< ဣဗြိဏး 9 >

1 သ ပြထမော နိယမ အာရာဓနာယာ ဝိဝိဓရီတိဘိရဲဟိကပဝိတြသ္ထာနေန စ ဝိၑိၐ္ဋ အာသီတ်၊
Naizvozvowo zvirokwazvo sungano yekutanga yakange ine zviga zvekushumira Mwari, nenzvimbo tsvene yenyika.
2 ယတော ဒူၐျမေကံ နိရမီယတ တသျ ပြထမကောၐ္ဌသျ နာမ ပဝိတြသ္ထာနမိတျာသီတ် တတြ ဒီပဝၖက္ၐော ဘောဇနာသနံ ဒရ္ၑနီယပူပါနာံ ၑြေဏီ စာသီတ်၊
Nokuti tabhenakeri yakagadzirwa, yekutanga maiva nechigadziko chemwenje netafura nezvingwa zvekuratidza, ndiyo inonzi nzvimbo tsvene.
3 တတ္ပၑ္စာဒ် ဒွိတီယာယာသ္တိရၐ္ကရိဏျာ အဘျန္တရေ 'တိပဝိတြသ္ထာနမိတိနာမကံ ကောၐ္ဌမာသီတ်,
Zvino seri kwevheiri rechipiri kwakange kune tabhenakeri yainzi nzvimbo tsvene yedzitsvene,
4 တတြ စ သုဝရ္ဏမယော ဓူပါဓာရး ပရိတး သုဝရ္ဏမဏ္ဍိတာ နိယမမဉ္ဇူၐာ စာသီတ် တန္မဓျေ မာန္နာယား သုဝရ္ဏဃဋော ဟာရောဏသျ မဉ္ဇရိတဒဏ္ဍသ္တက္ၐိတော် နိယမပြသ္တရော်,
yakange ine mudziyo wegoridhe wezvipfungaidzo zvinonhuhwira, neareka yesungano yakange yakanamwa nhivi dzese negoridhe, maiva nehari yegoridhe yakange ine mana, netsvimbo yaAroni yakatunga, nemaheandefa esungano;
5 တဒုပရိ စ ကရုဏာသနေ ဆာယာကာရိဏော် တေဇောမယော် ကိရူဗာဝါသ္တာမ်, ဧတေၐာံ ဝိၑေၐဝၖတ္တာန္တကထနာယ နာယံ သမယး၊
nepamusoro payo makerubhi ekubwinya, akadzikatira nzvimbo yetsitsi; zvatisingarondedzeri tichiita chimwe chimwe ikozvino.
6 ဧတေၐွီဒၖက် နိရ္မ္မိတေၐု ယာဇကာ ဤၑွရသေဝါမ် အနုတိၐ္ဌနတော ဒူၐျသျ ပြထမကောၐ္ဌံ နိတျံ ပြဝိၑန္တိ၊
Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda nguva dzese mutabhenakeri yekutanga, vachipedzeredza mabasa ekushumira Mwari;
7 ကိန္တု ဒွိတီယံ ကောၐ္ဌံ ပြတိဝရ္ၐမ် ဧကကၖတွ ဧကာကိနာ မဟာယာဇကေန ပြဝိၑျတေ ကိန္တွာတ္မနိမိတ္တံ လောကာနာမ် အဇ္ဉာနကၖတပါပါနာဉ္စ နိမိတ္တမ် ဥတ္သရ္ဇ္ဇနီယံ ရုဓိရမ် အနာဒါယ တေန န ပြဝိၑျတေ၊
asi kune yechipiri mupristi mukuru waipinda ari ega kamwe pagore, kwete asina ropa, raaizvibairira iye pachake nezvitadzo zvevanhu;
8 ဣတျနေန ပဝိတြ အာတ္မာ ယတ် ဇ္ဉာပယတိ တဒိဒံ တတ် ပြထမံ ဒူၐျံ ယာဝတ် တိၐ္ဌတိ တာဝတ် မဟာပဝိတြသ္ထာနဂါမီ ပန္ထာ အပြကာၑိတသ္တိၐ္ဌတိ၊
Mweya Mutsvene achiratidza ichi, kuti nzira yenzvimbo tsvene yakange isati yataridzwa, tabhenakeri yekutanga ichimire;
9 တစ္စ ဒူၐျံ ဝရ္တ္တမာနသမယသျ ဒၖၐ္ဋာန္တး, ယတော ဟေတေား သာမ္ပြတံ သံၑောဓနကာလံ ယာဝဒ် ယန္နိရူပိတံ တဒနုသာရာတ် သေဝါကာရိဏော မာနသိကသိဒ္ဓိကရဏေ'သမရ္ထာဘိး
yakange iri mufananidzo wenguva iyoyo, paibairwa zvese zvipo nezvibairo, zvisingagoni kupedzeredza maererano nehana iye anoshumira;
10 ကေဝလံ ခါဒျပေယေၐု ဝိဝိဓမဇ္ဇနေၐု စ ၑာရီရိကရီတိဘိ ရျုက္တာနိ နဲဝေဒျာနိ ဗလိဒါနာနိ စ ဘဝန္တိ၊
zvinongova zvekudya nezvinwiwa nekushamba kwakasiyana-siyana nezviga zvenyama, zvakaiswa pamusoro pavo kusvikira panguva yekururamisa.
