< ယောဟနး 2 >

1 အနန္တရံ တြုတီယဒိဝသေ ဂါလီလ် ပြဒေၑိယေ ကာန္နာနာမ္နိ နဂရေ ဝိဝါဟ အာသီတ် တတြ စ ယီၑောရ္မာတာ တိၐ္ဌတ်၊
Zvino nezuva retatu kwakava nemuchato muKana yeGarirea; namai vaJesu vakange varipo.
2 တသ္မဲ ဝိဝါဟာယ ယီၑုသ္တသျ ၑိၐျာၑ္စ နိမန္တြိတာ အာသန်၊
NaJesuwo wakange akokwa pamwe nevadzidzi vake kumuchato.
3 တဒနန္တရံ ဒြာက္ၐာရသသျ နျူနတွာဒ် ယီၑောရ္မာတာ တမဝဒတ် ဧတေၐာံ ဒြာက္ၐာရသော နာသ္တိ၊
Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini.
4 တဒါ သ တာမဝေါစတ် ဟေ နာရိ မယာ သဟ တဝ ကိံ ကာရျျံ? မမ သမယ ဣဒါနီံ နောပတိၐ္ဌတိ၊
Jesu akati kwavari: Mukadzi, ndinei newe? Nguva yangu haisati yasvika.
5 တတသ္တသျ မာတာ ဒါသာနဝေါစဒ် အယံ ယဒ် ဝဒတိ တဒေဝ ကုရုတ၊
Mai vake vakati kuvaranda: Chipi nechipi chaanokuudzai, itai.
6 တသ္မိန် သ္ထာနေ ယိဟူဒီယာနာံ ၑုစိတွကရဏဝျဝဟာရာနုသာရေဏာဎကဲကဇလဓရာဏိ ပါၐာဏမယာနိ ၐဍွၖဟတ္ပာတြာဏိအာသန်၊
Zvino kwakange kwakaiswapo zvirongo zvitanhatu zvemabwe semachenuriro emaJudha, chimwe nechimwe chaipinda zviyero zviviri kana zvitatu.
7 တဒါ ယီၑုသ္တာန် သရွွကလၑာန် ဇလဲး ပူရယိတုံ တာနာဇ္ဉာပယတ်, တတသ္တေ သရွွာန် ကုမ္ဘာနာကရ္ဏံ ဇလဲး ပရျျပူရယန်၊
Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamuromo.
8 အထ တေဘျး ကိဉ္စိဒုတ္တာရျျ ဘောဇျာဓိပါတေးသမီပံ နေတုံ သ တာနာဒိၑတ်, တေ တဒနယန်၊
Ndokubva ati kwavari: Cherai ikozvino, mutakurire kumubati wekudya. Vakazvitakura.
9 အပရဉ္စ တဇ္ဇလံ ကထံ ဒြာက္ၐာရသော'ဘဝတ် တဇ္ဇလဝါဟကာဒါသာ ဇ္ဉာတုံ ၑက္တား ကိန္တု တဒ္ဘေါဇျာဓိပေါ ဇ္ဉာတုံ နာၑက္နောတ် တဒဝလိဟျ ဝရံ သံမ္ဗောဒျာဝဒတ,
Mubati wekudya wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi kwainobva (asi varanda vakange vachera mvura vaiziva), mubati wekudya akadana muwani,
10 လောကား ပြထမံ ဥတ္တမဒြာက္ၐာရသံ ဒဒတိ တၐု ယထေၐ္ဋံ ပိတဝတ္သု တသ္မာ ကိဉ္စိဒနုတ္တမဉ္စ ဒဒတိ ကိန္တု တွမိဒါနီံ ယာဝတ် ဥတ္တမဒြာက္ၐာရသံ သ္ထာပယသိ၊
ndokuti kwaari: Munhu umwe neumwe pakutanga anoisa waini yakanaka, kana vanyatsonwa, isina kunyatsonaka; iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.
11 ဣတ္ထံ ယီၑုရ္ဂာလီလပြဒေၑေ အာၑ္စရျျကာရ္မ္မ ပြာရမ္ဘ နိဇမဟိမာနံ ပြာကာၑယတ် တတး ၑိၐျာသ္တသ္မိန် ဝျၑွသန်၊
Uku kutanga kwezviratidzo kwakaita Jesu paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
12 တတး ပရမ် သ နိဇမာတြုဘြာတြုသ္ၑိၐျဲး သာရ္ဒ္ဓ္ံ ကဖရ္နာဟူမမ် အာဂမတ် ကိန္တု တတြ ဗဟူဒိနာနိ အာတိၐ္ဌတ်၊
Shure kweizvozvo wakaburukira kuKapenaume, iye, namai vake, nevanin'ina vake, nevadzidzi vake; vakagarako mazuva asiri mazvinji.
