< ၂ ကရိန္ထိနး 11 >

1 ယူယံ မမာဇ္ဉာနတာံ က္ၐဏံ ယာဝတ် သောဎုမ် အရှထ, အတး သာ ယုၐ္မာဘိး သဟျတာံ၊
Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma paupenzi hwangu; asiwo munondiitira moyo murefu.
2 ဤၑွရေ မမာသက္တတွာဒ် အဟံ ယုၐ္မာနဓိ တပေ ယသ္မာတ် သတီံ ကနျာမိဝ ယုၐ္မာန် ဧကသ္မိန် ဝရေ'ရ္ထတး ခြီၐ္ဋေ သမရ္ပယိတုမ် အဟံ ဝါဂ္ဒာနမ် အကာရ္ၐံ၊
Nokuti ndine godo nemwi negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai kumurume umwe, kuti ndikukumikidzeimuri mhandara yakachena kuna Kristu.
3 ကိန္တု သရ္ပေဏ သွခလတယာ ယဒွဒ် ဟဝါ ဝဉ္စယာဉ္စကေ တဒွတ် ခြီၐ္ဋံ ပြတိ သတီတွာဒ် ယုၐ္မာကံ ဘြံၑး သမ္ဘဝိၐျတီတိ ဗိဘေမိ၊
Asi ndinotya kuti zvimwe nyoka sezvayakanyengera Evha nemano ayo, saizvozvo ndangariro dzenyu dzingatsauswa pauchokwadi huri muna Kristu.
4 အသ္မာဘိရနာချာပိတော'ပရး ကၑ္စိဒ် ယီၑု ရျဒိ ကေနစိဒ် အာဂန္တုကေနာချာပျတေ ယုၐ္မာဘိး ပြာဂလဗ္ဓ အာတ္မာ ဝါ ယဒိ လဘျတေ ပြာဂဂၖဟီတး သုသံဝါဒေါ ဝါ ယဒိ ဂၖဟျတေ တရှိ မနျေ ယူယံ သမျက် သဟိၐျဓွေ၊
Nokuti kana anosvika achiparidza umwe Jesu watisina kuparidza, kana zvimwe muchigamuchira umwe mweya wamusina kugamuchira, kana imwe evhangeri yamusina kugamuchira, zvakanaka kuti muzviitire moyo murefu.
5 ကိန္တု မုချေဘျး ပြေရိတေဘျော'ဟံ ကေနစိတ် ပြကာရေဏ နျူနော နာသ္မီတိ ဗုဓျေ၊
Nokuti ndinoona ndisingasariri nepadiki kuvaapositori vakurusa.
6 မမ ဝါက္ပဋုတာယာ နျူနတွေ သတျပိ ဇ္ဉာနသျ နျူနတွံ နာသ္တိ ကိန္တု သရွွဝိၐယေ ဝယံ ယုၐ္မဒ္ဂေါစရေ ပြကာၑာမဟေ၊
Kanawo kunyange ndisina kudzidza pashoko, asi kwete paruzivo; asi pachinhu chese takaratidzwa kwamuri muzvinhu zvese.
7 ယုၐ္မာကမ် ဥန္နတျဲ မယာ နမြတာံ သွီကၖတျေၑွရသျ သုသံဝါဒေါ ဝိနာ ဝေတနံ ယုၐ္မာကံ မဓျေ ယဒ် အဃောၐျတ တေန မယာ ကိံ ပါပမ် အကာရိ?
Kana ndakaita chivi here pakuzvininipisa kuti imwi mukudzwe, nokuti ndakaparidza kwamuri evhangeri yaMwari pasina muripo?
8 ယုၐ္မာကံ သေဝနာယာဟမ် အနျသမိတိဘျော ဘၖတိ ဂၖဟ္လန် ဓနမပဟၖတဝါန်,
Ndakapamba amwe makereke, ndichitora muripo kuti ndikushandirei.
