachichema uye vachiungudza.
28 ကိန္တု သ ဝျာဃုဋျ တာ ဥဝါစ, ဟေ ယိရူၑာလမော နာရျျော ယုယံ မဒရ္ထံ န ရုဒိတွာ သွာရ္ထံ သွာပတျာရ္ထဉ္စ ရုဒိတိ;
Jesu akatendeuka akati kwavari, “Vanasikana veJerusarema, musandichema ini; zvichemei imi navana venyu.
29 ပၑျတ ယး ကဒါပိ ဂရ္ဘဝတျော နာဘဝန် သ္တနျဉ္စ နာပါယယန် တာဒၖၑီ ရွန္ဓျာ ယဒါ ဓနျာ ဝက္ၐျန္တိ သ ကာလ အာယာတိ၊
Nokuti nguva ichasvika iyo yamuchati, ‘Vakaropafadzwa vakadzi vasingabereki, izvo zvizvaro zvisina kumbobereka, namazamu asina kumboyamwisa!’
30 တဒါ ဟေ ၑဲလာ အသ္မာကမုပရိ ပတတ, ဟေ ဥပၑဲလာ အသ္မာနာစ္ဆာဒယတ ကထာမီဒၖၑီံ လောကာ ဝက္ၐျန္တိ၊
Ipapo “vachati kumakomo, ‘Wirai pamusoro pedu!’ nokuzvikomo, ‘Tifukidzei!’
31 ယတး သတေဇသိ ၑာခိနိ စေဒေတဒ် ဃဋတေ တရှိ ၑုၐ္ကၑာခိနိ ကိံ န ဃဋိၐျတေ?
Nokuti kana vanhu vachiita zvinhu izvi pamuti munyoro, chiiko chichaitika kune wakaoma?”
32 တဒါ တေ ဟန္တုံ ဒွါဝပရာဓိနော် တေန သာရ္ဒ္ဓံ နိနျုး၊
Vamwezve varume vaviri, vose vakanga vari mbavha, vakatorwawo pamwe chete naye kuti vandourayiwa.
33 အပရံ ၑိရးကပါလနာမကသ္ထာနံ ပြာပျ တံ ကြုၑေ ဝိဝိဓုး; တဒ္ဒွယောရပရာဓိနောရေကံ တသျ ဒက္ၐိဏော တဒနျံ ဝါမေ ကြုၑေ ဝိဝိဓုး၊
Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake.
34 တဒါ ယီၑုရကထယတ်, ဟေ ပိတရေတာန် က္ၐမသွ ယတ ဧတေ ယတ် ကရ္မ္မ ကုရွွန္တိ တန် န ဝိဒုး; ပၑ္စာတ္တေ ဂုဋိကာပါတံ ကၖတွာ တသျ ဝသ္တြာဏိ ဝိဘဇျ ဇဂၖဟုး၊
Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya.
35 တတြ လောကသံဃသ္တိၐ္ဌန် ဒဒရ္ၑ; တေ တေၐာံ ၑာသကာၑ္စ တမုပဟသျ ဇဂဒုး, ဧၐ ဣတရာန် ရက္ၐိတဝါန် ယဒီၑွရေဏာဘိရုစိတော 'ဘိၐိက္တသ္တြာတာ ဘဝတိ တရှိ သွမဓုနာ ရက္ၐတု၊
Vanhu vakamira vakatarira, uye kunyange vatongi vakamuseka. Vakati, “Akaponesa vamwe; ngaazviponese iye pachake kana ari Kristu waMwari, iye Musanangurwa.”
36 တဒနျး သေနာဂဏာ ဧတျ တသ္မဲ အမ္လရသံ ဒတွာ ပရိဟသျ ပြောဝါစ,
Varwi vakasvikawo vakamuseka. Vakamupa waini yevhiniga
37 စေတ္တွံ ယိဟူဒီယာနာံ ရာဇာသိ တရှိ သွံ ရက္ၐ၊
vakati, “Kana uri mambo wavaJudha, chizviponesa.”
38 ယိဟူဒီယာနာံ ရာဇေတိ ဝါကျံ ယူနာနီယရောမီယေဗြီယာက္ၐရဲ ရ္လိခိတံ တစ္ဆိရသ ဦရ္ဒ္ဓွေ'သ္ထာပျတ၊
Pamusoro pake pakanga pane chiziviso chakanga chakanyorwa kuti: uyu ndiye mambo wavajudha.
39 တဒေါဘယပါရ္ၑွယော ရွိဒ္ဓေါ် ယာဝပရာဓိနော် တယောရေကသ္တံ ဝိနိန္ဒျ ဗဘာၐေ, စေတ္တွမ် အဘိၐိက္တောသိ တရှိ သွမာဝါဉ္စ ရက္ၐ၊
Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, “Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!”
40 ကိန္တွနျသ္တံ တရ္ဇယိတွာဝဒတ်, ဤၑွရာတ္တဝ ကိဉ္စိဒပိ ဘယံ နာသ္တိ ကိံ? တွမပိ သမာနဒဏ္ဍောသိ,
Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, “Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko?
41 ယောဂျပါတြေ အာဝါံ သွသွကရ္မ္မဏာံ သမုစိတဖလံ ပြာပ္နုဝး ကိန္တွနေန ကိမပိ နာပရာဒ္ဓံ၊
Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita.”
