< လူကး 2 >

1 အပရဉ္စ တသ္မိန် ကာလေ ရာဇျသျ သရွွေၐာံ လောကာနာံ နာမာနိ လေခယိတုမ် အဂသ္တကဲသရ အာဇ္ဉာပယာမာသ၊
Zvino zvakaitika nemazuva iwayo, chisungo chakabuda kubva kuna Kesari Agasto, kuti nyika yese inyorwe.
2 တဒနုသာရေဏ ကုရီဏိယနာမနိ သုရိယာဒေၑသျ ၑာသကေ သတိ နာမလေခနံ ပြာရေဘေ၊
Kunyorwa uku kwaiva kwekutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutungamiriri weSiriya.
3 အတော ဟေတော ရ္နာမ လေခိတုံ သရွွေ ဇနား သွီယံ သွီယံ နဂရံ ဇဂ္မုး၊
Vese ndokuenda kunonyorwa, umwe neumwe kuguta rekwake.
4 တဒါနီံ ယူၐဖ် နာမ လေခိတုံ ဝါဂ္ဒတ္တယာ သွဘာရျျယာ ဂရ္ဗ္ဘဝတျာ မရိယမာ သဟ သွယံ ဒါယူဒး သဇာတိဝံၑ ဣတိ ကာရဏာဒ် ဂါလီလ္ပြဒေၑသျ နာသရတ္နဂရာဒ္
NaJosefawo akakwira achibva Garirea muguta Nazareta, akaenda Judhiya kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi,
5 ယိဟူဒါပြဒေၑသျ ဗဲတ္လေဟမာချံ ဒါယူဒ္နဂရံ ဇဂါမ၊
kunonyorwa naMaria mukadzi wakange atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba.
6 အနျစ္စ တတြ သ္ထာနေ တယောသ္တိၐ္ဌတေား သတော ရ္မရိယမး ပြသူတိကာလ ဥပသ္ထိတေ
Zvakaitika kuti vachipo, mazuva ekusununguka kwake akazadzisika;
7 သာ တံ ပြထမသုတံ ပြာသောၐ္ဋ ကိန္တု တသ္မိန် ဝါသဂၖဟေ သ္ထာနာဘာဝါဒ် ဗာလကံ ဝသ္တြေဏ ဝေၐ္ဋယိတွာ ဂေါၑာလာယာံ သ္ထာပယာမာသ၊
ndokuzvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro, nokuti makange musina nzvimbo yavo muimba yevaeni.
8 အနန္တရံ ယေ ကိယန္တော မေၐပါလကား သွမေၐဝြဇရက္ၐာယဲ တတ္ပြဒေၑေ သ္ထိတွာ ရဇနျာံ ပြာန္တရေ ပြဟရိဏး ကရ္မ္မ ကုရွွန္တိ,
Zvino kwakange kune vafudzi munyika iyoyo vaigara kuuragu vachichengetedza nguva dzekurinda boka ravo usiku.
9 တေၐာံ သမီပံ ပရမေၑွရသျ ဒူတ အာဂတျောပတသ္ထော်; တဒါ စတုၐ္ပာရ္ၑွေ ပရမေၑွရသျ တေဇသး ပြကာၑိတတွာတ် တေ'တိၑၑင်္ကိရေ၊
Zvino tarira, mutumwa waIshe akamira pedo navo, nekubwinya kwaIshe kukapenya kwakavakomba; vakatya nekutya kukuru.
10 တဒါ သ ဒူတ ဥဝါစ မာ ဘဲၐ္ဋ ပၑျတာဒျ ဒါယူဒး ပုရေ ယုၐ္မန္နိမိတ္တံ တြာတာ ပြဘုး ခြီၐ္ဋော'ဇနိၐ္ဋ,
Zvino mutumwa akati kwavari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka emufaro mukuru, uchava kuvanhu vese;
11 သရွွေၐာံ လောကာနာံ မဟာနန္ဒဇနကမ် ဣမံ မင်္ဂလဝၖတ္တာန္တံ ယုၐ္မာန် ဇ္ဉာပယာမိ၊
nokuti mazvarirwa nhasi Muponesi, anova Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.
