< Przysłów 31 >
1 Słowa króla Lemuela, proroctwo, którego nauczyła go jego matka.
Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake:
2 Cóż, synu mój? Cóż, synu mojego łona? I cóż, synu moich ślubów?
“Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka, iwe mwanakomana wemhiko dzangu,
3 Nie oddawaj kobietom swej siły ani twoich dróg temu, co [prowadzi] do zguby królów.
usapedzera simba rako pavakadzi, nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.
4 Nie królom, o Lemuelu, nie królom wypada pić wina i nie książętom bawić się mocnym napojem;
“Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri, hazvina kufanira madzimambo kunwa waini, hazvina kufanira vatongi kukara doro,
5 By pijąc, nie zapomnieli praw i nie wypaczyli sprawy wszystkich ludzi uciśnionych.
nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro, uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.
6 Dajcie mocny napój ginącym, a wino strapionym na duchu.
Ipai doro kuna avo vari kuparara, newaini kuna avo vari mukurwadziwa:
7 Niech się napiją i zapomną o swoim ubóstwie, i niech nie pamiętają więcej swego utrapienia.
regai vanwe vakanganwe urombo hwavo, uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo.
8 Otwórz swe usta dla niemych w sprawie wszystkich osądzonych na śmierć.
“Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira, pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa.
9 Otwórz swe usta, sądź sprawiedliwie i broń sprawy ubogiego i nędzarza.
Taura utonge zvakanaka; udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”
10 Któż znajdzie kobietę cnotliwą? Jej wartość przewyższa perły.
Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.
11 Serce męża jej ufa i zysku mu nie zabraknie.
Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha.
12 Dobro mu będzie wyświadczać, a nie zło, po wszystkie dni swego życia.
Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake.
13 Szuka wełny i lnu i chętnie pracuje swymi rękami.
Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira.
14 Podobna jest do okrętów handlowych; przywozi żywność z daleka.
Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure.
15 Wstaje, gdy jeszcze jest noc, i daje pokarm swoim domownikom i odpowiednią porcję swym służącym.
Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya uye agopa varandakadzi vake basa ravo.
16 Myśli o polu i kupuje je; z zarobku swych rąk sadzi winnice.
Anonanʼanidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
17 Przepasuje swe biodra siłą i umacnia swoje ramiona.
Anoita basa rake nesimba; maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake.
18 Dostrzega, że jej dorobek jest dobry, a jej pochodnia w nocy nie gaśnie.
Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira, uye mwenje wake haudzimi pausiku.
19 Wyciąga ręce po kądziel, a dłonią chwyta wrzeciono.
Muruoko rwake anobata chirukiso, uye anobata chirukwa neminwe yake.
20 Otwiera dłoń przed ubogim i wyciąga swe ręce do nędzarza.
Anotambanudzira maoko ake kuvarombo, uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.
21 Nie boi się śniegu dla swych domowników, bo wszyscy jej domownicy są ubrani w szkarłat.
Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake; nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya.
22 Robi sobie kobierce; jej ubiór jest z jedwabiu i purpury.
Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake; anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru.
23 Jej mąż jest znany w bramach, gdy siedzi wśród starszyzny ziemi.
Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta, kana agere pakati pavakuru venyika.
24 Wyrabia płótno i sprzedaje je, dostarcza pasy kupcowi.
Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa, uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.
25 Siła i godność są jej strojem; będzie się cieszyła jeszcze w przyszłości.
Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake; anofara akatarisana namazuva anouya.
26 Otwiera swe usta mądrze i na jej języku [jest] prawo miłosierdzia.
Anotaura nouchenjeri, uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.
27 Dogląda spraw swego domu i nie je chleba próżniactwa.
Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe.
28 Jej dzieci powstają i błogosławią jej, mąż także ją chwali:
Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa, murume wakewo, anomurumbidza:
29 Wiele kobiet poczynało sobie cnotliwie, ale ty przewyższasz je wszystkie.
“Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.”
30 Wdzięk [jest] zwodniczy i piękność próżna, [lecz] kobieta, która się boi PANA, jest godna pochwały.
Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku; asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.
31 Dajcie jej z owocu jej rąk i niech jej czyny chwalą ją w bramach.
Mupeiwo mubayiro wake waakashandira, uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.