13 တဒနန္တရံ ယိဟူဒိယာနာံ နိသ္တာရောတ္သဝေ နိကဋမာဂတေ ယီၑု ရျိရူၑာလမ် နဂရမ် အာဂစ္ဆတ်၊
Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera, Jesu ndokukwira kuJerusarema.
14 တတော မန္ဒိရသျ မဓျေ ဂေါမေၐပါရာဝတဝိကြယိဏော ဝါဏိဇက္ၐ္စောပဝိၐ္ဋာန် ဝိလောကျ
Akawanawo mutembere avo vanotengesa nzombe nemakwai nenjiva, nevatsinhanisi vemari vagere.
15 ရဇ္ဇုဘိး ကၑာံ နိရ္မ္မာယ သရွွဂေါမေၐာဒိဘိး သာရ္ဒ္ဓံ တာန် မန္ဒိရာဒ် ဒူရီကၖတဝါန်၊
Zvino wakati aita tyava yerwonzi, akavadzinga vese mutembere, nemakwai nenzombe; akateura mari yevatsinhanisi, ndokupidigura matafura.
16 ဝဏိဇာံ မုဒြာဒိ ဝိကီရျျ အာသနာနိ နျူဗ္ဇီကၖတျ ပါရာဝတဝိကြယိဘျော'ကထယဒ် အသ္မာတ် သ္ထာနာတ် သရွာဏျေတာနိ နယတ, မမ ပိတုဂၖဟံ ဝါဏိဇျဂၖဟံ မာ ကာရ္ၐ္ဋ၊
Akati kune vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yekutengeserana.
17 တသ္မာတ် တန္မန္ဒိရာရ္ထ ဥဒျောဂေါ ယသ္တု သ ဂြသတီဝ မာမ်၊ ဣမာံ ၑာသ္တြီယလိပိံ ၑိၐျားသမသ္မရန်၊
Vadzidzi vake ndokurangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kwandidya kukandipedza.
18 တတး ပရမ် ယိဟူဒီယလောကာ ယီၐိမဝဒန် တဝမိဒၖၑကရ္မ္မကရဏာတ် ကိံ စိဟ္နမသ္မာန် ဒရ္ၑယသိ?
Naizvozvo VaJudha vakapindura, vakati kwaari: Unotiratidza chiratidzo chei, chekuti unoita zvinhu izvi?
19 တတော ယီၑုသ္တာနဝေါစဒ် ယုၐ္မာဘိရေ တသ္မိန် မန္ဒိရေ နာၑိတေ ဒိနတြယမဓျေ'ဟံ တဒ် ဥတ္ထာပယိၐျာမိ၊
Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa.
20 တဒါ ယိဟူဒိယာ ဝျာဟာရ္ၐုး, ဧတသျ မန္ဒိရသ နိရ္မ္မာဏေန ၐဋ္စတွာရိံၑဒ် ဝတ္သရာ ဂတား, တွံ ကိံ ဒိနတြယမဓျေ တဒ် ဥတ္ထာပယိၐျသိ?
Naizvozvo VaJudha vakati: Makore makumi mana nematanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa nemazuva matatu here?
21 ကိန္တု သ နိဇဒေဟရူပမန္ဒိရေ ကထာမိမာံ ကထိတဝါန်၊
Asi iye waireva zvetembere yemuviri wake.
22 သ ယဒေတာဒၖၑံ ဂဒိတဝါန် တစ္ဆိၐျား ၑ္မၑာနာတ် တဒီယောတ္ထာနေ သတိ သ္မၖတွာ ဓရ္မ္မဂြန္ထေ ယီၑုနောက္တကထာယာံ စ ဝျၑွသိၐုး၊
Naizvozvo wakati amuka kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira kuti wakange areva izvi kwavari; ndokutenda rugwaro, neshoko Jesu raakange areva.
23 အနန္တရံ နိသ္တာရောတ္သဝသျ ဘောဇျသမယေ ယိရူၑာလမ် နဂရေ တတ္ကြုတာၑ္စရျျကရ္မ္မာဏိ ဝိလောကျ ဗဟုဘိသ္တသျ နာမနိ ဝိၑွသိတံ၊
Zvino wakati ava muJerusarema papasika, pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita.
24 ကိန္တု သ တေၐာံ ကရေၐု သွံ န သမရ္ပယတ်, ယတး သ သရွွာနဝဲတ်၊
Asi Jesu pachake haana kuzvikumikidza kwavari, nokuti wakange achivaziva vese.
25 သ မာနဝေၐု ကသျစိတ် ပြမာဏံ နာပေက္ၐတ ယတော မနုဇာနာံ မဓျေ ယဒျဒသ္တိ တတ္တတ် သောဇာနာတ်၊
Uye nokuti wakange asingatsvaki kuti ani nani apupure zvemunhu; nokuti wakange achiziva pachake zvakange zviri mumunhu.

< ယောဟနး 2 >