9 ယဒါ စ ယုၐ္မန္မဓျေ'ဝ'ရ္တ္တေ တဒါ မမာရ္ထာဘာဝေ ဇာတေ ယုၐ္မာကံ ကော'ပိ မယာ န ပီဍိတး; ယတော မမ သော'ရ္ထာဘာဝေါ မာကိဒနိယာဒေၑာဒ် အာဂတဲ ဘြာတၖဘိ နျဝါရျျတ, ဣတ္ထမဟံ က္ကာပိ ဝိၐယေ ယထာ ယုၐ္မာသု ဘာရော န ဘဝါမိ တထာ မယာတ္မရက္ၐာ ကၖတာ ကရ္တ္တဝျာ စ၊
Uye pandakange ndiripo kwamuri ndichishaiwa handina kuremedza munhu; nokuti zvandaishaiwa, hama dzaibva Makedhonia dzakapa; uye pazvese ndakazvichengeta kuti ndirege kuva mutoro kwamuri, uye ndichazvichengeta.
10 ခြီၐ္ဋသျ သတျတာ ယဒိ မယိ တိၐ္ဌတိ တရှိ မမဲၐာ ၑ္လာဃာ နိခိလာခါယာဒေၑေ ကေနာပိ န ရောတ္သျတေ၊
Chokwadi chaKristu chiri mandiri, kuti kuzvikudza uku hakungamiswi mandiri kumatunhu eAkaya.
11 ဧတသျ ကာရဏံ ကိံ? ယုၐ္မာသု မမ ပြေမ နာသ္တျေတတ် ကိံ တတ္ကာရဏံ? တဒ် ဤၑွရော ဝေတ္တိ၊
Nemhaka yei? Nokuti handikudii here? Mwari anoziva.
12 ယေ ဆိဒြမနွိၐျန္တိ တေ ယတ် ကိမပိ ဆိဒြံ န လဘန္တေ တဒရ္ထမေဝ တတ် ကရ္မ္မ မယာ ကြိယတေ ကာရိၐျတေ စ တသ္မာတ် တေ ယေန ၑ္လာဃန္တေ တေနာသ္မာကံ သမာနာ ဘဝိၐျန္တိ၊
Asi chandinoita, ndichaitawo, kuti ndigure mukana kune vanoshuva mukana; kuti pane zvavanozvikudza nazvo vawanikwe vakaita sesuwo.
13 တာဒၖၑာ ဘာက္တပြေရိတား ပြဝဉ္စကား ကာရဝေါ ဘူတွာ ခြီၐ္ဋသျ ပြေရိတာနာံ ဝေၑံ ဓာရယန္တိ၊
Nokuti vakadaro vaapositori venhema, vabati vanonyengera, vanozvishandura kuva vaapositori vaKristu.
14 တစ္စာၑ္စရျျံ နဟိ; ယတး သွယံ ၑယတာနပိ တေဇသွိဒူတသျ ဝေၑံ ဓာရယတိ,
Hazvishamisiwo; nokuti Satani amene anozvishandura kuva mutumwa wechiedza.
15 တတသ္တသျ ပရိစာရကာ အပိ ဓရ္မ္မပရိစာရကာဏာံ ဝေၑံ ဓာရယန္တီတျဒ္ဘုတံ နဟိ; ကိန္တု တေၐာံ ကရ္မ္မာဏိ ယာဒၖၑာနိ ဖလာနျပိ တာဒၖၑာနိ ဘဝိၐျန္တိ၊
Naizvozvo hachisi chinhu chikuru kana nevashumiri vake vachizvishandura kuita sevashumiri vekururama; kuguma kwavo kuchava semabasa avo.
16 အဟံ ပုန ရွဒါမိ ကော'ပိ မာံ နိရ္ဗ္ဗောဓံ န မနျတာံ ကိဉ္စ ယဒျပိ နိရ္ဗ္ဗောဓော ဘဝေယံ တထာပိ ယူယံ နိရ္ဗ္ဗောဓမိဝ မာမနုဂၖဟျ က္ၐဏဲကံ ယာဝတ် မမာတ္မၑ္လာဃာမ် အနုဇာနီတ၊
Ndinotizve: Ngakurege kuva nemunhu anofunga kuti ndiri benzi; asi kana zvisakadaro, sebenziwo ndigamuchirei, kuti neni ndizvikudze zvishoma.