12 ယူယံ (တတ္သ္ထာနံ ဂတွာ) ဝသ္တြဝေၐ္ဋိတံ တံ ဗာလကံ ဂေါၑာလာယာံ ၑယနံ ဒြက္ၐျထ ယုၐ္မာန် ပြတီဒံ စိဟ္နံ ဘဝိၐျတိ၊
Zvino ichi chiratidzo kwamuri: Muchawana mucheche akaputirwa nemicheka, arere muchidyiro.
13 ဒူတ ဣမာံ ကထာံ ကထိတဝတိ တတြာကသ္မာတ် သွရ္ဂီယား ပၖတနာ အာဂတျ ကထာမ် ဣမာံ ကထယိတွေၑွရသျ ဂုဏာနနွဝါဒိၐုး, ယထာ,
Uye pakarepo kukavapo pamwe nemutumwa chaunga chehondo yekudenga vachirumbidza Mwari, vachiti:
14 သရွွောရ္ဒွွသ္ထဲရီၑွရသျ မဟိမာ သမ္ပြကာၑျတာံ၊ ၑာန္တိရ္ဘူယာတ် ပၖထိဝျာသ္တု သန္တောၐၑ္စ နရာန် ပြတိ။
Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, nerugare panyika; chishuwo chakanaka kuvanhu.
15 တတး ပရံ တေၐာံ သန္နိဓေ ရ္ဒူတဂဏေ သွရ္ဂံ ဂတေ မေၐပါလကား ပရသ္ပရမ် အဝေစန် အာဂစ္ဆတ ပြဘုး ပရမေၑွရော ယာံ ဃဋနာံ ဇ္ဉာပိတဝါန် တသျာ ယာထရျံ ဇ္ဉာတုံ ဝယမဓုနာ ဗဲတ္လေဟမ္ပုရံ ယာမး၊
Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari vaenda kudenga, vanhu vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende ikozvino Bhetirehemu, tinoona chinhu ichi chakaitika, Ishe chaatizivisa.
16 ပၑ္စာတ် တေ တူရ္ဏံ ဝြဇိတွာ မရိယမံ ယူၐဖံ ဂေါၑာလာယာံ ၑယနံ ဗာလကဉ္စ ဒဒၖၑုး၊
Zvino vakakurumidza kusvika, vakawana vese Maria naJosefa, nemucheche arere muchidyiro.
17 ဣတ္ထံ ဒၖၐ္ဋွာ ဗာလကသျာရ္ထေ ပြောက္တာံ သရွွကထာံ တေ ပြာစာရယာဉ္စကြုး၊
Vakati vaona, vakazivisa kwese shoko ravakange vaudzwa maererano nemucheche uyu.
18 တတော ယေ လောကာ မေၐရက္ၐကာဏာံ ဝဒနေဘျသ္တာံ ဝါရ္တ္တာံ ၑုၑြုဝုသ္တေ မဟာၑ္စရျျံ မေနိရေ၊
Zvino vese vakanzwa vakashamisika nezvinhu zvakange zvataurwa kwavari nevafudzi.
19 ကိန္တု မရိယမ် ဧတတ္သရွွဃဋနာနာံ တာတ္ပရျျံ ဝိဝိစျ မနသိ သ္ထာပယာမာသ၊
Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvese, achifungisisa mumoyo make.
20 တတ္ပၑ္စာဒ် ဒူတဝိဇ္ဉပ္တာနုရူပံ ၑြုတွာ ဒၖၐ္ဋွာ စ မေၐပါလကာ ဤၑွရသျ ဂုဏာနုဝါဒံ ဓနျဝါဒဉ္စ ကုရွွာဏား ပရာဝၖတျ ယယုး၊
Zvino vafudzi vakadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvese zvavakange vanzwa nekuona, sezvakange zvataurwa kwavari.
21 အထ ဗာလကသျ တွက္ဆေဒနကာလေ'ၐ္ဋမဒိဝသေ သမုပသ္ထိတေ တသျ ဂရ္ဗ္ဘသ္ထိတေး ပုရွွံ သွရ္ဂီယဒူတော ယထာဇ္ဉာပယတ် တဒနုရူပံ တေ တန္နာမဓေယံ ယီၑုရိတိ စကြိရေ၊
Mazuva masere akati apera kuti mucheche adzingiswe, zita rake ndokunzi Jesu, raakange atumidzwa nemutumwa asati agamuchirwa mudumbu.
