< یوشع 5 >
در سمت غربی رود اردن، اموریها و در امتداد ساحل دریای مدیترانه کنعانیها سکونت داشتند. پادشاهان آنها وقتی شنیدند که خداوند به خاطر بنیاسرائیل راه خشکی از میان رود اردن پدید آورده تا از آن عبور کنند، سخت ترسیدند و جرأت مقابله با اسرائیل را از دست دادند. | 1 |
Zvino madzimambo ose avaAmoni aigara kumavirazuva eJorodhani namadzimambo ose avaKenani vaigara pedyo negungwa vakanzwa kuti Jehovha akanga aomesa Jorodhani pamberi pavaIsraeri kusvikira vayambuka, mwoyo yavo yakarukutika vakasazova nokushinga nokuda kwavaIsraeri.
در این موقع خداوند به یوشع فرمود: «کاردها از سنگ چخماق بساز و این نسل دوم بنیاسرائیل را ختنه کن.» | 2 |
Panguva iyoyo Jehovha akataura naJoshua akati, “Gadzira mapanga amatombo anopinza ugodzingisa vaIsraeri zvakare.”
پس یوشع کاردها از سنگ چخماق ساخت و همۀ مردان اسرائیل را در «جِبعه هاعَرَلوت» ختنه کرد. | 3 |
Naizvozvo Joshua akagadzira mapanga amatombo akadzingisa vaIsraeri paGibhea Hararoti (chikomo chezvikanda zvepamberi).
دلیل این کار این بود که تمام مردانی که به سن جنگیدن رسیده بودند و موقع بیرون آمدن از مصر ختنه شده بودند، همگی در بیابان مرده بودند و پسران آنها که پس از خروج از مصر متولد شده بودند، ختنه نشده بودند. | 4 |
Joshua akavadzingisa nokuda kwechikonzero ichi: Varume vose vakabuda muIjipiti, varume vezera rehondo, vakafira munzira mugwenga mushure mokubuda muIjipiti.
Vanhu vose vakabuda vakanga vadzingiswa asi vose vakaberekerwa mugwenga vachibva kuIjipiti vakanga vasina.
قوم اسرائیل چهل سال در بیابان سرگردان بودند تا اینکه تمام مردانی که هنگام بیرون آمدن از مصر به سن جنگیدن رسیده بودند، مردند. آنها چون خداوند را اطاعت نکردند، او هم قسم خورد که نگذارد وارد سرزمینی شوند که وعدهٔ آن را به اجدادشان داده بود زمینی که شیر و عسل در آن جاری است. | 6 |
VaIsraeri vakanga vafamba mugwenga kwamakore makumi mana kusvikira varume vose vaiva vezera rehondo pavakabuda muIjipiti vafa, nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha. Nokuti Jehovha akanga apika kwavari kuti havaizoona nyika iyo yaakanga avimbisa madzitateguru avo kuti achatipa, nyika inoerera mukaka nouchi.
پس یوشع پسرانی را که بزرگ شده بودند و میبایست جای پدران خود را بگیرند، ختنه کرد. | 7 |
Zvino akasimudza vanakomana vavo pachinzvimbo chavo, uye ivava ndivo vakanga vasati vadzingiswa naJoshua. Vakanga vasati vadzingiswa nokuti havana kunge vadzingiswa munzira.
پس از انجام عمل ختنه، همه در اردوگاه به استراحت پرداختند تا بهبود یابند. | 8 |
Shure kwokunge rudzi rwose rwadzingiswa, vakagara pavakanga vari pamisasa kusvikira vapora.
سپس خداوند به یوشع فرمود: «امروز ننگ مصر را از روی شما برداشتم.» جایی که اسرائیلیها ختنه شدند، جلجال نامیده شد و تا به امروز به همان نام باقی است. | 9 |
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndabvisa kuzvidzwa kweIjipiti pamuri.” Saka nzvimbo iyoyo yakanzi Girigari, kusvikira nanhasi.
هنگامی که قوم اسرائیل در جلجال واقع در دشت اریحا اردو زده بودند، شب چهاردهم ماه، عید پِسَح را جشن گرفتند. | 10 |
Madekwana ezuva regumi namana romwedzi, vaIsraeri vari pamisasa paGirigari pamapani eJeriko, vakapemberera Pasika.
روز بعد به خوردن محصولات سرزمینی که وارد آن شده بودند پرداختند و از گندم آنجا نان فطیر پختند. | 11 |
Zuva raitevera shure kwePasika, musi wacho chaiwo, vakadya zvimwe zvezvibereko zvenyika iyoyo: chingwa chisina mbiriso nezviyo zvakakangwa.
پس از آن، نان آسمانی که به «مَنّا» معروف بود متوقف گردید و دیگر هرگز دیده نشد! قوم اسرائیل پس از آن برای خوراک، از محصولات سرزمین کنعان استفاده میکردند. | 12 |
Mana yakabva yaguma musi wakatevera shure kwokudya zvokudya zvenyika iyoyo; vaIsraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore iroro.
روزی یوشع که به شهر اریحا نزدیک شده بود، چشمش به مردی شمشیر به دست افتاد. یوشع به سوی او رفت و پرسید: «دوست هستی یا دشمن؟» | 13 |
Zvino Joshua akati ava pedyo neJeriko, akasimudza meso ake akaona murume amire pamberi pake akabata munondo wakavhomorwa muruoko rwake. Joshua akaenda kwaari akabvunza achiti, “Uri mumwe wedu here kana wavavengi vedu?”
آن مرد به یوشع گفت: «من سردار لشکر خداوند هستم.» یوشع روی بر زمین نهاد و سجده کرده، گفت: «هر امری داری به بندهات بفرما.» | 14 |
Iye akapindura achiti, “Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha.” Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake akanamata, uye akamubvunza achiti, “Ishe wangu, mune shoko reiko kumuranda wenyu?”
او به یوشع گفت: «کفشهایت را درآور، زیرا جایی که ایستادهای مقدّس است.» یوشع اطاعت کرد. | 15 |
Mukuru wehondo yaJehovha akapindura achiti, “Bvisa shangu dzako mutsoka dzako nokuti nzvimbo yaumire itsvene.” Joshua akaita saizvozvo.