< ایوب 31 >

با چشمان خود عهد بستم که هرگز با نظر شهوت به دختری نگاه نکنم. 1
“Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.
خدای قادر مطلق که در بالاست برای ما چه تدارک دیده است؟ 2
Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose?
آیا مصیبت و بلا سرنوشت شریران و بدکاران نیست؟ 3
Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here?
آیا او هر کاری را که می‌کنم و هر قدمی را که برمی‌دارم نمی‌بیند. 4
Ko, iye haaoni nzira dzangu uye haaverengi nhambwe dzangu dzose here?
من هرگز دروغ نگفته و کسی را فریب نداده‌ام. 5
“Kana ndakafamba nenzira yenhema kana kuti tsoka dzangu dzakamhanyira kunyengera,
بگذار خدا خودش مرا با ترازوی عدل بسنجد و ببیند که بی‌گناهم. 6
Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,
اگر پایم را از راه خدا بیرون گذاشته‌ام، یا اگر دلم در طمع چیزهایی بوده که چشمانم دیده است، یا اگر دستهایم به گناه آلوده شده است، 7
kana tsoka dzangu dzakatsauka kubva pagwara, kana kuti mwoyo wangu wakatevera meso angu, kana kuti maoko angu akasvibiswa,
باشد که غله‌ای که کاشته‌ام از ریشه کنده شود و یا شخص دیگری آن را درو کند. 8
ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.
اگر شیفتهٔ زن مرد دیگری شده، در کمین او نشسته‌ام، 9
“Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana kuti ndakavandira pamusuo wemuvakidzani wangu,
باشد که همسرم را مرد دیگری تصاحب کند؛ 10
ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume, uye vamwe varume ngavavate naye.
زیرا این کار زشت سزاوار مجازات است، 11
Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa, chivi chinofanira kutongwa.
و مانند آتشی جهنمی می‌تواند تمام هستی مرا بسوزاند و از بین ببرد. 12
Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa; ungadai wakadzura mukohwo wangu.
اگر نسبت به غلام یا کنیز خود بی‌انصافی می‌کردم، وقتی که از من شکایت داشتند، 13
“Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu, pavane mhaka neni,
چگونه می‌توانستم با خدا روبرو شوم؟ و هنگامی که در این باره از من سؤال می‌کرد، چه جوابی می‌دادم؟ 14
ndichaita sei pandichasangana naMwari? Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire?
چون هم من و هم خدمتگزارانم، به دست یک خدا سرشته شده‌ایم. 15
Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanamai vedu here?
هرگز از کمک کردن به فقرا کوتاهی نکرده‌ام. هرگز نگذاشته‌ام بیوه‌زنی در ناامیدی بماند، 16
“Kana ndakaramba zvido zvevarombo kana kurega meso echirikadzi achineta,
یا یتیمی گرسنگی بکشد، بلکه خوراک خود را با آنها قسمت کرده‌ام 17
kana ndakazvidyira chingwa changu, ndisingachigoverani nenherera,
و تمام عمر خود را صرف نگهداری از آنها نموده‌ام. 18
asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa, uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi,
اگر کسی را می‌دیدم که لباس ندارد و از سرما می‌لرزد، 19
kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokupfeka, kana munhu anoshayiwa asina nguo,
لباسی از پشم گوسفندانم به او می‌دادم تا از سرما در امان بماند و او با تمام وجود برای من دعای خیر می‌کرد. 20
uye mwoyo wake ukasandiropafadza nokuti adziyirwa namakushe amakwai angu,
اگر من با استفاده از نفوذی که در دادگاه داشته‌ام حق یتیمی را پایمال نموده باشم 21
kana ndakasimudzira nherera ruoko rwangu ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva,
بازویم از کتفم بیفتد و دستم بشکند. 22
ipapo ruoko rwangu ngaruwe papfudzi rangu, ruwire pasi napafundo.
هرگز جرأت نمی‌کردم چنین کاری را انجام دهم، زیرا از مجازات و عظمت خدا می‌ترسیدم. 23
Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari, uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake.
هرگز به طلا و نقره تکیه نکرده‌ام 24
“Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe, kana kuti kugoridhe rakaisvonaka ndikati, ‘Ndiwe chivimbo changu,’
و شادی من متکی به مال و ثروت نبوده است. 25
kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru, mukomborero wakabva mumaoko angu,
هرگز فریفتهٔ خورشید تابان و ماه درخشان نشده‌ام و آنها را از دور نبوسیده و پرستش نکرده‌ام؛ 26
kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro, kana mwedzi uchifamba mukubwinya,
27
zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda, uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta,
چون اگر مرتکب چنین کارهایی شده بودم مفهومش این بود که خدای متعال را انکار کرده‌ام، و چنین گناهی بی‌سزا نمی‌ماند. 28
zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa, nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro.
هرگز از مصیبت دشمن شادی نکرده‌ام، 29
“Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu, kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira,
هرگز آنها را نفرین نکرده‌ام و زبانم را از این گناه باز داشته‌ام. 30
handina kutendera muromo wangu kutadza, nokudana chituko pamusoro poupenyu hwake,
هرگز نگذاشته‌ام خدمتگزارانم گرسنه بمانند. 31
kana vanhu veimba yangu vasina kumboti, ‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’
هرگز نگذاشته‌ام غریبه‌ای شب را در کوچه بخوابد، بلکه در خانهٔ خود را به روی او باز گذاشته‌ام. 32
Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha, nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi.
هرگز مانند دیگران به خاطر ترس از سرزنش مردم، سعی نکرده‌ام گناهانم را پنهان سازم و خاموش در داخل خانهٔ خود بنشینم. 33
Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu, nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu,
34
nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji, uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri, zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze,
ای کاش کسی پیدا می‌شد که به حرفهایم گوش بدهد! من دفاعیهٔ خود را تقدیم می‌کنم. بگذار قادر مطلق جواب مرا بدهد و اتهاماتی را که به من نسبت داده شده به من نشان دهد، 35
“Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa! Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino, Wamasimba Ose ngaandipindure; mupomeri wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera.
و من آنها را مانند تاجی بر سر می‌گذارم! 36
Zvirokwazvo ndairutakura pamapfudzi angu, ndairupfeka sekorona.
تمام کارهایی را که کرده‌ام برای او تعریف می‌کنم و سربلند در حضور او می‌ایستم. 37
Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe; ndaiswedera kwaari somuchinda.
اگر زمینی که در آن کشت می‌کنم مرا متهم سازد به اینکه صاحبش را کشته‌ام و آن را تصاحب کرده‌ام تا از محصولش استفاده برم، 38
“Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva, uye miforo yose ikanyorova nemisodzi,
39
kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi, kana ndakaparadza upenyu hwavanourima,
باشد که در آن زمین به جای گندم، خار و به عوض جو، علفهای هرز بروید. پایان سخنان ایوب. 40
ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi, nesora pachinzvimbo chebhari.” Mashoko aJobho apera.

< ایوب 31 >