42 အထ သ ယီၑုံ ဇဂါဒ ဟေ ပြဘေ ဘဝါန် သွရာဇျပြဝေၑကာလေ မာံ သ္မရတု၊
Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.”
43 တဒါ ယီၑုး ကထိတဝါန် တွာံ ယထာရ္ထံ ဝဒါမိ တွမဒျဲဝ မယာ သာရ္ဒ္ဓံ ပရလောကသျ သုခသ္ထာနံ ပြာပ္သျသိ၊
Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.”
44 အပရဉ္စ ဒွိတီယယာမာတ် တၖတီယယာမပရျျန္တံ ရဝေသ္တေဇသောန္တရှိတတွာတ် သရွွဒေၑော'န္ဓကာရေဏာဝၖတော
Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu, rima rikava pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe,
45 မန္ဒိရသျ ယဝနိကာ စ ဆိဒျမာနာ ဒွိဓာ ဗဘူဝ၊
nokuti zuva rakamira kuvhenekera. Uye chidzitiro chetemberi chakabvarurwa napakati.
46 တတော ယီၑုရုစ္စဲရုဝါစ, ဟေ ပိတ ရ္မမာတ္မာနံ တဝ ကရေ သမရ္ပယေ, ဣတျုက္တွာ သ ပြာဏာန် ဇဟော်၊
Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake.
47 တဒဲတာ ဃဋနာ ဒၖၐ္ဋွာ ၑတသေနာပတိရီၑွရံ ဓနျမုက္တွာ ကထိတဝါန် အယံ နိတာန္တံ သာဓုမနုၐျ အာသီတ်၊
Mukuru wezana, akati achiona zvakanga zvaitika, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo uyu anga ari munhu akarurama.”
48 အထ ယာဝန္တော လောကာ ဒြၐ္ဋုမ် အာဂတာသ္တေ တာ ဃဋနာ ဒၖၐ္ဋွာ ဝက္ၐးသု ကရာဃာတံ ကၖတွာ ဝျာစုဋျ ဂတား၊
Vanhu vose vakanga vakaungana kuzopupura chiitiko ichi, vakaona zvakanga zvaitika, vakazvirova zvipfuva zvavo uye vakaenda.
49 ယီၑော ရ္ဇ္ဉာတယော ယာ ယာ ယောၐိတၑ္စ ဂါလီလသ္တေန သာရ္ဒ္ဓမာယာတာသ္တာ အပိ ဒူရေ သ္ထိတွာ တတ် သရွွံ ဒဒၖၑုး၊
Asi vakanga vachimuziva, pamwe chete navakadzi vakanga vamutevera vachibva kuGarirea, vakamira nechokure, vakatarisa zvinhu zvose izvi.
50 တဒါ ယိဟူဒီယာနာံ မန္တြဏာံ ကြိယာဉ္စာသမ္မနျမာန ဤၑွရသျ ရာဇတွမ် အပေက္ၐမာဏော
Zvino kwakanga kuno mumwe murume ainzi Josefa, nhengo yedare ramakurukota, munhu akanga akanaka uye akarurama,
51 ယိဟူဒိဒေၑီယော 'ရိမထီယနဂရီယော ယူၐဖ္နာမာ မန္တြီ ဘဒြော ဓာရ္မ္မိကၑ္စ ပုမာန္
uyo akanga asina kubvumirana navo pakuronga kwavo uye nokuita kwavo. Aibva kuguta ravaJudha reArimatea uye akanga akamirira umambo hwaMwari.
52 ပီလာတာန္တိကံ ဂတွာ ယီၑော ရ္ဒေဟံ ယယာစေ၊
Asvika kuna Pirato, akakumbira mutumbi waJesu.
53 ပၑ္စာဒ် ဝပုရဝရောဟျ ဝါသသာ သံဝေၐ္ဋျ ယတြ ကောပိ မာနုၐော နာသ္ထာပျတ တသ္မိန် ၑဲလေ သွာတေ ၑ္မၑာနေ တဒသ္ထာပယတ်၊
Ipapo akauburutsa, akauputira nomucheka akauisa muguva rakanga racherwa paruware, rakanga risina kumbovigwa munhu.
54 တဒ္ဒိနမာယောဇနီယံ ဒိနံ ဝိၑြာမဝါရၑ္စ သမီပး၊
Rakanga riri zuva rokugadzirira, uye Sabata rakanga rava kuda kutanga.
55 အပရံ ယီၑုနာ သာရ္ဒ္ဓံ ဂါလီလ အာဂတာ ယောၐိတး ပၑ္စာဒိတွာ ၑ္မၑာနေ တတြ ယထာ ဝပုး သ္ထာပိတံ တစ္စ ဒၖၐ္ဋွာ
Vakadzi vaya vakanga vauya naJesu vachibva kuGarirea vakatevera Josefa vakaona guva uye kuti mutumbi wake wakanga waradzikwa sei mariri.
56 ဝျာဃုဋျ သုဂန္ဓိဒြဝျတဲလာနိ ကၖတွာ ဝိဓိဝဒ် ဝိၑြာမဝါရေ ဝိၑြာမံ စကြုး၊
Ipapo vakaenda kumba vakandogadzira zvinonhuhwira namafuta anonhuhwira. Asi vakazorora nomusi weSabata vachiteerera murayiro.

< လူကး 23 >