< ارمیا 32 >

در سال دهم سلطنت صدقیا، پادشاه یهودا، که مصادف با هجدهمین سال سلطنت نِبوکَدنِصَّر بود، پیغامی از طرف خداوند بر من نازل شد. 1
Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mugore regumi raZedhekia mambo weJudha, riri gore regumi namasere raNebhukadhinezari.
در این زمان که اورشلیم در محاصرهٔ سپاه نِبوکَدنِصَّر، پادشاه بابِل بود، من در حیاط زندان واقع در کاخ پادشاه یهودا، محبوس بودم. 2
Hondo yamambo Nebhukadhinezari yakanga yakakomberedza Jerusarema, uye Jeremia muprofita akanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi rwakanga rwuri mumuzinda wamambo weJudha.
صدقیای پادشاه به این علّت مرا زندانی کرده بود که پیوسته از جانب خدا اعلام می‌کردم که اورشلیم به دست پادشاه بابِل سقوط خواهد کرد، 3
Zvino Zedhekia mambo weJudha akanga amupfigira imomo, achiti, “Unoprofitirei sezvaunoita? Unoti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava kuda kuisa guta rino mumaoko amambo weBhabhironi, uye acharipamba.
و خود او نیز توسط بابلیان دستگیر شده، برای محاکمه به حضور پادشاه بابِل برده خواهد شد و او را به چشم خود خواهد دید. 4
Zedhekia mambo weJudha haangapukunyuki pamaoko avaBhabhironi, asi zvirokwazvo achaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, vagotaurirana vakatarisana chiso nechiso achimuona nameso ake.
من بارها از طرف خدا به پادشاه گفته بودم: «نِبوکَدنِصَّر تو را به بابِل خواهد برد و در آنجا سالها در زندان خواهی ماند تا مرگت فرا رسد. پس چرا در برابر ایشان مقاومت می‌کنی؟ این کار بی‌فایده است، بهتر است زودتر تسلیم شوی!» 5
Iye achaendesa Zedhekia kuBhabhironi, kwaachagara kusvikira ndagadzirisana naye, ndizvo zvinotaura Jehovha. Kana ukarwa navaBhabhironi haungavakundi.’”
در چنین شرایطی بود که این پیغام از طرف خداوند به من رسید: «پسر عمویت حنم‌ئیل (پسر شلوم)، به‌زودی نزد تو خواهد آمد و از تو خواهد خواست تا مزرعه‌اش را در عناتوت از او بخری، چون طبق شریعت، پیش از اینکه آن را به دیگری بفروشد، حق توست که بخری.» 6
Jeremia akati, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
7
Hanameri mwanakomana wasekuru vako Sharumi achauya kwauri achiti, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti, nokuti sezvo uriwe hama yepedyo, ndiwe une kodzero yokuutenga.’
پس همان‌طور که خداوند گفته بود، حنم‌ئیل در حیاط زندان به دیدنم آمد و گفت: «مزرعهٔ مرا در عناتوت، در سرزمین بنیامین بخر، چون طبق قوانین الهی، تو به عنوان نزدیکترین فرد خانواده حق داری آن را بازخرید کنی.» آنگاه مطمئن شدم که پیغامی که شنیده بودم، از طرف خداوند بوده است. 8
“Ipapo, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha, sekuru wangu Hanameri akauya kwandiri ndiri muruvazhe rwavarindi akati, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti munyika yeBhenjamini. Chizvitengera iwe kuti uve wako sezvo uriwe une kodzero yokuudzikinura.’ “Ndakazviziva kuti iri raiva shoko raJehovha;
پس مزرعه را به قیمت هفده مثقال نقره از حنم‌ئیل خریدم، 9
saka ndakatenga munda waiva paAnatoti kubva kuna sekuru vangu Hanameri ndokumuyerera mashekeri gumi namanomwe esirivha.
و در حضور چند شاهد، قباله را نوشته مهر کردم؛ و همان موقع نقره را هم وزن نموده به او پرداختم. 10
Ndakanyora rugwaro rwokutenga ndikarunama, ndikaita kuti pave nezvapupu, ndikamuyerera sirivha pazviyero.