22 တတး ပရံ မူသာလိခိတဝျဝသ္ထာယာ အနုသာရေဏ မရိယမး ၑုစိတွကာလ ဥပသ္ထိတေ,
Zvino mazuva ekunatswa kwake nemurairo waMozisi akati apera, vakauya naye kuJerusarema, kuti vamukumikidze kuna Ishe,
23 "ပြထမဇး သရွွး ပုရုၐသန္တာနး ပရမေၑွရေ သမရ္ပျတာံ," ဣတိ ပရမေၑွရသျ ဝျဝသ္ထယာ
(sezvazvakanyorwa pamurairo waIshe kuti: Chirume chese chinozarura chizvaro, chichanzi chitsvene kuna Ishe),
24 ယီၑုံ ပရမေၑွရေ သမရ္ပယိတုမ် ၑာသ္တြီယဝိဓျုက္တံ ကပေါတဒွယံ ပါရာဝတၑာဝကဒွယံ ဝါ ဗလိံ ဒါတုံ တေ တံ ဂၖဟီတွာ ယိရူၑာလမမ် အာယယုး၊
uye vabaire chibairo sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, njiva mbiri, kana vana vaviri vehangaiwa.
25 ယိရူၑာလမ္ပုရနိဝါသီ ၑိမိယောန္နာမာ ဓာရ္မ္မိက ဧက အာသီတ် သ ဣသြာယေလး သာန္တွနာမပေက္ၐျ တသ္ထော် ကိဉ္စ ပဝိတြ အာတ္မာ တသ္မိန္နာဝိရ္ဘူတး၊
Zvino tarira, kwakange kune munhu muJerusarema, zita rake raiva Simioni, ndiyewo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwaIsraeri, neMweya Mutsvene wakange uri pamusoro pake.
26 အပရံ ပြဘုဏာ ပရမေၑွရေဏာဘိၐိက္တေ တြာတရိ တွယာ န ဒၖၐ္ဋေ တွံ န မရိၐျသီတိ ဝါကျံ ပဝိတြေဏ အာတ္မနာ တသ္မ ပြာကထျတ၊
Zvino zvakange zvaratidzwa kwaari neMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu asati aona Kristu waIshe.
27 အပရဉ္စ ယဒါ ယီၑေား ပိတာ မာတာ စ တဒရ္ထံ ဝျဝသ္ထာနုရူပံ ကရ္မ္မ ကရ္တ္တုံ တံ မန္ဒိရမ် အာနိနျတုသ္တဒါ
Wakapinda mutembere neMweya; zvino vabereki vakati vachiuisa mucheche Jesu mukati, kuti vaite pamusoro pake netsika yemurairo,
28 ၑိမိယောန် အာတ္မန အာကရ္ၐဏေန မန္ဒိရမာဂတျ တံ ကြောဍေ နိဓာယ ဤၑွရသျ ဓနျဝါဒံ ကၖတွာ ကထယာမာသ, ယထာ,
iye akamutora mumaoko ake, akarumbidza Mwari, achiti:
29 ဟေ ပြဘော တဝ ဒါသောယံ နိဇဝါကျာနုသာရတး၊ ဣဒါနီန္တု သကလျာဏော ဘဝတာ သံဝိသၖဇျတာမ်၊
Tenzi, ikozvino regai muranda wenyu aende nerugare, seshoko renyu;
30 ယတး သကလဒေၑသျ ဒီပ္တယေ ဒီပ္တိရူပကံ၊
nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
31 ဣသြာယေလီယလောကသျ မဟာဂေါ်ရဝရူပကံ၊
rwamakagadzirira pamberi pezviso zvevanhu vese;
32 ယံ တြာယကံ ဇနာနာန္တု သမ္မုခေ တွမဇီဇနး၊ သဧဝ ဝိဒျတေ'သ္မာကံ ဓြဝံ နယနနဂေါစရေ။
chiedza chekuzarurira vahedheni, nekubwinya kwerudzi rwenyu Israeri.
