< Przysłów 11 >

1 Fałszywa waga budzi odrazę w PANU, ale podobają mu się uczciwe odważniki.
Jehovha anovenga zviero zvinonyengera, asi zviero zvakakwana zvinomufadza.
2 Za pychą przychodzi hańba, a u pokornych jest mądrość.
Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune akazvininipisa.
3 Uczciwość prawych poprowadzi ich, lecz grzeszników zgubi ich przewrotność.
Unhu hwavakarurama hunovatungamirira, asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo.
4 Bogactwa nie pomogą w dniu gniewu, ale sprawiedliwość ocala od śmierci.
Pfuma haibatsiri chinhu pazuva rokutsamwa, asi kururama kunorwira parufu.
5 Sprawiedliwość nienagannego toruje mu drogę, a niegodziwy upadnie przez swoją niegodziwość.
Kururama kwavasina chavangapomerwa kunovaruramisira nzira yavo, asi vakaipa vachaparadzwa nezvakaipa zvavo.
6 Sprawiedliwość prawych ocali ich, a przewrotni będą schwytani w swojej przewrotności.
Kururama kwavakarurama kunovarwira, asi vasina kutendeka vanosungwa nezvishuvo zvavo zvakaipa.
7 Gdy umiera niegodziwy, ginie [jego] nadzieja, a oczekiwanie niesprawiedliwych znika.
Kana munhu akaipa afa, tariro yake yaparara; zvose zvaaitarisira kubva pasimba rake zvaparadzwa.
8 Sprawiedliwy bywa wybawiony z ucisku, a na jego miejsce przychodzi niegodziwy.
Munhu akarurama anonunurwa kubva mudambudziko, uye rigoenda kuno munhu akaipa panzvimbo yake.
9 Obłudnik ustami niszczy swego bliźniego, a sprawiedliwi bywają wybawieni dzięki wiedzy.
Munhu asina umwari anoparadza muvakidzani wake nomuromo wake, asi kubudikidza nezivo akarurama anopunyuka.
10 Gdy sprawiedliwym się powodzi, miasto się cieszy, a gdy giną niegodziwi, panuje radość.
Vakarurama pavanobudirira, guta rinofara; vakaipa pavanoparara, kupembera nomufaro zvinonzwikwa.
11 Dzięki błogosławieństwu prawych wznosi się miasto, a usta niegodziwych je burzą.
Kubudikidza nokuropafadzwa kwomunhu akarurama, guta rinosimudzirwa, asi nomuromo womunhu akaipa rinoparadzwa.
12 Nierozumny gardzi swym bliźnim, a człowiek roztropny milczy.
Munhu anoshayiwa uchenjeri anoseka muvakidzani wake, asi munhu anonzwisisa anodzora rurimi rwake.
13 Plotkarz wyjawia tajemnice, ale człowiek wiernego serca ukrywa [powierzoną] sprawę.
Guhwa rinoparadza chivimbo, asi munhu akavimbika anochengetedza zvakavanzika.
14 Gdzie nie ma dobrej rady, lud upada, a gdzie wielu radców, tam jest wybawienie.
Nokuda kwokushaya utungamiri rudzi runoparara, asi varayiri vazhinji vanoita kuti kukunda kuvepo.
15 Bardzo sobie szkodzi, kto ręczy za obcego, a kto nienawidzi poręki, jest bezpieczny.
Uyo anoisira mumwe rubatso zvirokwazvo achaona nhamo, asi ani naani anoramba kumbundana maoko achiita mhiko achapona.
16 Miła kobieta dostępuje chwały, a mocarze zdobywają bogactwa.
Mukadzi ane mwoyo munyoro achakudzwa, asi varume vane utsinye vachawana pfuma chete.
17 Człowiek miłosierny czyni dobrze swej duszy, a okrutnik dręczy własne ciało.
Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.
18 Niegodziwy czyni zwodnicze dzieło, a kto sieje sprawiedliwość, [ma] zapłatę pewną.
Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyengedzera, asi uyo anodyara kururama anokohwa mubayiro wechokwadi.
19 Jak sprawiedliwość [prowadzi] do życia, tak do śmierci [zmierza] ten, kto naśladuje zło.
Munhu akarurama zvechokwadi anowana upenyu, asi uyo anotevera zvakaipa anoenda kurufu rwake.
20 Ludzie przewrotnego serca budzą odrazę w PANU, a podobają mu się ci, których droga jest prawa.
Jehovha anovenga vanhu vane mwoyo yakaipa, asi anofarira avo vane nzira dzisina chadzingapomerwa.
21 Zły nie uniknie kary, choćby [innych] wezwał na pomoc, a potomstwo sprawiedliwych będzie ocalone.
Zvirokwazvo akaipa acharangwa bedzi, asi vakarurama vachasunungurwa.
22 [Czym] złoty kolczyk w ryju świni, [tym] piękna kobieta pozbawiona roztropności.
Sezvakaita mukaro wegoridhe mumhino dzenguruve, ndizvo zvakaitawo mukadzi akanaka pachiso asi asina njere.
23 Pragnieniem sprawiedliwych jest tylko dobro, oczekiwaniem zaś niegodziwych – gniew.
Chishuvo cheakarurama chinoguma mune zvakanaka chete, asi tariro yeakaipa inogumira mukutsamwirwa.
24 Jeden hojnie rozdaje, a jednak mu przybywa, [drugi] nad miarę skąpi, a ubożeje.
Mumwe munhu anongopa pachena, asi achitowana zvimwe zvakawanda; mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi agova murombo.
25 Człowiek szczodry będzie bogatszy, a kto [innych] syci, sam też będzie nasycony.
Munhu anopavhurira achabudirira; uyo anomutsiridza vamwe achamutsiridzwawo.
26 Kto zatrzymuje zboże, tego lud przeklnie, a błogosławieństwo [będzie] nad głową tego, który je sprzedaje.
Vanhu vanotuka munhu anounganidza zviyo vamwe vasina, asi mukomborero uchava korona youyo anofarira kutengesa.
27 Kto pilnie szuka dobrego, zdobędzie przychylność, lecz kto szuka zła, przyjdzie ono na niego.
Uyo anotsvaka zvakanaka achawana nyasha, asi zvakaipa zvinosvika kune uyo anozvitsvaka.
28 Kto ufność pokłada w swych bogactwach, ten upadnie, a sprawiedliwi będą zielenić się jak latorośl.
Ani naani anovimba noupfumi hwake achawa, asi akarurama achanaka seshizha nyoro.
29 Kto niepokoi swój dom, odziedziczy wiatr, a głupi będzie sługą mądrego.
Uyo anouyisa dambudziko kumhuri yake achagara nhaka yemhepo chete, uye benzi richava muranda womunhu akachenjera.
30 Owoc sprawiedliwego [jest] drzewem życia; a kto zyskuje dusze, jest mądry.
Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu, uye anotungamirira mweya yavanhu kuruponeso ndiye akachenjera.
31 [Jeśli] sprawiedliwy otrzyma zapłatę na ziemi, to tym bardziej niegodziwy i grzesznik.
Kana vakarurama vachiwana zvakavafanira panyika, ko, kuzoti akaipa nomutadzi!

< Przysłów 11 >