سپس قبالهٔ مهر و موم شده را که تمام شرایط در آن قید شده بود و رونوشت باز آن را برداشتم و 11
Ndakatora gwaro rokutengeserana, riya rakanga rakanamwa riine mirayiro nezvimwe, pamwe chete neriya rakanga risina kunamwa,
در حضور پسر عمویم حنمئیل و شاهدانی که قباله را امضا کرده بودند، و نیز در برابر تمام یهودیانی که در حیاط نگهبانان نشسته بودند، به باروک پسر نیریا، نوه محسیا دادم، 12
ndokupa gwaro iri kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, pamberi paHanameri mwanakomana wasekuru vangu napamberi pezvapupu zvakanga zvaisa runyoro pagwaro rokutengeserana, napamberi pavaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi.
و در حضور همه به او گفتم که 13
“Ndakarayira Bharuki pamberi pavo, ndichiti,
خداوند لشکرهای آسمان، خدای اسرائیل چنین می‌فرماید: «این قبالهٔ مهر و موم شده و رونوشت آن را بگیر و در یک کوزه بگذار تا سالها محفوظ بماند. 14
‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Tora magwaro aya, okutengeserana ari maviri akanamwa neasina kunamwa, ugoisa muhari yevhu kuitira kuti agare kwamazuva mazhinji.
زیرا خداوند لشکرهای آسمان، خدای اسرائیل، چنین می‌فرماید: این اسناد در آینده ارزش خواهند داشت، زیرا روزی خواهد رسید که هر کس بار دیگر صاحب املاک خود خواهد گردید و خانه‌ها و تاکستانها و مزرعه‌ها خرید و فروش خواهند شد.» 15
Nokuti zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Dzimba, minda, uye minda yemizambiringa zvichatengwazve munyika ino.’
بعد از آنکه قباله‌ها را به باروک دادم، به حضور خداوند دعا کرده، گفتم: 16
“Mushure mokunge ndapa Bharuki mwanakomana waNeria gwaro rokutengeserana, ndakanyengetera kuna Jehovha, ndichiti:
«ای خداوند، تو آسمانها و زمین را با قدرت بی‌پایانت آفریده‌ای و هیچ کاری برای تو مشکل نیست! 17
“Haiwa, Ishe Jehovha, ndimi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hakuna chinhu chakaoma kwamuri.
هر چند فرزندان را به سزای گناهان پدرانشان می‌رسانی، با این حال هزاران نفر از احسان تو برخوردار می‌شوند. تو خدای بزرگ و توانا هستی و نامت، خداوند لشکرهای آسمان است! 18
Imi munoratidza rudo rwenyu kuzviuru nezviuru asi muchiuyisa shamhu yezvivi zvamadzibaba pamakumbo avana vavo vanovatevera. Haiwa imi Mwari mukuru ane simba guru, mune zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose,
حکمت تو عظیم است و کارهای تو بزرگ! تمام راههای انسان را زیر نظر داری و هر کس را مطابق کارهایش پاداش می‌دهی. 19
zvinangwa zvenyu zvikuru uye mabasa enyu makuru. Meso enyu akasvinurira nzira dzose dzavanhu; munopa mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake uye nezvakafanira mabasa ake.
در سرزمین مصر معجزات بزرگی انجام دادی، و تا به امروز نیز در اسرائیل و در میان قومها، کارهای عجیب انجام می‌دهی، و از این راه خود را به همه می‌شناسانی. 20
Makaita zviratidzo nezvishamiso muIjipiti uye mukaramba muchizviita kusvikira pazuva ranhasi, pakati peIsraeri napakati pendudzi dzimwe dzose, uye mukazviwanira mukurumbira sezvazvakaita nanhasi.
«تو اسرائیل را با معجزات بزرگ و قدرت زیاد که باعث ترس دشمنان گردید، از مصر بیرون آوردی، 21
Makabudisa vanhu venyu veIsraeri kubva muIjipiti nezviratidzo nezvishamiso, noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru.
و این سرزمین حاصلخیز را که شیر و عسل در آن جاری است به ایشان بخشیدی که در گذشته، وعدۀ آن را به اجدادشان داده بودی. 22
Makavapa nyika ino yamakanga mapikira kupa madzibaba avo, nyika inoyerera mukaka nouchi.
ولی وقتی پدرانمان آمدند و آن را فتح کردند و در آنجا سروسامان گرفتند، از اطاعت تو سر باز زدند و از شریعت تو پیروی نکردند و هیچ‌یک از اوامر تو را انجام ندادند؛ بدین سبب است که به این بلاها، گرفتارشان کرده‌ای! 23
Vakapinda vakaitora kuti ive yavo, asi havana kukuteererai kana kutevera murayiro wenyu; havana kuita zvamakanga mavarayira kuti vaite. Saka makauyisa njodzi yose iyi pamusoro pavo.
