< ဂါလာတိနး 2 >

1 အနန္တရံ စတုရ္ဒၑသု ဝတ္သရေၐု ဂတေၐွဟံ ဗရ္ဏဗ္ဗာ သဟ ယိရူၑာလမနဂရံ ပုနရဂစ္ဆံ, တဒါနောံ တီတမပိ သွသင်္ဂိနမ် အကရဝံ၊
Mushure mamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusarema, panguva iyi ndakanga ndina Bhanabhasi. Ndakaendawo naTito.
2 တတ္ကာလေ'ဟမ် ဤၑွရဒရ္ၑနာဒ် ယာတြာမ် အကရဝံ မယာ ယး ပရိၑြမော'ကာရိ ကာရိၐျတေ ဝါ သ ယန္နိၐ္ဖလော န ဘဝေတ် တဒရ္ထံ ဘိန္နဇာတီယာနာံ မဓျေ မယာ ဃောၐျမာဏး သုသံဝါဒသ္တတြတျေဘျော လောကေဘျော ဝိၑေၐတော မာနျေဘျော နရေဘျော မယာ နျဝေဒျတ၊
Ndakaenda nokuda kwokuzarurirwa uye ndikarondedzera pamberi pavo vhangeri randakaparidza pakati peveDzimwe Ndudzi. Asi ndakaita izvi kuna avo vakanga vari vatungamiri vari voga, nokuti ndaitya kuti ndakanga ndichimhanya kana kuti ndatomhanya nhangemutange yangu pasina.
3 တတော မမ သဟစရသ္တီတော ယဒျပိ ယူနာနီယ အာသီတ် တထာပိ တသျ တွက္ဆေဒေါ'ပျာဝၑျကော န ဗဘူဝ၊
Asi kunyange naTito, akanga aneni, haana kumanikidzwa kuti adzingiswe, kunyange zvazvo akanga ari muGiriki.
4 ယတၑ္ဆလေနာဂတာ အသ္မာန် ဒါသာန် ကရ္တ္တုမ် ဣစ္ဆဝး ကတိပယာ ဘာက္တဘြာတရး ခြီၐ္ဋေန ယီၑုနာသ္မဘျံ ဒတ္တံ သွာတန္တြျမ် အနုသန္ဓာတုံ စာရာ ဣဝ သမာဇံ ပြာဝိၑန်၊
Nyaya iyi yakamutswa nokuda kwedzimwe hama dzenhema dzakanga dzapinda munzvimbo dzedu kuti vazosora rusununguko rwatinarwo muna Kristu Jesu uye kuti vagotiita nhapwa.
5 အတး ပြကၖတေ သုသံဝါဒေ ယုၐ္မာကမ် အဓိကာရော ယတ် တိၐ္ဌေတ် တဒရ္ထံ ဝယံ ဒဏ္ဍဲကမပိ ယာဝဒ် အာဇ္ဉာဂြဟဏေန တေၐာံ ဝၑျာ နာဘဝါမ၊
Hatina kuvapa mukana napaduku, kuitira kuti chokwadi chevhangeri chigare mamuri.
6 ပရန္တု ယေ လောကာ မာနျာသ္တေ ယေ ကေစိဒ် ဘဝေယုသ္တာနဟံ န ဂဏယာမိ ယတ ဤၑွရး ကသျာပိ မာနဝသျ ပက္ၐပါတံ န ကရောတိ, ယေ စ မာနျာသ္တေ မာံ ကိမပိ နဝီနံ နာဇ္ဉာပယန်၊
Kana vari vaya vanonzi vanoremekedzwa, hazvinei kuti vakanga vakadii, kwandiri hazvina mutsauko; Mwari haatongi nezvinoonekwa zvokunze, varume ivavo havana chavakawedzera pashoko rangu.
7 ကိန္တု ဆိန္နတွစာံ မဓျေ သုသံဝါဒပြစာရဏသျ ဘာရး ပိတရိ ယထာ သမရ္ပိတသ္တထဲဝါစ္ဆိန္နတွစာံ မဓျေ သုသံဝါဒပြစာရဏသျ ဘာရော မယိ သမရ္ပိတ ဣတိ တဲ ရ္ဗုဗုဓေ၊
Zvisinei hazvo, vakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza vhangeri kune veDzimwe Ndudzi, sezvakaitwawo Petro kuvaJudha.
