< Иеремия 15 >

1 И сказал мне Господь: хотя бы предстали пред лице Мое Моисей и Самуил, душа Моя не приклонится к народу сему; отгони их от лица Моего, пусть они отойдут.
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange dai Mozisi naSamueri vaimira pamberi pangu, mwoyo wangu hawaiva nehanya navanhu ava. Vadzingei pamberi pangu! Regai vaende!
2 Если же скажут тебе: “куда нам идти?”, то скажи им: так говорит Господь: кто обречен на смерть, иди на смерть; и кто под меч, - под меч; и кто на голод, - на голод; и кто в плен, - в плен.
Zvino kana vakakubvunza vachiti, ‘Tichaendepiko?’ Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: “‘Vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nomunondo, kumunondo; vakafanirwa nenzara, kunzara; vakafanirwa noutapwa, kuutapwa.’
3 И пошлю на них четыре рода казней, говорит Господь: меч, чтобы убивать, и псов, чтобы терзать, и птиц небесных и зверей полевых, чтобы пожирать и истреблять;
“Ndichatumira mhando ina dzavaparadzi pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “munondo kuti uuraye uye imbwa kuti dzikwekweredzere kure, neshiri dzedenga nemhuka dzenyika kuti dzidye uye dziparadze.
4 и отдам их на озлобление всем царствам земли за Манассию, сына Езекии, царя Иудейского, за то, что он сделал в Иерусалиме.
Ndichaita kuti vavengwe noushe hwose hwenyika nokuda kwezvakaitwa muJerusarema naManase, mwanakomana waHezekia mambo weJudha.
5 Ибо кто пожалеет о тебе, Иерусалим? и кто окажет сострадание к тебе? и кто зайдет к тебе спросить о твоем благосостоянии?
“Ndianiko achakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema? Ndianiko achakuchemera? Ndianiko achamira achikubvunza mufaro?
6 Ты оставил Меня, говорит Господь, отступил назад; поэтому Я простру на тебя руку Мою и погублю тебя: Я устал миловать.
Wakandiramba,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Unoramba uchidzokera shure. Saka ndichakubata noruoko rwangu ndigokuparadza; handichagoni kuramba ndichikunzwira tsitsi.
7 Я развеваю их веялом за ворота земли; лишаю их детей, гублю народ Мой; но они не возвращаются с путей своих.
Ndichavarudza neforogo yokurudzisa, pamasuo eguta renyika. Ndichauyisa kufirwa nokuparadzwa pamusoro pavanhu vangu, nokuti havana kushandura nzira dzavo.
8 Вдов их у Меня более, нежели песку в море; наведу на них, на мать юношей, опустошителя в полдень; нападет на них внезапно страх и ужас.
Ndichawanza chirikadzi dzavo kupfuura jecha regungwa. Panguva yamasikati ndichauyisa muparadzi, pamusoro pavanamai vamajaya avo; pakarepo, ndichaburutsa pamusoro pavo kurwadziwa nokutya.
9 Лежит в изнеможении родившая семерых, испускает дыхание свое; еще днем закатилось солнце ее, она постыжена и посрамлена. И остаток их предам мечу пред глазами врагов их, говорит Господь.
Mai vakabereka vana vanomwe vachaziya vagofa. Zuva rake richavira achiri masikati; achanyadziswa uye achaninipiswa. Vachapunyuka ndichavaisa kumunondo pamberi pavavengi vavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
10 “Горе мне, мать моя, что ты родила меня человеком, который спорит и ссорится со всею землею! никому не давал я в рост, и мне никто не давал в рост, а все проклинают меня”.
Yowe-e, mai vangu, zvamakandibereka kuti ndive murume anorwiswa uye anomisidzanwa naye nenyika yose! Handina kumbopa munhu chikwereti, kana kutora chikwereti, asi zvakadaro vanhu vose vanondituka.
11 Господь сказал: конец твой будет хорош, и Я заставлю врага поступать с тобою хорошо во время бедствия и во время скорби.
Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichakurwira nokuda kwechikonzero chakanaka; zvirokwazvo ndichaita kuti vavengi vako vakunyengetedze panguva yenjodzi nepanguva yokutambudzika.
12 Может ли железо сокрушить железо северное и медь?
“Ko, munhu angavhuna simbi here, simbi inobva nechokumusoro, kana ndarira?
13 Имущество твое и сокровища твои отдам на расхищение, без платы, за все грехи твои, во всех пределах твоих;
Pfuma yako namatura ako ndichazvipa sezvakapambwa, pasina muripo, nokuda kwezvivi zvako zvose munyika yako yose.
14 и отправлю с врагами твоими в землю, которой ты не знаешь; ибо огонь возгорелся в гневе Моем, - будет пылать на вас.
Ndichakuita muranda wavavengi vako kunyika yausingazivi, nokuti kutsamwa kwangu kuchabatidza moto uchapfuta kuti ukupise.”
15 О, Господи! Ты знаешь все; вспомни обо мне и посети меня, и отмсти за меня гонителям моим; не погуби меня по долготерпению Твоему; Ты знаешь, что ради Тебя несу я поругание.
Haiwa Jehovha, imi munonzwisisa; ndirangarirei mugondichengeta. Munditsivire kuvatambudzi vangu. Imi mune mwoyo murefu, musandibvisa; fungai kuti ndakanyadziswa sei nokuda kwenyu.
16 Обретены слова Твои, и я съел их; и было слово Твое мне в радость и в веселие сердца моего; ибо имя Твое наречено на мне, Господи, Боже Саваоф.
Mashoko enyu paakasvika ndakaadya; akanga ari mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu, nokuti ndakatumidzwa zita renyu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose.
17 Не сидел я в собрании смеющихся и не веселился: под тяготеющею на мне рукою Твоею я сидел одиноко, ибо Ты исполнил меня негодования.
Handina kumbogara pakati peungano yavanozvifadza, handina kumbofara navo; ndakagara ndoga nokuti ruoko rwenyu rwaiva pamusoro pangu, uye makanga mandizadza nokutsamwa.
18 За что так упорна болезнь моя, и рана моя так неисцельна, что отвергает врачевание? Неужели Ты будешь для меня как бы обманчивым источником, неверною водою?
Seiko kurwadziwa kwangu kusingaperi, uye ronda rangu richirwadza uye risingarapiki? Muchava kwandiri sorukova runonyengera, sechitubu chinopwa?
19 На сие так сказал Господь: если ты обратишься, то Я восставлю тебя, и будешь предстоять пред лицем Моим; и если извлечешь драгоценное из ничтожного, то будешь как Мои уста. Они сами будут обращаться к тебе, а не ты будешь обращаться к ним.
Naizvozvo zvanzi naJehovha: “Kana ukatendeuka, ndichakudzosazve kuti ugondishumira; kana ukataura zvakafanira, kwete mashoko asakafanira, uchava munhu anotaura akandimirira. Vanhu ava ngavadzokere kwauri, asi iwe usaenda kwavari.
20 И сделаю тебя для этого народа крепкою медною стеною; они будут ратовать против тебя, но не одолеют тебя, ибо Я с тобою, чтобы спасать и избавлять тебя, говорит Господь.
Ndichakuita rusvingo kuvanhu ava, nhare yorusvingo rwendarira; vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire ndigokuponesa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 И спасу тебя от руки злых и избавлю тебя от руки притеснителей.
“Ndichakuponesa kubva mumaoko avakaipa uye ndichakudzikinura pamaoko avano utsinye.”

< Иеремия 15 >