< پیدایش 5 >

این است شرح پیدایش آدم و نسل او. هنگامی که خدا خواست انسان را بیافریند، او را شبیه خود آفرید. 1
Iyi ndiyo rondedzero yakanyorwa yorudzi rwaAdhamu. Mwari paakasika munhu akamuita nomufananidzo waMwari.
او آنها را مرد و زن خلق فرموده، برکت داد و از همان آغاز خلقت، ایشان را انسان نامید. 2
Akavasika murume nomukadzi uye akavaropafadza. Uye vakati vasikwa, akavatumidza kuti “munhu.”
آدم: وقتی آدم ۱۳۰ ساله بود، پسرش شیث به دنیا آمد. او شبیه پدرش آدم بود. بعد از تولد شیث، آدم ۸۰۰ سال دیگر عمر کرد و صاحب پسران و دختران شد. آدم در سن ۹۳۰ سالگی مرد. 3
Adhamu akati agara makore zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana akafanana naye, akanga akamutodza; akamutumidza zita rokuti Seti.
4
Shure kwokuberekwa kwaSeti, Adhamu akararama kwamakore mazana masere uye akaberekazve vamwe vanakomana navanasikana.
5
Pamwe chete, Adhamu akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matatu, uye ipapo akafa.
شیث: وقتی شیث ۱۰۵ ساله بود، پسرش انوش به دنیا آمد. بعد از تولد انوش، شیث ۸۰۷ سال دیگر عمر کرد و صاحب پسران و دختران شد. شیث در سن ۹۱۲ سالگی مرد. 6
Seti akati agara makore zana namashanu, akabereka Enoshi.
7
Uye shure kwokubereka kwake Enoshi, Seti akararama kwamakore mazana masere namanomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
8
Pamwe chete, Seti akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi namaviri, uye ipapo akafa.
انوش: وقتی انوش نود ساله بود، پسرش قینان به دنیا آمد. بعد از تولد قینان، انوش ۸۱۵ سال دیگر عمر کرد و صاحب پسران و دختران شد. انوش در سن ۹۰۵ سالگی مرد. 9
Enoshi akati ararama kwamakore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani.
10
Uye shure kwokubereka kwake Kenani, Enoshi akararama kwamakore mazana masere ane gumi namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
11
Pamwe chete, Enoshi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
قینان: وقتی قینان هفتاد ساله بود، پسرش مهلل‌ئیل به دنیا آمد. بعد از تولد مهلل‌ئیل، قینان ۸۴۰ سال دیگر عمر کرد و صاحب پسران و دختران شد. او در سن ۹۱۰ سالگی مرد. 12
Kenani akati ararama kwamakore makumi manomwe, akabereka Maharareri.
13
Uye mushure mokubereka kwake Maharareri, Kenani akagara kwamakore mazana masere namakumi mana uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
14
Pamwe chete, Kenani akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi, uye ipapo akafa.
مهلل‌ئیل: وقتی مهلل‌ئیل شصت و پنج ساله بود، پسرش یارد به دنیا آمد. پس از تولد یارد، مهلل‌ئیل ۸۳۰ سال دیگر عمر کرد و صاحب پسران و دختران شد. او در سن ۸۹۵ سالگی مرد. 15
Maharareri akati agara kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi.
16
Uye mushure mokubereka kwake Jaredhi, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
17
Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
یارد: وقتی یارد ۱۶۲ ساله بود، پسرش خنوخ به دنیا آمد. بعد از تولد خنوخ، یارد ۸۰۰ سال دیگر عمر کرد و صاحب پسران و دختران شد. یارد در سن ۹۶۲ سالگی مرد. 18
Jaredhi akati ararama kwamakore zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki.
19
Uye mushure mokubereka kwake Enoki, Jaredhi akararama kwamakore mazana masere akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
20
Pamwe chete, Jaredhi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, uye ipapo akafa.
خنوخ: وقتی خنوخ شصت و پنج ساله بود، پسرش متوشالح به دنیا آمد. بعد از تولد متوشالح، خنوخ ۳۰۰ سال دیگر با خدا زیست. او صاحب پسران و دخترانی شد و ۳۶۵ سال زندگی کرد. خنوخ با خدا می‌زیست و خدا او را به حضور خود به بالا برد و دیگر کسی او را ندید. 21
Enoki akati ararama kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera.
22
Uye mushure mokubereka kwake Metusera, Enoki akafamba naMwari kwamakore mazana matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
23
Pamwe chete, Enoki akararama kwamakore mazana matatu namakumi matanhatu namashanu.
24
Enoki akafamba naMwari; ipapo akasazovapo, nokuti Mwari akamutora.
متوشالح: وقتی متوشالح ۱۸۷ ساله بود، پسرش لمک به دنیا آمد. بعد از تولد لمک، متوشالح ۷۸۲ سال دیگر زندگی کرد و صاحب پسران و دختران شد. متوشالح در سن ۹۶۹ سالگی مرد. 25
Metusera akati ararama kwamakore zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki.
26
Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe namakumi masere namaviri uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
27
Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa.
لمک: وقتی لمک ۱۸۲ ساله بود، پسرش نوح به دنیا آمد. لمک گفت: «این پسر، ما را از کار سختِ زراعت که در اثر لعنت خداوند بر زمین، دامنگیر ما شده، آسوده خواهد کرد.» پس لمک اسم او را نوح (یعنی «آسودگی») گذاشت. بعد از تولد نوح، لمک ۵۹۵ سال دیگر عمر کرد و صاحب پسران و دختران شد. او در سن ۷۷۷ سالگی مرد. 28
Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana.
29
Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha.”
30
Mushure mokuberekwa kwaNoa, Rameki akararama kwamakore mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
31
Pamwe chete, Rameki akararama kwamakore mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, uye ipapo akafa.
نوح: نوح در سن ۵۰۰ سالگی صاحب سه پسر به نامهای سام، حام و یافث بود. 32
Mushure mokunge Noa ava namakore okuberekwa mazana mashanu, akabereka Shemu, Hamu naJafeti.

< پیدایش 5 >