< ၁ ယောဟနး 2 >

1 ဟေ ပြိယဗာလကား, ယုၐ္မာဘိ ရျတ် ပါပံ န ကြိယေတ တဒရ္ထံ ယုၐ္မာန် ပြတျေတာနိ မယာ လိချန္တေ၊ ယဒိ တု ကေနာပိ ပါပံ ကြိယတေ တရှိ ပိတုး သမီပေ 'သ္မာကံ ဧကး သဟာယော 'ရ္ထတော ဓာရ္မ္မိကော ယီၑုး ခြီၐ္ဋော ဝိဒျတေ၊
Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama.
2 သ စာသ္မာကံ ပါပါနာံ ပြာယၑ္စိတ္တံ ကေဝလမသ္မာကံ နဟိ ကိန္တု လိခိလသံသာရသျ ပါပါနာံ ပြာယၑ္စိတ္တံ၊
Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.
3 ဝယံ တံ ဇာနီမ ဣတိ တဒီယာဇ္ဉာပါလနေနာဝဂစ္ဆာမး၊
Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake.
4 အဟံ တံ ဇာနာမီတိ ဝဒိတွာ ယသ္တသျာဇ္ဉာ န ပါလယတိ သော 'နၖတဝါဒီ သတျမတဉ္စ တသျာန္တရေ န ဝိဒျတေ၊
Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari.
5 ယး ကၑ္စိတ် တသျ ဝါကျံ ပါလယတိ တသ္မိန် ဤၑွရသျ ပြေမ သတျရူပေဏ သိဓျတိ ဝယံ တသ္မိန် ဝရ္တ္တာမဟေ တဒ် ဧတေနာဝဂစ္ဆာမး၊
Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari:
6 အဟံ တသ္မိန် တိၐ္ဌာမီတိ ယော ဂဒတိ တသျေဒမ် ဥစိတံ ယတ် ခြီၐ္ဋော ယာဒၖဂ် အာစရိတဝါန် သော 'ပိ တာဒၖဂ် အာစရေတ်၊
Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu.
7 ဟေ ပြိယတမား, ယုၐ္မာန် ပြတျဟံ နူတနာမာဇ္ဉာံ လိခါမီတိ နဟိ ကိန္တွာဒိတော ယုၐ္မာဘိ ရ္လဗ္ဓာံ ပုရာတနာမာဇ္ဉာံ လိခါမိ၊ အာဒိတော ယုၐ္မာဘိ ရျဒ် ဝါကျံ ၑြုတံ သာ ပုရာတနာဇ္ဉာ၊
Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa.
8 ပုနရပိ ယုၐ္မာန် ပြတိ နူတနာဇ္ဉာ မယာ လိချတ ဧတဒပိ တသ္မိန် ယုၐ္မာသု စ သတျံ, ယတော 'န္ဓကာရော ဝျတျေတိ သတျာ ဇျောတိၑ္စေဒါနီံ ပြကာၑတေ;
Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera.
9 အဟံ ဇျောတိၐိ ဝရ္တ္တ ဣတိ ဂဒိတွာ ယး သွဘြာတရံ ဒွေၐ္ဋိ သော 'ဒျာပိ တမိသြေ ဝရ္တ္တတေ၊
Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima.
10 သွဘြာတရိ ယး ပြီယတေ သ ဧဝ ဇျောတိၐိ ဝရ္တ္တတေ ဝိဃ္နဇနကံ ကိမပိ တသ္မိန် န ဝိဒျတေ၊
Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa.
11 ကိန္တု သွဘြာတရံ ယော ဒွေၐ္ဋိ သ တိမိရေ ဝရ္တ္တတေ တိမိရေ စရတိ စ တိမိရေဏ စ တသျ နယနေ 'န္ဓီကြိယေတေ တသ္မာတ် က္က ယာမီတိ သ ဇ္ဉာတုံ န ၑက္နောတိ၊
Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza.