17 ဧတသျား ၑ္လာဃာယာ နိမိတ္တံ မယာ ယတ် ကထိတဝျံ တတ် ပြဘုနာဒိၐ္ဋေနေဝ ကထျတေ တန္နဟိ ကိန္တု နိရ္ဗ္ဗောဓေနေဝ၊
Zvandinotaura, handitauri sekuna Ishe, asi sepaupenzi, pachivimbo ichi chekuzvikudza.
18 အပရေ ဗဟဝး ၑာရီရိကၑ္လာဃာံ ကုရွွတေ တသ္မာဒ် အဟမပိ ၑ္လာဃိၐျေ၊
Sezvo vazhinji vachizvikudza panyama, iniwo ndichazvikudza.
19 ဗုဒ္ဓိမန္တော ယူယံ သုခေန နိရ္ဗ္ဗောဓာနာမ် အာစာရံ သဟဓွေ၊
Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nemufaro muri vakachenjera.
20 ကော'ပိ ယဒိ ယုၐ္မာန် ဒါသာန် ကရောတိ ယဒိ ဝါ ယုၐ္မာကံ သရွွသွံ ဂြသတိ ယဒိ ဝါ ယုၐ္မာန် ဟရတိ ယဒိ ဝါတ္မာဘိမာနီ ဘဝတိ ယဒိ ဝါ ယုၐ္မာကံ ကပေါလမ် အာဟန္တိ တရှိ တဒပိ ယူယံ သဟဓွေ၊
Nokuti munoita moyo murefu, kana munhu achikuisai muuranda, kana munhu achikudyai kupedza, kana munhu achikutapai, kana munhu achizvikudza, kana munhu achikurovai kumeso.
21 ဒေါ်ရ္ဗ္ဗလျာဒ် ယုၐ္မာဘိရဝမာနိတာ ဣဝ ဝယံ ဘာၐာမဟေ, ကိန္တွပရသျ ကသျစိဒ် ယေန ပြဂလ္ဘတာ ဇာယတေ တေန မမာပိ ပြဂလ္ဘတာ ဇာယတ ဣတိ နိရ္ဗ္ဗောဓေနေဝ မယာ ဝက္တဝျံ၊
Ndinoreva sechinyadzo, senge kuti isu takange tine utera. Asi pane chipi nechipi umwe paane ushingi (ndinotaura paupenzi), ini ndine ushingiwo.
22 တေ ကိမ် ဣဗြိလောကား? အဟမပီဗြီ၊ တေ ကိမ် ဣသြာယေလီယား? အဟမပီသြာယေလီယး၊ တေ ကိမ် ဣဗြာဟီမော ဝံၑား? အဟမပီဗြာဟီမော ဝံၑး၊
VaHebheru here? Neniwo. VaIsraeri here? Neniwo. Imbeu yaAbhurahama here? Neniwo.
23 တေ ကိံ ခြီၐ္ဋသျ ပရိစာရကား? အဟံ တေဘျော'ပိ တသျ မဟာပရိစာရကး; ကိန္တု နိရ္ဗ္ဗောဓ ဣဝ ဘာၐေ, တေဘျော'ပျဟံ ဗဟုပရိၑြမေ ဗဟုပြဟာရေ ဗဟုဝါရံ ကာရာယာံ ဗဟုဝါရံ ပြာဏနာၑသံၑယေ စ ပတိတဝါန်၊
Vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura semupengo), ndinovapfuura, zvikurusa pamabasa anorema, pamavanga kupfuura chipimo, mumajere zvikurusa, pandufu kazhinji.
24 ယိဟူဒီယဲရဟံ ပဉ္စကၖတွ ဦနစတွာရိံၑတ္ပြဟာရဲရာဟတသ္တြိရွေတြာဃာတမ် ဧကကၖတွး ပြသ္တရာဃာတဉ္စ ပြပ္တဝါန်၊
KuVaJudha ndakagamuchira kashanu shamhu dzine makumi mana kusiya imwe.