11 အပရံ ဘာဝိမင်္ဂလာနာံ မဟာယာဇကး ခြီၐ္ဋ ဥပသ္ထာယာဟသ္တနိရ္မ္မိတေနာရ္ထတ ဧတတ္သၖၐ္ဋေ ရ္ဗဟိရ္ဘူတေန ၑြေၐ္ဌေန သိဒ္ဓေန စ ဒူၐျေဏ ဂတွာ
Asi Kristu wakati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, kubudikidza netabhenakeri yakapfuura pakukura nepakuperedzerwa, isina kuitwa nemaoko, ndiko kuti isati iri yekusikwa kuno,
12 ဆာဂါနာံ ဂေါဝတ္သာနာံ ဝါ ရုဓိရမ် အနာဒါယ သွီယရုဓိရမ် အာဒါယဲကကၖတွ ဧဝ မဟာပဝိတြသ္ထာနံ ပြဝိၑျာနန္တကာလိကာံ မုက္တိံ ပြာပ္တဝါန်၊ (aiōnios g166)
uye kwete neropa rembudzi nemhuru, asi neropa rake pachake wakapinda kamwe panzvimbo tsvene, awana rudzikunuro rwusingaperi. (aiōnios g166)
13 ဝၖၐဆာဂါနာံ ရုဓိရေဏ ဂဝီဘသ္မနး ပြက္ၐေပေဏ စ ယဒျၑုစိလောကား ၑာရီရိၑုစိတွာယ ပူယန္တေ,
Nokuti kana ropa renzombe nerembudzi, nemadota etsiru zvichisasa pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene kusvika pakuchenurwa panyama,
14 တရှိ ကိံ မနျဓွေ ယး သဒါတနေနာတ္မနာ နိၐ္ကလင်္ကဗလိမိဝ သွမေဝေၑွရာယ ဒတ္တဝါန်, တသျ ခြီၐ္ဋသျ ရုဓိရေဏ ယုၐ္မာကံ မနာံသျမရေၑွရသျ သေဝါယဲ ကိံ မၖတျုဇနကေဘျး ကရ္မ္မဘျော န ပဝိတြီကာရိၐျန္တေ? (aiōnios g166)
zvikuru sei ropa raKristu, iye kubudikidza neMweya wekusingaperi wakazvibaira kuna Mwari asina gwapa, richanatsa hana dzenyu pamabasa akafa, pakushumira Mwari mupenyu? (aiōnios g166)
15 သ နူတနနိယမသျ မဓျသ္ထော'ဘဝတ် တသျာဘိပြာယော'ယံ ယတ် ပြထမနိယမလင်္ဃနရူပပါပေဘျော မၖတျုနာ မုက္တော် ဇာတာယာမ် အာဟူတလောကာ အနန္တကာလီယသမ္ပဒး ပြတိဇ္ဉာဖလံ လဘေရန်၊ (aiōnios g166)
Uye nemhaka iyi ndiye murevereri wesungano itsva, kuti sezvo rufu rwakasvika pakudzikunurwa kwekudarika pasungano yekutanga, avo vakadanwa vagogamuchira chivimbiso chenhaka isingaperi. (aiōnios g166)
16 ယတြ နိယမော ဘဝတိ တတြ နိယမသာဓကသျ ဗလေ ရ္မၖတျုနာ ဘဝိတဝျံ၊
Nokuti pane rugwaro rwenhaka, panofanira kukumikidzwa rufu rwaiye wakaita rugwaro rwenhaka.
17 ယတော ဟတေန ဗလိနာ နိယမး သ္ထိရီဘဝတိ ကိန္တု နိယမသာဓကော ဗလိ ရျာဝတ် ဇီဝတိ တာဝတ် နိယမော နိရရ္ထကသ္တိၐ္ဌတိ၊
Nokuti rugwaro rwenhaka rwune simba kune vakafa, sezvo rwusingatongovi nesimba kana wakaita rugwaro rwenhaka achiri mupenyu.
18 တသ္မာတ် သ ပူရွွနိယမော'ပိ ရုဓိရပါတံ ဝိနာ န သာဓိတး၊
Naizvozvo kunyange yekutanga haina kugadzwa pasina ropa.