12 ဟေ ၑိၑဝး, ယူယံ တသျ နာမ္နာ ပါပက္ၐမာံ ပြာပ္တဝန္တသ္တသ္မာဒ် အဟံ ယုၐ္မာန် ပြတိ လိခါမိ၊
Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda, nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.
13 ဟေ ပိတရး, ယ အာဒိတော ဝရ္တ္တမာနသ္တံ ယူယံ ဇာနီထ တသ္မာဒ် ယုၐ္မာန် ပြတိ လိခါမိ၊ ဟေ ယုဝါနး ယူယံ ပါပတ္မာနံ ဇိတဝန္တသ္တသ္မာဒ် ယုၐ္မာန် ပြတိ လိခါမိ၊ ဟေ ဗာလကား, ယူယံ ပိတရံ ဇာနီထ တသ္မာဒဟံ ယုၐ္မာန် ပြတိ လိခိတဝါန်၊
Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti makakunda iye akaipa. Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa, nokuti makaziva Baba.
14 ဟေ ပိတရး, အာဒိတော ယော ဝရ္တ္တမာနသ္တံ ယူယံ ဇာနီထ တသ္မာဒ် ယုၐ္မာန် ပြတိ လိခိတဝါန်၊ ဟေ ယုဝါနး, ယူယံ ဗလဝန္တ အာဓွေ, ဤၑွရသျ ဝါကျဉ္စ ယုၐ္မဒန္တရေ ဝရ္တတေ ပါပါတ္မာ စ ယုၐ္မာဘိး ပရာဇိဂျေ တသ္မာဒ် ယုၐ္မာန် ပြတိ လိခိတဝါန်၊
Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti mune simba, shoko raMwari rinogara mamuri, uye makakunda iye akaipa.
15 ယူယံ သံသာရေ သံသာရသ္ထဝိၐယေၐု စ မာ ပြီယဓွံ ယး သံသာရေ ပြီယတေ တသျာန္တရေ ပိတုး ပြေမ န တိၐ္ဌတိ၊
Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.
16 ယတး သံသာရေ ယဒျတ် သ္ထိတမ် အရ္ထတး ၑာရီရိကဘာဝသျာဘိလာၐော ဒရ္ၑနေန္ဒြိယသျာဘိလာၐော ဇီဝနသျ ဂရွွၑ္စ သရွွမေတတ် ပိတၖတော န ဇာယတေ ကိန္တု သံသာရဒေဝ၊
Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza kwemunhu nokuda kwezvaanazvo nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika.
17 သံသာရသ္တဒီယာဘိလာၐၑ္စ ဝျတျေတိ ကိန္တု ယ ဤၑွရသျေၐ္ဋံ ကရောတိ သော 'နန္တကာလံ ယာဝတ် တိၐ္ဌတိ၊ (aiōn g165)
Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi. (aiōn g165)
18 ဟေ ဗာလကား, ၑေၐကာလော'ယံ, အပရံ ခြီၐ္ဋာရိဏောပသ္ထာဝျမိတိ ယုၐ္မာဘိ ရျထာ ၑြုတံ တထာ ဗဟဝး ခြီၐ္ဋာရယ ဥပသ္ထိတာသ္တသ္မာဒယံ ၑေၐကာလော'သ္တီတိ ဝယံ ဇာနီမး၊
Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira.
19 တေ 'သ္မန္မဓျာန် နိရ္ဂတဝန္တး ကိန္တွသ္မဒီယာ နာသန် ယဒျသ္မဒီယာ အဘဝိၐျန် တရှျသ္မတ္သင်္ဂေ 'သ္ထာသျန်, ကိန္တု သရွွေ 'သ္မဒီယာ န သန္တျေတသျ ပြကာၑ အာဝၑျက အာသီတ်၊
Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu.
20 ယး ပဝိတြသ္တသ္မာဒ် ယူယမ် အဘိၐေကံ ပြာပ္တဝန္တသ္တေန သရွွာဏိ ဇာနီထ၊
Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi.
