< ایوب 29 >

ایوب به سخنان خود ادامه داده، گفت: 1
Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti:
ای کاش روزهای گذشته بازمی‌گشت، روزهایی که خدا، نگهدار من بود 2
“Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindirwa naMwari,
و راهی را که در پیش داشتم روشن می‌ساخت و من با نور او در دل تاریکی قدم برمی‌داشتم! 3
mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima!
بله، در آن روزها کامران بودم و زیر سایهٔ خدا زندگی می‌کردم. 4
Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu,
خدای قادر مطلق همراه من بود و فرزندانم در اطراف من بودند. 5
Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza,
من پاهای خود را با شیر می‌شستم و از صخره‌ها برای من چشمه‌های روغن زیتون جاری می‌شد! 6
painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi.
در آن روزها به دروازهٔ شهر می‌رفتم و در میان بزرگان می‌نشستم. 7
“Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara,
جوانان با دیدن من با احترام کنار می‌رفتند، پیران از جا برمی‌خاستند، 8
majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka;
ریش‌سفیدان قوم خاموش شده، دست بر دهان خود می‌گذاشتند 9
vakuru vakaramba kutaura vakafumbira miromo yavo namaoko avo;
و بزرگان سکوت اختیار می‌کردند. 10
manzwi avakuru akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo.
هر که مرا می‌دید و حرفهایم را می‌شنید از من تعریف و تمجید می‌کرد؛ 11
Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza,
زیرا من به داد فقرا می‌رسیدم و یتیمانی را که یار و یاور نداشتند کمک می‌کردم. 12
nokuti ndakanunura varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.
کسانی را که دم مرگ بودند یاری می‌دادم و ایشان برایم دعای خیر می‌کردند و کاری می‌کردم که دل بیوه‌زنان شاد شود. 13
Munhu akanga ofa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe.
هر کاری که انجام می‌دادم از روی عدل و انصاف بود؛ عدالت جامه من بود و انصاف تاج من. 14
Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu.
برای کورها چشم و برای لنگان پا بودم؛ 15
Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema.
برای فقرا پدر بودم و از حق غریبه‌ها دفاع می‌کردم. 16
Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaimiririra mhaka yomutorwa.
دندانهای ستمگران را می‌شکستم و شکار را از دهانشان می‌گرفتم. 17
Ndakavhuna meno emunhu akanga akaipa, ndikabvuta chaakanga akaruma.
در آن روزها فکر می‌کردم که حتماً پس از یک زندگی خوش طولانی به آرامی در جمع خانوادۀ خود خواهم مرد. 18
“Ndakafunga kuti, ‘Ndichafira mumba mangu, mazuva angu awanda sejecha.
زیرا مانند درختی بودم که ریشه‌هایش به آب می‌رسید و شاخه‌هایش از شبنم سیراب می‌شد. 19
Midzi yangu ichasvika kumvura, uye dova richava pamatavi angu usiku hwose.
پیوسته افتخارات تازه‌ای نصیبم می‌شد و به قدرتم افزوده می‌گشت. 20
Kukudzwa kwangu kucharamba kuri kutsva pandiri, uta hucharamba huri hutsva muruoko rwangu.’
همه با سکوت به حرفهایم گوش می‌دادند و برای نصیحت‌های من ارزش قائل بودند. 21
“Vanhu vakanditeerera vachitarisira kwazvo, vanyerere vakamirira kurayira kwangu.
پس از اینکه سخنانم تمام می‌شد آنها دیگر حرفی نمی‌زدند، زیرا نصایح من برای آنها قانع کننده بود. 22
Shure kwokutaura kwangu, ivo havana kuzotaurazve; mashoko angu akawira panzeve dzavo zvinyoronyoro.
آنها مانند کسی که در زمان خشکسالی انتظار باران را می‌کشد، با اشتیاق در انتظار سخنان من بودند. 23
Vakandimirira kunge vakamirira mvura yomupfunhambuya, uye vakanwa mashoko angu kunge mvura yechirimo.
وقتی که دلسرد بودند، با یک لبخند آنها را تشویق می‌کردم و بار غم را از دلهایشان برمی‌داشتم. 24
Pandakanyemwerera kwavari havana kuzvitenda; chiedza chechiso changu chaikosha kwavari.
مانند کسی بودم که عزاداران را تسلی می‌دهد. در میان ایشان مثل یک پادشاه حکومت می‌کردم و مانند یک رهبر آنها را راهنمایی می‌نمودم. 25
Ndakavasarudzira nzira ini ndokugara saishe wavo; ndakagara samambo pakati pamauto ake; ndakanga ndakaita somunhu anonyaradza vanochema.

< ایوب 29 >