19 ဖလတး သရွွလောကာန် ပြတိ ဝျဝသ္ထာနုသာရေဏ သရွွာ အာဇ္ဉား ကထယိတွာ မူသာ ဇလေန သိန္ဒူရဝရ္ဏလောမ္နာ ဧၐောဝတၖဏေန စ သာရ္ဒ္ဓံ ဂေါဝတ္သာနာံ ဆာဂါနာဉ္စ ရုဓိရံ ဂၖဟီတွာ ဂြန္ထေ သရွွလောကေၐု စ ပြက္ၐိပျ ဗဘာၐေ,
Nokuti zviga zvese zvakati zvataurwa kuvanhu vese naMozisi zvichienderana nemurairo, wakatora ropa remhuru nembudzi, pamwe nemvura nemakushe matsvuku, nehisopi, akasasa zvese bhuku pacharo nevanhu vese,
20 ယုၐ္မာန် အဓီၑွရော ယံ နိယမံ နိရူပိတဝါန် တသျ ရုဓိရမေတတ်၊
achiti: Iri iropa resungano Mwari yaakakurairai.
21 တဒွတ် သ ဒူၐျေ'ပိ သေဝါရ္ထကေၐု သရွွပါတြေၐု စ ရုဓိရံ ပြက္ၐိပ္တဝါန်၊
Saizvozvowo wakasasa neropa zvese tabhenakeri nemidziyo yese yekushumira.
22 အပရံ ဝျဝသ္ထာနုသာရေဏ ပြာယၑး သရွွာဏိ ရုဓိရေဏ ပရိၐ္ကြိယန္တေ ရုဓိရပါတံ ဝိနာ ပါပမောစနံ န ဘဝတိ စ၊
Zvino zvinhu zvinenge zvese maererano nemurairo zvinonatswa neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kanganwiro.
23 အပရံ ယာနိ သွရ္ဂီယဝသ္တူနာံ ဒၖၐ္ဋာန္တာသ္တေၐာမ် ဧတဲး ပါဝနမ် အာဝၑျကမ် အာသီတ် ကိန္တု သာက္ၐာတ် သွရ္ဂီယဝသ္တူနာမ် ဧတေဘျး ၑြေၐ္ဌေ ရ္ဗလိဒါနဲး ပါဝနမာဝၑျကံ၊
Naizvozvo zvakafanira kuti mifananidzo yezvinhu zviri kumatenga inatswe nezvizvi, asi zvinhu zvekudenga pachazvo zvinatswe nezvibairo zvakanaka kupfuura izvi.
24 ယတး ခြီၐ္ဋး သတျပဝိတြသ္ထာနသျ ဒၖၐ္ဋာန္တရူပံ ဟသ္တကၖတံ ပဝိတြသ္ထာနံ န ပြဝိၐ္ဋဝါန် ကိန္တွသ္မန္နိမိတ္တမ် ဣဒါနီမ် ဤၑွရသျ သာက္ၐာဒ် ဥပသ္ထာတုံ သွရ္ဂမေဝ ပြဝိၐ္ဋး၊
Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa nemaoko, iri mifananidzo yezvechokwadi, asi wakapinda kudenga pachake, kuti ikozvino aonekerwe isu pachiso chaMwari;
25 ယထာ စ မဟာယာဇကး ပြတိဝရ္ၐံ ပရၑောဏိတမာဒါယ မဟာပဝိတြသ္ထာနံ ပြဝိၑတိ တထာ ခြီၐ္ဋေန ပုနး ပုနရာတ္မောတ္သရ္ဂော န ကရ္တ္တဝျး,
uye kwete kuti azvibaire kazhinji, semupristi mukuru anopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe neropa rezvimwe;
26 ကရ္တ္တဝျေ သတိ ဇဂတး သၖၐ္ဋိကာလမာရဘျ ဗဟုဝါရံ တသျ မၖတျုဘောဂ အာဝၑျကော'ဘဝတ်; ကိန္တွိဒါနီံ သ အာတ္မောတ္သရ္ဂေဏ ပါပနာၑာရ္ထမ် ဧကကၖတွော ဇဂတး ၑေၐကာလေ ပြစကာၑေ၊ (aiōn g165)
dai zvakange zvakadaro, waifanira kutambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi ikozvino wakaonekwa kamwe pakupedzisira kwenguva kuti abvise chivi kubudikidza nechibairo chake amene. (aiōn g165)
27 အပရံ ယထာ မာနုၐသျဲကကၖတွော မရဏံ တတ် ပၑ္စာဒ် ဝိစာရော နိရူပိတော'သ္တိ,
Uye sezvazvakatemerwa vanhu kuti vafe kamwe, uye shure kwezvizvi kutongwa;
28 တဒွတ် ခြီၐ္ဋော'ပိ ဗဟူနာံ ပါပဝဟနာရ္ထံ ဗလိရူပေဏဲကကၖတွ ဥတ္သသၖဇေ, အပရံ ဒွိတီယဝါရံ ပါပါဒ် ဘိန္နး သန် ယေ တံ ပြတီက္ၐန္တေ တေၐာံ ပရိတြာဏာရ္ထံ ဒရ္ၑနံ ဒါသျတိ၊
saizvozvowo Kristu, abairwa kamwe kuti atakure zvivi zvevazvinji, achazoonekwa rwechipiri asina chivi neavo vanomutarira, rwuve ruponeso.

< ဣဗြိဏး 9 >