< လူကး 14 >

1 အနန္တရံ ဝိၑြာမဝါရေ ယီၑော် ပြဓာနသျ ဖိရူၑိနော ဂၖဟေ ဘောက္တုံ ဂတဝတိ တေ တံ ဝီက္ၐိတုမ် အာရေဘိရေ၊
Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achicherechedzwa kwazvo paakanga aenda kundodya mumba momumwe muFarisi akanga achikudzwa kwazvo.
2 တဒါ ဇလောဒရီ တသျ သမ္မုခေ သ္ထိတး၊
Pamberi pake ipapo pakanga pane munhu akanga ane chirwere chorukandwe.
3 တတး သ ဝျဝသ္ထာပကာန် ဖိရူၑိနၑ္စ ပပြစ္ဆ, ဝိၑြာမဝါရေ သွာသ္ထျံ ကရ္တ္တဝျံ န ဝါ? တတသ္တေ ကိမပိ န ပြတျူစုး၊
Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?”
4 တဒါ သ တံ ရောဂိဏံ သွသ္ထံ ကၖတွာ ဝိသသရ္ဇ;
Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende.
5 တာနုဝါစ စ ယုၐ္မာကံ ကသျစိဒ် ဂရ္ဒ္ဒဘော ဝၖၐဘော ဝါ စေဒ် ဂရ္တ္တေ ပတတိ တရှိ ဝိၑြာမဝါရေ တတ္က္ၐဏံ သ ကိံ တံ နောတ္ထာပယိၐျတိ?
Ipapo akavabvunza akati, “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana, kana mombe yake ikawira mutsime nomusi weSabata, angarega kuibudisa pakarepo?”
6 တတသ္တေ ကထာယာ ဧတသျား ကိမပိ ပြတိဝက္တုံ န ၑေကုး၊
Ipapo vakashayiwa chokureva.
7 အပရဉ္စ ပြဓာနသ္ထာနမနောနီတတွကရဏံ ဝိလောကျ သ နိမန္တြိတာန် ဧတဒုပဒေၑကထာံ ဇဂါဒ,
Akati achiona kuti vakakokwa vaisarudza sei zvigaro zvapamberi patafura, akavaudza mufananidzo uyu akati kwavari,
8 တွံ ဝိဝါဟာဒိဘောဇျေၐု နိမန္တြိတး သန် ပြဓာနသ္ထာနေ မောပါဝေက္ၐီး၊ တွတ္တော ဂေါ်ရဝါနွိတနိမန္တြိတဇန အာယာတေ
“Kana mumwe akakukoka kumuchato, usazvisarudzira nzvimbo yapamberi, nokuti mumwe munhu anokudzwa kupfuura iwe angadaro akakokwa.
9 နိမန္တြယိတာဂတျ မနုၐျာယဲတသ္မဲ သ္ထာနံ ဒေဟီတိ ဝါကျံ စေဒ် ဝက္ၐျတိ တရှိ တွံ သင်္ကုစိတော ဘူတွာ သ္ထာန ဣတရသ္မိန် ဥပဝေၐ္ဋုမ် ဥဒျံသျသိ၊
Kana zvakadaro, munhu akakukokai imi vaviri achauya agoti kwauri, ‘Ibva ipapo iwe, munhu uyu agare.’ Ipapo, nenyadzi, uchatora chigaro cheshure chokupedzisira.
10 အသ္မာတ် ကာရဏာဒေဝ တွံ နိမန္တြိတော ဂတွာ'ပြဓာနသ္ထာန ဥပဝိၑ, တတော နိမန္တြယိတာဂတျ ဝဒိၐျတိ, ဟေ ဗန္ဓော ပြောစ္စသ္ထာနံ ဂတွောပဝိၑ, တထာ သတိ ဘောဇနောပဝိၐ္ဋာနာံ သကလာနာံ သာက္ၐာတ် တွံ မာနျော ဘဝိၐျသိ၊
Asi kana wakokwa, utore chigaro cheshure, kuitira kuti kana akukoka ouya, azoti kwauri, ‘Shamwari, simuka uende kundogara panzvimbo iri nani.’ Ipapo ucharemekedzwa pamberi pavose vawakakokwa pamwe chete navo.
