< اعداد 25 >

هنگامی که بنی‌اسرائیل در شطیم اردو زده بودند، مردانشان با دختران قوم موآب زنا کردند. 1
Panguva yakanga igere Israeri paShitimu, varume vakatanga kuita upombwe navakadzi vokuMoabhu,
این دختران، آنها را دعوت می‌کردند تا در مراسم قربانی بتهایشان شرکت کنند، و مردان اسرائیلی هم از گوشت قربانیها می‌خوردند و بتهایشان را پرستش می‌کردند. 2
avo vakavakoka kuti vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo. Vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari ava.
چندی نگذشت که تمامی اسرائیل به پرستش بعل فغور که خدای موآب بود روی آوردند. از این جهت، خشم خداوند به شدت بر قوم خود افروخته شد. 3
Saka Israeri akabatana navo pakunamata Bhaari wePeori, uye kutsamwa kwaJehovha kukapfuta pamusoro pavo.
پس خداوند به موسی چنین فرمان داد: «همهٔ سرانِ قبایلِ اسرائیل را اعدام کن. در روز روشن و در حضور من آنها را به دار آویز تا خشم شدید من از این قوم دور شود.» 4
Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora vatungamiri vose vavanhu ava, uvauraye uvaise pachena masikati machena pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kunotyisa kwaJehovha kudzorwe kubva pana Israeri.”
پس موسی به داوران اسرائیل دستور داد تا تمام کسانی را که بعل فغور را پرستش کرده بودند، بکشند. 5
Saka Mozisi akati kuvatongi veIsraeri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuraya varume ava vari pakati penyu, avo vakazvibatanidza pakunamata Bhaari wePeori.”
ولی یکی از مردان اسرائیلی، گستاخی را به جایی رساند که در مقابل چشمان موسی و تمام کسانی که جلوی در خیمهٔ ملاقات گریه می‌کردند، یک دختر مدیانی را به اردوگاه آورد. 6
Ipapo mumwe murume muIsraeri akauyisa kumhuri yake mukadzi womuMidhiani pamberi paMozisi chaipo, ungano yose yaIsraeri pavakanga vachichema vari pamukova weTende Rokusangana.
وقتی که فینحاس (پسر العازار و نوهٔ هارون کاهن) این را دید از جا برخاسته، نیزه‌ای برداشت 7
Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista, akati achizviona, akabva paungano, akatora pfumo muruoko rwake;
و پشت سر آن مرد به خیمه‌ای که دختر را به آن برده بود، وارد شد. او نیزه را در بدن هر دو آنها فرو برد. به این ترتیب بلا رفع شد، 8
uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri womuMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma;
در حالی که بیست و چهار هزار نفر از قوم اسرائیل در اثر آن بلا به هلاکت رسیده بودند. 9
asi vose vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru makumi maviri nezvina.
آنگاه خداوند به موسی فرمود: 10
Jehovha akati kuna Mozisi,
«فینحاس (پسر العازار و نوهٔ هارون کاهن) خشم مرا از بنی‌اسرائیل دور کرد. او با غیرت الهی حرمت مرا حفظ کرد، پس من هم قوم اسرائیل را نابود نکردم. 11
“Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu.
پس به او بگو که من با او عهد سلامتی می‌بندم. 12
Naizvozvo umuudze kuti ndava kuita sungano yorugare naye.
به خاطر آنچه که او انجام داده است و برای غیرتی که جهت خدای خود دارد و به سبب اینکه با این عمل برای قوم اسرائیل کفاره نموده است، طبق این عهد، او و نسل او برای همیشه کاهن خواهند بود.» 13
Iye nezvizvarwa zvake vachava nesungano youprista husingaperi, nokuti akanga ane shungu nokukudzwa kwaMwari wake, akayananisira vaIsraeri.”
مردِ اسرائیلی که با آن دختر مدیانی کشته شد، زمری نام داشت؛ او پسر سالو، یکی از سران قبیلهٔ شمعون بود. 14
Zita romuIsraeri akaurayiwa pamwe chete nomukadzi muMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, mutungamiri weimwe mhuri yaSimeoni.
آن دختر نیز کُزبی نام داشت؛ او دختر صور، یکی از بزرگان مدیان بود. 15
Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani.
سپس خداوند به موسی فرمود: «مدیانیان را هلاک کنید، 16
Jehovha akati kuna Mozisi,
17
“Muone vaMidhiani savavengi uye mugovauraya,
چون ایشان با حیله و نیرنگهایشان شما را نابود می‌کنند، آنها شما را به پرستش بعل فغور می‌کشانند و گمراه می‌نمایند، چنانکه واقعهٔ مرگ کزبی این را ثابت می‌کند.» 18
nokuti ivo vakakuonai savavengi pavakakunyengerai paPeori uye nehanzvadzi yavo Kozibhi, mwanasikana womutungamiri wavaMidhiani, iye mukadzi akaurayiwa pakauya denda nokuda kwePeori.”

< اعداد 25 >