بنگر که چگونه بابِلی‌ها دور شهر سنگر ساخته‌اند! شهر زیر فشار جنگ و قحطی و بیماری به دست آنها خواهد افتاد. همه چیز مطابق گفتهٔ تو روی داده است، همان‌گونه که خواست تو بود. 24
“Tarirai mavakirwo ari kuitwa mirwi yokukomba kuti vatore guta. Nokuda kwomunondo, nenzara uye denda, guta richaiswa mumaoko avaBhabhironi vari kurirwisa. Zvamakataura zvaitika sezvamuri kuona zvino.
در چنین شرایطی که شهر به دست دشمن می‌افتد، تو دستور دادی که این مزرعه را بخرم؛ من هم در حضور این گواهان برای آن قیمت خوبی پرداختم، و دستور تو را اطاعت نمودم.» 25
Kunyange hazvo guta rino richizoiswa mumaoko avaBhabhironi, imi, Ishe Jehovha makati kwandiri, ‘Zvitengere munda nesirivha uye uite kuti zvapupu zvivepo pakutengeserana uku.’”
آنگاه خداوند به من چنین فرمود: 26
Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia, richiti,
«من، خداوند، خدای تمام انسانها هستم! هیچ کاری برای من دشوار نیست. 27
“Ndini Jehovha, Mwari wavanhu vose. Ko, pane chinhu chingandiomera here?
بله، من این شهر را به بابِلی‌ها و به نِبوکَدنِصَّر، پادشاه بابِل تسلیم خواهم نمود. ایشان شهر را فتح خواهند کرد، 28
Naizvozvo zvanzi naJehovha: ndava pedyo nokuisa guta rino mumaoko avaBhabhironi, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uyo acharikunda.
و داخل شده، آن را به آتش خواهند کشید و همهٔ این خانه‌ها را خواهند سوزاند، خانه‌هایی که بر بام آنها برای بت بعل بخور می‌سوزاندند و به بتهای دیگر هدیهٔ نوشیدنی تقدیم می‌کردند و آتش خشم و غضب مرا شعله‌ور می‌ساختند! 29
VaBhabhironi vari kurwisa guta rino vachauya vagopinda vagoritungidza nomoto; vacharipisa, pamwe chete nedzimba dzavanhu vakanditsamwisa nokupisira zvinonhuhwira kuna Bhaari pamusoro pamatenga adzo uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari.
مردم اسرائیل و یهودا از همان ابتدا همواره گناه کرده‌اند و با کارهایشان مرا به خشم آورده‌اند. 30
“Vanhu veIsraeri navanhu veJudha havana kugona kuita chinhu chakanaka asi zvakaipa chete pamberi pangu kubva pauduku hwavo; zvirokwazvo vanhu veIsraeri havana kumbogona kuita zvakanaka asi vakanditsamwisa nezvavakaita namaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
این شهر، از روز بنا تا به حال، باعث خشم و غضب من بوده است؛ بنابراین من نیز آن را ویران خواهم ساخت. 31
Kubva pazuva rakavakwa guta rino kusvikira zvino, guta rino rakamutsa hasha dzangu nokunditsamwisa zvikuru zvokuti ndinofanira kuribvisa pamberi pangu.
«گناهان مردم اسرائیل و یهودا، یعنی گناهان پادشاهان، بزرگان، کاهنان و انبیایشان و مردم اورشلیم مرا به شدت خشمگین کرده است. 32
Vanhu veIsraeri navanhu veJudha vakanditsamwisa nezvakaipa zvose zvavakaita, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navaprista vavo, navaprofita vavo, ivo vanhu veJudha navanhu veJerusarema.
آنها مرا ترک گفته‌اند و نمی‌خواهند نزد من بازگردند. با اینکه پیوسته ایشان را تعلیم دادم که درست را از نادرست، و خوب را از بد تشخیص دهند، ولی گوش ندادند و اصلاح نشدند. 33
Vakandifuratira uye havana kunditarisa nezviso zvavo; kunyange ndakavadzidzisa ndadzidzisazve, havana kuteerera kana kutsiurika.
حتی خانهٔ عبادت مرا با بت‌پرستی نجس کرده‌اند. 34
Vakaisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakatumidzwa Zita rangu vakaisvibisa.