11 ယး ကၑ္စိတ် သွမုန္နမယတိ သ နမယိၐျတေ, ကိန္တု ယး ကၑ္စိတ် သွံ နမယတိ သ ဥန္နမယိၐျတေ၊
Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
12 တဒါ သ နိမန္တြယိတာရံ ဇနမပိ ဇဂါဒ, မဓျာဟ္နေ ရာတြော် ဝါ ဘောဇျေ ကၖတေ နိဇဗန္ဓုဂဏော ဝါ ဘြာတၖဂဏော ဝါ ဇ္ဉာတိဂဏော ဝါ ဓနိဂဏော ဝါ သမီပဝါသိဂဏော ဝါ ဧတာန် န နိမန္တြယ, တထာ ကၖတေ စေတ် တေ တွာံ နိမန္တြယိၐျန္တိ, တရှိ ပရိၑောဓော ဘဝိၐျတိ၊
Ipapo Jesu akati kuna iye akanga amukoka, “Kana wagadzira kudya kwamasikati kana chirariro, urege kukoka shamwari dzako, vanunʼuna vako kana hama dzako, kana vapfumi vawakavakidzana navo; kana ukadaro vangazokukokawo uye ukabva waripirwa.
13 ကိန္တု ယဒါ ဘေဇျံ ကရောၐိ တဒါ ဒရိဒြၑုၐ္ကကရခဉ္ဇာန္ဓာန် နိမန္တြယ,
Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu,
14 တတ အာၑိၐံ လပ္သျသေ, တေၐု ပရိၑောဓံ ကရ္တ္တုမၑက္နုဝတ္သု ၑ္မၑာနာဒ္ဓါရ္မ္မိကာနာမုတ္ထာနကာလေ တွံ ဖလာံ လပ္သျသေ၊
ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”
15 အနန္တရံ တာံ ကထာံ နိၑမျ ဘောဇနောပဝိၐ္ဋး ကၑ္စိတ် ကထယာမာသ, ယော ဇန ဤၑွရသျ ရာဇျေ ဘောက္တုံ လပ္သျတေ သဧဝ ဓနျး၊
Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.”
16 တတး သ ဥဝါစ, ကၑ္စိတ် ဇနော ရာတြော် ဘေဇျံ ကၖတွာ ဗဟူန် နိမန္တြယာမာသ၊
Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru akakoka vanhu vazhinji.
17 တတော ဘောဇနသမယေ နိမန္တြိတလောကာန် အာဟွာတုံ ဒါသဒွါရာ ကထယာမာသ, ခဒျဒြဝျာဏိ သရွွာဏိ သမာသာဒိတာနိ သန္တိ, ယူယမာဂစ္ဆတ၊
Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’
18 ကိန္တု တေ သရွွ ဧကဲကံ ဆလံ ကၖတွာ က္ၐမာံ ပြာရ္ထယာဉ္စကြိရေ၊ ပြထမော ဇနး ကထယာမာသ, က္ၐေတြမေကံ ကြီတဝါနဟံ တဒေဝ ဒြၐ္ဋုံ မယာ ဂန္တဝျမ်, အတဧဝ မာံ က္ၐန္တုံ တံ နိဝေဒယ၊
“Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’
19 အနျော ဇနး ကထယာမာသ, ဒၑဝၖၐာနဟံ ကြီတဝါန် တာန် ပရီက္ၐိတုံ ယာမိ တသ္မာဒေဝ မာံ က္ၐန္တုံ တံ နိဝေဒယ၊
“Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbondodziedza. Ndapota ndiregererei.’
20 အပရး ကထယာမာသ, ဝျူဎဝါနဟံ တသ္မာတ် ကာရဏာဒ် ယာတုံ န ၑက္နောမိ၊
“Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’
21 ပၑ္စာတ် သ ဒါသော ဂတွာ နိဇပြဘေား သာက္ၐာတ် သရွွဝၖတ္တာန္တံ နိဝေဒယာမာသ, တတောသော် ဂၖဟပတိး ကုပိတွာ သွဒါသံ ဝျာဇဟာရ, တွံ သတွရံ နဂရသျ သန္နိဝေၑာန် မာရ္ဂာံၑ္စ ဂတွာ ဒရိဒြၑုၐ္ကကရခဉ္ဇာန္ဓာန် အတြာနယ၊
“Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta unouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina.’
22 တတော ဒါသော'ဝဒတ်, ဟေ ပြဘော ဘဝတ အာဇ္ဉာနုသာရေဏာကြိယတ တထာပိ သ္ထာနမသ္တိ၊
“Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’
23 တဒါ ပြဘုး ပုန ရ္ဒာသာယာကထယတ်, ရာဇပထာန် ဝၖက္ၐမူလာနိ စ ယာတွာ မဒီယဂၖဟပူရဏာရ္ထံ လောကာနာဂန္တုံ ပြဝရ္တ္တယ၊
“Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare.