25 ဝါရတြယံ ပေါတဘဉ္ဇနေန က္လိၐ္ဋော'ဟမ် အဂါဓသလိလေ ဒိနမေကံ ရာတြိမေကာဉ္စ ယာပိတဝါန်၊
Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa nemabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe nemasikati ndakange ndiri muudziku hwegungwa;
26 ဗဟုဝါရံ ယာတြာဘိ ရ္နဒီနာံ သင်္ကဋဲ ရ္ဒသျူနာံ သင်္ကဋဲး သွဇာတီယာနာံ သင်္ကဋဲ ရ္ဘိန္နဇာတီယာနာံ သင်္ကဋဲ ရ္နဂရသျ သင်္ကဋဲ ရ္မရုဘူမေး သင်္ကဋဲ သာဂရသျ သင်္ကဋဲ ရ္ဘာက္တဘြာတၖဏာံ သင်္ကဋဲၑ္စ
panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzemakororo, panjodzi nevekwangu, panjodzi nevahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
27 ပရိၑြမက္လေၑာဘျာံ ဝါရံ ဝါရံ ဇာဂရဏေန က္ၐုဓာတၖၐ္ဏာဘျာံ ဗဟုဝါရံ နိရာဟာရေဏ ၑီတနဂ္နတာဘျာဉ္စာဟံ ကာလံ ယာပိတဝါန်၊
pakutambudzika nepakuremerwa, pakusarara kazhinji, panzara nenyota, pakutsanya kazhinji, pachando nepakushama.
28 တာဒၖၑံ နဲမိတ္တိကံ ဒုးခံ ဝိနာဟံ ပြတိဒိနမ် အာကုလော ဘဝါမိ သရွွာသာံ သမိတီနာံ စိန္တာ စ မယိ ဝရ္တ္တတေ၊
Kunze kwezvinhu izvi zviri panze, kurangarira makereke ese kunondimanikidza zuva rimwe nerimwe.
29 ယေနာဟံ န ဒုရ္ဗ္ဗလီဘဝါမိ တာဒၖၑံ ဒေါ်ရ္ဗ္ဗလျံ ကး ပါပ္နောတိ?
Ndiani anoshaiwa simba, neni ndikasashaiwa simba? Ndiani anogumburwa, neni ndikasatsva?
30 ယဒိ မယာ ၑ္လာဃိတဝျံ တရှိ သွဒုရ္ဗ္ဗလတာမဓိ ၑ္လာဃိၐျေ၊
Kana zvakafanira kuzvikudza, ndichazvikudza nezvinhu zveutera hwangu.
31 မယာ မၖၐာဝါကျံ န ကထျတ ဣတိ နိတျံ ပြၑံသနီယော'သ္မာကံ ပြဘော ရျီၑုခြီၐ္ဋသျ တာတ ဤၑွရော ဇာနာတိ၊ (aiōn g165)
Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, anorumbidzwa kusvikira rinhi narinhi, anoziva kuti handirevi nhema. (aiōn g165)
32 ဒမ္မေၐကနဂရေ'ရိတာရာဇသျ ကာရျျာဓျက္ၐော မာံ ဓရ္တ္တုမ် ဣစ္ဆန် ယဒါ သဲနျဲသ္တဒ် ဒမ္မေၐကနဂရမ် အရက္ၐယတ္
PaDhamasiko mutungamiriri wamambo Areta wakarinda guta reveDhamasiko achida kundibata;
33 တဒါဟံ လောကဲး ပိဋကမဓျေ ပြာစီရဂဝါက္ၐေဏာဝရောဟိတသ္တသျ ကရာတ် တြာဏံ ပြာပံ၊
uye ndakaburuswa nepawindo ndiri mudengu nepamudhuri, ndikapukunyuka pamaoko ake.

< ၂ ကရိန္ထိနး 11 >