33 တဒါနီံ တေနောက္တာ ဧတား သကလား ကထား ၑြုတွာ တသျ မာတာ ယူၐဖ် စ ဝိသ္မယံ မေနာတေ၊
Josefa namai vake vakashamisika nezvinhu zvakarehwa pamusoro pake.
34 တတး ပရံ ၑိမိယောန် တေဘျ အာၑိၐံ ဒတ္တွာ တန္မာတရံ မရိယမမ် ဥဝါစ, ပၑျ ဣသြာယေလော ဝံၑမဓျေ ဗဟူနာံ ပါတနာယောတ္ထာပနာယ စ တထာ ဝိရောဓပါတြံ ဘဝိတုံ, ဗဟူနာံ ဂုပ္တမနောဂတာနာံ ပြကဋီကရဏာယ ဗာလကောယံ နိယုက္တောသ္တိ၊
Zvino Simioni akavaropafadza, akati kuna Maria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nekumuka kwevazhinji muna Israeri, nekuva chiratidzo chichapikiswa;
35 တသ္မာတ် တဝါပိ ပြာဏား ၑူလေန ဝျတ္သျန္တေ၊
uye newe, munondo uchagura nemumweya wako pachako; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzifukurwe.
36 အပရဉ္စ အာၑေရသျ ဝံၑီယဖိနူယေလော ဒုဟိတာ ဟန္နာချာ အတိဇရတီ ဘဝိၐျဒွါဒိနျေကာ ယာ ဝိဝါဟာတ် ပရံ သပ္တ ဝတ္သရာန် ပတျာ သဟ နျဝသတ် တတော ဝိဓဝါ ဘူတွာ စတုရၑီတိဝရ္ၐဝယးပရျျနတံ
Zvino kwakange kuna Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; wakange akwegura kwazvo, wakararama nemurume makore manomwe kubvira paumhandara hwake.
37 မန္ဒိရေ သ္ထိတွာ ပြာရ္ထနောပဝါသဲရ္ဒိဝါနိၑမ် ဤၑွရမ် အသေဝတ သာပိ သ္တြီ တသ္မိန် သမယေ မန္ဒိရမာဂတျ
Uye ari chirikadzi yemakore angava makumi masere nemana, wakange asingabvi mutembere, achishumira nemitsanyo neminyengetero usiku nemasikati.
38 ပရမေၑွရသျ ဓနျဝါဒံ စကာရ, ယိရူၑာလမ္ပုရဝါသိနော ယာဝန္တော လောကာ မုက္တိမပေက္ၐျ သ္ထိတာသ္တာန် ယီၑောရွၖတ္တာန္တံ ဇ္ဉာပယာမာသ၊
Naiye wakati achisvika nenguva iyoyo akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vese vakange vachitarisira kusunungurwa muJerusarema.
39 ဣတ္ထံ ပရမေၑွရသျ ဝျဝသ္ထာနုသာရေဏ သရွွေၐု ကရ္မ္မသု ကၖတေၐု တော် ပုနၑ္စ ဂါလီလော နာသရတ္နာမကံ နိဇနဂရံ ပြတသ္ထာတေ၊
Zvino vakati vapedza zvinhu zvese zvaienderana nemurairo waIshe, vakadzokera Garirea kuguta ravo Nazareta.
40 တတ္ပၑ္စာဒ် ဗာလကး ၑရီရေဏ ဝၖဒ္ဓိမေတျ ဇ္ဉာနေန ပရိပူရ္ဏ အာတ္မနာ ၑက္တိမာံၑ္စ ဘဝိတုမာရေဘေ တထာ တသ္မိန် ဤၑွရာနုဂြဟော ဗဘူဝ၊
Mucheche akakura, akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakange dziri pamusoro pake.
41 တသျ ပိတာ မာတာ စ ပြတိဝရ္ၐံ နိသ္တာရောတ္သဝသမယေ ယိရူၑာလမမ် အဂစ္ဆတာမ်၊
Zvino vabereki vake vaienda kuJerusarema makore ese pamutambo wepasika.