در وادی هنوم برای بت بعل مذبحهای بلند ساخته‌اند و بر آنها فرزندان خود را برای بت مولک به عنوان قربانی سوزانده‌اند، کاری که من هرگز دستورش را نداده و حتی به فکرم نیز خطور نکرده بود. بله، آنها با این شرارتها، یهودا را به چنین گناهان بزرگی کشانده‌اند!» 35
Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakakwirira muMupata weBheni Hinomi kuti vabayire vanakomana navanasikana vavo kuna Moreki, kunyange ndisina kuvarayira, kana kuzviisa mupfungwa dzangu, kuti vaite chinhu chinonyangadza zvakadai, nokudaro vagoita kuti Judha itadze.
اینک خداوند، خدای اسرائیل می‌فرماید: «دربارهٔ این شهر گفته می‌شود که در اثر جنگ، قحطی و بیماری به دست پادشاه بابِل خواهد افتاد؛ اما بشنوید من دربارهٔ آن چه می‌گویم: 36
“Imi munotaura pamusoro peguta rino muchiti, ‘Guta rino richaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, nomunondo, nenzara, uye nedenda’; zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri:
من ساکنان آن را از تمام سرزمینهایی که بر اثر خشم و غضبم ایشان را به آنجا پراکنده ساختم، به همین مکان باز خواهم آورد تا در آسایش و امنیت زندگی کنند. 37
Zvirokwazvo ndichavaunganidza kubva kunyika dzose dzandakanga ndavadzingira pakutsamwa kwangu kukuru nehasha dzangu huru; ndichavadzosazve kunzvimbo ino ndigovagarisa zvakanaka.
آنها قوم من خواهند بود و من خدای ایشان. 38
Vachava vanhu vangu, ini ndichava Mwari wavo.
فکر و اراده‌ای جدید به ایشان خواهم داد تا برای خیریت خود و نسلهای آینده‌شان، همیشه مرا عبادت کنند. 39
Ndichavapa mwoyo mumwe namaitiro mamwe, kuitira kuti vagare vachinditya zvigovanakira ivo navana vavo vanovatevera.
«با ایشان عهد و پیمان جاودانی خواهم بست و دیگر هرگز احسان و برکت خود را از ایشان دریغ نخواهم نمود؛ در دلشان میل و اشتیاقی ایجاد خواهم کرد که همواره مرا پیروی نمایند و هرگز مرا ترک نکنند. 40
Ndichaita sungano isingaperi navo: handingatongomiri pakuvaitira zvakanaka uye ndichavakurudzira kuti vanditye, kuitira kuti varege kuzotsauka kubva kwandiri.
از احسان نمودن به ایشان مسرور خواهم شد و با شادی فراوان، بار دیگر ایشان را در این سرزمین مستقر خواهم ساخت. 41
Ndichafarira kuvaitira zvakanaka uye zvirokwazvo ndichavasima munyika ino, nomwoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.
همان‌گونه که این بلایا را بر ایشان نازل کردم، در آینده تمام وعده‌های نیکویی را که به آنها داده‌ام به انجام خواهم رساند. 42
“Zvanzi naJehovha: Sezvandakauyisa njodzi huru yose iyi pamusoro pavanhu ava, saizvozvo ndichavapa kubudirira kwose kwandakavavimbisa.
«در همین سرزمینی که اکنون مورد تاخت و تاز بابِلی‌ها قرار گرفته و خالی از سکنه و حیوانات شده است، بار دیگر مزرعه‌ها و املاک خرید و فروش خواهند شد. 43
Zvakare, minda ichatengwa munyika ino yamunoti, ‘Idongo, haina vanhu kana zvipfuwo, nokuti yakaiswa mumaoko avaBhabhironi.’
بله، در خاک بنیامین و در اورشلیم، در شهرهای یهودا و کوهستانها، در دشت فلسطین و حتی در صحرای نگب، باز مزرعه خرید و فروش خواهند شد و قباله‌ها در حضور شاهدان، تنظیم و مهر و موم خواهند گردید، زیرا من این قوم را به سرزمین خودشان باز خواهم آورد. من، خداوند، این را می‌گویم.» 44
Minda ichatengwa nesirivha, uye magwaro okutengeserana achanyorwa, agonamwa uye agopupurirwa munyika yeBhenjamini, mumisha yakapoteredza Jerusarema, nomumaguta eJudha nomumaguta omunyika yezvikomo, nomujinga mezvikomo zvokumavirira, nokuNegevhi, nokuti ndichadzosazve pfuma yavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.”

< ارمیا 32 >