24 အဟံ ယုၐ္မဘျံ ကထယာမိ, ပူရွွနိမန္တြိတာနမေကောပိ မမာသျ ရာတြိဘောဇျသျာသွာဒံ န ပြာပ္သျတိ၊
Ndinoti kwamuri, hakuna kana mumwe chete wavaya vakanga vakokwa acharavira mabiko angu.’”
25 အနန္တရံ ဗဟုၐု လောကေၐု ယီၑေား ပၑ္စာဒ် ဝြဇိတေၐု သတ္သု သ ဝျာဃုဋျ တေဘျး ကထယာမာသ,
Vazhinji zhinji vakanga vachifamba naJesu, uye akatendeukira kwavari akati,
26 ယး ကၑ္စိန် မမ သမီပမ် အာဂတျ သွသျ မာတာ ပိတာ ပတ္နီ သန္တာနာ ဘြာတရော ဘဂိမျော နိဇပြာဏာၑ္စ, ဧတေဘျး သရွွေဘျော မယျဓိကံ ပြေမ န ကရောတိ, သ မမ ၑိၐျော ဘဝိတုံ န ၑက္ၐျတိ၊
“Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanunʼuna vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu.
27 ယး ကၑ္စိတ် သွီယံ ကြုၑံ ဝဟန် မမ ပၑ္စာန္န ဂစ္ဆတိ, သောပိ မမ ၑိၐျော ဘဝိတုံ န ၑက္ၐျတိ၊
Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.
28 ဒုရ္ဂနိရ္မ္မာဏေ ကတိဝျယော ဘဝိၐျတိ, တထာ တသျ သမာပ္တိကရဏာရ္ထံ သမ္ပတ္တိရသ္တိ န ဝါ, ပြထမမုပဝိၑျ ဧတန္န ဂဏယတိ, ယုၐ္မာကံ မဓျ ဧတာဒၖၑး ကောသ္တိ?
“Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?
29 နောစေဒ် ဘိတ္တိံ ကၖတွာ ၑေၐေ ယဒိ သမာပယိတုံ န ၑက္ၐျတိ,
Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka,
30 တရှိ မာနုၐောယံ နိစေတုမ် အာရဘတ သမာပယိတုံ နာၑက္နောတ်, ဣတိ ဝျာဟၖတျ သရွွေ တမုပဟသိၐျန္တိ၊
achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’
31 အပရဉ္စ ဘိန္နဘူပတိနာ သဟ ယုဒ္ဓံ ကရ္တ္တုမ် ဥဒျမျ ဒၑသဟသြာဏိ သဲနျာနိ ဂၖဟီတွာ ဝိံၑတိသဟသြေး သဲနျဲး သဟိတသျ သမီပဝါသိနး သမ္မုခံ ယာတုံ ၑက္ၐျာမိ န ဝေတိ ပြထမံ ဥပဝိၑျ န ဝိစာရယတိ ဧတာဒၖၑော ဘူမိပတိး ကး?
“Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri?
32 ယဒိ န ၑက္နောတိ တရှိ ရိပါဝတိဒူရေ တိၐ္ဌတိ သတိ နိဇဒူတံ ပြေၐျ သန္ဓိံ ကရ္တ္တုံ ပြာရ္ထယေတ၊
Kana asingagoni, achatuma nhume mumwe wacho achiri kure uye okumbira mashoko orugare kwaari.
33 တဒွဒ် ယုၐ္မာကံ မဓျေ ယး ကၑ္စိန် မဒရ္ထံ သရွွသွံ ဟာတုံ န ၑက္နောတိ သ မမ ၑိၐျော ဘဝိတုံ န ၑက္ၐျတိ၊
Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu.
34 လဝဏမ် ဥတ္တမမ် ဣတိ သတျံ, ကိန္တု ယဒိ လဝဏသျ လဝဏတွမ် အပဂစ္ဆတိ တရှိ တတ် ကထံ သွာဒုယုက္တံ ဘဝိၐျတိ?
“Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko?
35 တဒ ဘူမျရ္ထမ် အာလဝါလရာၑျရ္ထမပိ ဘဒြံ န ဘဝတိ; လောကာသ္တဒ် ဗဟိး က္ၐိပန္တိ၊ ယသျ ၑြောတုံ ၑြောတြေ သ္တး သ ၑၖဏောတု၊
Hauchabatsiri muvhu kana padutu romupfudze; unorasirwa kunze. “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

< လူကး 14 >