42 အပရဉ္စ ယီၑော် ဒွါဒၑဝရ္ၐဝယသ္ကေ သတိ တော် ပရွွသမယသျ ရီတျနုသာရေဏ ယိရူၑာလမံ ဂတွာ
Zvino wakati ava nemakore gumi nemaviri, vakakwira kuJerusarema zvichienderana netsika yemutambo,
43 ပါရွွဏံ သမ္ပာဒျ ပုနရပိ ဝျာဃုယျ ယာတး ကိန္တု ယီၑုရ္ဗာလကော ယိရူၑာလမိ တိၐ္ဌတိ၊ ယူၐဖ် တန္မာတာ စ တဒ် အဝိဒိတွာ
vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo, mwana Jesu akasara kuJerusarema, asi Josefa namai vake vasingazvizivi,
44 သ သင်္ဂိဘိး သဟ ဝိဒျတ ဧတစ္စ ဗုဒွွာ ဒိနဲကဂမျမာရ္ဂံ ဇဂ္မတုး၊ ကိန္တု ၑေၐေ ဇ္ဉာတိဗန္ဓူနာံ သမီပေ မၖဂယိတွာ တဒုဒ္ဒေၑမပြာပျ
asi vaimufungira kuva mune vamwe vevakange vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva, vakazomutsvaka pakati pehama nekuvazikanwi.
45 တော် ပုနရပိ ယိရူၑာလမမ် ပရာဝၖတျာဂတျ တံ မၖဂယာဉ္စကြတုး၊
Asi vakati vasingamuwani, vakadzokera kuJerusarema vachimutsvaka.
46 အထ ဒိနတြယာတ် ပရံ ပဏ္ဍိတာနာံ မဓျေ တေၐာံ ကထား ၑၖဏွန် တတ္တွံ ပၖစ္ဆံၑ္စ မန္ဒိရေ သမုပဝိၐ္ဋး သ တာဘျာံ ဒၖၐ္ဋး၊
Zvino zvakaitika shure kwemazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pevadzidzisi, achivateerera, achivabvunza.
47 တဒါ တသျ ဗုဒ္ဓျာ ပြတျုတ္တရဲၑ္စ သရွွေ ၑြောတာရော ဝိသ္မယမာပဒျန္တေ၊
Vese vakange vachimunzwa vakashamiswa nekunzwisisa nemhinduro dzake.
48 တာဒၖၑံ ဒၖၐ္ဋွာ တသျ ဇနကော ဇနနီ စ စမစ္စကြတုး ကိဉ္စ တသျ မာတာ တမဝဒတ်, ဟေ ပုတြ, ကထမာဝါံ ပြတီတ္ထံ သမာစရသ္တွမ်? ပၑျ တဝ ပိတာဟဉ္စ ၑောကာကုလော် သန္တော် တွာမနွိစ္ဆာဝး သ္မ၊
Zvino vakati vamuona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitirei zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichirwadziwa.
49 တတး သောဝဒတ် ကုတော မာမ် အနွဲစ္ဆတံ? ပိတုရ္ဂၖဟေ မယာ သ္ထာတဝျမ် ဧတတ် ကိံ ယုဝါဘျာံ န ဇ္ဉာယတေ?
Akati kwavari: Mainditsvakirei? Manga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?
50 ကိန္တု တော် တသျဲတဒွါကျသျ တာတ္ပရျျံ ဗောဒ္ဓုံ နာၑက္နုတာံ၊
Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari.
51 တတး ပရံ သ တာဘျာံ သဟ နာသရတံ ဂတွာ တယောရွၑီဘူတသ္တသ္ထော် ကိန္တု သရွွာ ဧတား ကထာသ္တသျ မာတာ မနသိ သ္ထာပယာမာသ၊
Zvino akaburuka navo, akasvika Nazareta; akazviisa pasi pavo. Asi mai vake vakachengeta mashoko awa ese mumoyo mavo.
52 အထ ယီၑော ရ္ဗုဒ္ဓိး ၑရီရဉ္စ တထာ တသ္မိန် ဤၑွရသျ မာနဝါနာဉ္စာနုဂြဟော ဝရ္ဒ္ဓိတုမ် အာရေဘေ၊
Jesu akawedzera panjere nekukura, nepakudiwa naMwari nevanhu.

< လူကး 2 >