< تثنیه 25 >
هرگاه بین دو نفر نزاعی درگیرد و آنها به دادگاه بروند، دادگاه باید مجرم را محکوم نماید و بیگناه را تبرئه کند. اگر مجرم مستحق شلّاق خوردن باشد باید قاضی به او دستور دهد که دراز بکشد و در حضور خودش به نسبت جرمی که انجام داده تا چهل ضربه شلّاقش بزنند؛ ولی نباید بیش از چهل ضربه شلّاق بزنید مبادا برادرتان در نظر شما خوار گردد. | 1 |
Kana vanhu vane gakava, vanofanira kuenda kudare uye vatongi vachatonga nyaya iyi, vachiruramisira asina mhosva nokupa mhosva uyo akatadza.
Kana munhu ane mhosva achifanira kurohwa, mutongi anofanira kumuti arare pasi agoita kuti arohwe pamberi pake neshamhu dzakafanira mhosva yake.
Asi haafaniri kupiwa shamhu dzinodarika makumi mana. Kana akarohwa zvakapfurikidza mwero, hama yako inenge yazvidzwa pamberi pako.
دهان گاوی را که خرمن میکوبد، نبند و بگذار به هنگام کار، از خرمنت بخورد. | 4 |
Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.
هرگاه دو برادر با هم در یک جا ساکن باشند و یکی از آنها بدون داشتن پسری بمیرد، بیوهاش نباید با فردی خارج از خانواده ازدواج کند، بلکه برادر شوهرش باید او را به زنی بگیرد و حق برادر شوهری را به جا آورد. | 5 |
Kana hama dzichigara pamwe chete mumwe wavo akafa asina mwanakomana, chirikadzi yake haifaniri kuwanikwa kunze kwemhuri. Hama yomurume wake inofanira kumutora nokumuwana uye agoita zvinofanira kuitwa nehama yomurume wake kwaari.
نخستین پسری که از این ازدواج به دنیا بیاید باید به عنوان پسر برادر فوت شده محسوب گردد تا اسم آن متوفی از اسرائیل فراموش نشود، | 6 |
Mwanakomana wokutanga waachabereka anofanira kutora zita rehama yake yakafa kuitira kuti zita rake rirege kudzimwa muIsraeri.
ولی اگر برادر متوفی راضی به این ازدواج نباشد، آنگاه آن زن باید به دروازۀ شهر نزد مشایخ برود و به آنها بگوید: «برادر شوهرم وظیفهاش را نسبت به من انجام نمیدهد و نمیگذارد نام برادرش در اسرائیل باقی بماند.» | 7 |
Asi, kana munhu asingadi kuwana mukadzi wehama yake, mukadzi achaenda kuvakuru pasuo reguta agoti, “Hama yomurume wangu yaramba kumutsa zita romukoma wake muIsraeri. Haadi kuita zvinofanira kuitwa nehama yomurume kwandiri.”
سپس مشایخ شهر آن مرد را احضار کرده، با او صحبت کنند. اگر او باز راضی به ازدواج نشد، | 8 |
Ipapo vakuru veguta romurume uyu vanofanira kumudana vataure naye. Kana akaramba achiti, “Handidi zvangu kumuwana,”
زن بیوه باید در حضور مشایخ به طرف آن مرد رفته، کفش او را از پایش درآورد و آب دهان بر صورتش بیفکند و بگوید: «بر مردی که اجاق خانهٔ برادرش را روشن نگه نمیدارد اینچنین شود.» | 9 |
chirikadzi yehama yake inofanira kuenda kwaari pamberi pavakuru, agomubvisa imwe yeshangu dzake, uye agomusvipira mate kumeso achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa kumurume anoramba kuvaka imba yomukoma wake.”
و از آن پس، خاندان آن مرد در اسرائیل به «خاندان کفش کنده» شناخته خواهد شد. | 10 |
Imba yomurume uyu ichazivikanwa muIsraeri nezita rokuti Imba yoMurume Akabviswa Shangu Yake.
اگر دو مرد با هم نزاع کنند و همسر یکی از آنها برای کمک به شوهرش مداخله نموده، عورت مرد دیگر را بگیرد، | 11 |
Kana varume vaviri vachirwa ipapo mukadzi womumwe wavo akauya kuzonunura murume wake pane anomurwisa, uye akaswedera akabata murume uya nhengo dzake,
دست آن زن را باید بدون ترحم قطع کرد. | 12 |
munofanira kugura ruoko rwake. Musamunzwira tsitsi.
در کلیهٔ معاملات خود باید از ترازوهای دقیق و اندازههای درست استفاده کنید تا در سرزمینی که خداوند، خدایتان به شما میدهد زندگی طولانی داشته باشید. | 13 |
Usava nezviyereso zviviri zvisina kuenzana muhomwe yako, chimwe chinorema, chimwe chakareruka.
Usava nezvipimiso zviviri zvakasiyana mumba mako, chimwe chikuru, chimwe chiduku.
Unofanira kuva nezviereso nezvipimiso zvakanaka uye zvechokwadi kuitira kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako.
تمام کسانی که در معاملات کلاهبرداری میکنند مورد نفرت خداوند میباشند. | 16 |
Nokuti Jehovha Mwari wako anonyangadzwa nomunhu anoita zvinhu izvi, munhu upi zvake, anoita zvinhu nokusatendeka.
هرگز نباید کاری را که مردم عمالیق هنگام بیرون آمدن از مصر با شما کردند فراموش کنید. | 17 |
Murangarire zvamakaitirwa navaAmareki parwendo rwenyu pamakabuda kubva muIjipiti.
به یاد داشته باشید که ایشان بدون ترس از خدا با شما جنگیده، کسانی را که در اثر ضعف و خستگی عقب مانده بودند به هلاکت رسانیدند. | 18 |
Pamakanga maziya uye maneta, vakasangana nemi parwendo rwenyu vakauraya vose vakanga vachisaririra shure; vakanga vasingatyi Mwari.
بنابراین وقتی که خداوند، خدایتان در سرزمین موعود شما را از شر تمامی دشمنانتان خلاصی بخشید، باید نام عمالیق را از روی زمین محو و نابود کنید. هرگز این را فراموش نکنید. | 19 |
Kana Jehovha Mwari wenyu akupai zvose kubva kuvavengi vakakupoteredzai munyika yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, munofanira kudzima kurangarirwa kwaAmareki kubva pasi pedenga. Musazokanganwa!