21 ယူယံ သတျမတံ န ဇာနီထ တတ္ကာရဏာဒ် အဟံ ယုၐ္မာန် ပြတိ လိခိတဝါန် တန္နဟိ ကိန္တု ယူယံ တတ် ဇာနီထ သတျမတာစ္စ ကိမပျနၖတဝါကျံ နောတ္ပဒျတေ တတ္ကာရဏာဒေဝ၊
Handina kukunyorerai nokuda kwokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuda kwokuti munochiziva uye nokuti hakuna nhema dzinobva muchokwadi.
22 ယီၑုရဘိၐိက္တသ္တြာတေတိ ယော နာင်္ဂီကရောတိ တံ ဝိနာ ကော 'ပရော 'နၖတဝါဒီ ဘဝေတ်? သ ဧဝ ခြီၐ္ဋာရိ ရျး ပိတရံ ပုတြဉ္စ နာင်္ဂီကရောတိ၊
Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana.
23 ယး ကၑ္စိတ် ပုတြံ နာင်္ဂီကရောတိ သ ပိတရမပိ န ဓာရယတိ ယၑ္စ ပုတြမင်္ဂီကရောတိ သ ပိတရမပိ ဓာရယတိ၊
Hakuna munhu anoramba Mwanakomana angava naBaba; ani naani anopupura Mwanakomana ndiye ana Babawo.
24 အာဒိတော ယုၐ္မာဘိ ရျတ် ၑြုတံ တဒ် ယုၐ္မာသု တိၐ္ဌတု, အာဒိတး ၑြုတံ ဝါကျံ ယဒိ ယုၐ္မာသု တိၐ္ဌတိ, တရှိ ယူယမပိ ပုတြေ ပိတရိ စ သ္ထာသျထ၊
Onai kuti zvamakanzwa kubva pakutanga zvagara mamuri. Kana zvikadaro, nemiwo muchagara muMwanakomana nomuna Baba.
25 သ စ ပြတိဇ္ဉယာသ္မဘျံ ယတ် ပြတိဇ္ဉာတဝါန် တဒ် အနန္တဇီဝနံ၊ (aiōnios g166)
Uye izvi ndizvo zvaakativimbisa, ihwo upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
26 ယေ ဇနာ ယုၐ္မာန် ဘြာမယန္တိ တာနဓျဟမ် ဣဒံ လိခိတဝါန်၊
Ndiri kunyora zvinhu izvi kwamuri pamusoro pavaya vanoedza kukutsausai.
27 အပရံ ယူယံ တသ္မာဒ် ယမ် အဘိၐေကံ ပြာပ္တဝန္တး သ ယုၐ္မာသု တိၐ္ဌတိ တတး ကော'ပိ ယဒ် ယုၐ္မာန် ၑိက္ၐယေတ် တဒ် အနာဝၑျကံ, သ စာဘိၐေကော ယုၐ္မာန် သရွွာဏိ ၑိက္ၐယတိ သတျၑ္စ ဘဝတိ န စာတထျး, အတး သ ယုၐ္မာန် ယဒွဒ် အၑိက္ၐယတ် တဒွတ် တတြ သ္ထာသျထ၊
Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.
28 အတဧဝ ဟေ ပြိယဗာလကာ ယူယံ တတြ တိၐ္ဌတ, တထာ သတိ သ ယဒါ ပြကာၑိၐျတေ တဒါ ဝယံ ပြတိဘာနွိတာ ဘဝိၐျာမး, တသျာဂမနသမယေ စ တသျ သာက္ၐာန္န တြပိၐျာမဟေ၊
Uye zvino, vana vanodiwa, rambai muri maari, kuitira kuti paanoonekwa tive nokushinga uye tisinganyadziswi pamberi pake pakuuya kwake.
29 သ ဓာရ္မ္မိကော 'သ္တီတိ ယဒိ ယူယံ ဇာနီထ တရှိ ယး ကၑ္စိဒ် ဓရ္မ္မာစာရံ ကရောတိ သ တသ္မာတ် ဇာတ ဣတျပိ ဇာနီတ၊
Kana muchiziva kuti iye akarurama, munoziva kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.

< ၁ ယောဟနး 2 >