8 ယတၑ္ဆိန္နတွစာံ မဓျေ ပြေရိတတွကရ္မ္မဏေ ယသျ ယာ ၑက္တိး ပိတရမာၑြိတဝတီ တသျဲဝ သာ ၑက္တိ ရ္ဘိန္နဇာတီယာနာံ မဓျေ တသ္မဲ ကရ္မ္မဏေ မာမပျာၑြိတဝတီ၊
Nokuti Mwari, iye akanga achishanda muushumiri hwaPetro somupostori kuvaJudha, akanga achishandawo muushumiri hwangu somupostori kune veDzimwe Ndudzi.
9 အတော မဟျံ ဒတ္တမ် အနုဂြဟံ ပြတိဇ္ဉာယ သ္တမ္ဘာ ဣဝ ဂဏိတာ ယေ ယာကူဗ် ကဲဖာ ယောဟန် စဲတေ သဟာယတာသူစကံ ဒက္ၐိဏဟသ္တဂြဟံဏ ဝိဓာယ မာံ ဗရ္ဏဗ္ဗာဉ္စ ဇဂဒုး, ယုဝါံ ဘိန္နဇာတီယာနာံ သန္နိဓိံ ဂစ္ဆတံ ဝယံ ဆိန္နတွစာ သန္နိဓိံ ဂစ္ဆာမး,
Jakobho, Petro, naJohani, ivo vainzi mbiru, vakandimbunda ini naBhanabhasi noruoko rworudyi rwokuwadzana pavakaona nyasha dzandakanga ndapiwa. Vakabvuma kuti tinofanira kuenda kune veDzimwe Ndudzi, uye ivo vaende kuvaJudha.
10 ကေဝလံ ဒရိဒြာ ယုဝါဘျာံ သ္မရဏီယာ ဣတိ၊ အတသ္တဒေဝ ကရ္တ္တုမ် အဟံ ယတေ သ္မ၊
Zvavakangokumbira zvakanga zviri zvokuti isu tirambe tichirangarira varombo, chinova ndicho chinhu chandaidisa kuita.
11 အပရမ် အာန္တိယခိယာနဂရံ ပိတရ အာဂတေ'ဟံ တသျ ဒေါၐိတွာတ် သမက္ၐံ တမ် အဘရ္တ္သယံ၊
Petro akati asvika kuAndioki, ndakamutsoropodza pachena, nokuti akanga akanganisa zviri pachena.
12 ယတး သ ပူရွွမ် အနျဇာတီယဲး သာရ္ဒ္ဓမ် အာဟာရမကရောတ် တတး ပရံ ယာကူဗး သမီပါတ် ကတိပယဇနေၐွာဂတေၐု သ ဆိန္နတွင်္မနုၐျေဘျော ဘယေန နိဝၖတျ ပၖထဂ် အဘဝတ်၊
Vamwe varume vakabva kuna Jakobho vasati vasvika, akanga achimbodya neveDzimwe Ndudzi. Asi pavakasvika, akatanga kusuduruka uye akazvitsaura kubva kune veDzimwe Ndudzi nokuti akanga achitya vaya vakanga vari veboka rokudzingiswa.
13 တတော'ပရေ သရွွေ ယိဟူဒိနော'ပိ တေန သာရ္ဒ္ဓံ ကပဋာစာရမ် အကုရွွန် ဗရ္ဏဗ္ဗာ အပိ တေၐာံ ကာပဋျေန ဝိပထဂါမျဘဝတ်၊
Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo.
14 တတသ္တေ ပြကၖတသုသံဝါဒရူပေ သရလပထေ န စရန္တီတိ ဒၖၐ္ဋွာဟံ သရွွေၐာံ သာက္ၐာတ် ပိတရမ် ဥက္တဝါန် တွံ ယိဟူဒီ သန် ယဒိ ယိဟူဒိမတံ ဝိဟာယ ဘိန္နဇာတီယ ဣဝါစရသိ တရှိ ယိဟူဒိမတာစရဏာယ ဘိန္နဇာတီယာန် ကုတး ပြဝရ္တ္တယသိ?
Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza veDzimwe Ndudzi kuti vatevere tsika dzechiJudha?
15 အာဝါံ ဇန္မနာ ယိဟူဒိနော် ဘဝါဝေါ ဘိန္နဇာတီယော် ပါပိနော် န ဘဝါဝး
“Isu tiri vaJudha pakuzvarwa uye hatisi vatadzi ve‘Dzimwe Ndudzi’
16 ကိန္တု ဝျဝသ္ထာပါလနေန မနုၐျး သပုဏျော န ဘဝတိ ကေဝလံ ယီၑော် ခြီၐ္ဋေ ယော ဝိၑွာသသ္တေနဲဝ သပုဏျော ဘဝတီတိ ဗုဒ္ဓွာဝါမပိ ဝျဝသ္ထာပါလနံ ဝိနာ ကေဝလံ ခြီၐ္ဋေ ဝိၑွာသေန ပုဏျပြာပ္တယေ ခြီၐ္ဋေ ယီၑော် ဝျၑွသိဝ ယတော ဝျဝသ္ထာပါလနေန ကော'ပိ မာနဝး ပုဏျံ ပြာပ္တုံ န ၑက္နောတိ၊
uye tinoziva kuti munhu haaruramisirwi nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tiruramisirwe nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu acharuramisirwa nokuchengeta murayiro.
17 ပရန္တု ယီၑုနာ ပုဏျပြာပ္တယေ ယတမာနာဝပျာဝါံ ယဒိ ပါပိနော် ဘဝါဝသ္တရှိ ကိံ ဝက္တဝျံ? ခြီၐ္ဋး ပါပသျ ပရိစာရက ဣတိ? တန္န ဘဝတု၊
“Kana tichitsvaka kuti kururamisirwa muna Kristu, zvikazoonekwa kuti isu pachedu tiri vatadzi, zvinoreva here kuti Kristu anosimudzira chivi? Kwete napaduku!
18 မယာ ယဒ် ဘဂ္နံ တဒ် ယဒိ မယာ ပုနရ္နိရ္မ္မီယတေ တရှိ မယဲဝါတ္မဒေါၐး ပြကာၑျတေ၊
Kana ndikavakazve chandakamboputsa, ndinoratidza kuti ndiri mudariki womurayiro.
19 အဟံ ယဒ် ဤၑွရာယ ဇီဝါမိ တဒရ္ထံ ဝျဝသ္ထယာ ဝျဝသ္ထာယဲ အမြိယေ၊
Nokuti kubudikidza nomurayiro ndakafa kumurayiro kuitira kuti ndiraramire Mwari.
20 ခြီၐ္ဋေန သာရ္ဒ္ဓံ ကြုၑေ ဟတော'သ္မိ တထာပိ ဇီဝါမိ ကိန္တွဟံ ဇီဝါမီတိ နဟိ ခြီၐ္ဋ ဧဝ မဒန္တ ရ္ဇီဝတိ၊ သာမ္ပြတံ သၑရီရေဏ မယာ ယဇ္ဇီဝိတံ ဓာရျျတေ တတ် မမ ဒယာကာရိဏိ မဒရ္ထံ သွီယပြာဏတျာဂိနိ စေၑွရပုတြေ ဝိၑွသတာ မယာ ဓာရျျတေ၊
Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.
21 အဟမီၑွရသျာနုဂြဟံ နာဝဇာနာမိ ယသ္မာဒ် ဝျဝသ္ထယာ ယဒိ ပုဏျံ ဘဝတိ တရှိ ခြီၐ္ဋော နိရရ္ထကမမြိယတ၊
Handikonesi nyasha dzaMwari, nokuti kana kururama kuchigona kuwanikwa nomurayiro, Kristu akafira pasina!”

< ဂါလာတိနး 2 >