< Псалтирь 112 >

1 Аллилуия. Блажен муж, боящийся Господа и крепко любящий заповеди Его.
Rumbidzai Jehovha. Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, anofarira mirayiro yake zvikuru.
2 Сильно будет на земле семя его; род правых благословится.
Vana vake vachava nesimba panyika; zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.
3 Обилие и богатство в доме его, и правда его пребывает вовек.
Pfuma nezvakawanda zviri mumba make, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4 Во тьме восходит свет правым; благ он и милосерд и праведен.
Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza, iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama.
5 Добрый человек милует и взаймы дает; он даст твердость словам своим на суде.
Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.
6 Он вовек не поколеблется; в вечной памяти будет праведник.
Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi; munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi.
7 Не убоится худой молвы: сердце его твердо, уповая на Господа.
Haangatyi mashoko akaipa; mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.
8 Утверждено сердце его: он не убоится, когда посмотрит на врагов своих.
Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu; pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake.
9 Он расточил, раздал нищим; правда его пребывает во веки; рог его вознесется во славе.
Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo, kururama kwake kunogara nokusingaperi; runyanga rwake ruchasimudzwa mudenga mukukudzwa.
10 Нечестивый увидит это и будет досадовать, заскрежещет зубами своими и истает. Желание нечестивых погибнет.
Akaipa achazviona uye acharwadziwa, acharumanya meno ake uye achaonda; kushuva kwowakaipa kuchava pasina.

< Псалтирь 112 >